Joseph Simango novels
June 14, 2025 at 06:58 PM
Follow Joseph Simango novels channel on WhatsApp: https://whatsapp.com/channel/0029VaeeH6Q96H4ZcIdiaB1E
*Kana usimo muchannel munomu wakarasikirwa shamwari*⬆️⬆️⬆️⬆️
*Vaindikumbira link regroup ndeiri riri pazasi apa.*⬇️⬇️⬇️⬇️ https://chat.whatsapp.com/I5jQwI6xV1L0pjndRFiagy
*Yeukai*
📚🖊️
*Written by J Simango*
0778784895
0712485287
*Join , like & comment👍💓*
*_Chapter 6 _*
*Sekai*
Hapana chinhu chinorwadza chekunzi kumbira ruregero iwe uchiziva kuti hauna kutadza. Ndakangodavira kuti zvindibve ndokubva ndatofamba ndichienda kuground kwaiva nevamwe.
Panguva yemasports ndaiva ndakangorukutika ndisingatode kana zvekunetswa. Vamwe vana pavaitamba bhora ini ndaiva ndakagara hangu pasi pemumango ndichifunga nhamo dzangu. Ndakamboda kuverenga Chibook changu asi ndakatoona kuti ndaizvinetsa dzamara ndave kuverenga hangu shiri dzaibhururuka. Mwana wamadam vaindidzidzisa aiva grade 6 achidzidza naVimbai ndiye akatombouya pandaiva ndokutanga kundinyaradza sezvo aiudzwa life yangu namhamha vake.
"Sakai why uchigara uchisiririsa asi Vimbai anoonekera?"
"Hapana hangu, ko hausi kutambawo bhora wani?"
"Zvebhora ndaitozvidawo asi chipo chacho hapana. Saka ndatoti rega ndigare newe hangu."
"Watoita basa ndanga ndisina wekutaura naye."
"But unozozvinyanyawo Sekai. Unoziva kuti ini ndiri grade 3 ndaiva ndisina kumbopusa zvawakaita izvi. Apa nemuviri wako unofanira kungwara ngwarawo so."
"Kusiyana kwedu Prime. Ndinotoona zviri bhoe zvandiri izvezvi."
"Hoo, but chimbonyatsondiudza, mhamha vako varipi Sekai?"
"Vakashaya."
"Ko inga unoti variko kumba saka unonyeperei?"
"Munogara muchindibvunza daily. Handizive kuti munoda ndikutii chii chaizvo. Saka iye zvino ndave kungopindura zvauya mumusoro mangu."
"Sorry hako, I know kuti hausi mumood. But haumbozviratidza kunge une hukama naVimbai. Pamwe kutadza hangu kuona"
Ndaramba ndakanyarara dzamara asimuka ndokufamba achidzokera kwaiva nemafrends ake. Ini zvekubvunzwa mibvunzo hobho hobho ndaisazvida hangu cz zvaitondiwedzera chironda. Nguva yekuenda kumba yakwana ndokufamba ndichidzokera kumba. Vimbai aifambawo nekamwe kamukomana aiva ave kutoita zvetukomana kare. Ini ndaiva ndisina basa nazvo plus maida aendewo nekupi iye achitevera matsimba aamai vake. Ndichisvika kumba ndakasvika ddy vakagara paverandor vachiverenga novel.
"Maswera sei ddy?"
"Ndaswera mwanangu, ko unodzoka wega ko Vimbai aripi?"
"Asara achitevera. Ini ndafanomhanya kuti ndizobatsira mhamha basa"
"Ibasa ripi raunoita nhai mwanangu. Anotofanira kuita basa ndiVimbai sisi vako kwete iwewe."
"Ndakutogona kubika ddy kana kuwacha. Mhamha vanozongondibatsira kuyanika chete nekuti magumbeze handimagone."
"Saka wakura mwanangu. Ndichapa sisi vako mari yemafayera ari kudiwa vozonopa madam vako."
Ndakashaya kuti vaizama kurevei vachiti mafayera ini hapana chandaiziva. Ddy vaona ndaramba ndakanyarara vakabva vati :
"Kounoramba wakanyarara asi uri kuda ndisatenge here?"
"Mafayera eyi iwayo, hapana chandiri kuziva ini"
"Pamwe hamuna kuudzwa , mhamha vako ndivo vaudzwa."
"Ko vaendepi mhamha?"
"Vabuda hanzi ndoda kunoona shamwari yangu."
"Hoo"
"Tarisa kuti mumba mabikwei udye"
Zviri zvekudya waiva mutemo kuti ndaifanira kumirira Vimbai ozondipakurira. Kana musi iwoyo anonoka kudzoka ndaitokaura nayo nzara kusvika adzoka. Ndakapinda mumba ndokuchinja baba vachibva vandishevedza zvekare.
"Mwanangu Sekai, sununguka kutaura zvaunoda kwandiri . ini ndini baba vako saka haufanire kundivanza."
"Kana Paine zvandichada ndichakuudzai baba"
"Ini mangwanaka ndiri kudzokera kubasa. Ndoda usare uri mwana anoteerera amai vake."
