
Selfcare Sanctuary🏪
June 16, 2025 at 07:23 PM
# Mabhonzo neMajoints Arwadza
Arthritis And Gout
Nhasi tauya takanangana nezvirwere zvemabhonzo muchirungu zvinonzi Arthritis ne Gout.
Kana muchinzwa kunge mabhonzo arikukwesherana pamunofambisa majoints inenge iri Uric acid yaita zvigodo zvigodo (crystals) pakati pemajoints enyu.
Izvi zvinokonzera chirwere che Gout.
Zvinonzwa Munhu Ane Chirwere cheGout👇🏽
- kuzvimba kwemajoints kunyanya mabvi ne chigunwe chihombe chetsoka
- kupisa kwemajoints
- kurwadziwa pakufambisa nhengo dzemuviri dzine majoints.
Zvinokonzera Gout
Itsvo (kidneys) dzenyu dzinenge dzisisakwani kuburitsa Uric acid ne blood urea nitrogen muropa zvakakwana.
Ko Iyo Acid iyi neBlood Urea Nitrogen Zvinenge Zvabvepi ?
Ukadya zvine maproteins akawandisa pazuva chiropa chichaita calculation yezvinodiwa nemuviri wako zuva iroro. Maproteins ese asara ipoison mumuviri. Anofanirwa kubuditswa. Kuti maprotein abude, chiropa chichaapwanya chogadzira Uric Acid neblood Urea Nitrogen. Izvo zvave tsvina mumuviri zvichatenderera neropa. Pazvinosvika kuitsvo zvobuditswa pachigadzirwa weti. Kureva kuti paya panoita munhu weti anenge achirasawo maproteins anenge awandisa mumuviri.
Ukadya zvine maproteins akawandisa ucharoya itsvo dzako nedundira (urinary bladder). Wopedzisira wave nema Kidney Stones, Bladder stones kana Gout.
Sei Calcium Ichizoshaika Mumuviri ?
Patinenge tichiita basa kumhanya pamwe nekutamba mitambo yakasiyana siyana nyama (muscles) dzedu dzinoshandisa calcium. Calcium iyi inenge yakachengetwa mubank rinova mabhonzo nemazino. Bank iri rinosimba zvakanyanya kubudikidza nekuwanda kwe Calcium mariri.
Chii Chingaratidze Kuti Calcium Yavashoma *Mumuviri Kana Kuti Unechirwere Chemabhonzo ?
✓kurwadziwa nemusana.
✓kurwadziwa nemajoints kunyanya emabvi nemagokora
✓kuungana kwenyama iwe usingadi kana kuti cramp pachirungu.
✓kurwadziwa nemabhonzo
✓kunzwa kunge mune zvinofamba famba mumabhonzo.
✓kunzwa kunge unemajuru anoruma ruma mukati memabhonzo.
✓kuzvimba mabvi, chigunwe chikuru kana mamwe majoints.
✓kubowoka nekurwadza kwemazino.
Arthritis
Chirwere chinosanganisira kurwadza kwemabhonzo uye majoints sezvatataura nazvo pamusoro apo.
Zvingakubatsire Kana Waita Gout kana Chirwere Chemabhonzo .
✓Chekutanga. Dzikisai zvine maproteins zvamunodya. Zvimwe zvazvo nde zvinotevera
- Mhando dzese dzenyama
- Mukaka nezvakagadzirwa nemukaka
- Beans
- Hove
- etc
✓Chepiri. Gadzirisai itsvo (kidney) dzenyu dzishande zvakanaka kubvisa uric acid neimwe tsvina inenge iri muropa renyu. KuChinese Traditional Medicine itsvo ndidzo dzkawonekwa dziri manager wemabhonzo
✓Chetatu. itayi kuti mabhonzo enyu ave necalcium ne phosphorus yakakwana. Uye inwayi zvinogadzirisa (repair) majoints enyu zvinova Bone and Joint care package .
Mukadaro muchawona dambudziko renyu richipera.
Kana muchida kunyatsoziva kuti sei muviri wenyu urikuita zvaurikuita tibateyi kuinbox. Tine maNatural supplements anobatsira zvirwere zvamabhonzo uye tinotanga takuitai scan analysis kuongorora kuti chingava chii chirikukonzera kuti mabhonzo enyu arwadze uye mukuongorora umu tinenge tichikuudzai chikafu chamunofanira kudya kuitira kumantainer manutrients ari mumuviri menyu.
Kune vanenge makasunguka kuti tibatsirane nenzira iyi sunungukai kundibata tibatsirane zvichienderana nenzvimbo yamuri
