🇿🇼Vee Stories Zim 🇿🇼
🇿🇼Vee Stories Zim 🇿🇼
June 19, 2025 at 04:02 PM
*Ibvo*💃🏽💋 https://chat.whatsapp.com/InUegkXRYCsA3mC5dqRNya Written by Vee💘 aka Virginia Chambati 🇿🇼773⁶⁵¹524 *Follow this channel to get previous and more books from her* https://whatsapp.com/channel/0029VaFUMTz3LdQP9KFcYL3H *Comment section* https://chat.whatsapp.com/H2g54wx26Mn1kabGHDQnzq Like my Facebook page👇 https://www.facebook.com/Vee-Stories-100577472665445/ Join others on FB👇 https://www.facebook.com/groups/768733003775752/ 💘1 *Pearson* "Asi unondishura kani iwe Shorai, wanga uchiti ndicharega kuzvibata kuti ndiwe wazviita? Nyatsonditsanangurira kuti wanga uchida kuyedza kudii chaizvo pawanga uchiita zvawaita izvi?" Uyu aive Media mudzimai wangu mukuru aipopotedzana nanyachide wangu Shorai. "Iwe wakambondiona ndichipinda mumba mako here? Ndingasabudamo ndave mheta makumbo here? Ndanga ndazviita nguvai zvauri kutaura izvi? Pedzerana nezvivana zvako izvo zvinehuchapa samai!" Matauriro aShorai ndakatoona kuti aive ekutsvaga pamuromo chete. Ndinoona sekuti dumbu rake ndiro raikonzeresa bvongamupopoto pamba pangu. Paakauya pamusha pangu aive munyoro, akange akazvityora zvekuti neni ndaigara ndakazvirova dundundu nekuti aive mudzimai akabva kuvanhu. Mudzimai wangu mukuru aimboda kunyarara asi uyu Shorai aitoita zvekuti ataure chete. Zuva nezuva paitoita mhere-mhere yechimwe chinhu chete. Uyu mudiki kunze kwekuti aremekedze mukuru ndiye aitotanga kumurerutsa. Pane nguva dzandinogara ndakanyarara, asi moyo wangu uchitaura zvakawanda. Imba yangu yakabva pakuva nzvimbo yerunyararo, kuzove bako rehasha, mhirizhonga, uye gandidzanwa remashoko anorwadza. Handina kuroora Shorai nekuti amai Shingirirai mukadzi mukuru wangu ndaisamuda, kwete. Mashoko evanhu ndiwo akandiwandira. Ndaive ndaita rombo rakanaka muhupenyu, ndichityaira marori aiyambuka kuenda kunze kwenyika. Asi zuva rimwe chete rakandichinjira ramangwana rangu. Ndakaona rufu nemaziso angu pandakaita tsaona. Mota yakatenderera rutatu, hupenyu hwangu hwakandibvunza kuti, "wapedza zvawakange wakatumirwa kuita naMwari panyika here?" Ndakambogara muchipatara kwenguva refu, asi ndakabuda ndisisakwanise kutyaira sezvandaimboita. Hupenyu hwakaoma mushure mekusiya basa ndokutamira kumusha kwevabereki avo vainge vashayawo vose. Semukomana mukuru ndini ndainge ndasiirwa musha. Panguva iyi ndaive ndave nevana vasikana vaviri Shingirirai naAnoziva. Vekumusha vakandigamuchira, asi vanhu vemunharaunda havana kumbonyarara kutaura, "Pearson, unofanirwa kuitawo mwana mukomana, ukanzi wafa nhasi musha wako uyu unogarwa naani, ko zita rako unoda kuti rirove here?” Vanhu vaitarisa vana vangu sesipo yainge isina kukwana inopupuma ichipera. Ndaingonyarara, asi pfungwa dzangu dzakagara dzichindityaira. Iwaya mashoko evanhu ndiwo akaita kuti ndifunge kuparika mudzimai wangu mai Shingirirai. Musi uyu paipopotedzanwa ndainge ndigere pasi pemumango ndichiveza mupinyi wedemo. Wakange usiri musi wekutanga madzimai