Misodzi yakabva yapoya ndokukasika kuigamha baba vasati vaiona. Vakapedza kutaura ndipo pakasvika mhamha vachimhanya mhanya kuita zvekubika.
"Nhasi ndini ndiri kubika vanangu"
*Mai Vimbai*
Ndakawana besty wangu ariko atofanondiunganidzira mupfuhwira wangu.
"Askanaka, motoona kuti matamba tsoro dzenyu makangwara. Makaita zvekutamba munozviputsira imba yenyu moga makazoyeuka bako manaiwa."
"Uri kundiita mutete here sahwi. Kungoti ndaizviitira nungo chete makore ase aya. Dai ndakatonovaona ndega amai Maud vacho kwachoma ikoko ndonyatsopihwa unenge wakomba chaiwo."
"Uuu iwe kungwarisa kwako uku. Saka vari kudzokera rinhi kubasa baba Runyararo."
"Vanodzokera mangwana , kudzoka kwavakaita ndakaita zvandakaudzwa zve namai two kuti wakazunza burugwa rako uchiti murume wangu dzoka anodzoka. Asi handichaziva manje vanga vachiti basa rakapera here"
"Nyaya dzako hadzinzwisisike shamwari. Vanogoti basa rakapera sei iwe uchiti wakamuzunzira."
"Hameno zvakaita mishonga yacho. But nhasi vatofonerwa vachinzi dzokai."
"Mastatement ekumba kwenyu tingamagone here. Taurai kuti makanga masuwana mave kutaura zvekuti basa kudii."
"Rega ndimhanye shamwari ndingawane sadza rabikwa uko zvikashaya basa."
"Unozondifonera kana zvaita"
Ndakapinda munzira ndokusvika team rekuchikiro radzoka. Ndakasvika nekubatidza moto ndokubva ndavati nhasi ndini ndiri kubika. Ndakatora madora aiva akabatwa naSekai naVimbai svondo rapera ndokubva ndanyatsomakanga kanga. Mushonga wangu uye ndakangoisa mbichana sezvandaiva ndaudzwa ndokubva ndambosiya zvakadaro kuti unyatsopinda mukati. Shasha payakanzwa kunhuwirira yakabva yauya yega kukitchn.
"Nhasi wabika mukadzi wangu, chimbondinzwisa tinzwe"
"Munodya nesadza baba mwana. Mungatopedza zvee muriwo wacho risati rapakurwa."
Ndakanyemwerera ndichiona shasha ichiraidza ndikati nechemumoyo zvangu zvaita. Ndakapedzesa kubika sadza ndokubva ndapakura ndichibva ndavapira muzindiro chairo. Musi uyu sadza rakadyiwa ndipo pandakanzwa zvave kunzi :
"Mai Vimabi, mari iye yauinayo unogona kutumira ana amai vako kumusha vambowna chekubata."
"Manje ndikaitumira yese isu tinodyei?"
"Inotsvakwa imwe mudzimai wangu. Ini ndave kufanowaridza kana wane nehope wozouya kubedroom."
Ndakanzwa kufara ndikati nechemumoyo ko zvaatotanga kupusa kwacho Iwo mushonga wacho usati wambogaiwa mudumbu. Ndakabva ndafonera shamwari yangu ndichimuudza kuti waiva wandigonera.
"Ndakuudza wani kuti unoshanda. Unofanira kundibhadhara."
"Don't worry , izvezvi pane yandiri kuda kugadzira nyaya . toita mari manje manje."
Ndaiva ndatofunga kuti ndakaenda mubedroom ndobva ndaita senge ndave kutsvaka mari iye yavaiva vati ndizotora. Ini semudzimai akangwara ndipo pandaibva ndati mari handichiona. Asi ndisati ndaita izvozvo ndakaisira Bea wangu aindidya kana baba Sekai vasipo message.
Ndaitoda kuenda kunomuona mangwana paibuda baba Sekai tobva taparadzana.
"Ndiri kuuya ikoko mangwana hunny."
"Ko murume wako unomuti chii?"
"Ndakapedza naye, iwe ita easy."
"Bhoe wangu, ndaita emergency ndiri kuda 200 dollars"
"Don't worry , ndokubata mangwana gud night ndaisuwa."
Ndakabva ndaisa foni pasilent ndokubva ndaenda kunorara. Ndakasvika mubhedha wakawaridzwa zvandaisamboita mazuva ose. Ini semunhu aiva nemaths dzake ndakangoti thanks sweet ndokubva ndatanga kubvunyungura muwordrope.
"Ko mari yacho matora wani yamati nditore"
"Ndaitora nguvai mukadzi wangu. Why usingatende nhai maimwana."
"Handisi kuiona zvee, ndiyanai atanga kudzoka kuchikoro pakati paVimbai naSekai?"
"NdiSekai"
"Sekai ndiye atora mari chete. Manje nhasi anondiona regai ndimusheedze. Sekai, Sekai!"
*🚨Ndipeiwo macomments mamwe kuinbox*
+263778784895
*To be continued*
❤️
👍
🙏
❤
😢
😮
😂
💜
103