Mama Ree Novels🇿🇼
June 5, 2025 at 06:02 PM
https://chat.whatsapp.com/Hz7qZ5rC3pEHQopwdVE6MH *Written by Pastor Rebecca aka mama Ree* *BOOK 8* Short novels... Book tittle 📖👇👇 *GARDEN BOY THE WOMANIZER* CHAPTER 5 *(FIVE)* (React like before reading 1k likes to unlock next chapter) *YEUKAI* Ndainge ndakagara hangu ndichigaya horror shuwa zvimwe zvinhu zvinobhohwa unenge wakasiya mukomana asina mari uchidawo mbinga but eeh munhu wacho anenge achikoshesa hake mari more than iwe... Dzaingove nharo hadzo dzekuda marriage asi maibhohwa apa nezera rangu ndaive mwana mudiki zvake akaroorwa nedhara.. Kwete nekuda kwerudo asi kuda zvinhu.. Imagine lm only 26 kwakuroorwa nemunhu ane 50yrs ...he was a mayor zvakaitika akandiona ndichibva hangu patakada kunotenga ka 1kg ke sugar.... Ndaigara namai vangu nema siblings angu... Mai vangu havana kumbobvira vaitawo luck nezveimba izvo vaingomitiswa vosiiwa tainge tiripo 4.. 3gals nemukomana umwe chete kaive kagotwe kavo uyo wavaisada kutaura kuti baba vake ndiani... Ini ndini ndaive first born kotevera Isabel aive ne 15yrs... Kotevera Noleen aive ne 10yrs kozopedzisira Lucas aive ne 2yrs.. Saka sasisi vahombe ndaibatsiranawo namoms kuti tiwanewo kudya pamba... Taigara mu one room yedu ku Epworth mujaranda redu.... OK back to my love story how l met the man that lm calling my husband now... Ndaibva kunotenga ka 1kg sugar mari yacho ndainge ndapihwa nemufesi wangu abva kunoitawo kaparty time job... Ndakanzwa bhero remota kurira handina kuda kucheuka coz handaimbofungira kuti vakureva ini... Akazomira padivi angu chaipo ndokutaura neni Him.... Nhai ndanzwa nekukuridzira bhero ndichida ubve muzuva umu upinde hako mumota ndikusiye kwauri kuenda Me... Haa kana ndakutosvika Him.... Half a loaf is better than nothing Imwe hana yakamborova thinking kuti havasivo ma bhinya ma ritualist hre ayo.. Asi pavakazotaura ndakavarangarira pa TV ndakambovaona kumba kweshamwari yangu Him..... Asi ahusi kundiziva hre ndini Mayor Lemon Me... Ehe ndakuzivai handina kumbofungira kuti ndingakuonaiwo live or kuti mungafambirewo kuno Mayor.... Haa nezvandaona kuti ndichagara ndirikuno.. Chipinda now handiti wandiziva Me... Ok maitabasa Ndainzwa kufara kani ndakapinda nekugara front seat.. Kuita kudya hwindo kani apa yaive yakakwirira ndirimudenga chaimo... Mayor.... Ndogara ndichifamba muno asi handisati ndakamboona mwana akanaka kudai shuwa unogara kuno hre or washanya Me... Ndogara kuno ini kkkk kukafita vakaitasei manje Mayor.... Zvauri izvi zvoda ku Mandara uko ndokwakakufita haa muno makaita kunge kumatapi kunoda vatema kkkkk Me.... That's life zvichachinja hazvo nekufamba kwenguva Mayor... Yeah zvawaona ini zvanaka wena Ndakangosekerera after vadaro saka ndakaona mota yakuenda imwe direction hana yangu yakatanga kurova zvekuti ivo vakazviona Mayor.... Relax ndikuda kunokutengera something pama shops apo ahungaende kumba neka sugar aka aah iwe wanga una Mayor hazviite Me.... Kkkk ooh oky maitabasa.. Vakatanga kundivhunza makore nekuti ndine mukomana hre ndikavaudza kuti ndinaye... Vakavhunza kuti anoita nezvei..umm the way he was so concerned about my boyfriend ndakatombovhunduka... Asi ndakatarisa chiso chavo ndakaona kuti havana chakaipa chavangaite... So takapinda mushop ndokutora 2kg yesugar.. Vakaseka havo ndokutuma bodyguard ravo ravaifamba naro kuti ritire trolley.. Mayor.... Taura chauri kuda vanokutorera Ndaiita kutaura zvotorwa in bulk vakomana vaitakura... Vaifamba ne 2boys dzinenge dzakapfeka sutu nhema nemazigirazi... Zvekuti ndakapotsa padiki ndavhunza kuti guys mhino ahisi kuremerwa hre kkkk.. Mayor.... Zvose zvakwana hre ahuna chimwe chauri kuda Me... Hapana hangu zvakwana Mayor.... Vasikana vanoda ice-cream take 5litre Me... Inozonyungudika hatina fridge toisa kunext door Mayor.... Oooh ok will fix that Takabuda imomo nema trolley maviri ezvinhu tichienda kumba ndakavapa number dzangu.. Ndaive nefoni yangu yainge yakafuta