Mama Ree Novels🇿🇼
June 5, 2025 at 06:03 PM
https://chat.whatsapp.com/Hz7qZ5rC3pEHQopwdVE6MH
*Written by Pastor Rebecca aka mama Ree*
*BOOK 8*
Short novels... Book tittle 📖👇👇
*GARDEN BOY THE WOMANIZER*
CHAPTER 19 *(NINETEEN)*
*YEUKAI*
Ka love life kekubiridzira kanonakidza veduwe ...ndainge hangu ndakunakirwa nekutandara na Calvin asi pfungwa dzainge dzisina kukanganwa nezva Jimalo...as for Harvest ndaida kungomupfidzisa chete adzidze lesson ...ndakaisa friend request kumukadzi wake yakazodairwa after 2weeks ndopandakaisa msg
Me.....hie dear l like your hair unoshandisei wena ndatambura nevhudzi rangu haride kukura
Her......ndine ma products andoshandisa ma natural ndogadzira ndega ..ndoshandira rice water ne mvura yema cloves everyday se spray zvobatsira
Me....thank you so much ko kugadzira unoshandisei
Ahana kuzodaira anenge munhu aigara.ari busy asina time ne phone uyu ndakaona kuti kufb anogona kunetsa ndikamukumbira number dze pa app ..ahina kudairwa ..as for Calvin hapana ainge atibata hedu love yedu pa 9months akatanga kuramba ..musi wakatanga kurwadza mimba ndaive mumba make tichinetsana
Me....ko sei wakuramba nhai inga ndaisingokotama chotadzisa chii
Calvin....haa ndakuona kt zvakunyanya zvozoita vanhu vanyumwe ndikapererwa nebasa kana kufa hangu
Me....dai taifanirwa kubatwa takabatwa plus l told you ndikazvara ndikusiya mwana handisi mukadzi wake ndakangofanana ne surrogate
Calvin.....hazvina kuipa watosvika chizvara then tozosimudzira wabva pano coz kangoma kana koririsa kanozobvaruka
Me....hapana apa shar
Ndakabva ndadhonza munhu wangu kwakuti dzvii ndikangobata panonaka ..akabva atoomerwa ndokutotanga hangu kushaker sendiri kutamba zunza mazakwatira ndakagumisa pana musharukwa aaaah maihweee akazongoyerekana apekura rokwe randaive ndakapfeka ndokutanga kufayisa basa hake ...achipedza ndakabva ndasekerera ndokubva ndanzwa ka sharp pain
Ndakanzwa sharp pain nechepazasi peguvhu kwakukotama ndakabata mudumbu mangu...ndaiita kunge ndaiswa heat kuzasi ndichibaiwa baiwa pain yacho soo yaisatsanangurika ..ndakatanga kuungudza paye
Calvin.....ko chii asi wakurwadziwa hre
Me....yes l think it's labour yuhwiii kani usamire mhani danaa vanhu
Calvin....nhai veduwe ndovaudza kutii manje vakaona uchibuda muno
Ini zvekuti ndaive mumba make ndainge ndisina dhiri nazvo chandaida kuendeswa kuchipatara pada pain inganomira ...akabuda akadzoka achingodzungaira ndakatora bhutsu ndikamutema nayo musoro
Me....mwana akabudira muno uchaita sei
Panguva iyoyo ndakabva ndazviwetera ..akabva andisumudza kwakubuda neni panze ndokumhanya kumainhouse kunodana vanhu ...ndakamhanyiswa kuchipatara faster fatser nagulez ko ku driver vaibata mota semurume zvee ...yakatsikwa yakananga kuprivate hospital ndokusviko iswa padrip ndichinzi mwana ahachina mvura ..prayer yangu yaingoti ndizvare zvakanaka ..after 9hrs ndichishinyira ndirimo ndopandakazonzwa kunge ndoda kuita pupu kugomera doc vakandirambidza hanzi fema sembwa iiih veduwee kaa labour chibaba ...ahide nharo ndakaterera kwakubuditsa rurimi panze ndokutanga kufema ndakazongonzwa zvoti gomera iwe ndiyee ummmmm ndikanzwa nyeee nyeee mwana wangu ainge abuda asi anga akaita kuzara mazerere ..
Nurse 1.....haa vamwe vanhu makasimba wanga uchiri kupihwa bonde pa9months apa
Doc.....ndosaka asina kuzochekwa zvabatsira kuti mwana abude ende zvoratidza mabva kuita wena kkkk
Ndakangosekenyeka nenyadzi zvose ndokubva ndapukutwa mwanawo achipukutwa yes ndakaponda mwana mukomana ndaive nemufaro usingaite kani zvangu zvaita ...ndakazoti zvino ndapepuka coz ndakatombobatwa nehope mongozivawo hope dzehuzvere plus semunhu ainge apona achangobva kuita bonde asina kuwana nguva yekuzorora kkkk...pandakamuka mwana aichema ndokupihwa na nurse ..
