Tinah Stories 🇿🇼🇿🇼
Tinah Stories 🇿🇼🇿🇼
May 30, 2025 at 07:48 PM
https://chat.whatsapp.com/JHxX6RZnJ7XBIvcFksuVd4 Chiedza Changu. Written by Tinah Munyengeni O787336898, O786192322. Chapter 20. {Last free chapter} Chiedza. "Saka makuda kudzinga munhu nekuti ndarova Jethro? I know i did the wrong thing by interfering muzvinhu zvevanhu two but hamungadzingire maiguru izvozvo ka?" Vakadaro babamunini vakuzama kuda kuti vanhu vadzikame but it was too late. Ana tete vaisimira neni vaiva vakutondi doubter. Zvekuramba ndichigara pamba pavo zvaiva zvisina hazvo basa asi hukama ndihwo hwaitova nebasa. Ndaisada kuti vanhu vaiva vakamira neni from day one vazondivenga. Though ndaisada kuti zvidaro zvaitoratidza kuti zvaiva zviri kuda kutodaro nekuti babamunini pavakabvunza vakadairwa namai Laila kuti, "apa chekuti varambe vari pano chii? Kuona mukadzi wakuchema kuti murume wako akurepa kureva ka kuti hauchade. It's simple and clear wani? Mambano haachade Jethro and kana akazonzi atanga kuita zvekuhura newe Nathan ziva kuti munongoita zvekuhurana zvoperera ikoko. Muno hatingambotambire muroora ka two achiroorwa nevanhu two vemumusha muno. Kuramba kwavo vari pano kuchakonzeresa, mari yenyu yatakupai takurai maiguru, taitoda chose kuti mudzokerane na Jethro mugadzirisane but zvarambisisa. And kuchengetedza hukama kwakakosha mufunge asikana, mutori hama pamuri ipapo chero nekwamuchaenda. Asi kana muchida kuputsa hukama ihwohwo itai zvekuhura na Nathan uyu zviri kutaurwa, haa ipapo manje tinenge takutosemana, tiri kunzwanana?" "Kuhura naniko imi munongorotomoka" vakadaro babamunini vacho vachitoratidza kuti vaiva vachiri nehasha. "Ko kana musina zvamuri kuita muri kuita hasha dzei?" Vakadairawo Mai Shamiso babamunini vakati, "Saka ndifare? Munondiudza zvekuhura namaiguru handina mukadzi here inini? Zvimwe zvacho ngatinyaranei" vakadaro babamunini inini ndikangoramba ndiri zii ndisina zvekutaura. "maitiro amuri kuita aya haana kunaka, vanhu ngavagare pasi nyaya iyi itaurwe zvakanaka. Kana Jethro ati mukadzi haachade iye mukadzi wacho asisadewo oyenda. Nekuti munogona kuita zvekudzinga munhu mangwana Jethro ozochema nemi" vakadaro sekuru Jethro akati, "handisisina basa naye uyu, ngaaende" "Haikona kuita decision wakatsamwa Jethro nekuti... "Ndati handichamude, vanozivana mhani vanhu ava. Chitora mukadzi wako Nathan uyiite chipare ufare" akadaro Jethro mama vakati, "kana zvirizvo zvamurikuda isusu hatingapindire. Muroora murume uchiri kumuda here?" "Aihwa" ndakadaro nekuti ndaitozvi feeler kuti Jethro handisisina kana mafeelings naye. Worse nekuzondiraper kwaiva aita ndaitonzwa kuti ndamuvenga. "kana zvadai zvajeka, ngavaende havo. Nathaniel wataura pamberi pevanhu vese kuti hausi kutorana nemukadzi wamukoma wako. Hatisi kuzoda kunzwa mangwana zvakunzi Nathan azodai namaiguru vake. Iko unenge usina nyadzi here kuti pabva mukoma wako wotevera?" Vakadaro sekuru babamunini vakaramba vakanyarara. "ndiwe une mota perekedza munhu wako" vakadaro tete