
Tinah Stories 🇿🇼🇿🇼
June 12, 2025 at 06:31 PM
https://whatsapp.com/channel/0029Vb5r9oJAInPqFtT4fr44
Follow my Whatsapp channel
Join my Whatsapp group
https://chat.whatsapp.com/KiZRdFRJ6T72HbwBBedxXB
[Free Book]
Forbidden Bond.
Written by
Tinah Munyengeni
O787336898, O786192322
Chapter 02.
"Ayenda nekupiko?"ndakanzwa mama vachidaro vari nechekuside kunzira. "Hameno kuti ayenda nekupi? Fambai nekunzira ikoko naChipo" sekuru vakadaira vari muchibage mandaiva ndakahwanda. Nekuziva kuti hapana pavaizonditengesa kuna mama handina kumbotya. Plus i was stuck negumbo rangu raiva roita kubanda zvekuti kusatochema zvaingova zvivindi zvisina basa. Ndakanzwa sekuru vachifamba ne direction yandaisava. Vaiva vakutoda kupota kuseri kwekachuru kandaiva ndikabva ndavakandira kadombo. Vakacheuka fast vakandiona ndokubva vadzoka. "Hey, you need to stay here. Ndichati handina kukuona kusvika mama vako vadzokera" vakadaro ndikati, "honai gumbo rangu razvimba, ndawira mugomba" ndakadaro ndakuda kutochema zvasangana marwadzo plus manyawi ekuona munhu wekuyemera.
"WTF! Mumu watyooka ka iwe?" Vakadaro vachizama kuda kuribata ndikati, "please don't" ndakadaro ndasimudza maoko vakati, "haa apa pakuda chipatara manje. Mai Mufaro ndamuwana Mumu uyu" vakadedzera ndokubva vandisimudza ndikabatirira muhuro mavo.
Paiva pasisina chekuregera kuchema ndaiva ndatobatwa. Ndakachema ndichinzwa marwadzo andaiva ndisina kumbobvira ndakanzwa. Chero sekuru pavaiva vakandibvisa humhandara ndaiva ndisina kumbonzwa marwadzo akadaro. "Ndirikuda kumbokurova Mufaro, uri kurebesa muswe" vakadaro mama vationa tichibuda mumunda sekuru vakati, "akuvara mwana, atyoka uyu" vakadaro sekuru mainini Chipo vakati, "hiii ko azvimba kudai? Akuvara Mai Mufaro imi" vakadaro mainini vaona gumbo rangu. Kuzonzwa vakudaro vakuita sekundinzwira tsitsi zvakaita ndiwedzere kuchema.
"Saka apa ari kuchemei? Anga achitizirei?" Vakadaro mama vachiratidza kuti havana kuita basa nekutyoka kwangu. "Musadaro imi, mwana angatadze kuchema atyoka?" Vakadaro sekuru vakanzi, "kuti atyoorwa nemunhu? Arikutoenda kumurume wake akadaro anonoporera ikoko" vakadaro mama carelessly and chaiva chatonyanya kuvabhowa inyaya yemimba. "You gotta be kidding, mwana arikuda kurapiwa uyu ndiye wamurikuti ayende kumurume?"
"Ndati anonoporera ikoko wani? Agara haana kuchipatara kwaanoenda uyu" vakadaro mama nekuda kwezvimutemo zvekuchurch zvekunzi munhu haaende kuchipatara. Ndaiva ndakatombokuenda twice ndina sekuru kuchipatara kwacho saka kwandiri it wasn't a big deal anymore. "Ko atakurwa arikuchemei?" Gogo vakadaro sezvo taiva tasvika pamba sekuru vakati, "anenge awira mugomba mumunda umo. Atotyooka uyu apa mai vacho ndopavave kuti haasi kuenda kuchipatara iye munhu atyoka?"
"Kuchipatara kwei nako? Iye anga ari kumbotizei? Hakuna kuchipatara kwaari kuzoenda" vakadaro mama sekuru vakati, "taurai nemwana wenyu mhai, gumbo iri ririkuda chipatara. Harisi kumboda zvese zvekunzi munhu anonogariswa mumba asingaende kuchipatara. Ko kana akaora?"
