
CYNTHIA SHONA NOVELS 🇿🇼
June 20, 2025 at 08:29 PM
"Aaaa vakoma ndoipara mhaka ini zvangu. Regai ndimbozamavo. Ndoda kuendako kuhozi ini nhasi".
"Ungazvinetsa zvako ndakatovadaro kare kuti roora umwe kana kuti ndondotora wamai vangu vakarambisa saka hapana rembwa apa. Vakati zvakatoitwa nehondo izvezvo kuronga kwevadzimu saka ndogamuchira zvakadaro".
"Regai timboedza tione" anodaro munin'ina wamambomadzi.
Nekudaro aive mabiko zvawo aive ekungofaravo mukuchengetwa nevadzimu pasina hondo dzaivarwisa. Mambo Mushayahama vainge vakadana mambo Harunawadya kumabiko aya ndopaive pakauyavo vanatezvara pamwe nemuramu wavo. Pakadyiwa pakafariwa. Vanohudzisa vachihushapira. Vatambi vevaridzi vengoma vachiita zvidavado. Munguva dzemanheru munin'ina wamambokadzi anoenda kuhozi ndokusvikozviwirikidza mudaunha ane dzekuzvarwa nadzo. Mambo pavanozouya havana kuziva kuti aive muramu sezvo vaive vamboti korwei nahwo. Vapinda mumagudza vakashamisika kutangwa varivo zvaisamboitika hameno zvezuva iri kuti zvaive zvakarongedzwa sei. vanonzwa hasha nekumonerwa nekupuruzirwa kusvika varova makadzi netsvimbo mbiri dzakasimba zvavasati vakamboita asi zvese zviri mukudhakwa. Muramu zvakamunetsa obatanidza mashoko avakoma vake sezvo aive asangana nemadzikiswa semakurwe. Anozvinzwa munyama kuti pane zvaitika sezvo aive agarisavo. Anozoita seaida ........
*Kana uchida kunzwa zvirimberi ngatipindei muchannel umu munozvinzwira kutaura kuno rava pachapter 8 muchannel*

❤️
3