🇿🇼Vee Stories Zim 🇿🇼
🇿🇼Vee Stories Zim 🇿🇼
June 16, 2025 at 02:16 PM
*Huturu hweRudo* https://whatsapp.com/channel/0029VaFUMTz3LdQP9KFcYL3H Main group https://chat.whatsapp.com/HV02wst68adDy5ZZHhlZ9k Written by:- *DENGURAMUTANDABOTSO* - Sir James Itai - Sir LEGEND C - Brightapfuma - Vee aka Virginia Chambati - Altum - Layie Chitsauko 9 "Saka wakatoshinga kuenda kunoona mainini uchindisiya?" Akadaro Tau achibvambura chidya chehuku kubva pamutumbi wacho. "Ndaikutakura wakamira saani?" Akabvunza Joshua . "Sasahwira mukuru wemumusha zve." "Haaa getaway, sahwira anenge iwewe. Waida kunondinyadzisa kuHarare manje nechiKadoma chakazara mudzoro rako irori." Vakaseka zvavo. "Chingoti chete waakuchengera mainini. Ndakagara ndazviona hangu kuti ruchengera rwuripo apa." "Watanga ka nyaya dzako dzisina basa Tau. Ndinochengera Rejo kuti ndaakupenga here?" "Rega hako kuchengera kana usingadi,but one day ucharwadziwa chete." "Hapana chinondirwadza pana Rejo sahwira. Ndichatodya matekenya ndebvu paya. Handiti akakura achitekenya dzangu?" "Uyu anorwara chete uyu, ndiwe wakamusvinira here muchibereko chamai vake. shamwari rega ndikutaurire. Mwana anoroodzwa nababa vake. Iwe chako chiredzwa chete. Besides that chero ukati matekenya ndebvu, unadzo here ndebvu dzacho. Zvatakangofanana matsvinyu asina makushe." "Kwaakusekana kwaana kamba kauku. The bottom line is Rejo handinei naye. She is my daughter period." "Ewo, otherwise anga arisei?" Joshua akataura mafambiro aanga aita paakaenda kuHarare. Zvaakasangana nazvo paakaonana naRejoice. Tau akamboseka zvake asati adzvuta bhotoro rekookora raiva muruoko rwake. "Kachembere kanonhuwa mukanwa ndiko kanotaura chokwadi. Ndinogara ndakataura kuti chembere yakangwara inotandara yawaridza. Hona mainini vaakutokonzeresa paVarsity. Zvikomana zvavakuoita madzivo nekuda kwaRejo wawakachengeta. Eeeh bhururu let me tell you the truth, Rejo is every man' s dream. I have said my own. Usazoti Tau haana kutaura. So tell me, varikudanana here nemupfanha wacho?" "Ah nhai Tau, waida kuti ndibvunze zvakapusa kudaro kumwana ndinopenga here?" "Point of correction haasi mwana, muramu wako. You have the right to ask." "Zvichizondipei? Pamusoro pazvo Rejo is not a child. She is over 18 aakuita sarudzo yake." "Hmmmmm tine dambudziko pasi pezuva. Nhai Mwari vamwe varume vachapepuka pakudzoka kwenyu here?" Akadaro Tau akatarisa kudenga seaibvunza munhu waaiona. Joshua ndiye akazomurova kambama baba Nhiya ndiye bengenu. Vakamboseka zvavo ndokuenderera mberi nekudya nyama nekunwa makookora avo. ******* "More, pour him more!" Aidaro Joeboy akagara pachituru chainge chemubhawa chiya chemupedzamari. Mumwe wevakomana vatatu vaivapo akatora bucket remvura ndiye kupe kukupaidzira kumeso kwaTrevor uyo ainge agere akazendamiswa kumadziro. Mvura yaiita kuroverwa chaiko zvekuti Trevor akaita kupepuka achivhunduka. Haana kupihwa nguva yekubatanidza akabva arohwa nerimwezve bucket remvura. Pakuwedzera kuvhunduka, Joeboy akabva apwatika hake kuseka. "Muregedze!! Ndati muregedze, ndiwe ani, ende wabva kupi. Urikudei pamurandarume uyu, heee?" Aidaro Joeboy achisakasira twumvura kumeso kwaTrevor uyo aiita seabatwa nedhimoni. Shamwari dzaJoeboy dzakanga dzisisagoni nekuseka. Zvomene mene madzibaba Joeboy vaiedza kuda kuburitsa dhimoni raiva mberi kwavo. Hakuna mutambiro wakadai. Trevor akaedza kutsukunyuka asi ainge akasungwa maoko akaiswa kumusana zvakare makumbo ainge akasungwa. Hasha dzakamukurira asi chekuita ndopaiva pasina. "Welcome to my territory, this is my yard and like Roman Reigns Iam the dog. Iam the master band leader, ndini ndirikuridza gitare so you are to dance accordingly. Ushe madzoro bambo. That day wakaita hero, nhasi uri zero." Akasekera svoto Joeboy achifamba famba hake akandonyera maoko muhomwe. "What exactly do you want Joeboy. If you are a real man. Untie me tingopedzerana nezvimbokoma. Handina kuramba kurwa newe ini." "Izvozvo zvekuti unondiudzira zvekuita muterritory yangu ndozvandakaramba. Thats why ndakuunza kuno. Garwe rinoziva kuti kunze kwemvura harina simba, so rinokudhonzera mumvura. Iam sorry man, nhasi wapinda muzone mangu." "Inyaya yaRejoice here?" Joeboy akapfugama ndiye kachu pahuro paTrevor ndokutaura achifemuruka. "Haundibvunzi silly questions kana uri muno wanzwa here imbwa iwewe." Akapedza