Mama Ree Novels🇿🇼
June 9, 2025 at 08:25 AM
https://chat.whatsapp.com/Hz7qZ5rC3pEHQopwdVE6MH
*Written by Pastor Rebecca aka mama Ree*
*BOOK 8*
Short novels... Book tittle 📖👇👇
*GARDEN BOY THE WOMANIZER*
CHAPTER 23 *(TWENTYTHREE)*
*YEUKAI*
Ndainge ndave kupinda musecond 3weeks ndisina kuona Calvin ndakambozama kufeya zvakashaya basa ...mwana uya wandainge ndati ndakuita bond naye ndakabva ndamutorerwa naMayor hanzi mwana wangu ahamwe mukaka wenzenza ...ndakaona kt hapana chandaive ndakagarira coz basa ravaida ndainge ndapedza so ndakarongedza ndokumirira baba vemba vauya ndopandakataura navo
Me....makaitabasa nekundichengetq asi ndakuda kuenda hangu kumba kuna mai vangu coz pano hapana hapo chandakagarira mwana anoyamwa bhodhoro ini ndakuda hangu kuenda kubasa
Mayor.....ibasa rei zviya seunechikoro kunze kwekushadabura makumbo
Handina kuda kuvadaira zvekuti ndichaitei after ndabva pamba pavo zvainge zvisina basa hazvo
Mayor....ok sezvo wati wakuda kuenda hako wega l can't stop you..ndaida kukupa zvandaive ndakakuvimbisa asi coz of Yr behaviour handikwanise ndichakupa mari yekuti uwane kutanga something kana kuhodha bhero utengese uwane mari ..zvemwana handide kungonzwa kt wauya uchimuona without my permission achagara neni pano ende iwe ahusi mai vake am l clear
Me.....yes sir
Vaida nditii hangu kunze kwekudaira ndiwane kubva hangu..vakabva vatanga kusekerera vachiswedera pandiri
Mayor....unoziva ndaida kukuitira zvidhafu asi you disappointed me shuwa kuvhurira vapfanha vaye pandodya hre ...inyaya ye jealous yakandituma kudaro now chindipawo kaa ka something the way yaunoita iya unoziva unoita ropa rangu ndinzwe kuva fresh again like ndiri young star
Ndainzwa hasha vachitaura kudaro kumerera neshungu ..ndakangonyepera kuseka ndichizvisudurudza pavari ndopavakandibata zvine simba
Mayor....handisi kukumbira kaa ita fast ndine meeting yakakosha yandoda kuenda kwairi..
Ndakadaira nechemumoyo kuti endai henyu kaa but haiwa it was too late ndakaita kusandutsirwa pabed ndakatorovera negokora zvinorwadza...umm mari mari inechitema veduwe dai pasina iyo ndisiri kubatwa kunge tsvina kudai ..apa kurwadza kwazvo hapana kana benefit ose ma promises aive enhando...akabva auya ndokuti zivha pamusoro pangu ...ndaiita kurohwa vachiti nditambe ..chero ndimiwo ndinotambei pasina radio ..ndakatozofunga Jimmy ndainge ndakuda ripedze coz ndainge ndanzwa nekutsimbirirwa sendichafa kupera mweya kuti hwaaa kuenda kkkkk...haa my worst day ever...vakazosimuka paye vopukuta dikita
Mayor.....yeah nhasi ndakupedzera kaa kana tukomana twako tuye hatuna door kunyepa hre
Me....yeah shuwa
Maida nditi kudii hangu ndaingobvuma asi haiwawo zvipiko matumbu eishwa..veduwe kaa zvainge zvakaoma sekudhonza dovi ne straw
...ndakabva ndakandirwa mari shasha ichitobuda hayo kusara kuverenga kudai baba vaive nemashura havo ava ...shuwa $100 umm ndakarwadziwa kana Harvest vakatomupa yakawanda kudarika ini ..nebasa rose randakabata kuenda kulabour eeh ndakangonhonga nhava yangu nekutobuda gedhi ...foni yangu yakabva yaringer dzaive landline ndakamboda kusadaira asi manje umwe moyo wakati ko kana ari Calvin ndokudaira paye
Caller.....hey urisei hako it's Emmy sister ya Calvin yawakataura nayo that day
Me....hello murisei henyu
Emmy....ndirinani hangu ko ndaida kuziva kt kubva zvawakaita ahuna kumuona nanhasi ahuna hre ungave ne idea kt wat happened ahana waakanetsana naye before his disappearance hre ..
Ndakambonyarara ndichishaya ndotaura chokwadi hre or ndonyarara
Me.....aah no hapana
Emmy .....let me make things clear with you
Voice rake tone yaive yachinja ndakashaya kt ko zvaipei ..
Emmy....lm a cop saka ndinayo information yose so better hako utaure wega coz right now ndafona nenumber yekubasa uri pa record zvichazoshandiswa zvose zvauri kutaura izvi kana nguva yakwana so be wise hako kuitira kana chiripo chaunoziva usazotongwe mutongo wakaomarara ...coz information yekuti akanyamalala pamba penyu ipapo ndinayo ende kuti iwe waive uchiwirirana naye tinayo ..
