
🇿🇼Vee Stories Zim 🇿🇼
June 17, 2025 at 05:34 PM
*🏹NEVANJI🗡️⚔️*
*Tevera Channel iyi usarasikirwa nemachapters*
https://whatsapp.com/channel/0029VaFUMTz3LdQP9KFcYL3H
*Join this group*
https://chat.whatsapp.com/DruQUVYjNFxGoikHLyQMOF
*Comment section*
https://chat.whatsapp.com/H2g54wx26Mn1kabGHDQnzq
Nganonyorwa Kubva ku:-
✍ VIRGILEND
Vee 💘 aka Virginia Chambati
&
Sir LEGEND C
Chitsauko 39
"Hehede Gwenhamo nhamo yako ndizvo zvayakutuma izvi? Hautombonyari kutaura zvawakaruka pamberi pevanhu vakuru vakadai? Akakutadzirei Yeukai waunoda kusvibisa zita rake nyika yose yakatarisa kudai? Chingotaura kuti nhamo yakubvamburudza, mambo munhu ane moyo wakanaka vanokubatsira kwete kuuya nenyaya dzakaora kudai!" Vachihoro vainge vaita kumira asi vachioneka kuti makumbo avo arikudedera nemarwadzo. "VaMaenzanise nemi mose makurukota amambo Chauruka munodireiko kupedzera mambo nguva nedzvinyu iri risina kana gushe. "Kushaya kwaro makushe ndiko kwakaita kuti muritorere mhodzi yaroka mukaikudza mubindu ramambo Chauruka?" Sekai akadaro amira parutivi rwaGwenhamo.
"Ko iwe unongoyereka wanyuka sehohwa ndiwe aniko? Chiso chako hachisi chitsva hausiwe mumwe wevasikana vanobatsira pano pamuzinda here iwe?" VaJekesa vakataura vatarisana naSekai.
"Hongu ndini, ndinoitwa Sekai. Ndineurombo kuti ndangoerekana ndamira pamberi pedare rose iri, asi nyaya iyoyi iri mudariro ndiyo yandisimudza, uye ndiyo yakakonzera mavanga aya ari muhuro mangu umu nemuviri wangu wose, ndikanokandwa mumajokochwa ndichinzi ndafa." Dopiro akatarisa mwana wake akaona kuvhunduka nekumwe kutya kukuru. Sababa vake vakatoona kuti pane nyaya apa. "Sekai nyaya yako yabatana papi neyaGwenhamo, iwe Gwenhamo watouya nevanhu vakawanda kusimbisa nyaya yako yemanyepo ka? Ndiani mumwe wawauya naye pano asimuke toziva kwete kuti munhu anozongoerekana anyuka sezvizvi. Simudza vanhu vako vose nekuti kana ndakakutarisa kudai ndiri kuona mbavha zvayo inoda kudya zvevapfupi nekureba." Dopiro akataura aita kumira pamberi paGwenhamo akaita kumuvhurira ziso, akagoti aive mbumbu yerume, chamakudhengu mutsika panotinhira, vaya vanozviti tiri ana mutakura mombe mbudzi ihata. Dopiro akazviitira kuda kutyisa Gwenhamo kuti anyarare nyaya yake yotsikwa tsikwa kana kuri kuzotongwa yozotongwa vave kumana kwavo kwete pajekerere.
"VaDopiro nhasi ndauya ndabvisa kutya kose, ndiri kuti kana mafunga kundipfuudza itai henyu, asi uyo mwana Ishewedu anosara asina baba. AChihoro mashoko avo akambondinyaradza nekuti ndakazeza kuurawa nemauto amambo andinoziva kuti handimisidzane nawo pazvimbokoma kana pamutambo wemiseve. Simba rangu riri mumoyo. Mungati ndiri kuda hupfumi kwete. Kumba kwangu kungori nevana sikana, ndinodawo achasara achiendesa zita rangu mberi ndafa. Vedare ndakumbirawo kuti mundinzwe. Yeukai uyo agere apo ndiye wamungadai muchibvunza, hama dzake dzirikupindira papi? Chandinoziva vose vari vaviri vaisandida, asi naYeukai tainge tatsidza kuti tichaparadzaniswa nerufu. Ndinzweiwo vedare ndakumbirawo." Gwenhamo akaita kupfugama pasi ndokubatanidza maoko chiso chakaderedzwa.
