Mama Ree Novels🇿🇼
June 14, 2025 at 05:31 PM
https://chat.whatsapp.com/Hz7qZ5rC3pEHQopwdVE6MH https://chat.whatsapp.com/DIatqG8elrv0fzJA5Ewbsc *Written by Pastor Rebecca aka mama Ree: Book 4* It's a free book read, comment and share our channel link below 👇 https://whatsapp.com/channel/0029VakhBWjK5cD96R5nGM1t Facebook page 👇🏿👇 https://www.facebook.com/share/p/J1NEtDZEuBJDTHrH/?mibextid=oFDknk *(Short novels) Book title 👇* *MADHUMBE RONICA* *CHAPTER 6* *RATIDZO* Kuve mai its not a joke veduwe kubva pakutakura mimba kusvika mwana azvarwe haa ibasa hombe regai zvichinzi mai vakakosha shuwa... Mwana wangu aichema husiku zvekuti ndaitombochemawo Ronika aigara akandiseka but lm glad nekuda kwe family yangu yakamira neni from the very first day pavakaziva kuti ndine nhumbu.. Yes Timmy aimbouya nechikafu oda kutaura tunyaya twake twenhando one day akazowanikwa na Ronika achitaura ndakangonzwa Ronika.... Eeh eeh mukuru dzokorodzai zvamataura ndinzwe Timmy... Aaah Mainini murisei Ronika... Nyadzi hamutorina zvenyu zvachose mungaita mainini zera rangu hre or nditori zera remuzukuru wenyu mwana wemwana wenyu Ahana kana kudaira akabva angoseka seka akuda kufamba kuenda Ronika... Mirai henyu hamusati mandiudza kt zvandanzwa ndizvo hre... Nemiwo sis Rati munatwo makuda kurohwa paper 2 heartbreak pachiri padhuze apa mwana wekutanga wamakagadzira ahasati abuda makutotsotsewa futi munotipamhirwa mukaita imwe mimba pamusoro peimwe mukazvara matwins akasiyana ne5 months Chero ndaisada kuseka ndakarova chikwee hangu imi uyu anopenga shuwa matwins akasiyana ne5 months musame dumbu akaita sei iwayo Ronika... I know hamude zvekutaura asika musazonyanye kupfavisa kaa kunge imbwa iri kumwedzi.. Ava baba ava vakuda kungonzi gaa gaa coz pane zera ravakajambira pakukura chaipo... Moziva in life ukajamba stage ye pramer iya ndopakuzofamba wakagara or wakamira pama trolley ekunana ok coz unenge wakutsivira ndozvakaita baba ava... Stage yavaifanirwa kutamba nevasikana vaitamba nepwere vari ivo baba kumahumbwe Timmy... Hey unoziva ndiri munhu mukuru wakundijairira ndokurova Ronika.... Hehede seka hako roni mwana wamoyo... Kukura its not just a word but zvooneka nemabasa tikati mabatei mabasa amakaita munobata api kunze kwe mjolo 😂 Me... Zvakwana mupfanha wangu dont worry about me handina kupusa zvekusvika kubvima kuitiswa asi kuti handina energy yekutaura chete ndichidairana navo thats why ndakanyarara kwete kuti ndikuzvida noo Takabva tikaenda kumba ndikaudza mama haa vakaseka havo zvikanzi kuzvara kwangu ibasa chairo... Shuwa dai pasina family yangu yakagona kuziva kuti mistakes are common ndaidai ndakazviuraya nestress coz pekufambira ndakange ndisina village yose yaive nyaya ndainzi ndakatorera mai boyfriend aive murume wemunhu imiwoye... Especially nekunyarara kwandaive ndakaita ndainzi kakanyararira nhema.... Ndatopona mwana wangu ndakazowana basa rekutengesa grocey mune imwe shop yataiti yekwaJuche havana kuramba havo kt ndishande nemwana but nguva zhinji ainge achitorwa na ronika namama... Ndakange ndisina nguva nemwana aive akuita kunge wa Ronika...mwana aive otoramba achida mai vake