Golden Maxxy
Golden Maxxy
June 18, 2025 at 09:55 AM
*CHAZEZESA choMWAKA* *_WeTsika Nyanduri & Golden Maxxy_* *Ndiwe nhau dzedunhu rino*, _Zvefanano naChirimo wakada musiyano_. *Hon'o iwe nemushana mave pamakundano,* _Rega hako kuruma romo mukombe ndowako._ *Ndiwe hurukuro pose patsikwa newatsika*, _Kwako kusvika wagumbura vana nevatana._ *Vogumbata maoko vavhimi nemhikura mariva,* *Anopondana meno mukanwa kunge anokanga chinokangwa*. _Koso koso zvipfuvambabvu zvopisa_, *Rudzihwa ndirwo rwotozoti pano paipa*. _Hakuyedzi kunze iwe mugudza wasenerera,_ *Chiti minwe kugwagwadza muromo uchibvunda,* _Vamwe vofukunura akare majasi,_ *Aye avakasokanganwa mumitsago,* _Kunyangwe nakamba gwati basa rashaya,_ *Ukaona oti mumuti kwati kwati nemakwati,* _Hauonekwi hako asi ukasvika unonzwikwa,_ *Shayisamufaro kwese vanogwagwadzira,* *Ndiwe nhau dzedunhu rino,* _Verino dunhu vana voramba chikoro_. *Munzira yokuchikoro unotandira kuita dzvetetsvete rorungwanangwana,* _Mangwana mangwana achada kugeza achipi ?_ *Zviripi kutyewe jekacheka rushaya nyoro tsiye.* _Heyo mitanda nematsiga zvokweverwa mumizinda marereka zuva_, *Zuva ranyura vachakudzingira kure nemwoto une rasha rinopisa.* _Bva iwe uri mutonhodza zvinopisa woita mherekedzi kumagudza,_ *Onge akadirwa mvura yomaMtirikwi kunodziya takotsira.* _Chiti deno uri murume haiwa waifa uri bhachura,_ *Waive gadzi waifira muhutsikombi,* _Agara newe kunoedza tsoka abereka,_ *Aida kugarira chando saChikunguru ndiani?* _Wese achekwa minwe kukuona haachade,_ *Wasiyanei naShuramatongo pamaitiro,* _Magudza mudzimba akamirira iwe,_ *Kusvika kwauya Chirimo vanhu vapembere,* _Rwako rufu rwunofadza veruzhinji._ _Shiri dzedenga dzapfidza,_ *Makomo miti nehova zvakaisa muromo munhino,* _Ko kuzoti mhuka dzisina kusimira kana chiro,_ *Wazunguza nyika zasi nekumusoro,* _Zvose zvochingoti dai wachienda hako,_ *Hapana chisiri kugeda geda meno.* _Wonge wakapisa musha kwawakabva_, *Kuita mweni kwausakakokwa ndozvawakada,* _Hona wosvaiwa sembudzi yatsika tseu yehurudza_, *Rune chifuko , rune mbaura , chino nechocho zvombo kukutandanisa*, _Asi uri gamba rinorwa rimire wena ,tabvuma!!_ Golden Maxxy +263783281546 https://whatsapp.com/channel/0029VaFEksI2ZjCpDNTchR1R
❤️ 🙏 4

Comments