Joseph Simango novels
June 17, 2025 at 02:04 PM
Follow Joseph Simango novels channel on WhatsApp: https://whatsapp.com/channel/0029VaeeH6Q96H4ZcIdiaB1E *Kana usimo muchannel munomu wakarasikirwa shamwari*⬆️⬆️⬆️⬆️ *Vaindikumbira link regroup ndeiri riri pazasi apa.*⬇️⬇️⬇️⬇️ https://chat.whatsapp.com/I5jQwI6xV1L0pjndRFiagy *Yeukai* 📚🖊️ *Written by J Simango* 0778784895 0712485287 *Join , like & comment👍💓* *_Chapter 7_* *Sekai* "Sekai ndiye atora mari chete. Manje nhasi anondiona regai ndimusheedze. Sekai, Sekai!" Ndaiti ndikanzwa mashevedzerwo aya ndaitoziva kuti mahwani kunenge kusina kumira mushe. Semwana unomboramba wakanyarara wozodaira pavanoshevedza kepiri kana ketatu. "Sekai!" "Mhaa!" Ndakasiya kutsvaira mumba ndokunanga kubedroom kwavo. Ndichipinda ndakawana vangu baba variwo vakabata bhandi. Ipapo ndakapindwa nekutya ndikati ko ndatadzei zvavatondigarira dare. Ndakabva ndati "matii" ndakamira kuseri kwedoor. "Handisi kuda zvekutaura newe hangu ndiri kuda kurara. Dzosa mari yamhamha vako yawatora mumba muno" "Mari!, inini kutora mari?" "Usatipedzere nguva wanzwa, unoda mai vakaita sei chaizvo Sekai. Mari iyoyo ndiri kuida nhasi manheru anawa mangwana ndiri kudzokera kubasa." "Kutaura chokwadi baba handina kumbotora mari i.....n..ii" Handina kuzopedza zvandaida kutaura bhandi randigara kumusana. Mukukura kwangu handina kubvira ndakarohwa naddy sezvavakandiita apa. Pavainge voda kundidzokorora ndakabva ndabuda ndiri bara ndakananga nekuseri kwedzimba. Wekuchemera paiva pasina kana iyo misodzi yakaramba kubuda. Ndichinoti yambukei kamunda katairima nzungu ndakabva ndabaiwa nechigutswa chemupangara. Kuti ndimire ndainzwa kunge ndaidzingirirwa ndokushingirira ndichienda chete. Ndakazonozorora ndave kumapeto kwemunda ndipi pandakazogara pasi ndave kubvisa chaiva chandibaya. Ropa rakatanga kuyerera kana chokusungisa paiva pasina. Ndakadzamara ndabvarura blouse rangu iro roga raiva reparwendo kuti ndizvisunge. Ndiri ikoko mhamha havana kumira kupopota vari kwavaiva. Vakaramba vachishevedzera vachititi mwana wako handichada kumuona. Baba vangu nofunga vaiva vadyiswa chete nekuti vaisamboratidza moyo wokubereka. Dai ndaiva nemakore anotaurika ndaiti ndaigona kubva pamba ipapo ndonotsvaka hangu basa. Imwe pfungwa yaiti ko unoda kuraramirei pasisina anokutarisa wadii kungozvipfuudza utevere amai vako. Ko inga zvinonzi mufi anoona ko vangu amai vaitadza kundiyeuka sei sezita ravo. Ipapo ndakachivamba kuchemera mudundundu ndikati mwari uyu ndiwo munamato wenherera. Handina mhosva nemunhu ini handina wandakatadzira. Ko amai vangu zvavakaona kuti vave kuda kuzorora vakadii kuti ndife navo pamwechete. Ndaiva ndongozvibvunza mibvunzo ndoga inopindurika ndichipindura yandisingagone ndosiya. Machongwe akatanga kukuridza ndirimo musango kudaro. Apa chaiva chonzwika kuchema kwemakava nekurira kwematatya. Ndakambofunga kuda kuenda mumba kwamadam vangu asi ndakaona senge ndaizovaremedza. Ndakazongozvipira kupinda pakati pehuswa kuti ndivate ndofuma ndichiona plan kwachena. Ndichingoti batwei nehope ndakashanyirwa mukurota. "Sekai mwanangu" "Handina amai ini, ndiyani ari kundidana." "Ndini mai vako yeukai. Mwanangu ndiri kuona uri kushungurudzika kwazvo muupenyu hwako. Kana neni kwandiri handina zororo. Kuti urambe uchigara uri kwaamai Vimbai hazviite. Ndiri kuona vakuisira muchetura muchikafu." "Ko imi kana muri mai vangu muri kugara kupi muchizviona zvichiitika. Ini ndafunga kuzviuraya nekuti handichazive kuti anondida ndiyani pavanhu vose." "Ini handikurase mwanangu. Dai zvaibvira ndaikutora ndogara newe asi kuno kwandigere hakuna mufaro. Ndichamira newe ndiri kunoku iwe uri kwaunenge uri. Usatye mwanangu, hupenyu hune minzwa nemafeso. Asi kuseri kwaizvozvo kune mufaro. Iyezvino ndoda unokore ivhu repandakamira pano udzokere kumba unorimwaya uchipoteredza imba. Ndichapa baba vako naamai vako hope dzinosvika kunze