
Bhozhongora And Tilda Live 🇿🇼 Zim Home Of Remedies , Secrets ,Confe$$ions And Gossips
June 21, 2025 at 12:20 PM
Nyasha hie, zuva randisingakanganwi....., February 2021, day 21 time around 3pm ndakamira pabus stop and picked by a regias vehicle yanga isina maseats ndakagara kufront seat , then vamwewo mapassengers akagara mumashure ,MOTA iyi yaienda kuwilshire kugandami. So yakakona from marondera way to ten miles soon after grasslands , tiri mustrip road iyi ndakaona motorbike iripamberi isingabudi muroad ,driver aimhanyisa akabuda muroad kuti aoverteke bike now nenhau yekuti istrip road yanga iri rough zvakanyanyisa. Driver akapfuura bike zvishoma avekudzoka muroad zvakaramba next MOTA yakabuda muroad ikaspinner katatu taingonzwa banging noise MOTA ichirovera. Yakazopedzisira yarara nepassengers side. Two vanhu vakakandwa panze ndokutsikirirwa nemota iyi. So ini nevamwe taive mukati. Asi ichingonomira ndainzwa mapains musoro maoko , musana makumbo everywhere. Ndakaona vanhu vaungana . Ndakubuda nepawindow ranga rapwanyika asi ndabuda I tried by all means to see kuti andina kunyanyokuvara zviri serious here. Ndabva ndanzi nevanhu gara pasi gara pasi kuzodaro hana yakanyanyorova ndichifunga kuti pamwe pane zvaitika pandiri zviri serious zvandandisati ndaona. Lucky apana akafa asi vakakandwa kunze vaibleeder nekuchekwa nemagirazi emota. Takazoenda kumarondera hospital kwatisina kuwana kana help. Asi tichiti taita tsaona takuvara tirikurwadziwa. Ndakazoona kuti andikwanisi kurarapo ndokubva ndatobvapo ndichikamhina. Ndakazonobatsirwa kune chimwe chipatara , pandakatorwa maxray doctor akazoti ndakakuvara soft tissues asi it takes me nearly 6 months kurecover. Vakakonzeresa tsaona kana kutipa help nanhasi I won't forget . Ndakazoshandawo ndokutsvaga MOTA yangu yandinopota ndichityaira kuenda kubasa . Nanhasi andinyatsofeeler bhoo kukwira MOTA dzese dzese ndinongonamata kuti andidizve kusangana netsaona
😢
❤️
🫂
5