Mama Ree Novels🇿🇼
June 13, 2025 at 04:42 PM
https://chat.whatsapp.com/Hz7qZ5rC3pEHQopwdVE6MH
https://chat.whatsapp.com/DIatqG8elrv0fzJA5Ewbsc
*Written by Pastor Rebecca aka mama Ree: Book 4*
It's a free book read, comment and share our channel link below 👇
https://whatsapp.com/channel/0029VakhBWjK5cD96R5nGM1t
Facebook page 👇🏿👇
https://www.facebook.com/share/p/J1NEtDZEuBJDTHrH/?mibextid=oFDknk
*(Short novels) Book title 👇*
*MADHUMBE RONICA*
*CHAPTER 4*
*BA SAM*
Ndoziva vamwe munondiziva sechidhakwa handisi chakanyanya hangu ndiri munhu anongofarira kumwa pandiri ndopane bhodhoro redoro hatisiyane....ndine nyaya dzikundishungurudza dzakati wandei.. Yekutanga ndeye brother yangu anova fisrt born wemumba medu since chizvarwo chake ahasati akambomitisa kana kumbopomhedzerwawo hake mimba chero isiri yake but anoita mari zvisingaite 🤔..
Isu tichikura takakura pabig family tairarama nemaricho patiri tose hapana akadzidza zvekudaro taivepo only 3 boys and 3gals.. Chakapa ndisade vana vasikana inyaya yekuti vose vari vatatu hanzvadzi dzangu vaingomitiswa vachiunza vana pamba zvinova zvakashungurudza vabereki vangu.. 2 vasikana vanonditevera vakazoshaika nechirwere cheshuramatongo vasiya vana vavo 8 vaizvara kunge nguruve ndaishaya kuziva kuti vaisaziva kunowanikwa mapills hre or zvibutiro zvebepa.. After 2 vasikana kunozouya mukomana Barnabas wandirikugara naye... Kadiki kalast born ndokanemimba now hakade kutaura muridzi wayo.. .. So vanasikana its a loss imagine kusiya 8kids.. Saka ndaive ndakazviudza kuti ndoda boys only coz ini namukoma wangu ndisu taitochengeta vabereki nezvana zvanasisi izvi.. Uyuwo Barnabas ahasati ane mwana asi haa unorova bhora mberi manje pama bbe ahamise... Iyeyu nemukadzi wangu vanogara vachinetsana zvozopa kuti mupfanha wangu anditi sometimes ndakabhaiza.. Another day akandiudza fact doro rakapera kuti hwaa mumusoro ndaive ndatonga nyaya yaive yaitika ndakasvika iri noise pamba
Me... Nhai chii chaitika kuti muite noise kudaro
Mai Sam... Munin'ina wenyu anojairira uyu..ahade kutumwa neni ndamuti andibatsirewo washen ahade basa kuswero kuda kuona tv
Barnabas... Zvimwe zvose ndingaite asi kwete kuwacha hembe dzenyu inga mumba ndokubatsirai wani
Me... Ko chakaipa chii nhai mwana wamai kubatsira gulez vako
Barnabas... Blaz musaite semakadyiswa muswe wedhongi kaa imi musina kurikuda kungotsvaka easy way yekupedza nyaya nekuti hamude gulez vazokunyimai mave mega... Ini lm not your house help so forget about that l wi rather pack and go ndogara mustreet pane kuonekwa ndichiita zvekuwachana nema braa enyu nema skirts pano... As for you mukoma lm highly disappointed in you ndozvamakasiyira munhu ayiwachira dzinza rose aishanda sebhiza kuti mude munhu asina chaanogona but only to challenge you... Simudzai musoro before its late.. Now hapana anotsika pano kunze kwedu isu takashinga look how skiny your sister is now.. nxaaah
Achipedza kudaro akabva abuda since handisati ndakamboona mupfanhq wangu akatsamwa kudaro so from that day ndakatanga kutaridza mukadzi wangu kt lm the man of the house... Zvakange zvave nani asi mongozivawo shiri ine muririro wayo hairegi mai Sam aingoti at any silly mistake oti vadzosere kumusha or rent an apartment for them somewhere...
