Mama Ree Novels🇿🇼
June 5, 2025 at 06:02 PM
https://chat.whatsapp.com/Hz7qZ5rC3pEHQopwdVE6MH
*Written by Pastor Rebecca aka mama Ree*
*BOOK 8*
Short novels... Book tittle 📖👇👇
*GARDEN BOY THE WOMANIZER*
*CHAPTER 16* *(sixteen)*
*GAMUCHIRAI*
In short they call me Gamu first born yamai Gamu kkkkk ehe ndoziva mondiziva kare nekuda kwa Leah ..kungokura mum mumhuri yaunenge uchiwana zvose unenge ungori nekahu spoiled so especially kana vabereki vasingagare pasi vasina nguva nemhuri haa ma1 ....l was the first born but behaving like last born ...anonditevera kumashure ndiye aive akatochangamuka ...ini ndoda zve clubbing and enjoying myself coz life is too short ..zveku church it's drama asi ndakazoita mazuva andakakokwa neumwe musikana wandaiwiriranawo naye takadzidza tose saka taitaura hedu pa app ndikamuti ukabvuma kuuya kushow ndouyawo kuchurch kwenyu she agreed akauya zveshuwa ..so mazuva iwayo Leah aive kuchikoro out ndakaenda sunday yacho ...kwainakidza kani marohwero aiitwa ma instruments ndainge ndazviudza kuti kana kubhawa handidzokere kana church yanakidza soo ..
So first sunday all was well vekumba handina kuda kuvaudza hangu ...pakazouya vamwe brother vakapa a small encouragement about ma youths kushanda and loved him hangu he was handsome akapfeka sutu ndikati ndokuti varume uku ..church yakapera brother vaifamba vachimhoresa vanhu zvakanaka naka ndokusvika pandaive vakazvipa intro
Him.....hie muri vatsva handiti ndatanga kukuonaiwo nhasi ini ndoitwa Amos youth leader wepano mwana wemuridzi wesangano ..
Ndakabva ndavaudzawo zita rangu handina kutaura zvakawanda ...vakabva vatora number dzangu vachiti vanoda kundiisa mugrup mune vamwe vezera rangu ...was happy ..week iroro vakandifonera tisangane ..tiripakati pekutaura ndakavabudira pachena semunhu wandainge ndati ndibrother vekusvondo saka better vazive kt ndiri munhu wemafaro kuchurch zvaingove zvemusi iwoyo asi ndakanakirwa nako saka ndaida kudzokera futi..ivowo semunhu aizvinzwa too much vakagamuchira call kwakunditi
Amos....unoda basa hre
Me....nderei ehe ndorida
Amos....yeah let's go pamuka basa ende rine mari chandoda uzive even shoko rinoti hanzi simbe kumujuru hapana chinouya uvete ..
Ndakafara hangu ndikati basa remuhofisi ndorandoda zvee iyi type inenge inozikanzwa zvekudaro ...takazosvika pamwe pawarehouse painge pakangodaro daro ..zii yacho waiti hapana vanhu ndakashaya kuti ko brother nzvimbo idzi vanodzizivirepi...veduwe tittle or sutu hakusi kunamata zvandakapinda ndichiona ndakarohwa nehana
Amos.....ndobasa randakudanira iri ndoda vasikana ava uvadzidzise kufamba vakudiwa kubasa
Ndakaramba ndakamira hana ichirova shuwa vana vadiki vachisvika kuma 15 vanoratidza havasati vasvitsa ma 18yrs ...vaichema vamwe vairatidza kt varohwa zvairwadza
Me.....ini handizvikwanise hangu handina kuziva kuti ndobasa racho
Amos....chii chitsva chaungatadze ipapa ndoda vadzidze zvakawanda even dance poll coz vakagona izvozvo todya mari kwete mbichana remember Mwari anobatsira vanozvibatsirawo so ndokurarama kwacho ..isu hatina hutsinye hwatinoita chedu kutsvaka vanhu vanodiwa chete ..
