Mama Ree Novels🇿🇼
June 5, 2025 at 06:02 PM
https://chat.whatsapp.com/Hz7qZ5rC3pEHQopwdVE6MH *Written by Pastor Rebecca aka mama Ree* *BOOK 8* Short novels... Book tittle 📖👇👇 *GARDEN BOY THE WOMANIZER* CHAPTER 13 *(THIRTEEN)* *LEAH* Zvandainge ndatove celebrity sekutamba sekuseka veduwe kkkkk ..ndainge ndoremekedzwa kuchurch kuvigirwa magifts veduwe mayouth aifara kuti mari dzavo dzashandawo zvavanoona for the first time . .mugroup rema youth mainge mofaya vanhu vachiita kuwanda ndakazobata topic yakanetsa kusvika group ravharwa na mukoma Amos... "ndakavhunza ini muvhunzo kuti why is it vanhu vanoridza makeyboards or drums or vane zvigaro vanoda kuchinjanisa vasikana vemukereke kusvika vapera ...ndizvo zvakapiirwa vanhu zvipo hre izvozvo" Maihwee yakatsviriridza vamwe vakatanga kudaira ndikaona kuti ndataura nyaya inenge ichabata varikumusoro vacho kunyanya Amos ...coz vamwe vakatanga kuti "Ini ndakaregedza kuuya ku youth coz kuzonzi kana ukasandibvuma manje ndoda kuona kuti unozowirirana nani pavanhu vangu " "Ini ndakaenda nenyaya yangu ndadhumhaniswa ndikanzi vakomana ndozvavari ahafanirwe kuita musikana umwe chete anenge achisarudza saka iwe makesure wamira mira uhwine" "Ini ndine munhu wandaipa respect thinking he is holy asi ndakazoona kuti hapana zviripo anotoita kunge akauya pachigaro so that anowana kurara nekereke yose" "Ini ndakabatikana ndine musikana wandaida zvekutoroora asi paakanyengewa neumwe wevanoridza ndakanzi ndimusiye coz ini lm a place holder in the kingdom coz handina zvandinoita" " saka pogadziriswa sei manje coz zvikuratidza mukuburwa hombe mukati umu" "Unototya kuudza musikana wako kuti huya kuchurch kwedu coz anosvikotorwa nevarozvi" Me.....I think we need to make sure anyone ane musikana or mukomana anotaura muno mugrup tozivana kuitira mangwana zvisanetse anozoda kukonzeresa we deal with her or him accordingly hatina basa nekuti ndiani Maihwee pandakadaro vanhu vakatsigira point vachifara...Amos akazovhura ma msgs ndokuvhara group kwakundifonera Me....hello youth leader Amos.....l think l need to see you timbotaura coz mugrup vanhu vose vanoziva hamutaurwe zvinhu zvisingatange zvapfuura nekwandiri toona kuti zvoita hre coz look now zvawakonzeresa Me....no need to meet we can chat here on fon lm busy .. Amos....ok muvhunzo wangu waunzwa why is it you are going against my rules so much are you my girl or enermy Me.....you can choose for yourself wats suits me ...ini ndikuronga basa raMwari rifambe zvakanaka not fighting with you it's not about us or kuratidzana power inyaya yekuti basa riende mberi nenzira kwayo Amos.....nekukurudzira kuti vanhu vataure zvekudanana kwavo mugroup kuita sekuti ukuzvikurudzira we need to focus neproject not izvozvo Me.....zvose zvobatana ukaverenga ma msgs unoona kt already chero vanhu vakasazvizivisa zvikutoitika ende nenzira yakaipisisa Amos.....ok as your youth leader mutemo ahuchinje zvazvaingove ndizvozvo zvazviri Me....yeah that rule inoshanda pa company yako kwete church yaMwari Amos....ukuzama kudii chaizvo ukuda kuratidza masimba handiti manje hazvishande ahuhwine ask vakada kuzviita izvozvo Me.....ok zvakanakai Ndakabva ndakata call yangu ndainge ndatsamwa ndokubva ndagadzira group started adding people imomo mayouths ose ndikabva ndavaudza kuti ngatisabudei iro asi rino ndorichange richirongwa zvinobuda coz hatisi vana vadiki vanoudzirwa kuti taurai izvi now nyararai ...ndaida kumuratidza