vadiki kkk.... Ndaive mushop ndokuona shasha dzichiuya dzakaberekana kumusana Me... Nhai Ronika ko kugara kumba nhai iwe zuva rose iri hamurinzwe hre Ronika... Ripi zuva ritori health manje kumwana asazoite yellow jaundice.. Me... Ayehwa iri rakanyanya romukuvadzisa.. Dai mwana wangu akasatodza hunhu hwako Ronika... Hwupi hwacho be specific coz ndine huzvinji Me... Hwekufambisa kunge dzvatsvatsva nehwekugan'a ndakanzwa zvawakaita baba vaye zvekuvaita vanamire pabhasikoro.. Ngaangokutodza kugona kuchikoro chete Ronika....haa manje hazviite shona inoti azvuva sanzu anodhonza nemashizha aro saka kana mune chamunoyemura pandiri ngaangotore zvose Me... Haa kana mwana wangu ahaite mbavha Ronika... Ndakambokubirai chii?.. Me... Ahuna kubira ini asi vamwe vanhu Ronika... Nyaya dzemakuhwa idzi dzopesanisa siyanai nadzo vanhu vakashata vanoparadzanisa hama nehama Me... Haa Jethro ahanyepi akakuona musiuno uchiba chimukuyu Ronika... Kana ari saJethro andidzikamire asada kuona chitanda chemuziso meumwe achisiya chake Tiripakati pekutaura kudaro Jethro akabva asvika achida kutenga Me... Ndeipi Jethro indava kuchena kudai Ronika... Kuchena kupiko iye munhu asingagone kukwesha mazino ake achichena opfeka white ndopaangazoigona hre kuibata zvakanaka Iiih veduwe ndakanyara Ronika futii soo kaaa Jethro... Umm kwakanaka hre Ronika wandiwanzira kuseni kuno kudai Ronika... Ndotovhunza iwe unofamba uchitaura nyaya dzevanhu unge wapererwa nedzako hre or nemashoko ekunyepera mabbe Jethro... Yooh wakashatirwa nhai Rati hanzi ndadii Me... Ndamutsuura yechimukuyu yawakataura iye Jethro... Haa ndakakuudza wani kuti usamuvhunze ndakapedzerana naye Ronika... Usati wakapedzerana neni taura chokwadi kuti ndakakupawo dzimwe nhindi dzevhara muromo Jethro.... Heeee kupa ani unondishura iwe kudya nyama yekuba Ronika... Usade kuramba uko ini ndoziva kuti adziya moto wembavha imbavhawo.. Ndipei mwana wangu ndiende uko pane kuswero taura zvenyaya yenyama yandakatosiya kutoilet Akabva afamba ndokutora mwana akabuda haa Jethro akasara akashama muromo Me... Iwe vhara muromo unopindwa nenhunzi Jethro... Iwe ndapererwa mwana akaoma uyu🙌anokusiya mu courtroom iye akabuda hake machena Me... Haa dzosara dzachena njema nekuda kwake kkkkk Jethro... Umm but itai plan pachiri padhuze coz aaah hazvisi zvoga izvi.. Ndoda kumukoka kuchurch next sunday.. Me... Hameno akabvuma uyo Jethro... Saka how far wakataura naye hre Me... Ehe but akungotsika tsika hanzi ndichiri mwana mudiki Ronika... Ko iwe unoda kusvikirwa kuti uri mudzimu hre svika kaa wega Me... Hezvo ko wadzoka wasiyei Ronika... Chibhotoro chemwana chemvura.. Akatora ndokubva abuda hake haa Jethro akasara achiseka hake Jethro.. Hanzi sesvikiro hre veduwe.. Takabva taseka... Mazuva akafamba life yangu yaivewo yakutora direction ndaigara ndakakokwa na Jethro kuchurch asi ndaiverengera kuenda nekuda kwebasa moziva kushandira mabhoyi ma1 ahuwane off zvekudaro.... Umwe musi kwaive kuri low low pashop ndaive ndakatogara hangu pa crate remadrinks pamusuwo weshop ndokubva Ronika apinda achimhanya ndokunohwanda pandakanzwa ma voice achiti aripi anoda kurohwa ndakaziva