CHAKAFUKIDZA DZIMBA MATENGA💦💦💦
CHAKAFUKIDZA DZIMBA MATENGA💦💦💦
June 20, 2025 at 07:37 AM
*Mudzimba with mai chisamba* 2017 ndakadanana nemumwe mukomana kusvikira takugara tose kunobotswana takainda kuzim mimba yatove ne3months ipapo akabva anditi tirikuenda tose kumba kwavo anondionesa kunevekwake yake ndakafara ndaida zvinhu zvine gwara chairo murume pese paaitambira aindipa mari kana kunotenga tese grocery rekuenda naro kumusha ndainzi rimwe nderekwenyu rimwe rekwavo ndakatoti handichaburitsi mari baba varikundigonera zuva rekuenda kumusha rakati rasvika ndopandakaona takuda kusvika ku bhoder kuty mumwe wangu afundumwara atsamwa ndirikuti ndakamutaudza haachadaire kusvika Plumtree akangotikwindi ndakamuti chii nhai wagumbukei zvakanzi unofunga kuti ndingatadze kugumbuka iwe wakateya grocery rangu moziva ndakatoseka ndakati pamwe kutamba nditonzwa munhu atokwidza voice vanhu kutoungana munhu kwakuti murikuona amai ava varikunditeverera varikuda kunditsotsa zvinhu zvandatengera mai nemukadzi wangu ndakabva ndaneta ndashaiwa zano kuti ndipfuurire zvaramba lucky ndaive ndine yakwana kudzokera kwandabva hapana pandaisvika kumusha ndakarembedza maoko uku nenhumbu futi ndosaka akati umwe neumwe aise mbatya mubag rake ndakangoti nechemumoyo zvirinani ndidzokerebotswana apa mahwindi achishaudha hanzi ambuya indai kuneakakutundirai siyai munhu tokurovai mukasvodza apa kumba kukadoma ndainge ndavaudza kuti ndirikuuya ndichambopfurira kumusha nemukwasha wenyu tozodzoka neko musi uyu ndakaita sebenzi ndasvikabotswana paye ndakatanga kurwara nestress yemukadzi yandanga ndanzwa iye zvakandibata ndakarwarisa ndichibleeda ndikagara kuchipatara murume uyu kana kuzobatika futi nezuro ndopondonzwa nemuridzi wemba akuti pambouya vamwe baba vanerasta vachikutsvaga vati vachadzoka akabva adzoka wow shungu nekuchema nehasha apa munhu akabata chimonaki hanzi ndadzoka mukadzi wangu ndiregererewo ndakangoshandiswa nemweya yetsvina paya vanhu vekumusha kwedu vanondisairira mhepo ndipewo chance ndakafonera mainini vangu vakauya nemurume wavo nemunin'ina wacho vakamudzinga kwakuramba kubuda ghedhi hanzi ndini ndakatsvaka imba ino vakamuzvuzvurudza akabuda zvenharo makuseni kumuka wanei akagara pamonaki paghedhi hanzi ndipe mwana wangu ndakati uriduzvimwana upi wawakandibatisa zvikanzi ndokuremadza izvezvi ndikati zamatione abva atanga kufamba achindivinga ndikanhonga chidhinha zvikanzi ndoda kukurova nechidhinha chako kusvika wachikandira kure aifunga kuti ndomutya ndakamusikiza nacho akanzvenga achifunga kuti ndapotsera ndakabva ndazamurira ndikamurova nacho paibvi akagwadama hanziwandiuraya ndikatiifa kana ndakuuraya urikutaura urikumakuva here zisoro rinemop zvikanzi wakundituka nhasi asiwaimbobatirira pandiri ndikakupa mwana uchandipa mwana iyeye ndakamuti ndaikunyepera ini ndakaiswajadel 5years zvikanzi urimuroyi waingoda mari yangu ndikati hauna kundipa mariyacho mahara ndaikupawo pamutundo handi wakambonditi ndirihure rakabva kumusha kuzotengesa buri here akabva anditi uchaona zvandichakuita ndikadzokera kumusha uchafamba uchibudahonye sekuru vangu ibasa ravo kugadzira mbiti dzinenge iwe ndakamuti enda unovaudza kuti hanzi namandhovu musoro wenyu semb. ro yakabviswa chiganda
😂 🤣 9

Comments