kuti it's not church politics ..saka ndakaudza ma sisters angu zvandaive ndaita Gamu.....umm becareful nemunhu iyeye face yake ndoiziva zvisingaite asi ndikurivara kuti ndekupi Ndakanyumwa ini sis vaiziva zvakawanda asi vaisada kundiudza chete coz kubva pandakavaratidza pic rake havana chavakazotaura vakaratidza kutya ..ndakabva ndataura na Allen maonero angu ndiye wandakazoronga naye dhiri kuti anyenge Gamu ozomufeya nezva Amos kusvika ataura iniwo nekuside ndinenge ndichiita ma investigations angu ...taive busy kuronga tosangana sei Me.....rega nditi ndoda kuenda kukashop kakavhura manje manje then tosangana senge mahwekwe apa ini ndinenge ndichitaura newe pa app pandiri tobva tadhumana ipapo ndokupai intro ndobva ndadaira call ndosuduruka mosara muchitaura Allen.....yeah iyoyo bhoo manje shop pane yandakavhura asi usataure ndeyangu mira ndikupe address unoti ndeye mukoma wangu handide kudirwa mari ini Me....ok no problem coz vana vamai vangu mari vanozoida zvee kkkkkk Takabva tapedza hedu kutaura ndokubva ndadedzera kugals dzaive kuspare ..ndikati let's go out pane shop itsva yavhura Shingi.....saka zera rangu rino moda ndinoita window shopping maya handisi kuenda handina mari Me...Sara hako sis Gamu handei imi Ndaida asare coz ndaizotadza kuita maths dzangu.. Shingi .....manje makaura ndafunga ndine kama savings kangu ndikuendawo Takazoseka ndokugadzirira tose tiri vatatu ..tichinosvika pashop ndakamuudza Allen kuti auye akabva abuda mukati meshop hezvo saka airevesa kuti ndeyake inga mupfanha ane mari uyu kkkk...takamhorosana kunge vanhu vangosangana mahwekwe ...but manje ziso raAllen rainge risingabve pana Shingi ndakazomuisira msg pafoni ndikati "hey brother siyai uyu wamuri kutarisa she is not the one" Akabva ato replyer ipapo hanzi " manje moyo wada mumudiko uyo ane moto" ... Me.....Shingi hande tinotora mari pazasi apo Shingi .....why mada kuenda neni endai naGamu uyu ndakaneta ini Ndonyemwe rake manje randaisada raaive oita iroro .. Allen....rega ndiende newe ndagara ndikuda kutorawo kamari kapinda aka Ndakaziva kuti akuda titaure ndopatakabuda ava vakasara vachiona zvinhu maive ne ma original teckies ,caps nezvimwe .. Me....hezvo ko nhai brother Allen zvamave kutiza chimoko murigwara kudaro nhai Allen.....kkkkkk haaa kana asi kuti ndaona ndavhiringika aah hana yarovera mudiki apa iwe ukuda ndiende kumukuru manje zvozobuda hre Me.....ehe unongoona kt ahuna kuzorara naye wawana information yatiri kuda tozomuudza Allen.....zvonetsa pahukama izvi haa ko wandoda akazondiramba akuti wakadanana nasisi vangu ...ko ivo vakapinda nemoyo gulez Gamu manje ndozoibuda sei Ndakapaonawo kuti paipa manje eish saka todii ..takazodzokera hedu ndakawana vasikana vatotora tora zvinhu zvavo Me....zvamapedza zvose ini ndakuzivisai kuno hapana changu zvee Shingi ....moziva ndiri we class saka muno neni tapindirana maitabasa shopkeeper muchandiona muno everyday l hope hamubhohwekane Allen....no not at all ndinotofara kuona munhu akaita sewe muno Me.....eeeh vamusingade ndovakaita sani manje makutifamba kabisira kuita ganda dema imhosva moda vatsvuku nhai kkkkkk Shingi....anyumwei mheri seanokamiwa kkkkk Takazomubuda haa Allen wange apera kare moyo watorwa naShingi love at first site ..takazokwira makombi kuenda kumba nekuti nyaya yeku driver taikondana hapana aida kudriver nekuda kwe situation yakamboitika takapotsa tafa taurayiwa na Shingi akadhakwa kkkk...road yose