Maenzanise akagadzirisa pahuro ndokutarisana naYeukai uyo ainge asisagoni kunyatsogara pasi. Ainge ongoti akabata pasi nerumwe ruoko otenderera obataa nerumwe, pasi painge poita sepanopisa. "Amai vaIshewedu nyaya iyo mainzwa nedzenyu nzeve, ichokwadi here chiri kutaurwa kuti makadanana naGwenhamo uyo muri pano pamuzinda mukazvara Ishewedu?" Yeukai akatarisa VaMaenzanise ndokutarisa mambo akaona chiso chavo chisingatarisiki nekutyisa. "Vanhu mungatoda kuswera muchipedzerwa nguva, Gwenhamo atengwa uyu, zvino ini ndiri kuziva amutuma. Sei musina kufunga kuti azouya sei Nakai achangobva kudzorwa mumuzinda muno? Nakai akatora nguva yake kuronga zvose izvi. Kana Gwenhamo ari kutaura chokwadi sei akatora makore ose aya asina kuuya kuzotaura nyaya yake? Pafungei vakuru vangu. Hongu ndakambofambidzana naye kumashure uko zvikapera. Uyo musikana uyo Sekai ndofunga vose vanogara pano pamuzinda vanoziva achinzwanana naTakavingei, amai veshamwari yaMurwiri. Hahaa paongororei vedare. Zvose izvi zvirikubva kuna Nakai uyo ndiye ane zvose izvi, "Yeukai akadaro ndokugara pasi.
Paakataura izvi pfungwa dzevakawanda kusanganisira vanachipangamazano dzakatanga kufunga zvimwe. Pakamboita runyararo vaJekesa ndokusimuka vakatarisa Gwenhamo ndokutarisa Yeukai ndokutarisa zvakare Nakai naTakavingei. Chiso chaNakai chainge chisingaratidzi kana kutya. "Tose tanzwa mashoko ataurwa naamai vaIshewedu vari kuti ivo makavarongera kuti vabve pano pamuzinda imi amai vaMurwiri musare muri vaviri naamai vaRangarirai sezvo muchiwirirana. Munopokana nazvo here?"
Nakai akasimuka ndokuti, "ini pandakadzoka mumuzinda handina kuzvidzokera ini, asi mwana wangu zvichireva kuti makakatanwa ose epano handitombodi kupinda maari. Zvagara mhosva haigari pamuti inoenda pamunhu. Kana Yeukai achiziva kuti ndizvo zvandakaronga ngaape humbowo huzere. Kana wangu mwana asingakodzeri kuve mumuzinda muno handizvimanikidziri, asi handidzokeri kwedu kana mwana wangu asina kunzi nevari kumhepo haasi wamambo Chauruka." Nakai akadaro achigara pasi.
"Unonyatsoziva kuti zvinhu zvako wakazvironga usiri muno mumuzinda, humboo hwaunoda ndehupi apa? Chokwadi chitoripo pachena apa," Yeukai akadaro achitenderedza maziso.
"Ndinoda kudzokera kwauri iwe musikana, titaurire nyaya yako yawasimukira," vaMaenzanise vakadaro kuna Sekai uyo akasimuka ndokuti, "ini handizivani naGwenhamo, asi ndakakurira kumhiri kwaNgovera kunova kwakabva Yeukai uye Gwenhamo. Handizivi kuti kaive kekutanga here kandakavaona vachipanana rudo vari paseri pachidenhe pedyo nerwizi Ngovera. Kechipiri ndakazoonazve Yeukai achikakavadzana navatete vake achiramba kuuya kuna mambo achiti aive azvitakura. AChihoro ava vakatofara vakamuudza kuti nhumbu iyoyo ndiyo yaizoita kuti agare pamuzinda. Zvechokwadi akauya mumuzinda ndikangozvinyararawo zvangu. Ndaifunga kuti vachamira kusangana iye Yeukai naGwenhamo. Rimwe remazuva Ishe nehanzvadzi yake yepakati yatozvarwa ndakaona Yeukai achibuda ega. Ndiri nechekure ndakaona vachinetsana zvakare naGwenhamo. Vapedza kukakavadzana Yeukai akatungamira musango ndakazosvika vaviri vave kutobatsirana kupfeka zvichireva kuti vainge vatamba mutambo wevakuru, ndipo pakazozvarwa gotwe raYeukai Vimbiso uyo." Mashoko aSekai akaita kuti Yeukai arambe akabata muromo akadzvokora Sekai. Ukuwo veruzhinji vainge vongoita mahon'era kusanganisira vedare. Mambo Chauruka vakaita sevachasimuka vakanobaya baya Gwenhamo, asi vakaona kuti vaisanosvika vabatwa nemachinda avo.