So imwe nyaya yaindinetsa yepiri ndeye nhengo yangu umm veduwe yekufurirana pachirume iyi yekudya mishonga kuti size iwedzere yandiparira.. Hameno kamwe kandakapihwa kudoro hanzi kanonzi muhandineti ndikakadya sabhuku havarare zvekudaro saka nekuda kufadzawo ana madam ipapo ndaidanana navo vari 2 namai Ruva.. Ndakadya shuwa kakanoshanda wena ndakazvambura mai Ruva husiku hwese ndisinganeti ivo ndivo vakatanga kuchema chema kuneta ndokubva ndazoswerera mai Sam haa uyo raivewo bhiza zvee takakweshana kusvika zvaita.. Saka ndakaudziwa kunzi kanodyiwa ka 1 pamwedzi ini ne nhafu ndairova pe week... 5yrs down the line ndatosiyana namai Ruva nhengo yangu yakatanga kuneta neta kuita kunge hohwa hwarohwa nezuva huye... Tsinga dziye dzaisiti tare tare ndakange ndisisadzione yakugara yakakombama... Yaingoita kakutwasanuka kana ndichiweta chete.. Ndakazobatikaa rimwe zuva ndatukwa namadam.. Vaive vazama kutombotamba tamba neni wanikwe dololo pfuti kuramba kukoka.. Payakaita kakutwasanuka vakafara ndokubva ndati.
Me... Mira mbichana ndiite weti
Mai Sam... Hee ukutii mira titange taita wozoweta
Me... No hazvichaite ndapresewa
Ndakabva ndasimuka ndikaita ndapedza ndokubva kati fototo se tyre raponja
Mai Sam... Haaa ba sam saka yatovata futi kureva yanga yamiswa neweti chete.. Nhai iwe wagove mwana mudiki hre bvaa watove Sam kaa pwere zvayo better utonochekewa mazinhu ari seri akaremberera mahara paite plan sepemwana coz hazvibatsire kuremererwa mahara kaa..
Me.. Instead yekuti tionesane how to solve this problem wakutondiwanzira... Pamwe ndakatogadzirwa zvoda tifambe coz kana ndakarara ndikakurota ndotomuka sabhuku vakagumbuka
Mai Sam... Unodii kubva wandibata wotorova basa
Me... Ndinenge ndiri muhope ndosaka ndikuti zvoda tifambe kuma doctors kana n'anga maporofita handide akambondinyepera
Mai Sam... Okay tozofamba manje imi problem hamurongeke nemi chinhu nekuti hamubatike..
Ndakazoudzawo vamwe kubhawa vakanditi ndisaende nemukadzi ndizvifambire ndega... And for sure ndakaudziwa na doc kuti zvandaimwa ndozvakakuvadzisa tsinga dzemujaya wangu🥹.. Kureva hre kuti hupenyu hwose ndakuita serubber... Saka nguva zhinji ndaisabatika pandaiuya ndainyepera kudhakwa hangu coz umm hapana chinhu chinorwadza sekuti matopedza hre ipapa....
Ndakamboti regai ndizame kunze pamwe ndakashinhiwa kuti zvisadaro kuna madam chete ndokunyenga kamwe kamusikana ndikatokaudza kt ndine mukadzi ndezvemusi iwoyo chete manje iko kakabva kapinda nemoyo.. Saka kutaura kuno ndonyaya ikunetsa mumba namadam vakabata mamsgs ndaive nda saver number dzako kuti . C. C. S
Mai Sam.... Nhai ba Sam ndiani ko akanzi CCS uyu
Me... Aitasei?
Mai Sam.. It seems like mogara makafonerana nayr everyday kudarika zvamunotoita neni
Me... Watanga kuchengera nhema ukubatirei fon yangu..
Mai Sam... Kutanga rinhi muchiramba nefon yenyu asi mune zvamuri kuvanza hre
Me... Aah ndovanzei hangu ini ndokuziva kt unenge uchida kutsvaka nyaya that's why ndadaro
Mai Sam...hapana nyaya yandiri kutsvaka ini ndangovhunza
Me... CCS.. Its customer care service.. Ndaida vandigadzirire zve card rangu rezororo
Mai Sam... Hoo ok saka zvakazoita hre
Me.. ehe..
Ndichipedza kudaira kudaro pakabva papinda msg..
Mai Sam...hezvo ko customer care akutumira pic rake akashama 🤔
Me... Maybe its a mistake tione
Mai Sam... Musada kundiita kunge pwere imi ndatoona ma msg ese aya kubva pamakarara naye achitenda.. Kureva kt kunze uko zvikuita ini ndini wamuri kukaurisa nenzara kaaa ndakati hatifambei mukuramba
Me... Akati zvakaita ndiani aitonyepa uyo ndaitozama kuona kt zvoita hre asi hapana chakaita
Apawo ndairevesa to my side handina kuona chakaita asi musikana uyo akaratidza kuzipirwa ndisingazozive kt zvaive zvekurevesa hre or kuda kufadza mutengi kuitira awane mari yakati oooh... Haaa chakachaya mai Sam vakavava munongonzwa imi kubva musi uyu vakupfeka zvavanoda turokwe tudiki kuda kundifinhura manje ini pressure zero as long ndawana mhamba yangu..apa miyedzo yacho so pazvaisunga kumba my customer care services aitonetsa seakadirwa paraffin mubhurugwa kkkk
....................................................
