Mama Ree Novels🇿🇼
June 12, 2025 at 07:22 AM
https://chat.whatsapp.com/Hz7qZ5rC3pEHQopwdVE6MH https://chat.whatsapp.com/DIatqG8elrv0fzJA5Ewbsc *Written by Pastor Rebecca aka mama Ree: Book 4* It's a free book read, comment and share our channel link below 👇 https://whatsapp.com/channel/0029VakhBWjK5cD96R5nGM1t Facebook page 👇🏿👇 https://www.facebook.com/share/p/J1NEtDZEuBJDTHrH/?mibextid=oFDknk *(Short novels) Book title 👇* *MADHUMBE RONIKA* *CHAPTER 1* *RONIKA* 🗣️Iwe Ronika tora huni idzo kwete kuita zvekutamba ipapo ahusi kuona kuti kwakuda kunaya hre🗣️ Vaive mai vangu vaidaidzira havo tichitsvaka huni 🤦‍♀️ndaitodya zvangu mabhubhunu Mama... Unongofunga kudya chete uchadya nezvinourayisa.. Me...ndikuita wani mama svinga rangu rakwana iri Mama.. Rako nderipi ukati ahushure hre iwe kasvinga kadiki ikaka une husimbe chaiwo iwe.. Ukati une chaunogona hre kuitawo Me... Zviripo wani kuchikoro Mama... Im not talking nezvekuchikoro ndoreva basa remaoko nekuoma kwaita nyika uku chikoro hachitembewe vanhu kumabasa vakupinda nekuda kwekuzikanwa.. Ndakutokutaudza kaa wabva wamira sabhiridha apererwa ne cement aripakati pekuvaka kaa Ruva... Mama munomuziva mwana wenyu once matanga nyaya anotomisa nzeve setsuro akuterera Me... Eeeh eeeh ana Rubheni barwe mapirwa nyaya iyi nani yati yasvika kunemi nguvai Ruva... Waurikuti Rubheni barwe ndiani ndokurova izvozvi soo Mama.. Hey hey Ruva ita semunhu mukuru iwe siya kunetsana nemwana uko Ruva... Ndozvakaita vana hre izvozvi mama.. Akutoita problem muchingomuti mwana achiti jairira nawo muromo wake wakatesvera sekanyamukoho Me.. Haa zvemuyedzo inouya yakasunama iri mucup se tea handide hangu coz ndoinwa Mama... Ndakuzokurovai manje makundijairira ndati handide vanhu vanogara vachitukana.. Takurai masvinga enyu tiende uko Takabva tasimudzana nemasvinga edu.. Ini hangu kuenda kuhuni yaingove nyaya yekuti ndatumwa semwana but ndaisada zvachose infect zvebasa zvaisava mandiri tisu vanhu vaye vairehwa kunzi nyope asi wanditi pachikafu ndaidya zvekutodaro.. Ndatove ndiri grade 5 ndaive ne9 yrs ndakajambiswa grade 3 nenyaya yekugonesa kuchikoro zvangu .. Zita rangu ndinonzi Ronika mumba medu tiripo 3gals chete wekutanga anonzi Ratidzo wechitwo Ruva then ndini ndaive gotwe wacho....baba vangu vaivepo asi zvaive zvakafanana nekuti vaive vasipo 🙄vaive baba vezita vakange vaenda zvavo nenyika vakasiya amai vangu nekuti vaive vazvara vana vasikana chete chete.. Saka kwavakaenda vakasvika kunoita mukomana nemusikana so vari happy ikoko.. Kuti tidye mai vangu vaimira mira taigara hedu kumusha kwaMurehwa kamusami.. Ndichiudziwa namai vangu vanoti panhumbu yangu havana kuenda kuscan vakaenda kune vamwe madzibaba akasvikovati mwana wenyu mukomana vakafara zvisingaite namudhara anga achiripo.. Hanzi tikatenga preparation yechikomana nekutokupa zita rekuti Kelvin Junior zita ramudhara kkkk.. Hanzi namama musi wavakarwadziwa nemimba kumba kwakasara kuchitwa mabiko mudhara akaura mombe.. Mama vachipona nurse ndokuti makorokoto emwana musikana....vanoti ndakafunga kuti majokes but vakazoona kuti shuwa ndiri musikana.. Hanzi mudhara paakazviziva akatanga kuchinja hunhu hwake ndave ne3 months ndopaakatora nhumbi dzake