kt ndiye akurehwa ane zvaaita chete 🤦‍♀️vakasvika about 5people vakabata mazishamhu Them... Nhai sister pane musikana wamamboona hre akapfeka skirt tsvuku nehembe dema kumusoro achimhanya hre Me... Angopfuura ne apa achienda akadai handina kuona kt atora road ipi Them.. Hamungazivewo kuti anogarepi hre Me.. Ayehwa handina kunyatsoona chiso chake anga achimhanya One of the guys ndiye akazoti Him... Ndokumbirawo mvura yekunwa.. Atende midzimu yake yaita atize nhasi ndaimurova kusvika asiya kuba Me... Hezvo aba.. ko abei nhai? Him... Nzimbe Moziva unopera strong soo.. Ndakapinda mushop kwakutora mvura kwakumupa ndaitya kuti ko munhu ahwandepi akasabuda hakr achifunga kuti vaenda.. Vakazoenda havo vanhu vaye kwakusara ndichitsvaka kt ko ahwandepi.. Ndakazomuona achibuda mucard box zihombe soo rakauya ne generator hombe repashop Me... Asi chii nhai Ronika uriwe wofira nzimbe nhai iwe Ronika... Haaa vanopenga ava nzimbe dzinodiridziwa nema sewage edu idzi.. Manuwa edu anoyerera achienda kuvillage kwavo voda kutinyima senge vanodziridza neweti yavo nxaah Me... Nhasi ndoda kukurova iwe Ronika... Mukangondirova handitore mwana wenyu futi moswera naye pano achinetsa Me.. Hazvina basa izvo Ndakabva ndafamba kuenda kwaari akasvetuka kwakubuda achimhanya hake.. Hapana kupera nguva ndakaona odarika nesvinga renzimbe apa ndaidzidawo sei 😂 Me... Ndipewo 1 kaa Ronika... Pakudya moda kupihwa asi manga muchida kundirova apa hakuna chemahara mototenga coz ndabaiwa baiwa makumbo ose aya.. Ndikuda kutotenga mapatapata amwe angu adambuka pandanga ndichiita marathon.. Me... Bribe chete unogona kukumbira hazvirevi ndakuregerera wabhaiza ende stop zvekuba izvi Ronika... Mukutotaurisa futi makaguta ................................................................... *RONIKA* Patakaseka takabva taonekwa vakamhanya kuuya kwatiri hanzi maitei... Zvino kumhanya kwaive kubasa kwedu zvee hapana aitibata.. Vakazodzokera isu tikaendawo kunoona kuti zvopera sei.. Vakatozongoendeswa kuchipatara ndokuzobva but relationship yavo yakabva yapera nokuti madam yakazvidirisa jecha.. Vakambozama kuuya kumba baba vaye vachindipopotera nekuda kundirova.. Mama... Asi mwana wangu chii nhai unoziva handichina peace pano nekuda kwako Me... Mama ini handimire mberi kwemunhu asi vanhu ndivo vanonditanga Mama... Unotangiwa uri mago hre ko kuziva zera nhai iwe Me... Respect is earned not demandend... Plus seiyi nyaya nditofanirwa kuitwa counsellor coz ndogona kugadzirisa vanhu chirangamapenzi commit iri pano.. Iyezvino vadzokera kumhuri kwavo pane kuita zvinonyadzisa.. Mama.. Nhasi ndoda kukurovera kupindura ikoko wakutozviita kamuchacha kaa Ndakarohwa mongonzwa imi so semunhu aive asinharohwe zvekudaro ndaingovhundutsirwa nekurohwa padiki ndakabva ndati zano nderipi kwakutiza pamba husiku hwese handina kurarapo ndaive kwana Tobias ndakaziva kt mama vachanditsvaka chete so kwakunoyedza ndakabuda kwana Tobias.. Pandaive ndaiona mama vachiendako ini kwakubva ndaenda neimwe road ndichiziva kuti vachadzoka nayo kwakunyatsorara paside peroad kwakuzvizora hangu madhaka kuita kunge ndararapo apa ndakazviunganidza kunge