🇿🇼Vee Stories Zim 🇿🇼
🇿🇼Vee Stories Zim 🇿🇼
June 19, 2025 at 12:02 PM
*Huturu hweRudo* https://whatsapp.com/channel/0029VaFUMTz3LdQP9KFcYL3H Main group https://chat.whatsapp.com/HV02wst68adDy5ZZHhlZ9k Written by:- *DENGURAMUTANDABOTSO* - Sir James Itai - Sir LEGEND C - Brightapfuma - Vee aka Virginia Chambati - Altum - Layie Chitsauko 10 "Joeboy what's next nemukomana uyu, tarira rwave rumbakwedza asi hatisati ta-decider kuti tichazvifambisa sei?" Umwe wavakomana vaJoeboy akamubvunza. "You see that is your problem, who's the leader here? Its me who decide what to do and when?" "Joe handina kuramba asi ndikungoti hatingachengeti murume uyu muno zvezuva rose futi. If we do that haa ndokuudza tinenge takutoigochera pautsi chaipo." "Shut up and listen! Take some pictures of him, ndoziva zvekuita nawo uye riinhi?" Joeboy akadaro achiburitsa runhare rwake. Akatambidzwa akatora Trevor mifananidzo ndokugutsira musoro. Iye Trevor aive angorembera pachigaro asisakwanise kana nekumuka kwese. "Right zvatichaita ndezvekudai guys, imi vaviri muchasara muno makarinda benzi uyu. Ini nevamwe two tichadzokera kucampus, ndine zvandinoda kunosota kana zvabudirira ndokuudzai kwekunomusiya." Joeboy akadaro achinongedza vaizosara. "No no no! We are in this together, saka imi makuda kuendepi manje apa?" Umwe wevaida kusiiwa akapokana nazvo. "Eish, amatures! Ko ati ari kukugezerai nyaya ndianiko?" Joeboy akataura asunga kumeso. "Anyway titume iwe tinoita zvauri kuda zvacho uyu tomusiya newe. Kana zvaita tokuudza." "Oky kana zvakadaro no problem ini ndave mushandi wenyu mondibhadhara. Ndipei mari ndisare naye imi moenda." Joeboy akadaro atambanudza ruoko kuti apihwe mari. Vose vakatanga kudzokera shure nenhendeshure, hapana aida kutarisana naye. Zvechokwadi ane mari ndiye mambo, Joeboy akanyemwerera ndokubva ati. "Mazvionaka kuti why zvakakosha kuti ini ndiende imi muchisara. Vandanongedza handei, imi sarai muno musatye ndinokuudzai zvekuita after two hours." Joeboy nevamwe vake vakabuda ndokupinda mumotokari vomhanyira kwaaida kunoita amwe mabhidhauko. Uyu waive Muvhuro usina zvipomerwa pakuedza kwawaive waita. Vararami ndivo chete vaive nenhuhwa dzavo nemitambu yavaidai kuzama kutura asi ichiramba. Nyaya yaive pamusoro pemapepanhau uye iriyo yaipisa mudzinhare. Yaive yemhirizhonga yaive yakaitika kuRufaro uko mutambo usina kuzopera. Pose pawasvika waingonzwa ani nani zvake achikurukura nezvawo. Ruzhinji rwaive rwusina kuona chiitiko ichi pachena, asi mifananidzo nemavhidhiyo zvaive zvizere pamadandemutande ekutandarira. Pavanhu vose aive nemusengwa wakanyanya ndiRejoice uyo aingonoita sechidambakuro achisimudza musoro akaringa kwaibva nevakomana. Hapana chimwe chaiita seachasvotoka musoro mumutsipa kunze kwekutsvaga aive aba moyo wake. Tama uripo ngwena yepazambuko, chero akaringa zvake zvinengei mwanasikana asi vevamwe vaiuya wake dzaingove nzizi muchirimo. Mhere mhere yaitwa haina kunonotsa kutotesa maziso aRejoice. Akapotera-potera nemadziro sedzvinyu wanike runhare rwake rwave panzeve zvekare. Zvenguva iyi harwuna kudairwa nechirungu asi rwune akadavira achibva nekune rimwewo divi. "Harwusi kupinda ka! Vanozviita vanabhangu ava vasina mari, unoidzimirwa fone ukasara wangoti kaha nazvo." Rejoice akapindwa nechando, muviri ndokumerera chiripo-ripo. Inzwi akariziva uye raive remunhu waaisada kuti ave chero pedyo naye. Hakuna umwe aingove Joeboy. "Not so fast girl!" Joeboy akadaro aona kufamba kwaRejoice kuine kakuwedzera. "Stay away from me." "Why should I, iwe uri wangu. Forever its a long time babe." "Ndakakuudza kare kuti iwe chero zvidii haufe wakaswedera muzvidya zvangu. So please get off my way." "Aripi nhasi Trevor wako waunoshaina naye iye asina kana chaanokupa. Zemberana nesu vana Joeboy tine bag udye uchirasa chiiko newewo? Midzimu yekwenyu here