battery saka ndaisunga ne ndandi recondom kana aye ma rubber band... Vakandiburutsa pagedhi hapana kana akauya kuzondibatsira mai vangu vainge vakayeva vachishamisika havo neshura.. Mozivawo kana uchigara ku epworth inzvimbo yemunhu wese hakuna private vanhu vainge vakamira vakatarisa... Vamwe nepama window havo.. Me... Dai maburuka makwazisawo mai vangu vaifara kusangaa nemi muri role model yavo Mayor... Kwete nhasi ndikumhanyira kubasa maybe next time ndouya ndovaona Vakabva vaenda ndakatozoita kudaidzira mai vangu nevapfanha vangu kuti vauye kuzondibatsira kutakura... Haa zvechikoro ndaitozama kushandira ivo vaende ini ndakaguma pa form 2 chaipo mari yaramba kutamba... Baba vapenyu havo vanogara pedyo vane mhuri yavo havatombondibatsire kana nechii zvacho saka ndaive ndazviudza kuti he doesn't exist in my life vakafa kwandiri... Mama.... Iwe Yeu zvose izvi wazviwanepi unondirovesa nehama Me... Mama handei mumba ndokubatisai gist rose Ko namama tainzwanana zvee ndaitoziva zvimwe zvikomba zvavo... Vamwe varume vevanhu futi mu areas mataigara... Takapinda mumba ndokugara kuzorora taneta nekututa grocery... Ndakabva ndavaudza zvose Mama.... Eeh ndi Mayor Lemon ndafara wena ko zvavanonzi nevanhu vane moyo wakaoma wani vatokubatsira kudai Me... Zvoenderana neropa mama plus vanhu vanotaura kwavasina kuswera ava.. Takaita week tichizvidyira no kuona mayor.. Ndakazoti hangu ndatopedza kugeza ndichida kunoona mufesi wangu Harvest ndakanzwa bhero remota.. Kutarisa kudai nepa hwindo handina kuona ndiani pakadziswa hwindo ndokuona ndimayor vauya neimwe mota.. Akomana kaa life yemari kunenge kudada.. Umwe mushini we mota zvekare ndakabuda hangu.. Me.... Mayor makadii henyu ndanga ndatokushayai kaa ini ahisi mota yamakauya nayo last week iyi kkk Mayor... Yeah handifambe ne same car for two days ndonochinja coz unoziva we have enemies all over saka we must be very careful Me.... Yeah haa l see ka life aka ndokadawo aah mari yakangonakawo kkkk Ndakataura hangu mukuseka asi ndaitove serious manje... Aah money is life.. Mayor.... Hazvinetsi izvo unoirarama life yaukuda it's never too late.. Hande kwandiri kuenda ndikuona watogeza kare Handina kana kuvhunza kuti kupi ndakapinda mumota hangu kwakugara takananga road... Ndakaisira Harvest msg ndikati handichauye.. Akavhunza akazama kufona ndikadzima hangu foni... Na mayor tainge tichiwirirana vachinditengera vakazongonditi ndakarivara bhoo neshoko kkkk Mayor.... Yeukai ndikakuti siya mukomana wako udanane neni unobvuma hre Me.... Aaah kuita sei Mayor.... Relax let me explain l have everything asi chandisina mwana so ndaida kuti ukandiitirawo mwana ndokubvisira pfuma zvose zvaunoda then ndogara newe handiwanzo gare kuno sezvaunoziva maybe pamwedzi will see you kamwe chaiko.. Yeah zvairatidza kuve zviribhoo asi aah veduwe zera.. Mayor... Don't worry will give you time to think about it hako Me... Ko ndakanzwa kuti mune vakadzi wani vaviri ko hamuna vana hre Mayor.... Ndinavo asi vane vasikana ndoda mukomana Me... Ko ndikasaita mukomana wacho manje Mayor.... Its fine will take care of the child asi ukaita mukomana ndokupa imba, mota even kukuvhurira business raunoda Yeah jackpot uyu mukana ndada hangu.. Pandakabva ipapo ndakanoudza mama...ndakaona kuti naivo vari pakati kkkk anga asara ndiHarvest ndimuudze... Magifts aiita kuuya everyday.. Kana kuri kufonerwa vaifona everyday.. Ndaiti ndikati handina airtime ndoisirwa yemari svinu.. Imwe ndaibva ndaisira Harvest.. Ndainge ndochena kani kupfeka hembe yemu shop kwete bhero... Uku mufesi ndaive ndisati ndamuudza ndichitya ndaimuda but manje nyaya yekushaya manje iyi better ndipihwe mari hangu tiwane pekutangira... Stress yaingove yekufunga kuti ko zvikaramba ndikatadza kuita mwana wacho ndorambwa haa but still zvoita coz mari vanondipa yekumuchengeta.. Nguva na Harvest ndainge ndisisina manje ndakuita zvedhara rangu.. .................................................................. *LEAH* Haaa