angu kunetsana, yakange yatove garoziva semhanza yembudzi iri mumabvi kuti pamba pangu paive pebvongamupopoto. Dai paive nemunhu akandinyeurira kuti ndizvo zvinoita pabarika, zvichida ndingadeno ndisina kumbobvira ndafunga pfungwa dzekuriita ndomirira nguva yaMwari newangu wandainge ndashara. Yakange yangove, 'ndazviitirei?' Kusiri kunyepa, ndairwadziwa siku nesikati nekuti ndaive ndiri parumana nzombe, ndainge ndazvipaikirisa panyanga dzamushore chaipo. Ndaive parimi remoto wandakatanga ini, dzokonoko ndotya kutsva nawo. Dumbu raShorai ndiro raizondidzikamisa, ko kana aizoita mukomana? Ko kana ari iye aizondipa zita rinoenderera mberi? Asi zuva nezuva raiita sekunge ndakazvinyorera tsamba isina kero. Shorai aisayera mashoko, hapana chaiyera kwaari, mashoko ake aibaya pamoyo kuti dyuu, aiita ekupotsera asina kumboadzeya. Shorai akatarisa Media nemaziso anodzikisira ndokuti, "unofunga kuti uri mambokadzi here? Hona, ndiri pano hapana kwandiri kuzoenda!" Akadaro Shorai achipuruzira dumbu rake achinyemwerera achiita seaisvotesa Media uyo akaramba akangobata muchiuno achitambisa gumbo rake rekurudyi. "Shorai tese takadziita nhumbu idzi, asi hapana watakashungurudza, zvino iwe ukaita sewakanzi uchazvara Jesu Kirisitu kudaro zvichakunetsa mangwana." Ndakaona kuti nyaya iyi yaisapera, kuipa kwazvo bopoto racho vaiita vakamira paruvanze vanhu vose vanodarika nevavakidzani vachinzwa. “Chii chiri kuitika pano?” ndakazobvunza nemanzwi akasimba asi akadzikama. "Haasi iye here uyu aisa mutyora wekubikisa derere mumvura yangu yese yekunwa yandafirira kuchera kuchibhorani uko," Media akadaro achiratidza kusvotwa. "Ini? Handina kana zvandaita! Iwe unongoda kundinetsa chete! Ndiwe unonyengera vanhu pano kuti vandivenge!" Media akangomutarisa pasina chaakataura. Ndakatarisa Shorai achingominyura miromo ndikapererwa nemaitiro ake. "Kugara pamwe chete kunoda rukudzo. Kana tikasadaro, imba ino ichaparara. Handidi kusarura, asi kana mumwe wenyu ari kuita zvinhu izvi, ngatizive chokwadi." Ndakatarisa Shorai ndikati, "Ndiudze chokwadi. Iwe unoziva here nezvekuiswa kwemutyora mumvura yemukoma wako?" Shorai akaminyura muromo ndokutenderedza maziso achidzungudza musoro. "Zvakanaka, tichaona chokwadi pamwe chete." Ndakagara pasi ndokumbofunga zvakadzama. Apa paida kufunga nekuti chokwadi chaifanira kubuda no matter what. "Handidi kugara ndichiudzwa zvinhu pasina humbowo. Asi chinhu chimwe chandinoziva ndechekuti chokwadi hachivanziki. Iwe mai Shingirirai sei uri kuti uyu Shorai aisa mutyora mumvura, mamuona here?" "Ndanga ndichibva kunotsvaga tsotso kuseri kwemba uko ndipo pandamuona achibuda mumba mangu necup yake yaanoisira mutyora iyo yaaisa padara apo. Ndanoinhuwidza ndikapinda muno ndikatsvagurudza ndikaona mvura yati shandukei ruvara uye mukainwa itori netaste yemutyora." Shorai akashatisa chiso ndokuti, "anonyepa! anondivengera chiri mudumbu mangu nekuti iye ane vasikana voga, ndosaka achigadzira nyaya uyu. Pamwe ndiye atodira