kuchene. Uchanorongedza hembe mbiri mubepa wotora mari iri muwordrope yavari kuti yemukando ndichakutungamirira kwauchaenda." "Amai zvamuri kutaura handikwanise nekuti ndiyo nyaya yandabvira kumba. Plus ini ndiri mwana mudiki amai, madirei kundiremedza kudaro. Hapana here imwe nzira yamungashandise kuita izvozvo." "Ita zvandataura , yeuka kuti ndakati ndichava newe mwanangu. Ita nekukasika kusati kwachena." Ndakabva ndapepuka ndokuona ndabata ivhu mumaoko. Ndakamboda kurirasa ndokurangarira mazwi andaiva ndarota. Ndakaita hushingi ndikati nechemumoyo hapana kusiri kufa. Ndakatanga kukamhina ndichidzokera kumba ndokumwaya ivhu riye sezvandaiva ndarairwa. Ndakapinda mumba ndokungonanga paiva nemari hana yangu kana kumborova. Ndapedza kudaro ndakapinda mumba matairara ndokuona Vimbai akaita kufa nehope akarara makumbo ari mudenga. Ndakatora hembe dzangu nejuzi ndichiisa mukaplastic bag. Ndapedza kudaro ndakatarisa munin'ina wangu Runyararo misodzi yangu ichibva yatanga kubuda zvekare. Ndakamubhabhaisa ari kuhope kudaro ndokubva ndabuda. Ndakatanga kufamba ndisingazive kuti ndaienda kupi chaiko. Kuti nditarise time ndaiva ndisina kana foni ndaitoshanda nemwedzi. Musi uyu handina kubvira ndakapindwa nekutya asi hushingi bedzi. Kunze kwakazochena ndave kune imwe tara ndipo pandakamisa rimwe bhazi conductor achibva ati: "Ukuenda here mwana?" Ndakangodavira kuti ehe kana nekwaiendwa kwacho ndaisakuziva. Ndakaisa mari yangu pakanaka ndokugara padivi nevamwe amai vaitoratidzawo kuti vane zvaivanetsa. "Umbone makore mangani nhaiwe?" "8years, makadii henyu mhamha" "Ndiripo , 8 ko uri kuenda kupi?" "Kunoperera bhazi , ndine achanditambira ndasvika ikoko." "Ko gumbo wakaita sei?" "Ndiro randiri kuenda kunorapwa. Ndakabaiwa nezuro" *Amai Vimbai* "Wamuona kaa mwana wako?, kana ndokuudza kuti anoba unoramba." "Zvapera mukadzi wangu, nofunga kwaabuda achimhanya ayenda kunotora paaiviga." "Yatorova mari yangu. Yakasadzoka uri kuibhadhara, dai ari wangu atora zviri nani" Mushonga wandaiva ndamudyisa waishanda zvechokwadi. Apa ndaiva ndazozvibatira chidzoi changu kana salary yake ndaizongoi fadaya yose. Kubuda kwakaita Sekai ndaitoziva hangu kuti zvemari hapasisina yatorova. Chinhu chandaida ndaida kuti angonetsana nababa vake chete kuti vamuvenge. Kududa kwaakaita ndakatoti dai akasangana nezvaanosangana nazvo ikoko kana kurumwa nenyoka. Kana Kuri kunzi zvaramba ndaigona kana kutozomuisira mushonga afe hake. Kungomuvenga ndiko kwaiva pandiri plus kuchengeta mwana wemunhu akafa akarambwa nehama dzaamai vake ndaigara naye sei. Ndakabva ndatoti kuna baba Rue: "Pindai mumba murare baba mwana, zvaSekai musiyei pamwe anoda kutevera amai vake kumakuva." "Handinetswe nemwana wandakazvara ini. Chokwadi ndiri kushanda mari yekuti tidye semhuri munhu otora mari. Manje handisi kuenda kubasa kusvika adzosa mari iyoyo" "Ndaikuudzai muchiramba , izvezvi ndoita sei. Kana kuchikoro ngaasaende hake baba mwana " Vakabva vapinda mumba ndokubva varara. Ini semudzimai akarongeka ndakabva ndatonyepedzera kuita kaprayer ini ndichiziva hangu kuti kuvhara fuza rangu. 12 midnight dzakakwana ndokubva ndashevedza Vimbai ndichibvunza kuti Sekai adzoka here achibva ati kwete. "Achadzoka hake , angaende kupi husiku huno, hameno paari paseri Pemba imi rarai musiyei akadaro. Ndakabva ndafuga musoro hope dzichibva dzangonditorawo kusvika kuseni." "Mai Vimbai , Vhunza Vimbai kuti mwana akadzoka here?" "Bvunzaka iwewe, handiti ndiwe baba vacho here. Unoda ndiite zvevana iwe uripo futi?" "But wakamuona here achitora mari nhai mukadzi wangu, hatisi takasika kuita hasha here?" "Wave kumurambira hanty, saka ndini matora cz ndimi manga muri pano" "Handina kuti ndikwidzire izwi maiRunyararo, Shevedza Vimbai auye kuno." "Mushevedze asi handisi kushungurudzirwa mwana asina mhosva. Chiitai muende kubasa achadzoka Sekai" *To be continued*
❤️ 🙏 👍 😂 😢 😮 😭 108

Comments