Amos waive ne degree rekutaura veduwe.... Ndainge ndane nzara apa aiti akandivhunza muvhunzo ndikadaira obva andigurira ndisati ndaenda mberi saka ndakapedzisira ndakusadaira... Amos.... Saka gara zviya wati iwe ukudzokera rinhi after conference or before Ainge andivhunza muvhunzo uyu ka 3 kana 4 chaiko eish hayas... Me... Ndambokudaira wani wambozvivhunza Amos.... Maybe your answer is not straight forward or doesn't make sense coz handikanganwe zvakakosha zvine musoro ini kana zvikataura Haaa uyu mufesi aharohwe uyu akundituka kabisira kaa apa... Ndakangoseka handina kudaira hangu Amos.... Ahusati wadaira kaa iwe Me.... Yeah ndichaenda after conference Amos... Unenge wagona coz as youths we need to do something saka tofanirwa kusangana tironge... Panodiwa shanduko kuma youth we must have ma lessons akasiyana ana no bonde pasina kuroorwa first, no to drug abuse, zvakawanda tokurudzirana kushanda Ndakabva ndachinja magariro andaive ndakaita coz since tagara mumota ndopega paakataura zvine musoro pamwe pose aitaura zvine huro kkkkk.. Me.... Yeah chokwadi ichocho as youths vanhu vakawana zvekuita havazopereri kumutoriro Amos..... Kungoti wane nguva usingauye kuchurch hako but haa ndambomira mira kuisa shanduko ndikuita basa rekupa vasikana ma pads nezvimwe Me... Yeah zvinhu zvakanaka shuwa Mudumbu mangu makabva marira nzara Amos.... U need to go and see a doctor that problem is not good ndeyematumbu Me... No munongodaro kana ndane nzara chete Amos.... Ndikutokuudza zvee why ini musiri kurira ndine nzara wo wani Me... Ndokusiyana kwatakaita ikoko.. Ndokumbirawo unondisiya pamberi apo ndinodya something hangu Amos.... Eish unodya out uri musikana ini ndikakuroora ndoda home cooked meal... Unotogona kubika hre nenzara idzo Yeah mufesi akuda kundijairira uyu ndainge ndatsamwa zvekuti dhuu... Mongozivawo a hungry lion is an angry lion.. Me... Nzara hadzisiridzo dzinobika iwe unogona hre kubika Amos.... Aah varume zvekubika hazvisi zvedu ndobika zai Me... Ko kutema huni unogona hre Amos.... Ayehwa iih kana izvo handiite hangu Me... Ndo mabasa evarume iwayo.. Yeah anoda kuzviita akapenga stereki.. Akamutsa mota hake ndokuenda pa takeaway ye fish and chips ndokatotenga in fact he paid for it... Ok at least he is being a gentleman for once... Iye ahana kuda kumira akabva aenda hake ndapedza kudya ndakakwira tax yangu ndokuenda kumba... Mama negals vaiveko vakamirira kunzwa zvafamba sei kkkk Shingi.... Eeh tipirei mai youth leader Kkkkk ehe Amos aive leader we kuma youth saka ndozvavaiita kubva pavakaziva kuti mai vake vanoda tive tose Me... Dzungu atete hapana zvamboitika apa tsano itsaga ivavo Mama... Language Leah Gamu.... Hahahaha moms motitadzisa kunzwa nyaya kani mirai Shingi... Nhai hako let's go mubedroom sis mutipe nyaya yose kkkk Mama.... Aah imi ndodawo kunzwa ini... Gamu.... Mirai ndikuudzei dzangu nyaya kkkk Mama... Eeh dzako handide hadziperi mushe ndopedzisira ndakudzidziswa chikapa newe Shingi..... Hahahaha mom's ma bhoo hre aya Ndaiseka hangu haa tainakirwa hedu.. Ndakazovaudza hangu zvose paye vaifa nekuseka Mama. ... Mwanangu munhu ahagone zvose ane side raanogona focus on that Gamu.... Side ripi mom's ko kana akasarigona iroro racho Mama.... Iwe uri nhubu mwana iwe sometimes l think ndakakuchinjirwa kuchipatara chete coz pfungwa dzako kaaa kkkk wakutofunga zvako wega ipapa Shingi.... Vana vemazuvano vakanyanya kani Gamu.... Sewe nyarara hako worse kkkkkk angatotaura ndi Leah mwana uyu Shingi.... Hakuna mwana ane mwana wake Me.... Wekuitwa usingazive now ndakudawo kuzvitsvaka ndiite live Gamu... Aripo Amos uyo Mama.... Kwanai chiitai basa uko aah matowana nyaya kaa ibvai apa baba venyu vakapinda vanogona kutondirova Ndakabva ndatoenda kunogeza hangu.. Ndikaona msg yaAmos hanzi ko ahutaurewo kuti wasvika... Ndikaisa msg kuti ndasvika bhoo thanks ndakada kumuti wambondivhunza hre... Stay tuned for chapter 6
❤️ 🙏 👍 😂 24

Comments