Mai Shamiso vakanzi, "mukwane imi, ndagara ndiri kutovaperekedza maiguru ava nekuti handina kana chitema navo. Handina nguva yekutora mukadzi weumwe munhu futi saka fungirai zvose zvamunoda" "Tati chienda navo, zvekuwanza mashoko ratova drama ka?" Vakadaro Mai Laila and vanhu vese hapana akamboda kuratidza basa neni. Vakatobva vadzokera pamba pamama tete Mai Shamiso vakati, "makeys musiye henyu pashop ipapa" ndakangokamhina ndichipinda mushop macho. Hapana kana aitozvitora serious kuti ndaiva ndarepewa but i was in a serious pain. Gumbo raiva rarovera plus pain yekuitwa nemunhu apa iwewe usingade. I sniffed ndichienda kunoisa hembe dzangu mubag. "Muzukuru wanga uchirepewa here kana kuti ndibabamunini vako vanzwa godo?" Gogo mukadzi wasekuru akanditevera mandaiva achidaro ndikati, "andiraper Jethro gogo, hatina kumbowirirana. Babamunini hapana kana shanje dzavamboita" ndakadaro ndichivhara zip yebag vakati, "nekuti zvimwe Nathan anogona hake ariiye arikungorwa shanje namukoma wake nekuti anokuda. Asi zvingaitewo here kuti utorane nemunin'ina wemurume? Hazvina hunhu ndofunga unotozviona wega?" Vakadaro ndikakwiridzira madzihwa ndikati, "handimbotorane nababamunini ini gogo, ndiri kungozviendera kumba kwedu" Nekutoratidzwa kwandaiva ndaitwa kuti vanhu havasisina basa neni papi pacho pandaizobvuma kuti ndakatorana babamunini vacho. Ndaitoshaya kuti chii chichaitika kana ndava kumba kwedu nababamunini vacho nekuti ndaiva ndisiri kuziva kuti ivo vaida kuzodii. And ininiwo wacho ndaiva ndisiri kuziva kuti vakauya vachida kuita neni zvevakuru ndaizodii. The truth is, my other part was slowly failing in love with him. It was kinda crazy because everyone was against it. Ininiwo wacho ndaitozviziva kuti zvandaiva ndave kuvanzwira babamunini vacho zvaiva zvekutopenga asi hameno kana ndaizogona kuzvidzora. Ndakatarisa gogo ndapedza kutorongedza ndikati, "ndakuenda gogo" "Usatorane na Nathan Chiedza" vakadaro ndikamanikidzira kusekerera vakati, "zvinhu zvinogona kuita sezvisina basa, and iwewe zvawaita kunge wadzingwa pano usazoti ndoda kumutora Nathan iyeye zvekuvasvotesa" ndakaseka ndikati, "handimbodaro ini" "Usazoti hatinawo kutaura" vakadaro ndikati, "maitabasa, regai ndichienda kumba kwedu. Zvemuno zvandiramba izvi saka ndikazoonekwa ndakuda kudzoka futi nababamunini ndinenge ndakutopenga" Ndakadaro ndichibuda panze babamunini vacho vakabva vatouya kuzotambira bag rangu vakati, "muri kuzviremedzereiko ndiripo? Gogo ndaenda nemukadzi wangu wekupihwa uyu" vakadaro vachiseka nagogo ndikabva ndangotarisa. "pindai mumota" vakadaro babamunini vakuisa bag kuboot ndikati, "endai munosiya bag kumba inini ndichatevera ndega" "Nekuti zvadii?" Vakadaro vanditarisa ndikati, "ingoendai chete ndinotevera" ndakadaro nekuti ndaitoshaya kuti ndikapinda navo mumota taizotaura dzei. Vakabva vatovhura door vakati, "pindai" "Aihwa babamunini ndinotevera kani" ndakadaro vakati, "babe amana ingopinda ka tiende? Uchanyara chiiko iwewe watondipihwa kare?"vakadaro