
🇿🇼Vee Stories Zim 🇿🇼
June 18, 2025 at 05:33 PM
*🏹NEVANJI🗡️⚔️*
*Tevera Channel iyi usarasikirwa nemachapters*
https://whatsapp.com/channel/0029VaKdqpwKWEKl53ljby0w
Pinda mugrp iri
https://chat.whatsapp.com/GJbja7LlR9qJX7rbiTodpP
*Comment section*
https://chat.whatsapp.com/EtsqMyq23FQ7T70xsfxBdb
Nganonyorwa Kubva ku:-
✍ VIRGILEND
Vee 💘 aka Virginia Chambati
&
Sir LEGEND C
Chitsauko chekugumisira
Nakai ainge ongokwenya mhuno nekasiyanwa agere pasi achiona tete nemuzukuru wavo vachisimukirana kuita sekunge vanomhanyiswa. Nguva yekuti zvakavanzika zvose zviti bvuu pachena yainge yasvika zvino. Kusimuka kwakaita tete Chihoro naYeukai, godobori Murigwa vakaburitsa munhenga wechapungu munhava yavo ndokuufuridzira kuvaviri ava vachidanidzira nezwi guru. "Chokwadi ndicho chirikudiwa pano, taurai zvose zvamakaita musasiirire, mukada kuvanza munochiona!" Yeukai natete vake Chihoro vakaramba vakati tumbi kumira pasina anotaura, panguva iyi vainge vave mberi kwevanhu. "Manzwa zvandareva here, ndati reururai zvose zvamakaita hatina nguva!" Murigwa akakwamatata, "hatina chekutaura i..." vaviri vakataurirana nguva imwe asi havana kupedza kusvipa mazwi aibuda mumuromo yavo. Murigwa akafuridza munhenga wake zvakare achiumwaya dota rikanovamhara. Kumharwa kwavakaitwa pakaita batai batai votanga kugwabvura.
Vaviri vakagwabvura kuita sevachabvisa shashiko vakadzirasira mberi kwevanhu, tete vainge vongosvetuka svetuka semunhu arikutsika murufuse apa vachiita gwenya wakwenya. "Maihwee zvangu, yoo hunye hwako hwawandifuridzira huri kuvava Murigwa. Ndibatsirewo kani ndisafe nekugwabvura!" Tete Chihoro vakadainidzira vaita kutora chitanda kuti vakwenye nacho. Zvakatanga zvichisekesa kusvika zvosiririsa, "imbovaviwayi zvishoma ndiko kuti muzive kuti hatisi kuita zvejee pano. Izvi zvinopera chete mukange mareurura, kana mukarega muchamera maperembudzi." Yeukai achinzwa izvi akabva ati bvurugwada pasi ndokupfugama otanga kutaura achipisa tsitsi. "Regai nditaure zvangu ini, maihwee ndanzwa nekuvaviwa handichazivi pekubata."
"Mira Yeu nditange ini, yohwee mhai vangu vari muchuru imi, hamundibatsirewo here ndirege kufa ndichikwenya!"
"Regai kugwauta kunge imbwa mutange kutaura, ndave kumisa kuvaviwa kwenyu asi mukada kungwarangwanduka ndinokudzosa kwakapetwa rutatu. Pano ndiri kuda chokwadi chose chezvamakaita, maifarisaka muchiona tinyerere mukati regai tiite madiro kusaziva kuti hakuna chisina mugumo." Vatete vakabva vatanga kutaura, kutanga kutaura kwavakaita kuvaviwa kwakabva kwapera. "Pamusoroi dare, ndinoda kutaura chokwadi chose chezvakaitika. Hongu ndinobvuma kuti ndini munyengeri mukuru panyaya iyi. Gwenhamo naSekai havana kunyepera dare vataura idi remabvezuva. Ndini ndakaronga kuti Yeukai uyu akwane kwane pakuva mudzimai wamambo Chauruka. Paakauya mumuzinda ainge atsika mwedzi kare, asi izvozvo mambo havana kuzviona nekuti ndakapa Dopiro muti wekuisa mudoro ramambo. Muti uyu waiita kuti vasazive zvavainge vaita pakusangana nemudzimai wavo mutsva."
