🇿🇼Vee Stories Zim 🇿🇼
🇿🇼Vee Stories Zim 🇿🇼
June 16, 2025 at 05:06 PM
*🏹NEVANJI🗡️⚔️* *Tevera Channel iyi usarasikirwa nemachapters* https://whatsapp.com/channel/0029VaKdqpwKWEKl53ljby0w Pinda mugrp iri https://chat.whatsapp.com/GJbja7LlR9qJX7rbiTodpP *Comment section* https://chat.whatsapp.com/EtsqMyq23FQ7T70xsfxBdb Nganonyorwa Kubva ku:- ✍ VIRGILEND Vee 💘 aka Virginia Chambati & Sir LEGEND C Chitsauko 38 Zvinhu zvainge zvaminama mumuzinda mamambo Chauruka, ainge angove masvanhikongonya kutarisana kwevakarambana. Vamwe vakati nyadzi dzinokunda rufu, ichokwadi chairehwa nevakuru ichi nekuti Yeukai paakanzwa izwi remunhu akamudimurira kutaura kwaaiita akati cheu ndokuvhunduka otsumba kuti deno pasi pavhurika hapo pamumedza zvake otya kunyadziswa. Asi hazvina kuita sekudaro, mwana wevanhu paakanosanganidzana meso nemwene wezwi akawodzvora meso ofunga kuti ari kuona chipoko. Mumwe moyo wakamuti tiza nehupenyu hwako goritoto iri risati rakunyadzisa pamberi pevanhu. Simba rekusimuka akarishaiwa, mabvi akaita kurukutika simba rikapera mumakumbo make umo mainge motoita semusina mongo. Satsuro magen'a akaramba kubvuma kupererwa nemifungo nekukasira. Chiriporipotyo akamhanyisa pfungwa ndokuona kuti akaramba akatarisana nechipoko chaSekai ichi angazofukure hapwa oga akanyadzisa. Akabva angowira pasi ndokuti zii akadaro achiita semunhu akomoka. Zvainge zvoitika izvi zvakawedzera kuvhiringika mupfumgwa dzachangamire Chauruka idzo dzainge dzavhiringika kare nekutaura kwainge kwaitwa nesvikiro risati raenda. Mubvunzo vaive nayo kusvikiro asi rakasvika pakuenda vasina kubvunza, rikavasiya vakaita sevabatwa nehurimbo parurimi vasina kuribvunzurudza nekuda kwekufunganya kwavaiita. Mumoyo mavo mainge mangove nemafunga mafunga semombe nzuma kufunga chakadya nyanga dzayo. Vari pakati pekufunganya kuti aive ani pakati paYeukai naTakavingei ainge avamhura kudaro kusvika pakuita gumbo mumba gumbo panze ndipo pakasvika Gwenhamo achisvikotaura nezvekuti Ishewedu mwanakomana wake, pfungwa dzichiri mukumveyesana nekufunga kuti idi here rairehwa nemukomana uyu mudzimai wavo Yeukai akabva ati tana kuramba mhaka yaaipomerwa iyi. Ari mukutaura ndipo pakasvika Sekai omira sechapupu chaGwenhamo, Yeukai paakamuona akavhunduka ndokukomoka zvinova zvakadudza kuti paive nenhau huru apa. Zvagara kuvhunduka chati kwatara hunge uine katurikwa, VaJekesa naVaMaenzanise vakabva vatoona kuti mukweguru uyu aive nenyaya dzaaida kuvanza chete. Vakazvisvora zvikuru nekurudziro yavainge vaita makore makumi maviri neanoraudzira ainge apfuura pakuwanikwa kwakaitwa Yeukai. Yainge yatodeuka yemuguchu isisina mudyoreri, zvainge zvotoda kugadziriswa nekukasika. Vakatarira kuna mambo Chauruka ndokuona shasha yakabata shaya ichiratidza kupererwa nemashoko yakayeva Yeukai pasi paaive akati kunguma. Hunhu hwachangamire hwakavatyisa, vainyanyotyira hupenyu hwaYeukai kuti hwaigona kungogurisirwa nenguva pfupisa. Maitiro amambo aitaridza kuti vaigona kungonyudza munondo wavo pamoyo paYeukai kana kumutumbura dumbu. Sevanhu vakuru vakakasika kuona zvakare