CHAKAFUKIDZA DZIMBA MATENGA💦💦💦
CHAKAFUKIDZA DZIMBA MATENGA💦💦💦
June 14, 2025 at 07:46 AM
Hie Tete...haaa ma 1 akaitika pa Wedza apo panga pakaipa....2020 sekuru vangu hanzvadzi yamai vainetsana nemukadzi ...kusvika pakuponda mukadzi ivo ndokunwa poison....apa.vanga vasina kuroora after more than 20 yrs ...kana kubvisa cent zvaro ...hama dzemukadzi kunodziti tiringindi vaisada kunzwa kana nyaya yacho ....pakazoitwa dare hama dzemukadzi dzaideedzera kut tirikuda $7000 nemombe 5 dzinotsika ..ummm ..vanhu vakatozoita kuenda kwa Mambo kut nyaya igadziriswe zvitunha zvivigwe ...takaita 2 weeks nyaya dzichifambirwa ..apa.paida futi post moterm ....fast forward..takazoviga zvitunha husiku kuchinaya mvura ya January iya apa vanga vakunhuwa munongoziva zvipatara zvekumamisha magetsi anoita kana 1 week kusina ..ku mortuary zvitunha zvowora..haaa chegore iroro iyo nzara zvayo ..munongoziva nhamu dzekuerekana manzi nhingi azviuraya zvasiyana nekunge achirwara vanhu vakatizoita konde konde kuti vabvise dzimwe mombe dzaidiwa nemari ....Ndonzwira tsitsi vana vakasiiwa vari 4...iii vana vakurira hunherera ivavo ..zvakaoma mufunge dai ndaiva nepangu pekugara ndaivatora hangu ini Let me advise my fellow brothers....veduwee zviya zvekugara nemwana wevanhu usina kubvisa kana Cent paanofa nhamo yacho unoiwona unoroora guva and zvorwadza sey kubvisa pfuma munhu wacho pasisina ..its better kubvisa shoma shoma yauinayo ..sorry nekurebesa.....
🙏 👍 ❤️ 😢 😂 😮 👏 💯 😉 65

Comments