vachiita kunge ma jokes asi hana yangu yakatorova nekuvanzwa vachitaura in such a way. "makutoyemerana kare? Imi ndimi vanhu vachatorana manje" Mukadzi wasekuru aiva achakamira akadaro tikaseka ndichipinda mumota macho. "Totanga kuenda kuchipatara here? Hamuna kunyanya kukuvara?" Vakadaro vapinda mumota takuenda ndikati, "aihwa kuchipatara no, ndiriboe handei kumba" ndakadaro vakati, "are you sure? Nekuti apa ndava kutotya kuti munogona makuvadzwa futi na Jethro ka?" "No handina" ndakadaro ndisina kuvatarisa vakati, "so what do you think? Hanzi tiri kuzotorana. Munodawo here kuti titorane?" "Ah imi, hazviite ka izvozvo. Munhu ane mukadzi wake?" Ndakadaro vakaseka vachiti, "mahusiku maisamuti daddy here munhu ane mukadzi wake iyeye?" "Zvakatopfuura, and I'm sorry about last night. Handizive hangu kuti zvakafamba sei but can we put that behind our backs and move on? I really need to think about what I'm going to do with my life. I'm just a nobody, handisisina hama. Ndanzi ndakaurayisa gogo nechihure and it's true, hameno kuti chii chatanga tiri kuita handina kana zita nazvo but tofana kuzvimira. Ndaisafana kumboita zvandakaita nemi babamunini, ndokumbirawo hangu musiyane neni please" Catherine. "Murume wako anenge angori kubasa asi? Haapihwe off pa holiday?" Mama vakandibvunza vapinda mandaiva ndikati, "ariko kumba kwavo uko, ndichanomutarisa hangu kana akatadza kudzoka kusvika manheru apa ndirikuda kumborara" ndakadaro vakati, "rarai mwana akure zvakanaka" i smiled ndichiti, "thank you" ndakadaro vakabuda ndikasara ndichitaura ndega kuti aiva ari kuzokurira muglass mwana wavaiti akure zvakanaka iyeye. Ndaiva ndisiri kuzowana nguva yekutambisa kutakura nine months mimba yeJack. Nekutomufunga kwandaita Jack wacho akabva afona akati, "amuka here murume wako?" "Ehe" ndakadaro akati, "ataura here ndini ndamurova?" "Haana kundiudza angoti muface wangu, handiti wasvika? Chauchiri kuda chii?" Ndakadaro ndichitonzwa kusvotwa akati, "I've got something for you, its about Nathaniel's plan. But uchitoda ndikuudze nezve plan iyoyo you have to guarantee me kuti mwana wangu haasi kuzogara muglass. Ndazochinja pfungwa ndirikuda asagare muglass?" "What? Munopenga here baba imi? Wakandiudzira zvekuita manje iwewe?" Ndakadaro akati, "the plan is worth it, you'll just have to guarantee me. And you'll not regret anything nekuti plan yacho ina Nathaniel haina kumira fine" "Ok keep your plan handina basa nayo, usandifonere shamwari inini newe tapedzerana" "But ndati mwana wangu haasi kuzogara muglass" akadaro ndikabva ndaridza tsamwa ndichikata. Ndakakandira phone yacho kwakadaro ndikabva ndaita zvekurara hangu. Pandakazomuka ndaiva ndaita zvekumutswa kuti ndinogeza. Ndakabva kunogeza ndokuenda kumba kwana Nathaniel ndichida kunomutsvaga. Ndakasvika zvichinzi aisavako aiva aperekedza Chiedza kumba kwavo masikati chaiwo. Handina kumboda zvekugarapo ndakutofunga kutevera ikoko. Kwaiva kwakutotanga kudoka. Ndakati ndakuda kusvika kumba ndakaona