Ndakamboramba ndiri zii ndokugadzika nhava yangu pasi apa dikita richiyerera zvekuti yaive nguva yechando zvonzwika nearipamutambarakede kwete ini ndaive ndakaita kugara pa razor chaipo
Me....wait let me tell you hangu my own side of the story kusvika pandoziva
Ndakataura kunge munhu akabatirwa time nekuda kwe fear
Emmy ....hey Yeu slow down don't be afraid ahuna mhosva iwe
Mashoko iwayo akaita ndive calm mbichana ndokunyatsotaura ndikapedza ....apa ndainge kaa ndisati ndabuda gedhi ..akabva andivhunza kt saka ndikurongei kwakumuudza kt ndakutoenda
Emmy....no don't go ndoda undibatsire tibate Mayor mhondi iyi kt yakaurayirei brother yangu ..plus also remember vane mhosva waive underage akakunyepera saka he won't go free but toda evidence manje
Ne pain yandaive nayo shuwa kt ndaive ndoenda ndisina mota kumba ndakaona kuti yeah regai ndigare ndimugadzirire size rakajaidzwa zidhara iro..ndakatodzokera mukati kwakunotsveta bag ..vekudawo nyaya vakangovhunza kt kwakanaka ndikangoti kungagoipei hako ndokutonyarara ndakadaro ...ndainge ndofunga zvekutaura manje kuti ndoti ndadzokerei ..sezvo Mayor vaiti vakasvika havagare also vanogona kupedza 3days vasipo ndakapotsa kutoita svondo ndisina kuonana navo ..musi wandakadhumana navo mupassage he was shocked
Mayor.....ko iwe uripano ukutsvakei pano
Me...handikwanise kukuudzai takamira kudai zvoda takagara
Ndakadhonza ruoko rwavo ndiri mberi kwavo ndichiita kufamba ndichiwaina zvekuti ndivakonzerese ...nekuziva dhara racho ndakatoona roita richindirova mabum bum angu ...ndaibva nda shaker shaker nekusekerera ka laugh kenzenza kaye kt kaa zvityise kkkkkk...ndakasviko vagadzika pabed ini ndokugara pamakumbo ndichipuruzira tundebvu tunenge twekagotora twaive pachirebvu..
Me.....big daddy Lee (lemon) shortcut zvee kkkkkk ndakazosara ndikaona kt shuwa mairevesa hameno mweya waive wandibata inenge mimba chete yakaita ndimboita half mupengo coz as normal as lam now kubva kare moziva ndaingonakirwa nemi zvekudaro ...zvamakandiita paye please l can't live without that so chero henyu mukati ndigare or ndiende asi ndopota ndichidzoka just for that special service ndoda hangu ini
Apa ndainge ndakabata ruoko rwavo ndichirwu fambisa mukati meskirt yangu kusvika ndavabatisa panopisa haa kana mashoko dhara rakashaya rakatanga kutochinja mafemero ndikaona ndakutobviswa hembe ndatoiswa pasi shasha yakutanga kutatarika iripo padenga ndokubva ndangoishandura ndikatanga kuibhabhatidza nemamovements apa ndichivhunza
Me ....please daddy say something mandiregerera hre
Ndaiti ndikakanda muvhunzo vasati vadaira ndoita style inonzi pin lock yekuvasunga saka zvaiita vagomere vondibatirira ndoregedza vakazongobowa vachidaira
Mayor.....ehe ndakuregerera kani
Vakadaro vachirasa mbeu ndikati yeah one down next move manje shiri yakabvuta rekeni ...ndaida kuwirirana namainini coz ndovamwe vaifarira kutaura too much zvekuti kupedza nguva navo vaizodhomoka chete ...haa vakuru vaive vakaoma musoro vaisada zvisina basa manje ndovaiswera nemwana wangu ...
...................................................................................