Mayor.....wamuka chipa mwana wangu mukaka asacheme uyu ..apa akasimba anenge anoda kudya
Doc....yeah he is a big man akatodza muviri wenyu Mayor...
Mayor....like father like son
Doc....mai kacheche ipai mwana mukaka uyu
Me....yuhwiii iwo mazamu akurwadza kudai iiih
Doc....zvirinani izvo tendai Mwari mazamu chete ko kuzoti dai maitwa operation or ma stitches anorwadza manje
Mayor.....ooh ahana chaaitwa pazvose
Doc.....ehe anga achazviitwa repai iye mabva kumba muchangobva kudya bota
Ndakarohwa nehana senge ichatsemuka ..vamwe vanhu havagone kuvhara magaba avo shuwa ko baba ava zvavari kutaura zvinei navo
Mayor.....kudya bota usazodaro unoziva handina hutsinye ini ndaitotya kukanganisa mwana
Doc.....usarambe ndokuziva uri bhururu wangu plus patient yangu yemakore saka watorirova ndorawedzera labour pain ive fast dai waona mwana wako abuda akaita kuchena akazara hurume hwako sies mhani kkkkk
Mayor....ndokuti Lemon zvee uku kkkkk
Ndakaona kt vakuzama kuvhara asi chiso chaive nemivhunzo hobho ..ndakange ndakungoti mwana ayamwe asi nyadzi nestress manje kuti ndikavhunziwa ndoti kudii ..ndakaita 2days ndirimo muchipatara mwana wangu ainge achiyamwa bhodhoro maiguru ndovakati asapihwe breastmilk apa ini moyo wekubereka wainge worwadza ndakudawo kuyamwiswa mwana wangu ...ndakazobuditswa ndokuenda kumba haa treatment yacho yainge yasiyana chaikosheswa mwana...ndaive muroom ndabva mukugeza
Mayor....yeah let's talk manje ndiani wawakarara naye day rawakasungunuka and don't lie to me coz ndikamuwana panofiwa
Me.....hapana handizive zvanga zvichitaurwa nadoc ini paye
Mayor....kana wave srs wozondiudza
Vakatanga kundidhonza
Me...ko moda ndiendepi ko nhai handiti maida mwana hre avepo ndisiyei ndiende
Mayor......kkkk u think lm joking hanti
Ndakadhonzewa kwakuiswa mune imwe room ndokubva vabuda ndakazonzwa chando ndokuona ndaiswa mucold room.....iih baba vanehutsinye ava ko zvine basa rei navo dai vangondipa mari yacho ndaenda ndakatanga ndichachema dzamara ndakugwagwadza mazino ndakuoma ....ndakazongoti maybe vakuda kundiuraya vatore mwana wangu mahara
......................................................................
*LEAH*
Ndainzwa hasha asi Jimalo paakazouya akundibatsira kubika dzakapera coz haa aitove comedian pachake....takazodya hedu asi ndaive ndichida kuziva kt navamupurisa vawirirana pakudii coz mukadzi iyeye aisatifarira aizvida too much ...saka nguva yatakapedza kubika ndakaita plan yekunodana jimalo ndiwane kumuvhunza ..ndakagugudza akati ndipinde ndopandakawana hezvo ainge asina kupfeka ..ndakavhara maziso aida kundionesei hangu mwana wazuro ..paakanditi ndovhundukei senge zvitsa ndakaseka
Me.....akakuudza kuti wese aita mwana anenge aona ndiani
Jimalo.....hezvo saka wakarohwerwa murima wainyara asi...hoo ndimi type inoti bbe mira ndidzime light dakubvisa hembe kkkkk
Me....kwana handitomboite zvose izvo
Jimalo....mai Maria musande saka mwana akaiswa na holy spirit
Me....shar long story ndikakuudza unoseka
Jimalo...ndatogara pasi taura
Ndakada kuramba akabva asimuka
Jimalo....ndakiya door rangu iri taura or otherwise unorara muno vabereki vako vakakutsvaka ukanzi kuseni dzokera kwawanga uri
Me....ndodzoka kaa kuno kwauri.
Jimalo.....ooh glorious God ndingafare ndochinyatsokuratidza mu light kt mutambo unorohwa sei.
Me....getaway pfungwa dzakaora ndoreva kudzoka muroom muno kwete kwauri
Jimalo.....room ino neni tiri vanhu vamwechete ..it smells me in here
Akabva auya padhuze neni kwakundipa six-pack yake
Jimalo.....smell me unhuwidze futi mumba muno mune munhuwi wangu chete kkkkk
Ndakamupusha ndichiseka aah handide muyedzo ini ....then l told him everything kuti zvakaitika ndakadhakwa l can't remember the guy
Jimalo.....eish haa saka ahuna kana chimwe chete chaunorangarira ini ndikadhakwa handikanganwe or maybe inyaya yekuti ndave gogodera pahwahwa iwe waive amateur..