Ndakademba moziva yekusada kupfuurwa iyi ..ndakaswera ndine gals riya veduwe kaa zvandakaona ndakachema iye akazonditi huya timbonwa ...ndakanwa zvekuda kubvisa stress kwete zvekuda doro patime iyoyo ...tichinwa ndopaakauya kutanga kundiita rough riding ndakaona kt atojaira izvozvo ahana tsitsi mavanga ekutsunyiwa andakaita ipapo pama bum bum nezvidya kana nanhasi ndinawo...ndakadzokera kumba ndichizvivhunza kt saka vangani vanoziva kuti vabereki vake asi varimowo...sezvineiwo hameno akaonepi article raive rakanzi mwana wa governor apa paine pic rangu or kufanana kwakundifonera ndakamboda kusadaira asi ndakatya ndaive ndomutya zvisingaite
Amos....sorry to disturb you ko wakaregerei kundiudza kt baba vako ndi governor
Ndakambonyarara ndichishaya kuti akuda kuzama kutii
Amos.....lm sorry shar nezvakaitika paye zvawakaona let's just bury that and let bygones be bygones...l hope ahuna waunoudza coz ukaudza anyone trust me you won't see Yr tmrw
So kubva ipapo ndakazvinyarara ndainge ndavenga kunzwa kuti church eish ...ndatozvikanganwa hangu coz ndainge ndotevedza mafaro ne young sister yangu ...one day leah paakandiratidza pic ma memories ose akadzoka ndakaita mivhunzo kt ko sei vamwe vachikwanisa kuita ma deals avo akaipa asi vachirarama ende vasingabatwe varimo muimba yaMwari yacho ...kuti ndiudze Leah ndakatya ndikaona kt ndichazama hangu nepandogona kt vasaroorane ..Leah ndomutemba hangu she is clever ndoziva achazvibata hake ....koitawo miyedzo ya Garden boy uyu chii chakadaro kuita body inoti wakatarisa unobva watomita kuita 9 months pregnant by looking only...ndainge ndakamira hangu pa window ndichimuyeva achi trimmer lawn ...ndakavhunduka
Shingi ....mukuvarairwa kaa nejinda iro
Me....haiwa pane chinovaraidza hre iro diti rinenge reshindi (tsindi)
Shingi.....hehede moziva even generation yenyu or vamakambodanana naye hapana akaumbika semukomana uyo admit that iro harisi diti its chest ..ukarara padenga no need yekutenga mapillow coz he is a full package ...mukunyatsoona mazioko ayo hre akanyatsokumbundira akati gadziko mbaaa nehusoft hwawo unoyerekana waaa
Me....eeeeh eeeh tazvinzwa zvauchamudya nhai remember une munhu wako iwe nhai mamwe macomments ahaite kkkk
Shingi.....ko ndatuka hre ndikungopa musiki sando dzake nekutora nguva yake chete he is not your type
Me....unorevei kana uchidaro
Shingi .....panoti bag apa mula imi muri vemari not looks ndosaka wakadanana nedhara riya rekushaya meno front line rose
Me.....kkkkkkkkkk unopenga iwe zvabvepi.. ndikare kaye
Shingi ....asi now makuenda for looks kkkk
Ndakabva ndamutema nepillow akuseka achitiza mwana aitaurisa hake iyeye ndiye dhuma dhuma najunior achipinda mumba ndokupiringana akadonha maihwee akati ndigogos boy mhere yaakabura ipapo mwana anochema hake iyeye ...ndofunga ane mavovo ndibaba vake chete kkkkkk...Shingi akabva amusimudza ndokuzama kumuvhara muromo akaramba akazoenda naye pawindow
Shingi....hona dad vako avo
Akabva anyarara ka 1 ndokusekerera tose takangotarisa tikapererwa
....................................................................
*JIMMY JIMALO*
Ndapedza kudya plate ndaisarega kusuka ndoendesa ..pandakanoisiya ndakabva ndavhunza Manjuzi kuti ndiani aive abika
Manjuzi....indava zvaita sei
Me.....haaa hapana kungoda kuziva kuitira next time akabika ndotsvaka chekutenga kkkk lol
Manjuzu....mukanzwika kaa mukoma haiperi mushe
Shingi....ndazvinzwa mukuseka chikafu changu senge mogona kubika next time handikupei ndosaka muchida nyaya
Me....ndokwazvave hre ndangoti next time ndotenga coz zvaita zvishoma
Shingi....nhema saka kana zvaita zvishoma mirai ndikuwedzerei zviripo
Me.....hayiii noo ndingasarara mutoilet hre
Shingi ...nekuda kwei
Me....kuzvimbirwa chaiko
Pandakapedza kudaro vakaseka neniwo l laughed kusvika tatarisana manje tave srs
Shingi.....kutaura chokwadi kubika hakusi kwangu even ini wacho ndatadza kuchidya wena
Me.....haa ndokukundawo ini
Shingi ....shuwa hre saka toita deal kaa musi wandobika mondibikira ndokuwachirai
Me....haa gud one kuwacha kunondimara manje zvese nekuayina
Shingi.....iiih hamusi makuzvinyanya hre kkkkk
Me....ehe fair deal coz kubika ibasa hombe kaa iri
Shingi.....bhoo deal
Ndakabuda hangu ndane deal rangu rakanaka ndoda kuvabikira zvekuti vanondibvisa kuita maid kkkkkk...ndakadzokera kukadumba kangu ndaive ndotamba magames pafoni ...manheru akazosvika ndokupihwa chikafu chainaka ndakaziva kt maoko asiyana ...kwakazoyedza ndikamukira basa rangu hangu ...pawindow ndakaona munhu asi handina kuda kumuratidza kt ndikumuona hangu ...ndapedza basa ndakageza ndokuchienda kunotora chikafu ndainge ndane nzara ...ndakawana mudinning muna Leah
Me.....ahuna rudo wakandida zuva rekutanga chete fake love ndaiona
Leah.....hezvo ndashaya rudo ndadii hangu
Me....kana kundivigirawo chikafu ndapotsa ndafenda shuwa
Leah.....wakauya kubasa ndokubva wasvika uchindipawo basa ini rekukupa chikafu ndofembera kuti wane nzara iwe wega ahunzwe kt wanayo wakajaidzwa na mbuya vaikurova nedhuku kkkkkkk
Me.....yoooh that hurts thought you are my best friend
Leah.....you wish kkkkkk
Takaseka hedu leah na Shingi haa taitaura manje ..ndakabva ndatora chikafu
Me....ndiani abika please let it not be Shingi
Leah.....ahuna nzara saka kkkkkk ehe ndiye
Me.....ooh God in heaven help me now kkkkk
Ndakaisa michinjikwa mitatu haa Leah akaseka ndikaona ma dimples maziso ake aive aye erudo soo kuita senge asiri kundiona apa achiona hake side view.. ...