kuti vakada kuenderera mberi nedare nechimiro chaive namambo zvaisabuda zvakanaka. Vakafunga zvakare mashoko esvikiro ndokuona kuti pada naTakavingei aigona kuva akabudawo achinoita chipfambi. Vakaona kuti zvaisaita kuzotonga mwana wevanhu pasina vekwake nekuti mukadzi haatongwe pasina hama dzake, ndokutumira nhume kunodana Dapi aive hama yaTakavingei. "Nechinanga, eeh nhau iri pano iyi ikukutu. Taikumbira kuti dare renyu rimbomiswa rozoenderera mberi mambotura befu uye tambogara pasi zvishoma tichionesana." Jekesa akauchira achitaura namambo, nekuda kwepfungwa dzamambo dzaive kachana vakatendera ndokutorana naana Jekesa vonoita mwinyi-mwinyi vari kwavo voga. Nguva yose yaiitika izvi Ishewedu ainge asvova kare atomhanya kwasahwira wake Dapi. Paakanzwa kutaura kwesvikiro nekuzonzwa kutaura kwaGwenhamo akaona sekunge ndiye aitaurwa nesvikiro ndokuverevedza achiita semunhu aienda kunozvibatsira. Gomana rakamhanya ndokunosvika richiwana Dapi akatozorora mumusha mavo. "Sahwira Dapi, ndinoda rubatsiro rwako nekukasira!" Ishewedu akadaidzira achingopinda muruvanze ndokuzonosvika achibata makumbo achifemera pamusoro sendere nemaneto. "Gara pasi Ishe titange takwazisana, kwakanaka here kwawabva wauya uchimhanya kudaro?" Ishewedu akati bvurugwada muvhu chaimo ndokutanga kutaura nyaya yake, "shamwari zvinhu zvacho zvaoma izvi. Sekuziva kwako ndini nevanji wamambo Chauruka zvino zvave kuitika kumuzinda uko handichazvione kwazvo ini. Ndizvo zvaita kuti ndimhanye kuno kwauri kuzokumbira kuti undibatsire kurwisa mambo Chauruka nevanakomana vavo vavanodisa samare tovatorera humambo ndogadzwa ini. Zvikabuda nemo ndichakupawo muripo mukuru, ndinokuvimbisa kuti ndiwe uchave chipangamazano wangu uye ndiwe unenge uchindibatsira kutonga." Dapi akaita kuvhunduka nezvaitaurwa neshamwari yake Ishewedu. "Nyaya yako haisi kubatika Ishewedu, unondiudza kuti uri kuda kumukira baba vako mambo nemhuri yavo here, uye chinyi chaita kuti ufunge pfungwa dzakadaro?" Ishewedu akarondedzera zvose zvainge zvaitika kumuzinda kubva kusvika kwesvikiro kusvika nguva yaakasvova achisiya mai vake vakomoka. "Shamwari ini handidi kukunyepera, ndinoda kukubatsira nemoyo une rudo. Iyi nyaya yako iyi yekuda kumukira mambo siya, unouraisa vanhu vasina mhaka nazvo izvi. Wambofungawo here kuparara kwakaita Jekanyika nemhuri yake vafunga kumukira mambo? Ndiyo nzira yawadawo kuti tiparare nayo here iyi?" "Iwe wasiyana naJekanyika nekuti uri rimwe remauto edu uye unoziva zvose zvinoitika mudunhu redu rino. Mambo Chauruka havambokufungire kuti unoda kuvamukira, tinovaparadza nyore nyore vakarivara." "Rega ndikuudze shamwari chokwadi chisingaputsi ukama, chekutanga iwe une hundingoveni, hundyire nekuzvifunga. Ndatoshama kuonawo rutsoka rwako pano pamusha wangu nhasi, unotozivawo kuti una sahwira nhai? Chinzwa unzwe Ishewedu, muhupenyu usade kuwana mufaro nemisodzi yevanwe, siya pfungwa dzehupanduki ubatane nevanwe vana muite chinhu chimwe." Ishewedu paakada kupindura pakabva pasvika nhume dzaibva kumuzinda dzakapinda mumusha umu dzakatungamirirwa