Shingi aingopa kutenda veduwe Shingi.....haa shop ndeye class iya veduwe vanhu vemo vari smart Me....vanhu vemo vawaona ndivanani iwe kunze kwemukomana wandinonamata naye uya wawaona Shingi .....makanonoka kundiudza sis kuti kukereke kwenyu kune ma dudes akadaro dai ndakauya nhaimi Me...waona mangani so far Shingi .....2 Amos naAllen Gamu......nxaah vana Amos mungavaisa pama dudes hre tisiyei hedu isu kkkkk Me....sisi Amos hamumufarire since day one why Shingi....vanenge vakarohwa nyesvu kwakusiiwa panzira vogumbuka kkkkk Gamu....ndashaya wekuvhurira gumbo hre pane zigombiro riye rinohwanda nekereke Me.....yeah mune nyaya ndeyei Gamu.....ukuda kuti kana makutaura zverudo wozoti Gamu akandiudza kt iwe wakaipa ahuite ndife hangu ndisiyei ndoda kurarama ini Ndakaita question mark ndikaona kuti it's more than wat l thought ..asi ndozvibata chete iyi nyaya ndakuda kutoifambira from today ndave detective Leah ..tirimukombi imomo ndakabva ndanzwa voice kumushure richitaura ndakariziva asi kuti kupi ndakashaya ..ndaingozvitongesa ndave kumba ndopandakafunga kuti ndiro voice remusi wandaive ndakadhakwa ...munhu uyu aive achitaura pafoni ndakanzwa achiti iwewe Ree ahuzive zvaunoda iwe ukunzwa tsitsi dzei ...ndozvega zvaakataura takabva taburuka Shingi.....ko sisi madii mukufungei Me....nothing hangu ndatadza kuzocheuka asi munhu ataura pafoni ndamuziva Shingi.....mungaziva mavoice evanhu mukamagona hre ..tiudzei zvedu about Allen anoita nezvei kuchurch coz ini ndoita zve ushering Me....eeh mother dzungu matove ne department kutanga rinhi Takaseka tichipinda hedu mumba..ndaizovhunduka ndasvika kuti ndine mwana kkkkkk ....................................................................... *JIMMY JIMALO* Haaaa rudo naYeubae rwainge rwakunakidza especially kubirirana kwainakidza remember rimwe zuva mudhara akangobuda two minutes achiti akuda kunosvitsa imwe client masinhi aainge anawo achimhanyisa ini nekuda kupindawo mudhiri ndakabva ndanyepera kunge ndiri ngobhi ndozviitawo zvema drugs ..saka akabva andiudza rake zhet achingobuda ndakasara nekutokotamisa Yeu pasofa yaive weekend... Yeu....haaa unondiitira sezita rako shar ndoita sendichatiza newe.kkkk Me.....unoda kundiurayisa namudhara Mayor vakuti ukuendepi nemwana wangu Yeu.....kkkkkk.handisi mwana wavo ini nei uchidaro Me....aizve hazvisi zvawakataura hre saka ndiani bhudhi vako here Yeu.....ayehwa murume wangu Moziva ndakavhunduka akuzama kutii manje...thought majokes ndainge ndatodikitira kwese zvino ...aaah mukadzi wani ? Me.....what ukutii ko iwe ndarasika Yeu....ndirimukadzi wake asi usatye ndezvekungokudza mwana wake ndazvara ndobva ndatobva ..just for temporary Me.....saka apa ukuda kuita mimba ko kana ndikazokuiitisa ini zvozodii manje Yeu....ndogoita sei isu tichishandisa protection plus zvagara ndinayo kaa mimba yacho Me....une mimba like now utori nenhumbu Yeu....ehe Me....nhai iwe wakadii kundiudza zvose ukundiudza kt ndikurara nemukadzi wemunhu ane nhumbu futi Yeu....saka iwe ukundiudza kuti ahuna kuona ndine nhumbu hre Moziva ndakamutarisa ndokutoona kuti katumbu karipo asi pose handina kuzviona ndakabva ndatoona kt yeah vakadzi vane zvivindi shuwa eish zvandaifa kufira mahara iro rakazara nyika yose ndofa hre Me.....thanks ndaziva ini hangu kubva nhasi ini newe hatizivane handiite zvekurara nevakadzi vevanhu ini Yeu.....ndakuudza wani kuti handisi mukadzi wake ndezve nguva diki Me...iyo nguva diki yacho