*LEAH*
Pandakazobva kumba uko ndakasvika ndichiseka hangu na Jimmy ndakumuratidza midzi yaaishandisirwa akasvikoda kundibata ndikatiza nehupenyu hwangu kkkk...akabva azoisa msg mufoni mangu
Jimalo.....munhu akakupa mwana ndikamuona ndoda kumurova
Me....kumuroverei kkk
Jimalo....shuwa akatadza kukupa uri sober hre so that wainzwa mutakunanzva woregera kuutiza sezvauri kuita
Me....haiwawo mutakunanzva wekutanga wambokerengewa handiude ini ndoda natural
Jimalo....une shuwa iwe kkkkk mira ndichakubata ndoda kukupa natural uone kt hazvina kana kumbosiyana wena ndagara ndiri chibaba shar zvemidzi zvakatondivhiringa izvi
Me.....dai uri chibaba usina stress yawakaita kusvika pakuvhunza Gamu nezve dzinhi rako
Jimalo....ukutaurisa kaa uri kure mupfanha ndichakubata hako dzoka utaure face to face
Me....unofunga ndokukwata hre nhai midzi as long usina kunwa midzi yako handikutye ini takangofanana
Jimalo .....iri bhoo farisa hako
Ndakabva ndaseka hangu ndokubva ndatosiya foni kwakuenda ku wire kunotora zvipfeko zvangu zvandaive ndayanika...coz iih kuti zvirare panze ndaisada aah ndaingoti ndikafunga nyaya yemumwe musikana yandakaona pafb hana yangu yairova....aive akayanika zvipfeko zvake panze kwakumuka nduwe rake asingarione ndokuzoriwana after 5days iye akafunga kt rainge ratorwa nemhepo akabva arigeza ndokupfeka from there mimba yakatanga kuramba kubata achibuda ropa waya waya kusvika aenda kunobatsirwa ndokuonekwa kt aive akashinhirwa pant rake achitonwiwa ropa nezvikwambo zvabmnn vake ...kunze kwakaoma kune vanhu vakaoma ndirimundangariro ndichiyananura pant rangu ndakavhunduka kunzwa munhu achindibata muchiuno
Me....Jesus christ of nazareth
Jimalo.....unondikuvadza negokora uko ukuvhunduke wati ahukwate wani
Me.....kwana uko aah wandirovesa nehana ko ukutsvakei panze
Jimalo....ndanzwa hwema hwako ndikabuda kuzopedzerana newe..
Me....kupedzerana neni kudii kwacho
Jimalo....panyaya yawanga uchitaura iya pafoni.
Me....aah ndanga ndichitamba ini
Jimalo....hehede huri kutamba kuti panga paine radio hre wati iwe ahunditye coz handina tsinga ndiri fluffy handiti kundienzanisa nemakushe inini manje
Me....ndiwe hako wakudaro ini handina kudaro aah kkk
Ndaisaro ndichidududza kudzokera kumashure coz aive akandivharira nzira..manje akaramba achitevera kusvika ndadhuma kumadziro
Jimalo....usatye handityise ndoda ubate and confirm zvawataura
Me....unorwara brain kkkkk aah ndozivei musiyano hangu zvotoda Emmy anoziva iri natural ukanwa now ukaenda anokwanisa kutaura
Jimalo....ndauya nayo iri natural saka bata uzvihwire ndozonwa wozobata futi
Takatanga kukikiritsana paye aitove srs nhaimi kkkkknyaya yekudenha iyi ndapfidza
Me...sorry kani handichadaro futi ..ukarega kundisiya ndodaidzira kt rape
Jimalo....ndobva ndati covo netsunga zviripano kkkk ndivaratidza ma msgs ako ose
Ndaive ndarivara ndakamutarisa kumeso achitaura dakazovhunduka ndabata danda baba iiih hazviko guys ..ndaka screamer ndichitiza iye akaseka ndokubva ndanopinda mumba kwakuvhara door..ndakatora nguva kunyatsofunga kt wat just happened ndatobata dzinte remunhu kaa ini maihwe kani kkkkk ...pakabva papinda msg mufoni mangu kuvhura
Jimalo.....zigwara apa wasiya wandidenha futi
Me......kkkkk ndisiye wazvidenha wega aah
Jimalo....usadaro waita hutsinye ndakuenda hangu kuna Emmy
Ndakabva ndarega kumudaira kwakurara asi hope dzacho dzinenge dzaive dzatumwa veduwe kurota ndina Jimalo tichidanana hedu chaiko kurwizi ende futi ...ndakamuka kugadzirira kuenda kubasa kusvika ndakawana team richiita kufara kani
Ree.....eeh Leah ndati ndikuudze lm no longer working here kutanga next week moving out to my new workplace
Me....oh waal makorokoto wena
Ree.....asi Farai ahana kukuudza hre ahusi kuendawo
Me....hapana chandiri kuziva ini
Ree....coz kusara pano dzinenge dzangove nharo hapachina mari pano kkkk
Farai.....hana yako ahina kutsitswa iwe kkk ndaizomuudza kaa zvino wakanganisa surprise yangu apa
Ree.....haiwa ini wakangondiudza wani saka surprise yei apa zviri obvious pano zvadhakwa and we need her also
Ndakaita sendisiri kuziva zvavaitaura apa ndichiti nechemumoyo dakuzviona hangu ...date remeeting havana kuziva kt murungu nemhuri yavo vakuuya vaifunga ndivo vachavharisa dhiri nechitsotsi chavo vorova pasi ...so rakati rasvika tiri mu meeting muya vasati vasaina ndopakapinda boss ..
Farai.....aaah boss mauya ko.miviri yavesei
Kwaingove kuvhunza semunhu anerudo asi zvipi aive arohwa nehana ahana kuziva kt ahasati atanga more is coming ...Jimmy akabva apinda wo
Stay tuned for 24
❤️
👍
😂
🙏
😢
😮
1.5K