
GOSPEL UNLIMITED RADIO
June 12, 2025 at 02:18 PM
Topic: *Mweya wemukadzi waPortifar*
.
Genesis 39vs7-8
Potifar achiona Joseph arimushandi wake akatendeka uye anoshanda, mudzimai wake aitoona zvake potential and a quality boyfriend. Bible ndipo parinoti, 'zvino Joseph wakanga anomuviri wakanaka, akanakavo pachiso (vs6),,,,,vs7, 'zvino shure kwaizvozvo mukadzi watenzi wake wakatarira Joseph akati, vata neni'. Aaaaaah hey,,,,Mai ava!!
.
Iyi yanetsa mudzimba uye yaita kuti vamwe vabve vasiyana nekutsvaga vanovabatsira mudzimba. Dzimwe dzimba dzaita garan'anga rababa vanongoti maid wauya naye naye. Vamwe vava kutsvagirwa quality dzevasikana vasingatarisiki coz baba kungoona maid anotarisika vazviwanira girlfriend padhuze hazvichanetsa. Haaaaaah!!! Pamwewo pamba pane maschool leavers,,,,,machinda anoita kunge vachaisirana mushonga musadza coz vadhumanha pana sisi. Mweya uyu wemukadzi waPotifar waita zvekudiiko? Nhai mhai, nekusvika kwamakaita apa nechigaro chenyu kuchurch nanga nanga nagardener. Heeeeeeeeh! Mweya wemukadzi waPotifar. Ngaubve muvanhu. Ngatirurame.
.
Remekedzai vanokushandirai mudzimba. Mupe rukudzo vamunoshanda navo. Girlfriend nemaid zvakasiyana. Zivai zvamakatorera mwana wevaridzi kubva kwake. Secretary haisi company wife imi manager. Iwe mudhara dzikama, pasanger haasi mukadzi werwendo. Pastor dzikamai, vasikana vePraise & Worship nanamai vesangano havasi maincentive wives ekubata basa raMwari manzwa? Meso meso kwete!! Regai ndichisiyana nayo, yabata vamwe. Amen.
By A Wadaya
🙏
❤️
❤
👍
🔥
😂
11