
BibleStudy All The Time 📖 ᴳᴼᴰ✝️ ᴀᴛ ᴴᴱᴬᴿᵀ
June 18, 2025 at 07:38 AM
Topic: The Good Samaritan
.
Luke 10vs25-37
Wakaitwa Good Samaritan ndeasina kusvika kuchurch musi uyoyo but zvaakaita munzira yekuenda zvakamuita Good Samaritan. Vamwe vakamhanyira kundobata service vakasiya munhu akapondwa achida rubatsiro. MuPirista nemuRevhi vakamhanyira zvinzvimbo kuchurch vakasiya aida rubatsiro munzira. Chandinoziva mharidzo inonyanya kuparidzwa kuchurch ndeyerudo. Shasha dzakamhanyira kundoparidza rudo rwavatadza munzira.
.
Nyaya iyi inoparidzwa nevakawanda muchurch yanhasi but vanotevedza ndovashoma. Paita nyaya pano nechikristu chanhasi. Mai Ruwadzano kuchurch hamushaikwe zvenyu but musikana webasa wava nemwedzi minganoi musingabhadhari. Pastor kumhanyira kuservice kundotora zvegumi, imi muchiregera nherera dzemudzinza dzichitadza kuenda kuchikoro nekushaya fees. Accident inoitika vatendi vanhu kusvika pakufa nekushaya abatsira kuti vaendeswe kuHospital but vatendi vadarika napo vachimhanyira kuchurch kundoparidza rudo. Vamwe ndovanotoenda voga kuchurch vamwe vashaya mari vachida kuendawo, ivo vachinyepa kwanza dai ndinayo ndakukwidzaiwo.
.
ChiKiristu hakusi kuenda kuchurch bedzi asi zvaunoita misi yose uriwoga pasina vamwe. Mwari anovenga vanyengedzi. Itirai vamwe zvakanaka. Vamwe havagoni chero kuitira vaanonamata navo zvakanaka. Anoshinga kufamba arioga mumota achipindira vaanonamata navo vachitimba pasi netsoka wosvika wotanga kukurudzira vamwe kubata nguva dzechurch. Mwari atibatsire tisava vanyengedzi.
Amen
➥𝐩𝐥𝐞𝐚𝐬𝐞 𝐧𝐝𝐨𝐤𝐮𝐦𝐛𝐢𝐫𝐚𝐰𝐨 𝐧𝐞𝐦𝐰𝐞𝐲𝐚 𝐰𝐚𝐌𝐰𝐚𝐫𝐢 𝐮𝐧𝐠𝐨𝐬𝐢𝐲𝐚𝐰𝐨 𝐜𝐡𝐞𝐫𝐨 𝐨𝐧𝐞 𝐫𝐞𝐚𝐜𝐭𝐢𝐨𝐧 𝐳𝐯𝐚𝐫𝐨😭🙏❤🩹
🙏
❤️
3