"Zvamunoroya masikati machena nhai mbuya imi, chembere dzamakashandisa deno dzichipo nhasi ndaidzisanganisa nemidzimu yadzo. Dzaizofa nebakatwa rangu kuti chive chidzidzo kune vamwe, ko ropa rakabvepiko mudahunha mangu kana munhu aisava mhandara uyu? Dopiro Dopiroka, wakandigona wena. Une idi kuti ungandiigire mhou ine zamhu uchiti itsiru?" Nyadzi dzinokunda rufu, Dopiro ainge ongotsikitsira pasi nadzo, tete vakataura zvose zvavaiita hapana chakasara, pfimbi dzose dzakanzi waya pachena. "Zvizhinji pedzerai nyota patsime, Yeukai uyu aripo anokutsanangurirai zvose zvakaitika." Tete vakabva vagara pasi Yeukai ndokuti kwanyanu kwave kutanga akwenya musoro semunhu ari kufunga. "Usade kunyepera dare zvako nekuti ndikangofuridzira munhenga uyu, muviri wako wose unozara nemaperembudzi."
Yeukai achinzwa izvi akabva atanga kutaura zvose, "ini ndinoda kuti undiudze kuti ropa riye rakabvepi, ndakazviziva kuti uri goronyera iwe, hutsotsi hwako ndakahuona nezuva rimwe chete."
"Handisini nditete nababa ava, ini ndaingotevedzera zvavaindiudzwa chete. Yangu mhaka ndeye kudzingisa Nakai pamuzinda asina mhaka chete, asi zvose izvi zvakabva nekuna tete zvakare ndivo honzeri vaindionesa huipi hwake vachida kuti ndive mudzimai wamambo ndoga. Zviri zvehumhandara ndakauya pano hwadyiwa kare napongwe. Hongu Gwenhamo ndiye akandinyengetedza ndokundibvisa humhandara hwangu, akandivimbisa kusanditiza. Mazuva andazouya kuno ndainge ndichangotsika mwedzi. Tete vakandipa zano rekuzvicheka ndikashandisa bakatwa ramambo ndokubuda madonwe eropa avakaona vakava nepfungwa yekuti vandibvisa humhandara. Ichokwadi kuti pavana vandiinavo uyu musikana wepakati Dudzai ndiye oga mwana wamambo Chauruka. Vamwe vose ava vaviri Ishewedu naVimbiso ndeva Gwenhamo."
Yeukai akanopfugama pamberi pamambo ndokutanga kuuchira, "murume wangu, ndinoziva kuti ndakashaisha fani nezvandakaita izvi, asi ndaikumbirawo kuti undiregererewo handizvipamhe zvakare, ndinokuvimbisa kuti ndichave mudzimai akatendeka."
"Gara pasi Yeukai ndinoda kunzwa baba vako Dopiro kuti nei vakandipa munhu wavaiziva kuti anzwa nekuvatwa mumakwenzi. Dopiro simuka undiudze kuti nei wakandiitira utsinye hwakadai."
Dopiro akashaya pekupinda nenyadzi, ainge ongoshama muromo achida kutaura asi pasina chinobuda. "Dopiro waona zvamboitika kuhama dzako payeka? Zvino ukaramba wakati mwiro zvinoitikawo kwauri uye ndinozviunza nemasimba makuru zvekuti unorasa mhapa iwe."
"Hanzvadzi yangu ndiyo muparanzvongo ini hangu handina mhaka yandiinayo. Regai nditaure zvandinoziva, hongu ndakapa mambo mwanasikana wangu nemoyo unoda. Ndikatanga ndati anoongororwa kana akakwana, basa rose ndakaripa Chihoro rekuti aongorere humhandara hwake. Ndanyara zvekudzikira makore nezvataurika pano, ndaisaziva kuti ndiri kuunza mharadzi mumuzinda ichazunguza muzinda wose kupotsa wadonha. Mhosva haimeri pamuti inomera pamunhu, ndinogashira kutadza kwangu, ndinokumbira ruregerero kuna mambo. Changamire woye ndinzwireiwo ngoni izvi zvakaitika nekusaziva."