"Mazuva adarika aya ndakaona zvakare Yeukai uyu achibuda ega ndikaziva kuti pane zvirikuda kunoitwa zvaisada isu vabatsiri kuti tizive. Ndakafamba nemumakwenzi ndikaona havo vaviri vasangana zvakare. Ndakaenda pedyo nepavaive ndikanzwa vachikakavadzana nezvaIshewedu. Paakandiona Yeukai ndipo paakandibata pahuro akandimonyorora oda kundiuraya sehuku, ndofunga muri kuona kuti mutsipa wangu uzere maronda akabuda ndichiyedza kurwisa. Handizivi kuti chii chakazoitika nekuti ndakatoona rima. Ndakazopepuka ndiri muchigoronga chine minzwa, ndofunga mose murikuona mharu paru dzose dziri mumuviri wangu."
"Ndanyarara kwenguva refu, asi ndave kuda kuti nyaya iyi ibude pachena. VaMurigwa zvaita zvakanaka kuti muri pano. Hakata dzenyu hadzipotsi ndizvo zvandinoziva. Ini ndikada kutonga ndingatotonga nepfumo zvekuti vamwe vanogona kufira mahara. Gwenhamo auya nenyaya yake, waanga achipomera aramba akati kurongerwa namambokadzi Nakai naTakavingei. Takavingei, vanova amai vaRangarirai ndimi musina kupiwa mukana wekutaura mune zvekutaura here tisati tasuma vaMurigwa? Ndinoziva kuti zvechokwadi maiwirirana navahosi Nakai uye ndimi makandiudza nezvaNakai naMurwiri."
"Hongu mambokadzi Nakai ndakabvira kare ndichivatora saamai vangu kunyange vaive vadiki kunaamai vangu mushakabvu. Izvi ndizvo zvakaita kuti pandakaudzwa naRangarirai nezvaMurwiri nditadze kudzikama. Ranga akanga andiudza setsindidzo asi ndakafara ndikaona amai vangu vadzoka mumuzinda. Mhosva yandinoziva yandakaita ndeyekuwirirana namambokadzi Nakai chete mambo, zvimwe zvose ndakachena ini," saNakai Takavingei akange asina mashoko anoenda kure zvekuti akange asingatenderi muromo wake kutaura zvisina kukodzera.
"Pamuri vatatu pane ane zvekutaura here nekuti tikazonzwa zvinopesana nezvamataura dare richangoita zvakakodzera?" Madzimai amambo Cahuruka akaramba agere Murigwa ndokusiirwa nguva yake.
Murigwa akakanda hakata dzake ndokusimudza musoro, "yanevanji ndiyo yatanga taunganira pano. Mambo ndofunga ndakauya pano mandidaidza mukazoti zvose zvave mugwara. Vari kumhepo vakanga vasina kundijekesera nekuti ndakaona kuzvarwa kwanevanji. Hakata dzangu dziri kundiudza zvechokwadi kuti iro jaha rakabata bakatwa ndiro rine ropa rimwe- chete nerenyu mambo Chauruka. Ndakanda zvakare hakata ndakatarisa murume amire apo mashoko ose aataura ndeechokwadi, iye nejaha rigere apo ndeve dzinza rimwe chete." Ishewedu akada kufambisa kuuya mberi akamiswa nemauto emumuzinda. Mambo Chauruka makachengeta mwana asiri wenyu mumuzinda makafanira kuripwa." Yakave mhere mhere mumwe nemumwe padare achitaura zvaaitaura.
"Veruzhinji nyararai tinoda kuti vaMurigwa vatijekesere kuti vangani vaiziva nezvenyaya iyi vapihwe mutongo wavo wakakodzera!" Maenzanise akanyaradza vanhu achidaro. "Handini ndichataura vose vanofanira kutaura vari pano vachataura vega." Murigwa akatora mumwe mushonga waive wakakuiwa kuita kunge dota ndokuufuridzira mudenga. Tete naYeukai vakabva vasimuka panguva imwe-chete.
Kupetwa kwechitsauko 39
❤️
👍
😂
🙏
❤
😮
😢
🔥
💃
👙
310