*RONIKA*
Ko nyaiya iye zvayainge yakora muto zvino tose takateya nzeve Timothy achikumbira ruregerero kumukadzi wake
Mama... Zvakawanda tazvinzwa ini nyaya yave pamwana wangu ane mimba uyu ukurongei nayo
Timmy... Ummm anoibvisa hake coz ndinavo vana vakawandisa
Mama... Aya makajaidzwa ko mwana wangu akafa
Mai Timmy... Zviri pa 2 anogona kuuya kumba or ogara kuno tichimuchengetera mwana wake
Me.. Yooh yekugara iyo kumba kwenyu ahiite havangaende pachipare.. Kana mai vangu vakashanya vanosvikoti vakuda kuona mukwasha shuwa munhu wavaimbofambidzana naye haa hazvibude..
Mama... Taura hako mwanangu mochengetera mwana wacho aripano hapana chakaipa
Mai Timmy... Asi imiwo mai Ruva chinjai marerero amukuita vana aya.. Harusi rudo mukuvakuvadza honai kwazvazosvika now.. Vanhu vazhinji vaku complainer nevana venyu ava.. Play mom role now.. Ndoziva mugoni wepwere ndiye asinayo asika pamwe pacho tofanirwa kubatsirana sana amai.. Mwana wenyu imi ahasi wenyu mega ndewe munhu wese moona now dambudziko kana ravepo toisa musoro pamwe chete..
Yeah even ini ndakatenge ndichibatawo ma points ipapa vairevesa mai ava.. Havana kumirira ipapo she continued
Mai Timmy... Moona ini ndine vana ava nguva zhinji ndinenge ndinavo ndega ava baba ndeve zita vakafanana neiya mifananidzo yakaiswa pama statue atoona ana mbuya nehanda.. Vana ava ndini ndotomira kuti vaende kuchikoro vaite basa vadzoke nguva dzakanaka pamba... So imi regedzai kuda kunzwirwa tsitsi nenyika muchinzi makasiiwa vana vemu single no musazvitukise itosimbai muite baba moita amai pavana venyu.. Now Ronika arikufamba achiba you must stop her before its too late
Me... Aah aaah zvamatanga zvakanaka wani ini ndakambokubirai hre or vanhu vanongondimkaa havo vachitaura zvisipo..
Mai Timmy... You are very intelligent l know you but ndatokuudza soo siya izvozvo
Me... Maitabasa chidzokai kune yakakosha yemurume wenyu uyu watabata pano
Nhaimi vanga voti tsika tsika neni kudaro zvekuita kunge vaiti nhasi ndakubatira pano... Manje yavatanga iyi vachaudza vamwe vane humbowo hwakakwana kwete makuhwa avakanzwa... Nyaya yakatongwa ikapera vanhu vakawirirana kuti mwana anochengetwa ari pamba pedu.. Kubva day ravakabva my mom was no longer the same mom we used to know she was more strick yooh... Pamba paive popisa zvekudaro uchibuda waitotaura wodzoka time dzaunenge wataura... So Rati aida mazai ndikabva ndatumwa kunopihwa kwamai Timmy.. Ndkatoenda ndokupihwa pakudzoka ndakaona huku paroad yaibva kukandira yambuya Sirivhiya semunhu anoziva kt kune nyoka neshiri dzinodya mazai ndakaona kuti hazvibatsire kumasiya ipapo odyiwa nezvikara pane kt ndidye hangu.. Handiti zvinonzi chawawana idya nehama mutorwa ane hanganwa kureva kuti kudya kwangu kuri nane pane zvishiri zvemusango... Ndakasvika ndikapa sis Rati 12 mazai avo.. Iniwo kwakubika angu 6.. Ndikaita kurova nekachimunya kwaitove kuseni... Gare gare nguva dzekumasikati ndakanzwa mbuya Sirivhiya kupopota vachideedzera vakamira pawire
Mbuya Sirivhiya...iwe Ronika huya pano undiudze kuti watorerei mazai ehuku dzangu
Munhu wese akabva abuda mumba...
Me...handina kumboziva kt ihuku yenyu ini ndangoona ari pasi thought ndeenyoka sezvo ndakanzwa kuti pane black mamba inogara apa..