kabhora kegolf hangu kkkk Mama... Nhai Mwari uyu mwana akaroiwa neakafa chete.. Tobias ndionerowo mashura hona pakarara shamwari yako Tobias... Ronika muka ko indava kurara pano Ndakabva ndamuka ndichizamura hangu senge munhu anga akafa nehope Me... Ndaitya kuenda kumba Tobias... Wakadii kuuya kwangu Me... Ndaida kuuya asi ndakatya imbwa dzepaJecha dzaive dzakavhurirwa Mama.. Kutanga rinhi kutya imbwa idzo iwe.. Me... Vakatenga itsva saka hadzindizive Mama... Usadaro iwe kukurova kukuda manje kana worara panze unoda nyika iti kudi nhai Yess ndozvandaida izvi kuitira kt vakada kuzondirova ndoti ndorara panze hangu kkk... Iyi yapera ndakazoti one day ndakusangana naJethro uyowo ane makuhwa ndakabva ndamusiyira nyaya kwaari ahana nyama yaakadya hake.. Imi pamba ipapo vaigara vakauraya mombe vachisasika apa vainyima zvisingaite.. Manje ndakati ndichidarika nepo kwakuwana kawindow kepa kitchen kakavhurika ndokugadzira hooker yangu ye wire ndaikwevera ndandiri ndakarova kamutakitiki kana yasvika ndotora ndopa Toby kusvika tazadza ka plastic ke chingwa takubva ndokuona Jethro... Akatitsiura ndikamuti hatizviite futi... Saka pandakamuona kushop kwaive koshanda sister yangu ndakabva ndabuda ndokufunga kuti ndasiya chighubhu chemwana pandikudzoka kwakunzwa nyaya ya Jethro ndikabva ndatoibata kuti airehwa ndiani apa... So ndakabuda ndokumira handina kandakaenda coz ndaida kuona Jethro ari ega... Akatora svinguva svishoma kwakubudikira Me... Yeah bmkru Jethro huyai tiite madhiri ane musoro kwete amukuita na sis Rati ayo Jethro... Ukuzivei dhiri raunoda ndiite newe iwe wabva kundinyepera manje manje apo Me... Haaa iyo yanga iri escape way inga Abraham akanyepa wani kuti Sarah ihanzvadzi yake saka zviriko dzimwe nhema dzinoponesa Jethro... Dzoponesa iwe kaa. ko ini manje waunenge wanyepera... Ko iro bible unorizivirepi iwe usingaende kuchechi Me... Ndinoroteswa ndiri madzimai...ngatidzokei kunyaya yedu deal or no deal Jethro... Ahusati wataura kaaa Me... Ini ndini ndoziva zvinoda sis Ruva saka kana muchivada ndokuudzai zvose zvokuita munopinda machena chete Jethro... Shuwa hre Me... Ehe ndonyaya dzangu zvee idzi Takabva tawirirana paye ndokubva ndamuudza deal racho hangu...ko totodya zvevapfupi nekuda kwekureba kaa kkk... Kuve ne brain dziri sharp kwakakosha kudarika chivakashure kkk.... Madays akafamba ndakazobura hombe kwakunoba nzimbe panext village haa team raitoda nezvangu iroro vakandimhanyisa zvekuti dai vakandibata shuwa ndaifa ndiri mhandara hre kufa uri sealed akomana kaaa haa ndaipinda busy nezvipoko varume kumakuva ikoko kkkkk.. Asi denga rakazviramba wena ndakasviko hwanda mucardbox zvekuti kana kufema ndaive ndabata mweya izvo zvaive nyore kwandiri coz ndoigona kuita chamunyurududu... Nzimbe dzainaka idzodzo imi ndakambovhundutsirwa hanzi ndichazvimba dumbu hee wat wat... Ndingazvimbiswe dumbu nemvura idzodzo once ndadzidya yatove weti dzotodarikira... Takadzidya na Tobias sahwira mukuru... Ndakazoti one day dhuma dhuma nemunhu wekumbondimhanyisa muridzi wenzimbe hehede Stay tuned for chapter 7 mabvira vira lets share our link tiwande
❤️ 😂 👍 🙏 😮 😢 114

Comments