"Nechinanga iyi ndapedza nayo kwasarira kwamuri kuti mupe mutongo wenyu, ndisati ndatora dendemaro ndine imwe yandinoda kuenzanisa zvakare. Eeeh Ishewedu simuka udure wega pachena mhaka yako yawapara hunyoro huno."
"Handina mhaka yandapara ini asi kuti ndinoda kutotaurira ndakamirira Vimbiso, isu baba vatinoziva ndimambo Chauruka uyo womoda kutipa hatimuzive, chinga chivanhu chinoti gomba harina mwana, ko apa razoita sei?" Vanhu vakaita mahon'era vachisvora Ishewedu, "rega kutambisa nguva yedare uyende kurudzi kwako iwe, hauoni kuti waive zundu mundove here? Waingoonekwa nehusimbe kutodza baba kuti hausi Nechinanga, uri mbuya Chikonamombe iwe." VaMaenzanise vakataura vachidaro, vachipedza godobori akasimudza ruoko ndokunongedzera kumadokero kwava kunongedzera paive naIshe netsvimbo yake. Gomana rakatanga kudzana-dzana richitomuka tomuka seraisirwa marasha anopisa parainge rakatsika. "Ndatsva kani maiwee pari kugocha apa."
"Taura mhaka yawabva mukupara hunyoro huno kuti waiparirei."
Zvaiitwa naIshewedu zvaiti kusekesa zvikati kupisa tsitsi, akabowa akazvirega asi Murigwa akaramba akamutendeka netsvimbo yake achiti, "taura zvose izvi zvichapera kana wapedza kudura chokwadi chose."
"Ndauraya murindi anga atumwa naamai kuti apisire Chesango naRangarirai mumba mavange vavete, chikonzero chiri chekuti ndisare ndiri ini nevanji. Kuuya kwaChesango kwakadudza kuti humambo hausisiri hwangu zvino ndaida kuti vakafa vose ndisare ndiri ini mwene wechigaro. Izvi handina kuzviita ndoga asi kuti ndaitsigirwa namai vangu ndivo vati ndimuponde asatitengese. Tisu tanga tamutuma kunopisira vakomana mugota mavo."
"Munozviziva here kuti munhu haauraiwi sehuku? Iyi mhaka yawapara waparira dzinza rako, wapinza ngozi mumusha inoda kuripwa. Gwenhamo hoyo mwana wako akuparamurira ngozi, mushonga wengozi kuiripa mukasadaro munotsvairwa mose, ndapedza nemi. Changamire ndima yangu ndasakura ndazunza zvakavanzika zvose zvava pajekerere, kwasarira kwamuri kupa mutongo wakakodzera kuvanhu ava." Murigwa akatora dendemaro mambo ndokusimuka votanga kupa mutongo wavo.
"Ndotanga newe Dopiro, ndakazviziva ini kuti une katurikwa chete kumhanya kwawaiita. Une idi kundireresa bonga kwemakore ose aya? Handina mashoko akawanda newe asi ndinokubvisa huchinda hwandainge ndakakugadza kutanga nhasi wangovewo munhu. VaMaenzanise ndivo vachava jinda remana yawanga uchitonga. Mhosva yako iyi yaida kuti iwe nemhuri yako yose muve chisevo chengwena, asi nekuti wakandishandira kwemakore wakatendeka ndichakupa mukana wekubuda nemhuri yako monogara kusango rehuipi. Rega ndikuudze ndichiti, ukangofunga kuda kundimukira wodzoka kuzoda kundirwisa zvakaita Jekanyika ndiko kunova kuparara kwako newese wedzinza rako, handidi kuona rutsoka rwako pedyo nedunhu rino zvakare, musi waunotsika muno unofa. Yeukai wandigura kunorira, tsvee kuita zvawauyira wave kuti takarasima nechipfambi pamwe nekuparadza musha wangu. Midzimu yekwa Nechinanga haiitirwe marara, mutongo wako rufu haukodzeri kurarama mose natete vako munekodzero yekufa rufu runorwadza."