"Ndiani akamboora nekutyooka? Kuti zvatangira paari here kuti hatiende kuchipatara? Anonopora ariko kumba, vangani vakapora vatokuvara kudarika zvaaita izvi?" Vakadaro mama sekuru vakati, "Chipo mhanya ka pana Manu apo auye nebike rake tiende nemunhu kuchipatara. Zvamuri kutaura izvo handinei nazvo. Ari kuzoenda kuchipatara mwana uyu, kana kuti toita zvemapurisa mumbosungwa"
"Makundiudzira zvekuita pamwana wangu here sekuru Dhani?" Vakadaro mama apa inini ndaiva ndanzwa nekurwadziwa. "Handina time yekuudzira munhu ini, ndiri kungoda kukuonesai kuti izvi hazvimbode chipostori zvinoda chipatara. Why can't you just see that yourself? Aihwa musaite senge matova kupenga. Mhanya Chipo iwe" vakadaro vakudeedzera mainini vavaiva vatuma. "Mhai muri kuzvinzwa ka izvi? Ndizvo ndaisada kuti mwana wangu agare kuno. Ikozvino amitiswa, apa mwana wenyu oti arikuda kumuendesa kuchipatara kudii ikoko?hautonge pamwana wangu Dhanere" vakadaro mama sekuru vakati, "ndizvo zvandirikuda kuona. Kana muchindirova muchandirova nhasi"
"Dhani?" Gogo vakadaro vakadzikamira sekuru vakapinda mumba ndokubuda nekukasika vachiti, "mhai Mufaro ndiye munhu wandiri kuzoendesa kuchipatara. Wether Mai vacho varikuda kana havade. Mufaro arikuenda kuchipatara nemari yangu inini" vakadaro sekuru vachiratidza kuti havasi kudzokera kumashure. "Wakuda kutonga mumusha wemukwasha here? Iwe uri mukarahwa haufane kutonga mumusha memukwasha. Haungachinje mutemo wavo wavagara vainawo" vakadaro gogo sekuru vakati, "ndiri kutombouchinja nhasi"
"Ndinoda munhu anoterera kana ndichitaura" vakadaro gogo vasimudza izwi sekuru vakada kutaura vakanzi, "ndati ndinoda munhu anoterera kana ndichitaura Dhanere, urikuda kuita baba vaMufaro here iwewe?" Vakabva vanyarara sekuru. Ndakatanga kutya kuti ndaiva ndiri kuzoendeswa kumba negumbo rangu. Ndaitoda kuti sekuru varambe vakashinga ndiendeswe kuchipatara. Vakauya kuzonditarisa gogo vakati, "newewo wanga uchienda kupi? Kana uchida kuendeswa kuchipatara taura kuti muridzi wemimba ndiani?"
"Gogo ndiri kurwadziwa ini" ndakadaro vakati, "ndosaka ndati taura kuti muridzi wemimba ndiani uyendeswe kuchipatara. Ukangorega hameno hako urikunoora uri kumba. Unoziva chii chinoitika kana ukaora gumbo? Rinochekwa nemuchidya umo ugosara neone" ndakawedzera kuchema vakati, "ndiudze kuti muridzi wemimba ndiani uyende kuchipatara" vakadaro gogo ndikati, "ndeya vaMasuku, vakauya kuzonditakura nemota tichibva kuchikoro" ndakanyepa ndatoona kuti zvinganetse. "Kunyepa! vaMasuku vakati vanomirira kuti apedze chikoro" vakadaro mama ndikati, "ndeyavo mama, ndivo vakanditaimira ndichibva kuchikoro vakati ndisataure"
"Mavaona ka vanhu vekuchurch kwenyu? Inyoka dzinorumira murima" vakadaro gogo vakaratidza kuti vaiva vandi believer. "Mhai idzi ndidzo nhema. Tava nenguva tichinamata navaMasuku hakuna kwavakamboita zvakadai. Pavakadzi vavo vese vari six hapana mukadzi wavakamboita zvekumitisira musango. Ari kunyepa uyu, and kuchipatara agara haasi kuzoenda" vakadaro mama sekuru vakati, "anoora mwana uyu, maudzwa muridzi wemimba makuramba saka murikuda ayiite zvipi?"
