CHAKAFUKIDZA DZIMBA MATENGA💦💦💦
CHAKAFUKIDZA DZIMBA MATENGA💦💦💦
June 17, 2025 at 04:51 PM
*Pfacha-pfacha Hurungwe!* *Mhuri yeZimbabwe nyaya yandaiya nayo nhas ndaimbonzwa ari makuhwa aitaurika nevanhu saka zvaisaita kuti ndiitaure kana kut ndinoona vabereki vemwana uyu* *Nhas ndazouya nekut vabereki vemwana ndivo wazouya nenyaya yacho kwandiri* *Mhuri yeZimbabwe kuHurungwe kunaMai wakazvara mwana musiwa 04 August 2023 , wanoti ivo pavakazvarwa mwana uyu haana kuchema hanzi akazotanga kuchema asvitsa 2 weeks uye haana kumbobvira amwa mukaka wepazamu anouramba anotoita zvekutengerwa mukaka* *Mai vake vanoti ari 2 pa2 weeks kudaro mukaka waimwa hauenderane nemunhu ane 2 weeks, aimwa mukaka wakawandisa* *Vanot ivo mwana wavo anogemera achipindura maziso* *Mhuri amai wemwana uyu wakuti mwana wavo kana atanga kugomera nekupindura maziso anobva atotanga kuchinja face yake , face inomboita kunge yemunhu mukuru yozodzokera kuita yemwana mucheche* *Pazuva mwana uyu anonzi anochinja face ka4 ,pamwe anomboita face yemukadzi pamwe oita face yechisekuru kana kutoita face yemukomana ati kurei* *PamaFace anenge achibuda pamwana uyu mai vakuti hapana kana chiso chavanoziwa , mwana uyu haabude maFace evanhu vamwe chete anotochinja chinja maFace everyday* *Mai wemwana uyu tikutarisira kut vauye kuno kuHarare vazobatsirwa ,pane pamba pemubatsiri pavari kuda kuenda saka tichazenge tichifamba navo* *Rimwe dambudziko rikuitika pamwana uyu nderekuti makumbo ake neBody yake hazvis kuenderana ,makumbo ake matete-tete zvekuti haasi makumbo ekuti anganzi atakura mutumbi wake zvekutoti mwana uyu kufamba kuchatonetsa* *KuClinic waenda warikuti hapana chikuonekwa nemaDoctors* *Vanhu varikutaura varikut mai ava vanenge vakachinjirwa mwana asat azvarwa ndokuisirwa chikwambo , izvi zvikutaurwa nevanhu woo hapana ati aziwa chokwadi* *Mai nemwana varikuuta kuHarare vhiki rino tichafamba navo kuenda kumubatsiri tinenge tichikuzivisai kut zvikufamba sei*..................
😢 😮 🙏 👏 😂 👍 🙆‍♀️ 24

Comments