ndokurova pasi nanhasi ariko kunew family tinongonzwa nehama dzamudhara nekuona vana vacho pavanouya ku holiday coz mai vangu na mudhara ndeve musame area.. Vakaita rooranai vematongo yakarehwa makare kare yaive yakanaka asi yakaipa futi coz mukarambana kaa kwekufambira unokushaya hazvizode kuita ex apa ari muvakidzani wako nekuti akaita chakanaka unogona kurwadziwa especially kana wakaita zvekurambwa... So zvakaitika from there mama vakatanga kutichengeta hedu tichingonzi pamba pe gals.. Tose taigona kuchikoro asi kunyanya ini ndaive pamberi.. Sis Ruva aive akanyanya kuwandira kune zvinoda simba rakawanda kotiwo Sis Ratidzo vaive vakawandira kune zvekubika bika nemumba saka taitozivana hedu.. Hondo yavo neni yaive yepabasa especially sis Ruva iih vaitoita tsomu tsomu neni chaiyo.. *back to my story* Tadzoka hedu kuhuni kuye ndikasviko tura svinga rangu ndichinzwa huro kudairira Me... Yohwe zvangu ini mamoyo special.. (ndakadaro ndichiswatanudza mutsipa wangu) Sis Rati... Iwe une drama chairo shuwa kasvinga katoko toko kakadai ndiko kowogomera senge uri mulabour ward kudaro Sis Ruva... Vhunzai wo henyu akoma chii chakadaro chinenge ngozi ichochi Me... Eeh eeeh ndisiyei zvangu vanhu tinosikwa zvakasiyana umwe neumwe ane kwaakawandira..ini ndakawandira mupfungwa ndosaka ndakapihwa chiso chakanaka.. Check vanhu vose vakanaka vanogona vane brain... Koti sis Rati makawandira kuzasi ndosaka muchigona mabasa emumba ndimi mawife material... Koitawo imi ana sis Ruva makawandira kumusoro senge maIndia ndosaka mune simba😂 Sis Ruva... Saka apa ukuzama kutii.. Ichiri nyaya yehusimbe hwako or wakutondituka Ndakaona kuti vatsamwa.. Ivo vaitangirei musindo wacho so ndakabva ndatoteyera kurova speed coz pa fight ndaive ndisingagone simba rangu raive rakawandira kumuromo sepinjisi kkk Sis Ruva.. Nhasi ndoda kukurova chaiko wakajaidzwa Pandakanzwa izvozvo ndakabva ndati chitsoka ndibereke ndakarova muramba mhuri ndakananga nekudanga remombe ndokupoya pabhambundi wire yamai Sirivhia vepanext pedu.. Ndichisvika ikoko ndakacheuka kuti ndione if she is still coming.. Kuti cheu kudai ndakanzwa zimhere Sis Ruva... Maihwe ndachekwa iiih magadziko angu kani 😭 Ndakaona kuti pavakada kupoya pa wire vakahakiwa kune vanoziva wire dziya dzemusha dzinenge dzine zvipfundo zvipfundo zvinobaya dzingori nhatu... Ndozvapaive pakaita saka havana kunyatsokotama vakabva vabatwa.. Dai vakadamburwa skirt chete zvaive nani manje vakarohwa ne underwear yacho zvese ne ganda racho chida raive dema dema 😛... Me... Tionei sis hamuna kukuvara hre... Hezvo ko makuvara gadziko rimwe chete wani pamachema ndanzwa muchiti maviri kaa ndikatovhunduka Sis Ruva... Hooo farisa uchidaro uchiri kutaurisa futi Me...sorry sis kungovhunzawo Vakabva vanonga danda kuda kundirova naro saka handina kuona kuti kumashure kwangu kwaive nehuku yaiuya netuvana twayo twayainge ichangobva kutsotsonya.. Ndakazonzwa kuti pwaaaaaa kutarisai kudai wanikwe ndatswanya kamwe kanhiyo... Apa huku yaive ne5 chete vana kureva kwasara 4...maihwe zvangu na mbuya Sirivhia Sis Ruva... Unonyanya dzungu hona zvawaita manje wakaita seiko iwe unongogara uchipara mhosva Gogo Sirivhia.. Maihweee kani huku dzangu dzafa Hezvo