Chihoro achinzwa izvi akahwihwidza kuchema asi mambo havana kudzora tsvimbo nekuti gudo rabata huso. "Ishewedu, iwewe utori mhondi ndikakurega uri mupenyu ndinenge ndazvisikira moto muziso mutongo wako rufu, torai vanhu ava munovapisira muzhenje remoto. Dopiro ndinoda kuti kuyedze usisimo mudunhu mangu." Murigwa akasimuka pakapedza kutaura mambo otaura achiti, "matendwa changamire mapa mutongo wakakodzera kuvanhu ava, regai ndikuudzei kuti kubva kwaNakai muno mumuzinda hwaiva hurongwa hwevari nyikadzimu avo vakaona kuti akaramba agere muno mimba yake yaigona kupfudzwa kana kuti mwana wake aimupona oparara zvisinganzwisisike, midzimu yakaona zvakakodzera kuti vahosi vabude kunorerera nevanji kumana kwavo ndizvo zvakaita kuti munonoke kuona kuti varema, zvose zvaiitika izvi zvaive nechinangwa asi nhasi ndipo pafira sarungano. Chifarai kutambudzika kwapfuura nevanji vemazvirokwazvo vadzoka mumusha."
Gwenhamo akapihwawo mutongo wekushanda mumuzinda pasina muripo.
Dare rakaparara vana Chihoro, Ishewedu naYeukai vakanopisirwa kunze kwemusha, Dopiro akabuda mumuzinda oenda kunorongedza kuti achibudewo mudunhu, Vimbiso akabva apa oenda kumba kwaGwenhamo, mambo havana kuda kuramba vachirera gora. Vakasara naDudzai wavaiziva kuti mwana wavo. Pakapera zvisi zvitatu gadziriro yekutambira Murwiri mumusha ichiitwa, pamazuva aya vazhinji vemunharaunda iyi vaiuya kumuzinda vachida kuona nevanji wavaingonzwa nembiri yekuzvininipisa kwake. Murwiri ainge asiyana na Ishewedu nekure, aive nerudo nevanhu asingadade kana kuzvitutumadza. Muitiro wake uyu wakaita kuti adiwe nevanhu zvakanyanya. Zuva rekusumwa kwake kuvadzimu parakasvika, vanhu vemudunhu ramambo Chauruka nematunhu akapoteredza vakakotonoka nehuwandu kuzoona chiitiko ichi.
Mambo Chauruka vakasimuka ndokutanga kutaura vachisuma Murwiri kuvadzimu, ndokuzopedzisa vachimupira kuvanhu. "ndinotenda nekuuya kwenyu kwamaita ndichikutaridzai nevanji wedu, ndinoti ndewedu nekuti imi neni tiri chinhu chimwe. Hakuna mambo anotonga oga pasina vanhu, Nechinanga Shumba, nevanji wemuzinda tinokugashirai mumusha menyu, simukai muonekwe bevanhu. Ehee hamuchionika, ava ndivo nevanji vemazvirokwazvo kwete Ishewedu." Mambo vachipedza kutaura mhururu nemiridzo zvakaridzwa kukanzwikwa kuomba kweshumba kusango raive pedyo, zvakadudza zvega kuti nevanji vainge vatambirwa mumusha mavo.
Magumo.
Tinokutendai nekutevera zvinyorwa zvedu, tine zvimwe zvatakakurongerai zviri kuuya asi tichibika teverai machannels kana magroups edu munowana *Ibvo* kubva kuna Vee. Iyoyo inhapitapi inonakidza zvekuti, Sir vari kukupakurirai *Pfuma yenhaka*, book iri rinosuwisa asi richinakidza zvikuru. Tinokuvimbisai kuti munguva pfupi inotevera tiri kuunza rimwe book zvakare remubatanidzwa muchaudzwa zita raro nekufamba kwenguva, isu se VIRGI-LEND tinopa rutendo rwukuru nekutitsigira kwamunoita muitirwe nyasha. 🙏 Mabhuku kubva ku VIRGI-LEND anoti Mazivandadzoka, Nhandare yeropa na Nevanji. Ose aya inhapitapi kana paine ramusati marava batai vanyori venyu vakupei mapdf awo.
❤️
🙏
👍
❤
👏
😢
😂
💃
😮
🔥
190