Mbuya Sirivhiya... Usanyepe iwe unoti shavi rekuba woti kunyepa futi wakamboona zai renyoka rakakura kudaro hre
Mama... Ishuwa hre watora mazai
Me.. Handina kuziva mama coz ndaona ari ewhite akasiyana neandabva nawo kwamai Timmy
Sis Ruva ... Unonyepa iwe
Me... Chindiudzai kaa imi moziva chokwadi chacho
Mama... Haikona kuchenama zvisina basa uko..watorerei mazai ambuya
Mbuya Sirivhiya... Ndaneta nekubirwa manje this time ukawana chinokuwana usanditsvake hako.. Uchadya zvinozvimbira
Vakabva vatanga kufamba vachienda ndakatomborohwa nehana sezvo ndaiziva vaiita zvehun'anga... Ndakaita mazuva ndichitarisa dumbu rangu richiita seritikuwedzera kukura.. Wakambozviita hre after wadya wonzi wadya zvine mushonga even zvisina nekuti waudziwa mudumbu munototanga kumonya... Ndakatanga kurota ndichimhanyiswa kunzi ndaba pamwe pacho ndabatwa ndichirutsa ropa nekurohwa umm ndainyatsoziva kt zvakaipa ndototi handipamhe futi kuba asi ndikangoona chete chinhu ndainzwa moyo wekutora zvakange zvave srs ndakatomborohwa... Rimwe day ndakawanikwa ndakazadza bag rangu rekuchikoro nema chalks ndakavhunziwa kuti ndaimadii but ndaive ndisina reason yakati tsvikiti..... Apa kurwadza kwazvo ndine kamukomana ka classmonitor kemu class ndange ndave form 3..kaive ka crush kangu but pandakabatwa nema chalk ndiko kakandiseka zvisingaite kubvira ipapo ndaive ndavenga vakomana especially vanobva kuma rich families... Pachikoro pakazoitwa gig ndokubva taenda hedu paye saka pane ma doners aive achiuya hanzi anobva Joni ..vanhu vaifara coz taivigirwa zvinhu zvakawanda zvemahara.. So pakasvika vanhu vakatanga kutaura nezvekuti once vanenge vapedza chikoro vanoda kushanda vanovapa mabasa especially vasikana.. Haaa ndakafara so nguva yekudya manje vanhu vaidya paye.. Ndopatakapihwa makeys eku staff kuti tinotora mabox ezvinhu aiveko... Saka takaenda 5 ma prefects yes ndaigona zvekutodaro.. Tiri ikoko saw something ndokuchitora hangu kwakuviga mu pant.. Haa kufamba kwaive ma 1 cause chaiita kakucheka cheka... Zvose zvakafamba bhoo ndokubva vanhu vapararira.. So ndakasangana na Tobias
Me... Toby Toby hona chandawana ichi hameno ndiwe unoziva kuti choshandei
Tobias... Ooh its a flash roiswa music or ma films
Me... Yuhwi saka tochii hedu ngatirasei
Tobias.. Tochitengesa chine marii
Me... Ok saka tsvaka buyer.
Ndakasvika kumba mama vasipo kuna sis Rati..
Me.. Ko mama varipi
Sis Rati.. Vabuda na Ruva vaenda kunhimbe
Me.. Eish regai ndiite nditevere
Sis Rati.. Nhema dzako hausi kuda kuenda ikoko..
Me... Ndingaendepi hangu nhai sis
Vairevesa ndaitoda kuenda kumadhiri angu hangu pane vamwe baba vaive vakatituka nezuro naTobias vaona tichifamba nemwana wavo hanzi usatambe nembavha unopedzisira woba.. Nhaimi kana iye asingade ahade zvee pane kuti vaite sekunge kuba kwakafanana nema perembudzi anopomeranwa kkk... Saka taiziva time dzavaibva kubasa taida kuvagadzirira size.. Worse ndaiziva ma games avo echihure vakuda kuzviita kunge mutsvene nhai...
So ndasangana na Tobias kwakutaimira vaenda pavamu girlfriend wavo vakasiya vasendeka bhasikoro pamadziro takasvika ndokuzora glue hedu paye... Kwakuwandira muzvikwenzi tichifanodya shumha hedu takamirira firimu remahara..
Vakabuda mumba pave paye vachingochururuka ziya nechavaive vakavharira door nemapisiro aiita kunze soo vanhu vasadaro kuzviomesera... Vainakirwa zvavo isu plan yedu yaive yababa ava hatina kuziva kt rudo rwavo haruna kuperera mumba nepanze nepanze 🤦♀️.. Amu girlfriend vakatanga kuyema yema vachida kuchovha bike ndokuiswa pachisharo paye kuti vachiburuka manje ma 1.. Yakave batai wabata manamiro avakaita acho handifunge kana vaive nechivharangozi ini😂😂
Haaa maitikiro azvakaita kaa takayerekana tarova chikweeeee
Stay tuned for chapter 5
❤️
😂
🙏
👍
😢
😮
190