ega mutyora wacho kuti nyaya isimbe!" "Waramba chokwadika, iyi haisiriyo cup yako here iyi? Shorai chimbomira tsika dzako idzi. Hausi mwana, uri mudzimai. Zviito zvako zvinofanirwa kuratidza ukuru hwako, kwete kuda kusvibisa vamwe." Media akamira maziso ake achibuda misodzi, kwete nekutya, asi nekuzvidzwa. Akanditarisa ndokutarisa Shorai akati, "handina kumbofunga kuti ndichambotukwa ndisina kutuka, kunyadziswa ndisina mhosva. Ndagara ndichikuremekedza murume wangu. Ndakagara ndakanyarara pane zvakawanda, asi nhasi ndanzwa sokunge moyo wangu waputswa." "Saka muri kutotora divi rakeka Media uyu, ndakagara ndazviona kuti pano handidiwi, munomutunhidza uyu achiita zvaanoda muchingonyemwerera. Shorai akangonzi aita chakati mave kutozvitenda. Moyo wenyu uchafara ndafa pano," Shorai akadaro otobuditsa misodzi. Media akatarisa Shorai achinyemwerera zvine shungu mukati, "iwe unondiona sendisi chinhu nditori mukadzi mukuru kwete nemakore chete, asi nehunhu. Zvaunoita zvinoratidza kuti hauna kudzidziswa, asi handisi ini ndichakuudza, hupenyu hwoga huchakuudzisa. Murume wedu, handikumbire kuti pawanike anodzingwa pano, ini ndiri mukadziwo. Asi ndinokumbira kuti zvinhu zviiswe pamutemo. Nekuti kana tisingaremekedzane, tinogara sei pano?" Apa painge pandiomera, asi zvinonzi akanga nyimo avangarara. Ndaifanira kuyedza kuti vaviri vawirirane, asi maitiro acho ndakamashaya, ndakatarisa Shorai akangorebesa muromo ndikati, "pamwe hausi iwe zvako une pamuromo, zvichida ndiyeyu mwana ari mudumbu ari kutonga nemupfungwa. Zvinhu zvaunoita hazvina mwero, asi ndinovimba hazvisi izvo zvauri chaizvo uchashanduka mwana paachazvarwa." Ndakambonyarara sababa wo kuti zvityise ndokuzoti, "kana mwana uyo ari mudumbu ari mukomana, ndichamudana kuti *Bvongamupopoto* nekuti akauya munguva yehondo, infact zhowe zhowe yose riri kuitika pamba pano yakatanga paakapinda mudumbu umo." Shorai akavhura ziso riya rekushamisika ndokuti, "Bvonga chii? Izita hwai iroro. Wangu mwana haangambodanwi nezita rinorema kudaro." Ndakaona Media achivhariridza kuda kuseka, asi airatidza kuti ainge abatwa nesetswa. "Ndatopedza nekuti ndini ndinoziva nhamo yandaona nekuda kweruzha rwepamba pano zuva nezuva. Ndinovimba kuti zita iroro rikaenda pamunhu pamba pano panoita runyararo. Achizvarwa ndichamupa mombe chaiyo yemakorokoto kupfumbidza zita. Anenge asingadi zita anoenda zvake nemwana wake kwaakabva. Kana akave musikana mwana uyo zita rake achanzi *Ibvongamupopoto,* ndapedza nemi." Shorai akaita kushaya zvekuita ndokuti, "mwana wangu achave mukomana kwete musikana. Munoda kundifananidza nevamwe vanhu here?" Akatarisa Media iye ndokungotenderedza maziso. Media akangomutarisa ndokupeta maoko akamaisa pachipfuva. Ndakabva apa ndopinda mumba ndikasiya ndati, "mwana uyu whether mukomana kana musikana anofanira kuunza runyararo pamusha pano." Ndichipedza kudaro Media akabva amhanya kuseri kwemba akabata muromo. End of Chapter 1 Stay tuned Vee💘
❤️ 🙏 👍 😂 👙 49

Comments