"Akuvarira pasingaite, ngaaende kuchipatara mwana uyu mai Mufaro anoora mwana uyu mukazomugura gumbo"
"Mhai zvamuri kutaura muri kuona zvichiita here? Aihwa vanhu vaMwari muri kungotsvaga kundivengesa" vakadaro mama sekuru vakati, "muchivengwa nani? Anongoenda kuchipatara kunoiswa plaster kusvika apora. Ava kuda kutonyora form four munhu uyu ndiye wamurikuda anogara kumba? Muna June munomu haambononoke kupora, kana apedza hake chikoro vozotora mukadzi wavo" vakadaro sekuru gogo vakati, "haambononoke kupora, mwedzi paunopera anenge atonaka" vakadaro gogo ndikanzwa kufara kuti ndaiva ndiri kuzoenda kuchipatara. "Haaa zvinhu zvamurikuda kundiitisa hazvitomboite. Zve form four zvatokona sekuru, ndimi makabva nazvo imimi mati Mufaro asvike form four ikozvino amitiswa. Hakuna form four yaachapedza"
"Tozotaura apora, regai timbomhanya naye kuchipatara" vakadaro sekuru ndokundisimudza. Manu aiva atouya nemotorbike yake yaiva scooter. "Handisi kusara" mainini Chipo vakadaro sekuru vakati, "handei, Manu shamwari wofambawo mushe ka adzimai vangu vakuvara zvisingaite" vakadaro sekuru ndikangovatarisa vachindigarisa zvakanaka. Mainini Chipo havana kuzomboburuka vakutoti, "don't worry Mumu, unopora wanzwa?" I forced a smile ndikagutsirira. Akabva atoita reverse Manu tikatanga kuenda ndikaona mama vakabata muchiuno vakangotarisa. "Ah vanopenga sisi vako, vanga vakuda kuramba kuti mwana ayende kuchipatara" vakadaro sekuru motorbike yapinda munzira hombe.
"Ko handiti hazvisi pamutemo kuchurch kwavo? But iii izvi zvinongodawo chipatara. Ko iwewe hanzi une mimba Mumu? Nemarambiro aunoita vakomana aye wakaiwana kupi?" Vakadaro mainini and vaitozviziva kuti ndaisaita zvevakomana. "Tinozozvitaura munhu apora izvo shaa" vakadaro sekuru ndokubva mainini vati, "and sorry hako, atombori nayo here kana kuti mama vakanganisa havo kuona?"
"Hameno manje" sekuru vakadaro ndokubva yanyararwa yemimba iyoyo vakuita dzimwe. "Muroora wangu ndakamuona ka nezuro mukoma Dhani?" Vakadaro mainini sekuru vakati, "kupi? Takadzoka nezuro ka ndikazomuka ndichiuya kuno makuseni?"
"Ndakamuona mutown, taiva taenda kutown ka nezuro. Akabva anditengera chicken inn, haa paye makagona kusarudza mukoma" vakadaro mainini ndikangomedza mate ndichizviudza kuti hazvinei neni. "Ah ndofunga ndaiva ndasara kurank pamakasangana ipapo. Ko kumba kwavo kune mari ka vaye saka ane mari, ndirikutoda kutonyengerera mari iyoyo ndikamuroora ndinogona kutombobuda munyika nekuti aiti hanzi sekuru vake vakati akapedza Var ane basa rakatomumirira paDubai apa" vakadaro sekuru vachiratidza kufara. Ndakangovatarisa nekuti vaiva vasina kumbobvira vandiudza nezvazvo.
Musikana wavo vaiva vakauya naye kumba iri last year muna Dec ndipo paakaonekwa nemunhu wese. And zvekuti vaiva varikuda kuroora vaiva vakazvitaura ipapo asi apa sezvo vakanga vava mu final year vese vaiva vakutoda kuroora nekuda kwemimba yavaiva vataura kuti ava nayo. Ndizvo zvega zvandaiva ndaudzwa asi zvekuDubai handina kumboudzwa. Ndakangozviisa mumoyo ndichizviudza kuti ndiri kuzovabvunza kana tava pedu tega. Zvaiva zvatondibata-bata kuti vaida kutonditiza. Tese taingova nemimba nemusikana wavo mutsvuku iyeye asi ndaiva ndatovanzwisisa kuti vatange kuroora iye ivo votondivanzira.
Ndakafemereka nehasha zvese nemarwadzo ndikabva ndavatsunya. Vaiva vakandiradzika pamakumbo avo saka ndakabva ndavatsunya ruoko. "Ouch" vakadaro mainini vakaseka vachiti, "ko marumwa nei?"
"Hapana" vakadaro vachinditarisa kuface ndikawedzera kufundumwara kuti vazvione ndaiva ndisiri kufara nenyaya dzemusikana wavo. "Takutosvika" vakadaro vachisekerera ndikaramba ndakavatarisa ndakafundumwara. Havana kuzoramba vachitaura nezvemusikana wavo vakachinja nyaya.