inoramba soft drink nekuda maheu?" "Trevor is mine and iwe hapana paunopinda, kunze kwekuti wave gay uchida kudyiwa sim two. So rega kumubvunza kuti aripi, anosvika zvake now now." "Yohwee mai Nhiya hanzi ndataurawo. Hapana kana zvamati bufu apa, haapo munhu wako nhasi. Unzwisise pano, iwe ndiwe wakabata hupenyu wake pasina izvozvo muzambiringa unoimbwa zvikarova." "Munonetsa vanhu imi kana mukarambwa." Joeboy akaswedera pedyo pedyo naRejoice uyo aive otokunda rutsanga rwuri pakati perwizi. Akasvika ndokumuzevezera munzeve achiti. "Do not freak out, kana ukangodaro chete waigochera pautsi." Joeboy akaburitsa runhare rwake ndokurwutambidza Rejoice uyo aingogwagwadza muviri wake seaive mumwedzi dzechando. Runhare rwaive kumifananidzo, Rejoice akavhunduka paakaona wake Trevor akatsvuka muviri wese neropa. Akamboda kuridza mhere asi akazvidzora, kuudza mwana hupedzisira aive avimbiswa. Misodzi ndiyo yakachingura chiriro akanzwa hasha, mumhute yemisodzi iyi haana kuzokwanisa kuona imwe mifananidzo. "Your choice now either Trevor wako or kundipawo chipoto chako chehuchi. Ndoziva haungandiudzi now so I will give you until masikati, kana ukaudza vanhu you know kwazvoperera. And one more thing remember ndine maziso nenzeve pano saka stay calm, my Queen to be." Joeboy akabva afuratira achisiya Rejoice misodzi yoda varedzi nemangwa avo. ************* Joshua nevamwe vake vaaishanda navo vaive vamukira muhutsvene vakananga kundima dzavo. Ko kutyei zvavo iwo muperasvondo wakanakidza? Yaingove nyama yekugocha pamashoko avo sezvo ruzhinji rwezvikwata zvenhabvu zvekunze zvainge zvakakunda. Hapana aiseka umwe mafaro aive akadirira varume vazhinji. Mangwanani aya Joshua akasvika achimbova busy zvake nemapepa ake mukahofisi kake maishandira. Haana zvakawanda zvaakaita umwe mukomana akapinda ari bara wamhanya, uku achifemera pamusoro sendere. "Joshua! Joshua! Kurumidza vakomana vegarden vari kurwa, mhanya kani!" Joshua haana kana zvimwe zvaakafunga akangobuda ari museve. Chero iye akauya kuzomudana nhano dzake dzakave pfupi. Zvose nerunhare akasiya imomo muhofisi omhanyira kunonunura dzivo iri raitikira kuseri kweworkshop. Tau akasara opinda muhofisi umu, uyu zvekuti kwaive kwaitika maoko aive asina kuzvinzwa. Chaaingoda kunotsvinya shamwari yake nezvamainini Rejoe. "Hellow Joshua wemubhaibheri uri sei nhasi my friend." Akadaro Tau achipinda. Zero zero pazvibodzwa haana akamudavira. Iyewo akatozozviona ave mukati kuti maive musina munhu. Ndosekera nhamo serugare zvimwe kuijaira, vamwe vakati chinoda muromo chinokwevera. Zvimwe zvehupenyu hameno tingatii, zvakawanda zvacho anenge mashura mubani dhongi kufuma rave nemikwesva yenyanga. Kuzvicherechedza nekuzvifungisisa unozvishayira pazvo sehwiza, kuti uti inyama yohwe unorambirwa masikati machena wozoti makwati ngoma tinde hameno zvako kana ukaikunda hondo yacho. KuHarare mainini Rejoe vaive vawana kamukana ndiye nzvee vachiti vachaire babamukuru runhare. Tau aivewo apinda muhofisi yaJoshua, aive masanga akanaka aya. Runhare rwaJoshua rwuchinorira Tau akaona zita riri ramainini verunako. Akamboti vhundu semvura yabvongodzwa neburuvuru. Rwepiri haana kuzengurira akadavira runhare rwuya wanikwe kwarwaibva kwaisadanwa anonzwa. "Babamukuru chimbi chimbi svikai kuno, Trevor is in danger. Anofa chete kana twelve dzikachaya musati masvika kuno. Please mhanyai uye mukomana uya wekundida ari kundiisa pasingaite." Rejoice haana kumirira kudairwa kana kunzwa zvaizotaura babamukuru vake akabva atodambura runhare rwacho. Izvi akazviitira kutya asingadi kuonekwa naJoeboy. Tau akatarisa runhare rwuya ndokunyora nhamba yaRejoice murunhare rwake. Akabva adzima zvaizotaridza kuti Rejoice aive afona, achipedza haana kana kuoneka akawira munzira omhanyira kunokwira bhazi reHarare. Kupetwa kwechitsauko 10
❤️ 😢 🙏 👍 🚶‍♂ 10

Comments