Leah....is that bad lm joking ndini ndabika
Me....oh thank you lord for the first time ndatenda Mwari nemoyo wese
Leah.....ooh brother Jimalo
Me....hey uchandirovesa nemheni naJehovha sister Leah
Takaseka hedu ndakatodya ndakamira hangu ndichitaura na Leah kumuvhunza about her life ndopaakandiudza kudzidza kwaaive akaita
Me....ko sei usiri kuenda kubasa inyaya yekugara muhupfu kaa
Leah.....ndikutotsvaka zvino aah kumwe kwacho ma conditions handimade..sekumwe kwandakatsvaka last month boss wacho aitoda kurara neni ndikaramba
Ndakabva ndafunga hunhu hwangu hwandaiita chaiwo gumbo wowanawo basa kana usingade famba famba
Me....ko ndikakupa company yekuti unoshanda kwairi asi ndine favour yandoda
Leah....as long isiri yekuti ndikupe bonde
Me....ayehwa kani handisi kuda kurova makumbo ini
Leah....language yacho ndeye nhubu chaiyo
Me.....hahaha chinzwa manje zvawavekundiita
Leah.....ko gara pasi zvee ungadye wakamira hre
Me....zvotyisa kaa kugara mumba mema boss usina kupihwa go ahead
Leah.....hayehwawo mira hako unotoda go ahead yekugara kt mumba mangu hre muno takangofanana
Me......kkkkk asi nyaya yebasa iyi watii ndine company yandoda uende kunoshanda kwairi l know ukashandisa method yangu unowana basa very fast ..then wavepo ndoda undiitirewo ma investigations andichakuudza
Leah.....kana tine zvatoda kuronga ndonguva ndoda kuudziwa zvose kana ndikati yes ndoti yes ndichiziva kwete half half ende ndoda chokwadi sezvachiri
Ndakabva ndamuudza zvose chokwadi sezvachiri
Leah.....ko vamwe vanoti chihure chosakadza why iwe usina kusakara
Me.....kkkkkkk ndokwazvave hre
Leah....jokes hangu.. ok ndapanzwa hapanetsi lm in hangu
I was so happy Leah is clever saka bhoo zvinonobuda ndakamupa number dzaimuitira nyore kuti akashandisa awane basa ..ndakazobuda ndokuenda muroom mangu asi ndainzwa kuti l miss kuva nemunhu moziva kana wanga wajaira kurara kuigukuchira soo unonzwa kt haaa pane chikushota ..ndakatombogeza cold shower ndokurara ...handina kana kuita 10mins ndakanzwa knock
Me....ndiani
Ndini Gamu ndokumbirawo help pane gonzo mumba mangu ndikutya
Me.....maihwe ini ndiri worse ndoritya zvisingaite
Gamu....munhu wemurume
Ndakabva ndabuda ..
Me....akati murume ahatye ndiani zvipuka handisi fan yazvo
Takadungamidzana tichienda apa aive akapfeka night dress ndaita kuona munotidako richitamba nhai veduwe miyedzo ahiperi kuvatendi shuwa ko ndikuzamawo wani .....akomana hapana chakaoma sekuti wakuti ndakuda kusiya doro then woita week usingaende kubhawa asi umwe munhu okuvigira bhawa pamba kuuya nedoro rose paden ..takapinda mumba ndairevesa kt ndaitotyawo saka ndakaona chakapfuura nepandiri kwakuridza mhere ndichisvetuka ..Shingi na Leah vakabva vapindawo
Shingi....ko chii
Me....gonzo gonzo maihwee
Ndakatonomira kuseri kaShingi ..kuzodaro vasikana vakaseka ivavo
Leah....igonzo rerudzii ramaona muno makatanga rinhi makonzo
Ndakabva ndavaudza zvose
Shingi.....eeh sis Gamu gonzo inga moziva wani tomarova tega ende takaguma kumaona kare nekuda kwekiti yepanext inotambira pano iya
Leah.....pamwe vaona chinhu chisicho zvoitika
Gamu....nhai hako iwe
Me....haa ini ndine fear guys ndatovhiringika bye
Leah....hakuna myrume akadai
Me....saka ndiri mukadzi hre uuye unditarise kkkkk
Leah....ndisiye hangu ini enda unorara uko gwara
Shingi....regai nditarise hangu ini
Akatanga kuuya kwandiri ndakabuda ndichimhanya uyu ndaisamutemba aive nemisikanzwa
Stay tuned for chapter 17
❤️
🙏
👍
😂
17