
Golden Maxxy
June 18, 2025 at 09:55 AM
*CHAZEZESA choMWAKA*
*_WeTsika Nyanduri & Golden Maxxy_*
*Ndiwe nhau dzedunhu rino*,
_Zvefanano naChirimo wakada musiyano_.
*Hon'o iwe nemushana mave pamakundano,*
_Rega hako kuruma romo mukombe ndowako._
*Ndiwe hurukuro pose patsikwa newatsika*,
_Kwako kusvika wagumbura vana nevatana._
*Vogumbata maoko vavhimi nemhikura mariva,*
*Anopondana meno mukanwa kunge anokanga chinokangwa*.
_Koso koso zvipfuvambabvu zvopisa_,
*Rudzihwa ndirwo rwotozoti pano paipa*.
_Hakuyedzi kunze iwe mugudza wasenerera,_
*Chiti minwe kugwagwadza muromo uchibvunda,*
_Vamwe vofukunura akare majasi,_
*Aye avakasokanganwa mumitsago,*
_Kunyangwe nakamba gwati basa rashaya,_
*Ukaona oti mumuti kwati kwati nemakwati,*
_Hauonekwi hako asi ukasvika unonzwikwa,_
*Shayisamufaro kwese vanogwagwadzira,*
*Ndiwe nhau dzedunhu rino,*
_Verino dunhu vana voramba chikoro_.
*Munzira yokuchikoro unotandira kuita dzvetetsvete rorungwanangwana,*
_Mangwana mangwana achada kugeza achipi ?_
*Zviripi kutyewe jekacheka rushaya nyoro tsiye.*
_Heyo mitanda nematsiga zvokweverwa mumizinda marereka zuva_,
*Zuva ranyura vachakudzingira kure nemwoto une rasha rinopisa.*
_Bva iwe uri mutonhodza zvinopisa woita mherekedzi kumagudza,_
*Onge akadirwa mvura yomaMtirikwi kunodziya takotsira.*
_Chiti deno uri murume haiwa waifa uri bhachura,_
*Waive gadzi waifira muhutsikombi,*
_Agara newe kunoedza tsoka abereka,_
*Aida kugarira chando saChikunguru ndiani?*
_Wese achekwa minwe kukuona haachade,_
*Wasiyanei naShuramatongo pamaitiro,*
_Magudza mudzimba akamirira iwe,_
*Kusvika kwauya Chirimo vanhu vapembere,*
_Rwako rufu rwunofadza veruzhinji._
_Shiri dzedenga dzapfidza,_
*Makomo miti nehova zvakaisa muromo munhino,*
_Ko kuzoti mhuka dzisina kusimira kana chiro,_
*Wazunguza nyika zasi nekumusoro,*
_Zvose zvochingoti dai wachienda hako,_
*Hapana chisiri kugeda geda meno.*
_Wonge wakapisa musha kwawakabva_,
*Kuita mweni kwausakakokwa ndozvawakada,*
_Hona wosvaiwa sembudzi yatsika tseu yehurudza_,
*Rune chifuko , rune mbaura , chino nechocho zvombo kukutandanisa*,
_Asi uri gamba rinorwa rimire wena ,tabvuma!!_
Golden Maxxy
+263783281546
https://whatsapp.com/channel/0029VaFEksI2ZjCpDNTchR1R
❤️
🙏
4