
𝗭𝗼𝗼𝗺𝗶𝗰 𝗠𝗲𝗱𝗶𝗮
June 18, 2025 at 11:27 AM
*Murume akoromoka mumukotapeya ndokufa*
https://whatsapp.com/channel/0029Va7rR4G5PO0x9W2tlh37
MURUME ane makore 19 okuberekwa wekuMbizo 6 kuKwekwe anonzi akakoromoka kubva kuhutozotozo mumuti wemukotapeya achibva angofa.
Mutauriri wemapurisa kudunhu reMidlands, Inspector Emmanuel Mahoko, vanoti tsaona iyi yakaitika nemusi wa9 Chikumi nenguva dza11am.
“Tine murume wechidiki anonzi Tinotenda Maombera uyo akakwira mumuti wemukotapeya kana kuti muavocado achida kutemha maavocado. Akakwira kusvika kuhutozotozo kwemuti uyu achibva azotsvedza ndokudzika nemusoro akanorovera pasi ndokufa,” vanodaro Insp Mahoko.
Akatakurwa paine chinangwa chekuti anobatsirwa kuchipatara cheKwekwe Hospital uko akasvika achinzi aiva afa kare.
“Semapurisa, tinogara tichikurudzira vanhu kuti vangwarire pane zvose zvavanoita kuitira kudzivirira tsaona dzinovakuvadza nekurasikirwa nehupenyu sezvakaitika izvi. Inyaya inosuwisa zvikuru yakaitika iyi uyewo tinokurudzira veruzhinji kuti kana vachitemha michero vashandise miti kana waya vari pasi pane kukwira mumiti iyi izvo zvinoda kuitwa nenyanzvi dzichishandisa manera,” vanodaro Insp Mahoko.
------
😢
1