
NewsLink
June 18, 2025 at 03:27 AM
https://whatsapp.com/channel/0029VaLeCqqFCCoeBnaiF743
Ndati ndimbokuudzai kanyaya kakaitika kumaraini kwedu mazuva adarika aya.
Pa next door pedu panogara ambuya nemuzukuru wavo ari grade 3 musikana. Vanorarama hupenyu hunorwadza munongozivawo mamiriro akaita kunze apa usingaende kubasa uchigara futi nemwa wechikoro anoda kudya kuseni kutakura ma books nezvimwe hobho zvinodiwa pamwana. Muzukuru uyu mwana we mwana wavo mkomana mupenyu asi akazorambana nemukadzi wake wekutanga anova amai va Chelsea. Pakuzoroora kepiri gogo ndapavakati hunza muzukuru ndigare hangu naye utange zvitsa nomudzimai vako.
Ini ndaisatombozivavo kuti gogo ava vakabereka vana vatanhatu. Ndaitofunga kuti vane mumwechete mukomana iyeyu nekuti handisati ndamboona pamba pavo pachochinjana vaenzi kana kuunganirwavo nevazukuru pama holidays. Vanongorarama nekamari yemuloja kasingatokwane kunyatso variritira mwedzi wose.
Nhasi kuma 9 kuseni ndopandatoshamiswa ndichiona mota yati vhuu pa gate pedu ndokupfurira kuenda pa gogo. Pasine nguva munhu aburuka achichema zimhere. Ndashamiswa ndikati ko chii futi. Ndaona Chelsea achimhanyira mukadzi uya. Ko handiti mazuvano ari kurovha kuchikoro hanzi takapedza ma test.
Gare Gare pasvika 3 mabango emota munongonzwa imi. Imwe yacho ndakwanisa kuona ku truck kuine mazi grocery ekuwanda. Imwe yacho murume aburuka nekamukomana kadiki kakabata maruva vachipinda mumba. Ndangoti nhasi bho here nechomumoyo. Kakuchema kanzwika pakupinda mumba asi pasina 2 minutes vanyarara.
Ndichiri mushishi yeku figure out kuti I party here irikuda kuitwa nhasi chitatu pamba apa. Ndabva ndaona dzimwe mota four dzasvika. Dzakanakisa. Chelsea achibuda pachemwa zvekare. Nenguva isipi panyararwa. Ndikati regai ndiswedere pedyo ndione kuti chii chaicho. ko ndokuva muvakidzani akapangama kaaa 🤪. Ndapinda mugate ndokusangana nemuloja wavo tikabvunzana kuti sei famba. Tese hapana awana answer. Tasimbisana kupinda mumba muya ko taigodii nhai??? Tichipinda taona vanhu vakagara mudining vose. Gogo varipakati vasingafare vasingacheme vasingarware futi. Vamwe vose hapana anga achitaura noumwe zvokuti unotozoti chandapindira hangu. Ndangoerekana ndapfugama ndokuuchira ndichiti makadii zvenyu. Vadaira vamwe vamwe havana. Ndikaenderera mberi ndoti mamukasei gogo. Vapindura zvakanaka ndopandatombowana ka relief.
Hanzi Mai Thando mwanangu ava wauri kuona vana vangu vekubereka. Vaita ma introductions kubva pane wokutanga kusvika pane wechi 6 vese vanga varimo. Vasikana 2 vakomana 3. Ini hangu ndaingoziva baba va Chelsea ndovaimbouya pano neapo zvavo. Bvavazoti kuvana wavo ava ndi Madzimai vepa next door kwatino kumbira mvura mu tap haibude ini mugodhi handina. Ndokutendeka muloja wavo vakati ava ndowandinogarisana nawo vanondipa sauti kana yapera.
Pakati pavo pane azoti tafara nekukuzivai. Tikadaira. Hanzi na gogo. Nezuro takarara nenzara kushaya upfu chaihwo. Saka ndaudza Chelsea ndiri mumagumbeze kuti fonera baba vako uti hanzi nambuya ndafa kuno nenzara. Ndofunga haana kubata mazwi zvakanaka somwana mudiki ndokufonera baba achiti ambuya vafa kuno.🥹
I think kuita kwamwari chete nekuti baba vake havana kubvunza zvakawanda. Nema groups ariko aya nazuvano vabva vakanda message pa family group. Amai hakuchina. Vamwe havana kuda kubvunzisisawo vachiti ndiye ane mwana ariko saka anogara achiziva zvese zvamai. Vaita chipatapata kurongedza kuuya kunochema Mai vavo. Vazukuruwo neuko kutenga maruva ekuisa pa coffin ra gogo vavo. Vavaona vati ndofunga vanokoshesa Mai vavo zvekutodaro vasingazive kuti kwaani ndinhasi chete.
2 hours zvinhu zvatengwa hazvisi zvemunhu atanga aenda kumukando kunokwereta mari bodo. Imari yangotorwa mumba yagara irimo ichimirira emergency pada hameno??🤷🏽♀️
Tazobuda panze pa off loa dwa zvinhu hobho. Ma case ne ma case ezvikafu kusvika kuma salads. Ma drinks. Zvimwe handichataura. Pa calculations dzangu zvinogona kuva worth $1 500 USD tikasanganisa zvese. Ambuya vachema ivavo zvinopisa tsitsi. Hanzi saka vana vangu mutori nemari inokwanisa kutenga chikafu chakawanda soo. Saka mauya nacho kuti vanhu vazodya ini ndiri mu box. Ko hamudiwo ndidye ndiri mupenyu. Makaoma moyo. Munotozivawo kuti salad inodiwa ma drinks ndakapedzesera kumanwa riinhi???. Maruva munoda chitunha hamudi munhu mupenyu. Ndabatikana asi ndadzidza.
Ndati ndikuudzeiwo. Tibatsirane kuti pachiitiko ichi tadzidzei.
Chakakosha chii kupa munhu achiri mupenyu nekuzomupa afa.
Ngatitandarei tichitaura zvidzidzo zvedu.
❤️
👍
😢
5