handichade Yeu....unoda kundisiya just coz of wat l told you manje hazviite ukadaro chete ndoudza Mayor zvose ukutyei sekuti tabatwa isu tisina Me.....ndingamirira kubatwa kuti ndife ndichiona never .. Yeu....ahufe kani please usadaro remember ndine very evidence ndovaratidza saka kusiri kufa ndekupi Me...ndotaura ndaisazviziva kt uri wife yavo Yeu....your words against mine Mayor vakabva vadzoka paye pfungwa dzangu dzainge dzaenda kurefu ..takataura asi ndaive nestress ..vakatanga kundivhunza zvimwe zvekuti ndakaita zvivindi kuvadaira asi pfungwa dzangu dzaingoti asi vakuzviziva kt ndozvandiri kuita nemukadzi wavo Mayor.....wakambouraya munhu hre iwe Me...ehe but smart way Mayor....ndeipi iyoyo Me...using a gun Mayor...ok that one is fast and easy ..wandaenda kunoona ndasiya ndamupedzera anga achida kundivhara so ndoda kunoviga body yake soo kuroad ndichiita sendinoenda kudomboz Me....ok yeah ndozvandoda izvi let's go Ndakaita zvivindi asi pfungwa dzaiti ko kana vachida kuenda neni kunondiuraya ndakahwa zviweti kuti tsaa tsaa ndikatoona kt ndatozviitira asi semurume kutosunga dzemberi neshure kuita sekuti wakasimba even usina ....takasvika padumb site pavaida kurasa ndakanyepera kudaira call ndichivava nhema sekuti pane zvakanganiswa ku company...sezvo paive nema guards vakabatsira kuchera ndokurasa munhu...veduwe munhu akaraswa sesaga remagwavha akaora ..takadzoka dziri nyaya dzekuuraya ndichiidairawo nhema hangu ..ndichisvika kumba ndakapinda shower straight cold chaiyo kana nzara yakatiza Cathy....ko nhasi ahusi kuda kudya hr Me.....ayehwa ndiribhoo plus food yepano hameno zvairikundiitisa sikarudzi yangu Cathy...ipfungwa dzako hachisi chikafu ... Ndakamusiya handina kuda kuita nharo naye coz ndaive nezvakawanda mumusoro ...ndopabuda sei apa ..tiktok yandiparira handina kuzobata fon kwakurara ....kubasa ndainge ndovhiringiwa nestress ndakasvika pandakabata Jimmy ndikataura naye "Asi iwe why usingagone kudzikama hona manje pawave kundipinza napo ndogara ndine nyaka nyaka nekuda kwako hre kana uchida kundisiya pakaoma nguva dzose better ndiroore hangu coz zvanyanya" Ndaitaura naye sekunge ane nzeve kkkk..vamwe vanozvigona sei chaizvo ndakaona sekuti zvakuda ndiende kune vanobatsira coz pada ndakaroyewa shuwa ..ndiri busy kuzvitongesa kudaro Ree akapfuura instead yekuti ndifunge ndakanzwa Jimmy akutaura ari mupant shar wagarisa usina kurova mulundukwa uyo ndakatanga kuona akarova dhunu akabata corner ye table ndikaona kuti haaa zvine nharo izvi .. Me....ana Ree pfekaiwo zvakanaka muchiziva pabasa pano muchazoti hee marepwa murimi henyu munenge madenha zvirere Ree....asi pane zvadenheka hre ndipedzise musindo wacho wandinenge ndatanga Haaa uyu aive neproblem yekugara ari pazemo kutanga idzi unenge wamugonera anotanga kuzvongonyoka ..nguva iyoyo ndatozviudza kuti inguva diki ndinenge ndapedza pasina ationa pakabva papinda video call aive Yeu ...ndakangoisiya nezemo rese rakabva rapera kuti hwaa ndokutanga kushanda ...msg yakapinda Yeu ....remember ndine ma pics ndoda kutumira Mayor machats edu ini ndine mwana wavo havana zvavanondiita asi iwe pako papera ... Ndakangomuti ndipe time shar ndione tozvifambisa sei..ndaitotaura ndega akangoita 2days akandivinga kubasa kwangu ..week rose rakapera achiuya tichinetsana dzamara one day ndazoona msg yakanzi Mayor akuziva nyaya yose hameno hako Stay tuned for chapter 14 let's like to unlock fast
❤️ 🙏 👍 😂 17

Comments