Hatina kuzogarisa tisina kusvika pachipatara pacho vakaita zvekundisimudza. Vakaenda neni mukati vakasiya mainini vachidhindisa card ivo vakutoenda neni ku x-ray. Takanopinda vakanditakura ndokubva mainini Chipo vateverawo vachimhanya. "Ko mavaita seiko sisi ava?" Vakadaro sekuru vaivamo muroom macho. "Haa vadonha vakatyooka" vakadaro sekuru zvikanzi, "ah shame sorry sisi, munoita zvakanaka manzwa" ndakagutsirira ndichipukuta madzihwa. Vakabva vatanga kugadzira zvinhu zvavo ndikaradzikwa pakamubhedha kuti gumbo rangu risvike pa x-ray pacho. Vakatora-tora zvinhu zvacho ndokuzoti, "yeah haa vatyoka zvakashata, paside neknee apa" vakadaro vachipa sekuru bepa racho ndikamedza mate ndakaritarisa. "Haa pakaipa, maitabasa sekuru regai tiite zvekuti varapiwe" vakadaro sekuru vakabva vapusher kamubhedha kandaiva ndaiswa tikadzika kuzasi hanzi kunoona doctor.
Takasvika achinzi haapo ndikanzi ndakutopiwa bed. "Plus gumbo ravo iri haringogadzirike ipapa, varikutoda kutanga vaiswa ku theater" akadaro mukadzi aiva ati doctor havapo ndikatanga kuchema ndichiti, "handisi kuda kusara muno ndega sekuru imi, handisikuda" ndakadaro ndavabata ruoko nekuti ndaitomutya muchipatara macho. "Mumu it's going to be fine, Havana zvavanombokuita just relax" vakadaro sekuru ndikaramba ndakavabata ndichichema. "Hazviite here ndingogara muward macho maari kuda kuiswa. Akakurira kupostori ka Saka izvi zvezvipatara haatozvizive" vakadaro sekuru vakanzi, "huyai henyu mugare naye, ndosaka arikutya kusara ega. Manje pano hatikuvadze vanhu Mumu tinotoita kuti vanhu vapore" akadaro mukadzi wacho akutungamira pamberi sekuru vakatevera vachipusher kabed kandaiva ndiri. "Muisei henyu pabed iri" vakadaro Mai vaye sekuru vakabva vandichinja.
"Ndiri kumbonotora mapiritsi" vakadaro vakubuda neka stretcher bed sekuru vakasara vachiti, "apa Chipo wotodzokera kumba unoratidza ana mama kukuvara kwaita Mumu. Unodzoka naro mangwana bepa iroro, inini ndicharara kuno" vakadaro sekuru mainini vakati, "Saka munorara kuno pai?"
"Ndichanorara kwana Tamia" vakadaro sekuru vakutaura musikana wavo ndikangovatarisa. "Horaiti regai ndiende, Mumu unopora mwana wedu" vakadaro mainini ndokubva vabuda ndikati, "murikuda kunorara kwana Tamia muchindisiya nani?"
"Mumu handikwanise ka kuti ndirare muno, hona munongori nebed remurwere. Uchiti vanosara vakakuitei vanhu ivava? They're nice people they don't hurt patients"
"Handide ini" ndakadaro ndichikwiridzira mapendekete ndakuda kutochema nurse akabva adzoka achiti, "arikuramba kusara musikana? Haa hakuna kwavanoenda sekuru wanzwa Mumu? Chinwa mapiritsi aya anoderedza marwadzo" vakandipa mapiritsi ndikanwa ndaiva ndajaira kumanwa ataisishandisa nasekuru. Vakabva vabuda nurse sekuru vakasara vachiti, "Mumu hona ndinenge ndichitoda kuti vanhu vasafungire. Unofunga kuti vanhu vakanzwa kuti ndakarara husiku hwese muno newe vanoti kudii?"
"Asi kuti munorara kwana Tamia manje?" Ndakadaro vakati, "ndinorara kwana Paul shamwari yangu anogara mutown" vakadaro ndikati, "kunyepa, mataura kare kuti muchanorara kwana Tamia apa. Inini ndatyoka ndichitiza nemimba yenyu handina basa manje makuda kundisiya ndega mu...."
"Hey hey slow down, handisi kuenda horaiti ndorara muno. I'm sorry wanzwa? Ndorara muno" vakadaro vandibata ndakafemereka ndichizama kuzvidzikamisa nekuti ndaiva ndisina kuzopedza kuvapopotera.
"Ndorara muno ok?" Vakadaro ndikati, "apa murikuda kuenda kuDubai" he laughed ndokuti, "ndizvo zvawanditsunyira paye?"
