Tilder Live Zim  Secrets & Confessions, News
Tilder Live Zim Secrets & Confessions, News
June 14, 2025 at 08:53 AM
Hie Mukoma ndakwereta fon. Nyaya yangu yakamira sokudai, ndaiva ndakaroorwa nemurume wandakazosiyana naye. Murume uyu baba vefirst born yangu vaitengesa matemba musakubva vakaunganidza mari yekundiendesa kucolleg sezvo ndaiva ndakapasa chikoro. Ndabva kucollege basa harina kumbondinetsa kuwana. Ndakatanga kushanda hangu, murume wangu ndobva ati kuti titsvake maid mari yedu ishoma so iye aisara nemwana ini ndoenda kubasa pandodzoka masikati iye oenda kumusika wake. Dzakazouya mhesvedzeri dzondifurira kut ndiwe wakutochengeta murume. Ndakabvuma kufuririka ndakachitanga kunetsa murume ndichimuti haudi kushanda wakuchengetwa neni. Kutaura chokwadi murume wangu uyu hapana chaaitaura kusvika rimwe zuva randakamupopotera usiku akangoti mangwana kuchiedza ndoita plan. Ini ndakafunga kut iplan yebasa nyamba munhu akamuka ndokurongedza hembe dzake ndokutorova pasi. Ini hazvina kunyanya kundidya moyo coz ndizvo ndakanga ndakuda. Shoko rakasvika kuvabereki vangu kuti ndozvandaita, hanzvadzi yangu akatora first born yake yanga yakamirira maresults akanopa former hub wangu akati ndakupa mukadzi uyu ini usandipa zvababa ipa mai chete. Vabereki vangu vakabva vati kana ndikada kuvatumira mari vairamba vachit hatigoni kudya mari yemunhu wawakaramba. Former hub wangu uyu anonzi akazoenda kwaChiadzwa akanononga ngoda kutaura kuno ava nefleet yemagonyeti. Pakutanga aitenga chikafu chemwana chakawandisa asi nyaya yakazoitika ndeyekt mwana aiti akaenda kuholiday kwababa vake aisada kudzoka. Ndakambotanga ndichirwadziwa nazvo kt kt dai ndirini ndakudya rifa. Ndakazotaura nemukadzi wake anova mwana wehanzvadzi kuti kana akasununguka agare hake nemwana wangu akabvuma uye mwana akagara zvakanaka akatouya kuholiday kwangu anenge akutoda kudzokera holiday isati yapera achit ini ndinomushupa apa ava ne16 years. Pamba pevabereki vangu nepehanzvadzi yangu pakavakiswa masolar mvura zvese kuita dhorobha kuruzevha. Kunewe baba nemwana wangu nemukadzi wako anova muzukuru wangu itirwai zvakanaka ini ndakarasa chiri muruoko chishoma nekuda kugashira chizhinji chisipo. Mainini makandidzidzisa rudo. Saka ndinoti murume haapopoterwi kana asina mari asi anokurudzirwa kut kunzi nhasi zvaramba asi mangwana zvinoita. https://whatsapp.com/channel/0029VaadbeK7oQhUsp9sDw2V
🙏 ❤️ 😢 26

Comments