naTongoona. Vakakwazisana Tongoona ndokutaura zvavainge vatumwa, "VaDapi tatumwa imi, tatonzi tiuye nemi kumuzinda nekukasika. Kwanzi makasununguka kuuya nedzimwe hama dzenyu dzemumba." "Kwakanaka here knobva kwadiwa nehama dzangu?" "Isu tangotumwa nemashoko atataura, zvekuti kunei motononzwirako hatina chatinozivawo isu." Dapi akabva atoziva kuti nhau yaiveko yaive huru, zvainge zvambotaurwa naIshewedu zvakamuita kuti atyire Takavingei mwana wemukoma wake. Dapi akanodana vamwe vake kuti vauye vaende kunoita munzwira pamwe. "Ko iwe Ishewedu wanga wasvika kuno nguvai, ndiri kutoti uri kumuzinda ini?" Ishewedu akangotsenga tsenga mukanwa, haana kupindura zvinobatika. Hama dzaDapi dzakauya akatanga adzipira zvaivepo vakabatana vopinda munzira semhuri vononzwa zvavaidanirwa nachangamire. Vachinosvika padare ramambo Chauruka vanhu vainge vapararira vakadanwa kuti vadzoke. Yeukai ainge amuka kubva mukukomoka kwaainge aita kwekunyepera, hana yake yainge yorova kuita seichabuda panzvimbo nekutya zvaitevera. Achiona hama dzake dzose dzaungana pamuzinda akaziva kuti yake nyaya ndiyo yaive yonopinda mudariro. Paakazoona hama dzaTakavingei akabva afara, akazviudza kuti aizorasira nyaya kuna Takavingei kana ikangoda kumutsikirira. Pfungwa dzachangamire dzainge dzachidzokedzana zvino mushure mekukurukura naana chipangamazano vavo. "Pamusoroi changamire pamusoroi dare, nemakurukota ose anoremekedzwa ari pano. Tati tidane vanaTezvara vedu vavepo vachizvinzwira voga nhau iri pano tisazopihwe mhaka yekunzi takatonga vana vavo vasipo. Ndakamirira changamire vedu, ndinoda kuti Gwenhamo utangidze kutaura nyaya yako." Gwenhamo akati kwanyanu paainge agere ndokutangidza kutaura nhau yake. "Pamusoroi changamire, machinda anoremekedzwa nemi mose dare muri pano, sekureva kwandamboita ini ndavinga chinhu chimwe chete chekutora mwana wangu. Nguva yareba chokwadi chichivanzwa, asi nhasi ndaita zvivindi zvekuti zvose zvakavanzika zvinzi bvuu pachena." "Mwana wako upi waunoziva? Gwenhamo usandishure iwe, basa rekuswerovata usingaite mabasa anoitwa nevamwe varume. Pamba kuita bundo rinosvika pamukova sekunge ucharohwa nhongonya nerovambira uchipinda mumba." "Musavhiringe munhu kutaura, muregei ataure tione musoro wenyaya. Tipe humbowo huzere hunoita kuti uti Ishewedu mwana wako." "Vazhinji venyu vanoziva kuti ndaifambidzana naYeukai uyu asati auya kuzoitwa murongo wamambo vedu Chauruka. Nguva yataifambidzana iyi takashanja ndikamutyora gumbo uyu akabata pamuviri. Taive mugadziriro yekuti auye kuzonditizira, takati tiri mugadziriro yekuti auye kwedu ndokungofuma ndonzwa kuti atove kumuzinda semudzimai wamambo. Tete vake aChihoro ava vanoziva nhau yose, pandakazvinzwa ndakavaendera kunovabvunza kuti nei vaendesera mambo mhou ine zamu asi mhinduro yavo yakandisiya ndiine kutyira hupenyu hwangu, zvizhinji pedzerai nyota patsime ava vari apa vanokupindurai." Kupetwa kwechitsauko 38
Image from 🇿🇼Vee Stories Zim 🇿🇼: *🏹NEVANJI🗡️⚔️*  *Tevera Channel iyi usarasikirwa nemachapters* https...
❤️ 👍 😂 🙏 😮 😢 👏 🔥 🏹 322

Comments