Nhau Dzinopisa @zimstreetsmedia
Nhau Dzinopisa @zimstreetsmedia
June 14, 2025 at 06:56 AM
*Mapurisa aparadza rori rezvinodhaka* MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) akaparadza zvinodhaka zvakawanikwa munzvimbo dzakasiyana-siyana dzenyika izvo zvaive zvakazara murori paSally Mugabe Central Hospital muHarare nemusi weChina. Zvakaparadzwa izvi zvinosanganisira makgs 333,2 embanje yakagayiwa, 293 madzinde embanje zvekare ne15,86g dzecrystal meth kana kuti mutoriro. Mapurisa akaraparadzawo 214 kgs dzemishonga yezvinwiwa isina kunyoreswa zviri pamutemo uye isingazivikanwe kuti inoshandiswe chii panzvimbo inorasirwa marara kuChitungwiza. Zvinwiwa zvakaparadzwa zvinosanganisirawo Energy Philter neKambucha. Mapurisa akabva panzvimbo iyi mushure mekuona kuti zvinhu zvese zvaparadzwa. Vaivepo vachiona kuparadzwa kwezvinodhaka izvi vanosanganisira vakuru veNational Prosecuting Authority (NPA), Medicines Control Authority of Zimbabwe (MCAZ) nevebazi rezveutano nekurerwa kwevana. Mutauriri wemapurisa munyika, Commissioner Paul Nyathi, vakarumbidza veruzhinji nekupa mashoko kumapurisa
🙏 1

Comments