munhu aiva akamira pakati peroad. Ndaimhanya zvekuti ndakatozobata ma brakes zvenharo ndikaburuka. Ndakawana yava nzvimbo chete ndikati, "mashaya kwekufira here? Endai munofira kure uko!" Ndakadeedzera ndashaya munhu wacho and handina kumbonzwisisa kuti aiva afamba sei. Ndakadzokera mumota ndikayifambisa zvishoma kuenda pamba. Ndaida kungotora zvinhu zvangu ndoenda kunodealer naChiedza. Ndaiva ndine ma plans hobho naye zvekuti ndaingoda kunomutora ndomuisa kwangu ndega. Ndakatora zvinhu zvangu ndikabuda ndikaenda mumota. "Ko makuenda kupi manheru ano?" Vakadaro mama ndikati, "ndafonerwa nemukwasha wenyu hameno kuti arikudei ati it's urgent" ndakadaro ndichitomutsa mota. Ndakabva ndaona futi munhu uya akamira kumberi necheku gate ndikafamba kuenda kudhuze. Ndakanoburuka ndichitenderera kuenda kuside kwaiva ndikashaya munhu. I took out my gun ndakutoona kunge pane munhu aida kunditaimira. "Cath?" Ndakanzwa kudaidzwa nechekumberi kweroad. Munhu wacho voice rake raisambova familiar. Ndakafamba kuenda ikoko ndikangoona mumvuri kuti mvee kumberi kwangu ndikabva ndapfura. "stop! Stop or I'll shoot" ndakadaro ndaona munhu wacho amira paside penzira. "Cath? Nhaiwe uri kutaura naniko?" Mama vakadaro vaita zvekundikweva ndione ndaiva ndichingori paside nemota yangu. "ndadzoka pano sei? Ndanga ndiri uko ndichitevera munhu uko" ndakadaro vakati, "munhu abvepi? Wanga uchingotaura wega uripo ipapa. Ndatoshaya kuti urikuitei, apa urikuda kudriver uchidai? Dzoka ugare pasi apa, ma hormones aya arikukuitisa kudai unogona kuita accident" "Mama pane munhu wandaona" "Watisina kuonawo? Ma hormones aya. You can't drive in this state nekuti these hormones will cause many things, hauna chaunondiudza Cath i was once a doctor mwanangu huya dzosa mota iyi" Ndakapinda mumota macho ndichida ku reverser ndokuona munhu uya achiti mvee nepamberi pemota yangu. "mamuona here mana?" "Ignore it, hapana munhu apa. Dzosa mota iyo" vakadaro mama ndikabva ndaita reverse. Ndikaburuka mumota ndinzwe, "Catherine!" Akadeedzera munhu uya ari kuside kugate ndikati, "mama are you sure ma hormones arikudai?" Ndakadaro vakati, "hakuna munhu uko iwe, huya pinda ugare pasi udye nhasi unotorara neni muroom mangu" Vakadaro ndikatoona kuti maths dzangu dzaiva dzatomira. End of chapter 20. So uku ndokupera kwema free chapters. From now on book rakuuya kusubgroup. Uko kunopindwa nevakabhadara. So vema airtime ndambokupai mukana wezuva rese apa airtime yava $2 manje. $1.20 USD Ecocash $1.20 innbucks 50 Zig ecocash 60 Zig buddie airtime (O786192322 Tinashe M Munyengeni zita rinobuda) 20 Rand voucher EasyLoad Ott, Blu or 1 voucher. Kana mashaisisa ecocash munenge makuita zve airtime yeku transfer-ya kana ma scratch cards. $2 airtime. Buddie/Netone. + 263713786647 number dzekuisa proof of payment ku Whatsapp chete. Vari kune dzimwe nyika munogona kuudza hama dzenyu dzirikuno dzokutengerai mozouya neproof. Musakanganwe kuti promotion irikupera musi wa 03 June
❤️ 👍 🙏 😂 😢 😮 97

Comments