"Handisi kuseka sekuru" ndakadaro vakati, "alright, so the thing is, Tamia akanzi akapedza Var arikuenda kuDubai but that doesn't mean achiri kuenda nekuti she's pregnant saka haachaende. Ndanga ndichitongotamba" vakadaro ndikati, "handizvide sekuru, mukanditiza ndozviuraya" ndakadaro vakati, "haa usambotye Mumu, handimbotize ini. I'm sorry wazokuvara like this, ndakuudza wani kuti usambotize. Vanga vasina pavanga vachakurova" vakadaro ndikati, "ah imi, vaindirova"
"Alright zvapera, unopora wanzwa?" Vakadaro ndikagutsirira ndichiti, "handizotadze kuenda kuchikoro?"
"Ndokutsvagira chekufambisa kusvika waaboe" vakadaro ndikagutsirira. Nurse akabva adzoka futi akati, "Toda kumbobaya musikana injection sekuru saka mogona henyu kumbobuda"
"Aihwa ndibayei varimo" ndakaramba nekutya kubaiwa vakati, "tirikuda kukubaya apa saka sekuru havafane kukuona ka?" Vakadaro vachiseka ndikazongobvuma kuti zvipere. Vakabva vapedza vakabuda ndikasara ndichichema nekuti zvairwadza. Vakauya kuzondinyararidza sekuru kusvika ndabatwa nehope. Pandakazopepuka maiva mabatidzwa malights ndava ndega. "Sekuru?" Ndakadaidza ndichida kuburuka pabed ndikanzwa gumbo richiramba izvozvo.
I sniffed ndikati, "sekuru imi" ndakadaro ndakuda kutochema. Makabva mapinda umwe mukadzi aiva akapfeka uniform yanurse akati, "sekuru vaenda kunorara kumba, vanodzoka mangwana" akadaro ndikati, "ndirikuda sekuru ini, vaenderei vachindisiya?" Ndakadaro ndakutochema chaiko vakabva vauya kuzondibaya rimwe injection ndikadzokera pakurara.
Pandakazomuka malights aiva adzimiwa ndiri ndega futi. Sekuru vakabva vauyawo vane musikana wavo namainini Chipo. Kureva kuti sekuru vaiva vakatonorara havo kwana Tamia wavo. Ndakanzwa kurwadziwa nekuti vaiva vakandisiya ndega. Tamia wacho aitosekerera asking me kuti ndainzwa sei. "Takuvigira chikafu muzukuru wangu, muka udye" akadaro achiuya kuzondibata musoro ndokundibatsira kumuka. "Here you go" akadaro achiita kuti ndigare ndakaita kakazembera akati, "unopora wanzwa?kana doctor akangouya chete unotopora" akadaro ndokubva atora chikafu akada kundidyisa ndikaramba. "Idya shamwari ndokuti upore, ukadya wonwa mapiritsi" sekuru vakadaro vachiita kuonererwa nemusikana wavo aiva auya. Kana matauriro avaiva vakuita neni aiva asiyana ndakayeredza misodzi vakati, "haa Mufaro? Uri mwana mudiki here iwewe anoda kungoita zvinhu zvese zvekunyengererwa. Idya tione nekuti gumbo nderako iri ririkuda kurapiwa"
"Babe don't be to hard on her, anenge achirwadziwa" akadaro musikana wavo sekuru ivo vakati, "ehe tozviziva kuti anenge achirwadziwa but haarambe kudya ka? Kurwadziwa kwacho kunopera sei kana achiramba kudya. Idya shamwari" vakadaro sekuru ndokubva vatobuda havo musikana wavo akasara akundinyengerera kuti ndidye ndikaramba. "Ndakambotyooka ruoko" akadaro ndikaramba ndakamutarisa akati, "ndairamba kudya, mapiritsi haashande kana usina kudya. Ndakaita one month ndisina kurapiwa nekuti ndaidya ka one paweek. Pandakazotanga kunasodya ndakabva ndangorapiwa ndikapora" akadaro ndikati, "ko ngavangondirapa ka ndiende kumba"
"Kana usingadye havakurape avo, idya muzukuru wangu ukasike kupora uyende kumba" akadaro akundinyengerera ndikazodya ndakutya kuti ndingagarise muchipatara macho. "Good girl, now chinwa mapiritsi. Yeah ndokuti muzukuru wangu uku" akadaro achindikuza aona ndanwa mapiritsi acho.
Ndakamutarisa ndikaona achisekerera fani. Airatidza kuti aiva nemoyo wakanaka and aiva andifarira. I couldn't stop wondering kuti paaizoziva kuti tese taiva nemimba dza Daniel aizondivenga kusvika papi.
End of chapter 02.
Stay tuned.
❤️
🙏
👍
😂
😮
😢
442