kutaura ndokumusvipira kumeso. Mbama yakatevera pamusoro pemate ipapo yakavharira room yese. Ropa rakati dzatu nemumhino Trevor achinowira nedivi sezvo maoko ainge akasungwa. Akasvipa ropa nemumukanwa achiedza kuda kumuka. "Make him sit!" Akadaro Joeboy achiudza vamwe vake. Trevor akamutswa ndokugara. Akachitanga kurohwa nemambama mativi ese zvekuti aiti akada kudonha ogamhwa nerimwe ganyamuto. Joeboy akanga oita seasvikirwa neshavi remangoromera. Ko iko kurova asingadzoreri kunombonetsa here. Akapedzisira oita kurova nemabhutsu. Paakanosimudza block rechidhinha raivapo ndipo paakazobatwa nevamwe vake. "Enough Joe, enough. Do you want to kill him? Atodzidza lesson so." Akadaro mumwe weshamwari dzake achimubata. Joeboy ainge ofemera padenga zvino. "Regai ndimupedzise mhani anebasa reiko. Akandidzikisira mhani muface uyu." "No, zvakwana unouraya munhu." " Haaaa ngazvife mhani, nxxmm...mutorerei phone yake." Trevor akatorerwa phone yaiva muhomwe. Yainge yatopinda hayo mvura asi yainge ichakabaka. Yakatambidzwa Joeboy uyo akabva angosimudza ziblock riya ndokungoriregedzera paphone ndokutsakatikirapo. "Right lets see kuti hure rako richakufonera pai. I told you ndichakubata chete. Now you believe handiti?" Trevor akanga asisakwanisi kana kugara zvakanaka. Ko iko kurohwa usingavhike kana kudzorera kungafadza here. Ropa rainge rati chakwati zvino paDembare ipapo hublue hwese hwachinja. Idzo nguva dzakanga dzadyana dzatova kumapast 1am. Runyararo rwainge rwazara nzvimbo yese. Mazizi ndiwo aipota achidarika nepamba painge pane varume ava. ******* Hanzi nevamwe kudzikotsira hunge wakaguta. Iko kuguta kwacho hunge wadya. Uyu wakanga wava munzwa wabaya ukatyokera. Chaiva chironda chemumhino, ukada kufura dzihwa unoguma wobuda misodzi. Rejoice aiti akada kurovera dama pasi ainzwa kunge nyika irikupidiguka. Kuti agare pasi ainzwa kunge anonokerwa nekwaarikuda kuenda. Akapedzisira ofamba famba mumba asi makapedzisira mava mudiki. Ukuwo aiti kutsva, kupindwa nechando zvese nekuzarirwa panguva imwe chete. Aisapedza mmaseconds asina kufonera Trevor. Mhinduro yaingova imwechete, nhamba dzainge dzisisaiti. Aiti akatarisa chikafu chaainge agadzira ainzwa mweya wake uchiita sewaakutama. Hasha nekurwadziwa zvikasangana ndozvinouraya munhu sekutamba sekuseka. Akamboda kufonera babamkuru vake asi akashaya kuti aizovafonera achiti kudii. Akafunga kuenda kuroom kwaigara Trevor asi nekuda kwenguva mwanasikana akatya zvakare vaisatenderwa kufamba husiku hwakadaro. Munhu aigona kutomupomhodza papfungwa yaiva friend yake iyo yaaigara nayo. Sezvo ainge asipo akafunga kumuchaira iri nhare chaiyo zvisinei nekuti nguva dzakanga dzaenda. "Hello dear, how are you?" "Hey Rejo, are you okay. Wapererwa nehope ka waakutifonera pakati pahwo kudai?" "No darling, its Trevor." "Akupengesa ka Trevor, call him ka. Handiti ndiye akutadzisa kurara here?" "No shaa, haasi kubatika." "Ah nhai Rejo, unomudii this hour. Thats why ndati akupengesa Trevor." "Kwete love, wanzwa here zvaitika kuRufaro?" "Yes, zvagara bhora reDembare neBosso hariperi, hazvisi zvitsva." "Trevor was there so phone yake haichaita. Ndaakutya ini." Izwi rakanzwikwa kuseka kune rimwe divi rerunhare. "Hey fear not, maybe phone yake yapera moto, or yabiwa remember panosechwa futi kapaya. Trevor is okay Rejo, calm down." "But he was suppose to he here, so where is he?" "Hello watii?" Rejo akazoona kuti ainge akurumidza kubuda musaga kutaura nezvekuuya kwaTrevor manheru. Akabva angodimbura nhare yake ndiye gojodho kuzvikanda pamubhedha. Pfungwa dzake dzakatanga kuzeya zvainge zvataurwa naMercy. Hongu zvaigona kuenda nenzira iyoyo asi nemutambo wavaifanira kuzotamba husiku uhwu zvaisagona kuti Trevor asauye. Hasha dzekusavimbika kwemudiwa wake dzakamumbundira. Akazopendera pfungwa dzake avakuti Trevor aida kutester kuona panosvika hasha dzemudiwa wake, zvichida chero nguva husiku uhwu Trevor aigona kuzouya. Anoimbira mwana haaneti, Rejoice akangoti ndyandaya meso akatarisa mudenga kumirira chikomba chake. Zvekuti dzakanga dzonanaira 2am, kwaari husiku hwaiva huchiri mhandara. Mutambo wacho, sesvutugadzike any time yaiva tea time. End of chapter 9
Image from 🇿🇼Vee Stories Zim 🇿🇼: *Huturu hweRudo* https://whatsapp.com/channel/0029VaFUMTz3LdQP9KFcYL3H...
❤️ 👍 😂 🙏 🍆 👊 😢 😮 27

Comments