
Tilder Live Zim Secrets & Confessions, News
June 19, 2025 at 10:56 AM
https://whatsapp.com/channel/0029VaiqEwY2ER6ZzWAht50Z
#hidey
# *Yambiro kune vachazoda kubata mushonga* .
Ndini ndakavimbisa kuuya nenyaya yezvekuTanzania asi ndazoona zvakanaka kuti ndinyore nhasi....Pane zvakaitika kuhope musi wandakanyora post yangu saka nyaya yangu ndichaitangira panzira asi kumashure uko pane pandaida kuti munzwe nekuti handina zvangu kuita zvehurombwa ndichida...Ini ndine munhu wekuziva akadonherwa nezibuilding riya asi zvinhu zvataiziva kuti zvichaitika...I mean rufu taiziva kuti zvichaitika chete taisaziva kuti zvinoitika nenzira ipi....Nyaya yangu ndeyekuda kuyambira vanhu vaviri kana vatatu vari kufunga kuromba kuti siyanai nazvo zviya hazvina kana production....
Ini neshamwari yangu akazofa takatora zvatakatora ikoko kuTanzania kwachonani munongoziva pressure yema agemates ako anenge achiita zvine musoro asi mari yacho usiri kuziva painobva....Ini ndingati ndakarombeswa nekusaziva chandaiziva ndechekuti tiri kuenda kunobatsirwa kuti zvinhu zvivhurike not knowing shamwari yangu akutondibaira asi ndakazokasika kubvuma ndichiti hazvikuvadze....Ini neumwe wangu takapihwa mhiko dzakasiyana asi dzese dzinorema...Dzeshamwari yangu dzaive dzekupa vanhu mari nekukwereta asi vari vanhu vehukama ndipo paitorwa lucky remunhu ipapo....Ndipo paityorwa mhiko asi kana watyora mhiko taive takaudzwa zvinhu 2 zvekuita after watyora mhiko....
Iniwo ndine mhiko dzekuti pazuva rimwe chete pavhiki ndofanira kumboita dhodhi pamvura inoerera robva raeredzwa ndakatarisa.....
Kuside kweumwe wangu mhiko dzaizotyorwa sekuti kana akwereta mari kuhama akashaya......Iniwo ndaityora kana ndakanganwa or ndashaya pekuitira dhodhi remember hova nenzizi zvinooma.Nhasi unowana mvura ichierera mangwana wowana paoma saka life yangu ndeyekugara ndichitama tama kutsvagana nepane mvura.....
So back to my story shamwari yangu aipa vana vehama mari kwete yakawanda sekuti R10/$1 oti kumwana endai motenga machips or sweets.
Mwana anopiwa R2 chaiyo or R5 zvekuti haumbofungi kuti pane chiri kuitika.......
Iye aitokweretawo mari kuhama sekuti $10 or $20 chaiyo saka kana waishaya unotomboenda pa punishment wega kutozviisa ipapo sekutaura kwasekuru........Saka airamba achipa hama nekuti masimba avo anoshanda zvenguva diki patime yacho inenge yatorerwa hama masimba zvinhu zvehama zvinombomira chaiko zvekuti kana ane business rinombobroker then ozotanga kusimuka zvakare....ndipo panouya popiwa mwana mari zvodzokera pasi futi saka unenge uri munhu akangomira panzwimbo imwechete.....
Kana watyora mhiko wainzi enda unorara padhuze nemakuva husiku hwese asi unotsvaga pamakuva evatorwa.......
Kana kuti unorara padhuze nepanoerera mvura uye pane mapopoma hauende negumbeze......asi kana wada kufuga unofuga dehwe rembudzi tema naizvozvo ndine matehwe akawanda mumba sometimes kunenge kuchitonhora zvekutoda kufuga....
Shamwari yangu akazopa mwana wehama mari mai vemwana vachibva vatora mari vakati vachazotenga zvinoda mwana asi achingobva mari iya ichibva yapiswa hameno vakaziva sei kuti yakaipa iye akazosvika kumba zvinhu zvake zvikatsva hameno moto wakabvepi ndipo akamhanya kwasekuru nekuti panga pasisina chakanaka ndipo paakaudzwa nasekuru kuti nguva yako yatokwana masimba ako atorwa saka waneteswa uye hazvichagadzirisike saka womirira kufa saka ndipo paakanodonherwa nezibuilding.....
Ndipo pandakaona kuti hurombwa hahusi hwekutovimba nahwo ende munyama wacho pamunotora zvinhu izvi......hamuudzwe musi wekufa unogona kufunga kuti uchambochovha zvimakore asi shamwari yangu akafa atanga zvinhu izvi pa3 yrs chete asina kutombodya zvekudaro.....
Mari yacho hainakidze hapana chaunoronga nayo senge waitirwa nasekuru ivavo ma1 chaiwo.....
Ini ndaneta especially nyaya yekutsvaga mvura inoerera haisi yekutamba nayo unoita seucharumwa negarwe senge ukazoenda kurwizi rwakakura.
Mhiko dzacho dzinotyoreka nyore nyore chaiyo idzo hanganwa unoita senge dzinenge dziri package yehurombwa....Ini ndiri kudemba chaizvo nekuti rugare handina vasikana vangu vanenge vachiti ndiri kuholiday izvo pamwe ndinenge ndambochinja kwekugara nenyaya yekuona kuti handisisiri safe panyaya yekufambira kurwizi....
😂
😮
😢
❤️
👍
🎥
🙏
🚮
18