Me....handide kuzvifunga coz musoro wangu unotenderera asi ndine suspect yangu
Jimalo....ndiani iyeye
Me....nevermind hazvingambodaro
Jimalo.....kusvika wataura pamwe ndini kaa tobva tangoita mhuri yedu
Me....iwe nani ndisiye hangu enda kuna Emmy wako uko .
Jimalo....ahurevi nhema love yemupurisa iginger yega yega kkkk ndombosungwa njema ndorohwa nebutton stick iri nguva yekudya kwenyama iyoyo bota ..
Me.....rega ndopakura hangu handinei ne detail rose iroro ndaita mudiki kkkk
Ndakaseka nhema asi ainge andibhohwa ..ndisati ndabuda pakaita knock padoor
Gamu....nhai veduwe todya nguvai tane nzara
Ndakavhunduka ndokubva ndavhura door uku Jimalo ainge asati apedza kupfeka ziso raGamu rakataura zvakawanda ...
Jimalo....ndouya rega ndipfeke
Me...ok fast shar
Takabva tabva ndokufamba tichienda ndichishaya pekutangira moziva kuwanikwa musame room umwe akamonera towel unoshaya kuziva kuti munhu akufungei manje ...
Gamu.....ko waingosiya kaa wapakura wozouya hako wonakirwa
Me....kunakirwa nei hangu hapana zvandaita ini tanga tichingotaura hedu nyaya
Gamu....ranyumwei mheri serinokamiwa ndangoti kunakirwa nenyaya
Me....kkkkkk mane nzara shuwa kusvika pakuda kupakurirwa imimi chaiye nhasi mauya kuno manheru hamutye kiti dzepa next
Ndakabva ndachinja nyaya ivo vaiendepi kuita kunge muronda tsimba kudaro...Jimalo akabva atevera tikasviko pakura hedu ndokudya paye semhuri ...
Shingi....guys nhasi ngationeiwo movie veduwe makutoda kunorara hre
Jimalo....count me out
Gamu....me two
Ndakabva ndatarisa Shingi
Me....count me in
Shingi....yes let's make some popcorn tinoona hedu
Me...action or horror handide ma romantic
Shingi....obvious action
Jimalo....saka ndakudawo kana pakadaro ndanga ndaramba thinking moona Nigerian dzekungochema ndoswera ndakuita kunge ndiri mu nursery ndichikunyararidzai
Takaseka hedu baba vaive neviolence havo ivavo
Gamu....saka kana neniwo kkkkk action ndoifarira..
Shingi ....kutanga rinhi imi muri vema Korean zvee
Gamu....zvose ndoona ini
Takatarisana ndokuzvisiya hedu ndopakaitwa ma popcorn tikatanga kuona ..Junior akabva kuroom kwake ainge akarara instead yekuuya kwandiri akananga kuna Jimalo ...ndokutakurwa zvakanaka akunyatsozembera achionawo tv ...zvaive zviri cutie ndikangofunga kt dai baba vake ndichivaziva pamwe vaifarawo kuona mwana wavo...ndakabva ndati will ask Farai muvhunzo wandinawo pamusoro pake ...takapedza kuona kuma 2 kwayedza kkkkk rainakidza raive rakareba...Gamu ainge arara pasofa ndokuita wekumutsa ...Junior aive arara akangomutakura kwakumuisa muroom mangu aida kuenda naye ndakaramba kkkk..ndaidawo time nemwana wangu even though akarara ka that bond kari special....kwakayedza ndisingade kumuka asi ndaive ndisina option a gal gotta do wat a girl must do...ndakasvika kubasa ndokushanda hangu ..pasina nguva ndainge ndabiwa nehope ..ndakavhunduka table yarohwa
Ree.....makutaura nana Farai maboss makutoona sekuti you are special makurara pabasa
Me....no ndikunzwa musoro handina kurara
Ree.....we don't take our personal problems kuuya nawo pabasa kana neni ndikurwara shuwa ungaite stress dzemujolo pabasa
Farai....wats going on pano.
Ree.....Leah wenyu anga akarara hake kuseni kuno pabasa akuti hee musoro wekusarara nekuda kwezvikomana hakuna chimwe
Farai....is it true nhai Leah
Me....zvekutii sir zvekuti musoro or kt wakonzereswa nemujolo
Farai....kuti ukunzwa musoro
Me....yes it's true
Farai....you are overworking yrself ndakakuudza nezuro ..let me check handina hre mapills unwe unoita bhoo you need to rest
Me....thank you sir asi l think it's coz my son was not feeling well saka husiku hwese ndarara ndakasvinura
Farai....ooh waal you have a son waal you look great like this unoita semusikana hazvitooneke kkkk Ree wakundwa kuzvibata bhoo ukuona hre do u believe kt ane mwana
Ree....zvowoneka wani
Akabva atobuda ndokusara ndakuda kuvhunza muvhunzo wangu manje
Stay tuned for chapter 20 yakwidza makata manje laikai fast munzwe mberi
❤️
👍
😂
😢
🙏
😮
46