
JOKES RELOADED ZW🇿🇼
June 20, 2025 at 09:02 PM
Chimwe chinoita kuti zvinhu zvako zvisafambe kusagona kuvhara mromo and as a result wopa varoyi mkana wekukuroya. Rega ndikupe example yehondo yekumiddle east. Chakaita kuti Israel-US dziattacke Iran its one of the Iranian officials akataura ega kuti tapa 90% uranium advancement stage kuti tigadzire nuclear weapon to attack American bases and Israel. Ana Israel ne America vakati what?. And mageneral arikuurayiwa varikutanga vahumana vachithreatena Israel neAmerica. And varikuti arimasikati ,manheru tichasenda mamissle kkkkk and now patone ne airforce yakangomirira kuti pavanoburitsa mazimissle aya vobva vaabomber..saka they are going to lose the war. In the same way..iwe ukangoenroller kuuniversity unoposter every day pastatus kkkkk .Unosara wograduater vapedza newe..hauwane basa. Kungotenga kahonda fit nako kumusha..every Friday unenge uripagrowth point. Inzwaka shamwari kumusha kune hama dzako dzinoshaya 10zig yemachisi..unokwara wangu. Ini handiise any of my achievements pasocial media. Yangu status ndeyemajokes. Even pano handiposte mota or imba yangu.. mossad yekumusha kwedu iripo pano kkkkk. Ndosaka uchiona unoshanda hapana chirikubuda..vanhu vanokufambira wangu. Idya mari yako wakanyarara. Ukaenda kumusha vanhu havapihwe cash ..manzwa ka varume. Enda mubhawa unobhadhara cashier iwe hama neshamwari dzomwa. Usape munhu cash. Hama dzako dzine malong range missiles seeiran aya vanokurova uriku UK ukaita rombe uriikoko.Waenda kuzimbabwe wakuda kushamisira uchibva kucapetown..vabokudonhedza. Kungovaka imba mutown yaputswa. Mumba munenge mupharmacy vanhu vachirwara kuti mari ipere. Mweya yetsvina hama. 30 years pabasa no promotion . Mumwe haarorwe..uri mkadzi wechikwambo..chinoita kuti umitiswe chete or chinokuunzira varume vevanhu chete or chinokusiya woroorwa but mumba macho munenge muchipisa kkkkk unobuda uchimhanya chete. Vamwe vanoti tinonamata but anointing yaJesus hapana..saka unozvamburwa zvakadaro uchinamata. Satan anotorwisa ndosaka kune angel Micheal yehondo. Handiti wakaverenga nyaya yeuya akableswa naMwari blessing ikabatwa mudenga imomo. Saka haasi mafunnies. Bible rinoti be cautious like a snake. Zvekuti ndodya pamberi pevavengi bla bla bla..zvinoda munhu ane anointing..unokwara wangu
🙏
❤️
👍
😂
❌
❤
😢
😮
42