asi gogo ava soo kaa iko kakwiyana kamwechete ikaka ndokavave kuzendemurira zimhere kudaro Me... Sorry gogo ndatsika ne mistake Gogo Sirivhia... Nhema dzako iwe watsika uchida haikona kunditaurira zvemanga manga.. Unomboziva kt imarii ipapa yawaita ndishaye everytime unoita kutsika kwako pano panoitika minyama last time tumwe tuhukwana twangu tuviri twakatorwa nemakondo Aikaka ko iyi ndeipi manje yakutaurwa nambuya moziva in life soo unenge uchitombozama kuita munhu kwaye asi vamwe vanhu vakuru vanongokutokonya vapedza vozoti hee mwana uyu ahana hunhu.. Sis Ruva... Zveshuwa gogo muregerereiwo atsika asingaone Gogo Sirivhia... Asingaone kudii kwacho kuti ibofu hre ndoziva munenge matumwa manje sorry yenyu haidzose huku yangu mototenga henyu Me... Yrah now mazotaura manje kuti mukuda mari kwete kutenderera kwamanga muchiita paye saka apa tikubhadhara huku yekuti hatizive kana yaizotokurawo since dzose dzamunoita dzichifa Gogo Sirivhia... Uyuwo anoti kutsvuka kunenge mayekera netsoko ndokubinha nemudonzvo wangu uyu Vakabva vaupotsera ndokubva ndanzvenga hangu.. Chembere yaituka hayo iyoyi.. Ndakabva ndaunhonga kuti ndiva svitse mutsvimbo wavo Me... Nhai gogo zvinomukaita hasha dzinenge dzegurwe rinodambura makumbo munozofamba nei muchiziva kt iyoyi tsvimbo igumbo renyu rechitatu kkkk Havana kutauta vakadhonza tsvimbo yavo kwakutanga kufamba vakananga kugedhi ndakatoziva kt vakuenda kumba kwedu kunoreva kkkkk.. Sis Ruva.. Better vaenda kunokurevera kuna mama umborohwa mbichana Me... Vagona wena coz shoko raMwari rinoti rovedzera mwana munzira yakanaka yaanozokura nayo Sis Ruva.. Haa iwe une one yakadambuka chete or brain dzako dzoita dzichibatana.. Manje nhasi namama kaa Vakabva vatanga kufamba havo vachienda vakabata nguwo yavo yaive yaita seyarazaro kkkk.. Ini ndakatanga kutevera bit by bit hangu.. Nekutya kusvika kumba coz kune nyaya ndakabva nda corner pamuti wemuhute soo kwakukwira kuti ndidye ndirimo ndakanzwa munhu pasi apa kaive kakomana kandaitamba nako ini ndaitamba neboys chete kainzi Tobias.. Aka tainzwanana manje pakutora zvinhu zvevanhu tisina kupihwa kkkk.. Shuwa nehuku dzataidya idzodzo ndaishaya kuti sei kaitadza kukora nhaimi kaive kakatsonga.. Tobias....asi wambozviwetera hre nhai iwe Me... Aaah nei wadaro Tobias... Ndaona kadzoto kenduwe yawakapfeka kusviba pakati or ahuna kuchinja wane mazuva nako Me... Watanga kuda kukonana neni iko kwanga kwavira zvakanaka.. Better nderangu rakasviba ko iwe unopfeka rasekuru vako hanzvadzi yamai wakasunga negavi Tobias... Hooo hooo sorry ngaipere.. But shar ndakakuudza kuti zvemumuti zvoda vanhurume or wopfeka short hako Me... Haa hakuna zvakadaro ini ndosvika ikoko kunonzi kunoyera chero ukaona ahutore Ndakadaro ndichienda kubazi repadenga denga racho handina kuziva kuti pane mago ndakangonzwa tsiii Me... Maihwe ndarumwa Ndakadaro ndichiregedza davi randaive ndakabata ndokubva ndati pasi puuu imiwoye ndakatomboona baba Abraham chete coz paive nemurume ane hupepe hwendebvu chena akanditarisa..imwe inenge yaive ngirozi Maikoro yehondo chete coz yakabva yati uyu ngaadzokere kwaabva ndopandakapepuka wanikwe ndiri panana moms Stay tuned for chapter 2🔥🔥🔥
❤️ 😂 👍 🙏 😮 😢 302

Comments