
Zim Elites Official 🇿🇼
June 21, 2025 at 10:23 AM
https://whatsapp.com/channel/0029VaHThvuATRShrLntno1U
*Zimbabwe nhasi ndine nyaya yeumwe mukadzi anetsekana nekubata nhumbu.* *Mukadzi uyu akaita mwana pakutanga , pakuda kuzoita umwe mwana ndopainetsa akabva nhumbu 3.* *Panhumbu 3 hatingati kubva dzese nekuti dzimwe vana vaibuda vaitozvara asi vaizofa pasina nguva.* *Pandakaudzwa nezvenyaya ndiri paSouthlea park ,mukadzi uyu ainge ane nhumbu yechi4 tisingaverengere iya yemwana wekutanga.* *Nhumbu yakatanga kurwadza asiri pamba achibva aendeswa kumba.* *Mukadzi aendeswa kwaiva naamwene wake vakabva vadeedza imwe shamwari yavo nyamukuta.* *Mukufamba nhumbu dzichibva mukadzi uyu nemurume wake vane zvawaiudzwa muvabatsiri.* *Amwene vairamba kuti muroora aende kunobatsirwa kuchipatara vaida abetserwe naSahwira wavo nyamukuta.* *Nekuda kweizvi pamba pakabva patanga kuitika noise yakaita amwe maNeighbours auye.* *MaNeighbours auya muroora akabva ati "panhumbu dzakabva pane kwandakaenda kwakawanda ndichiudzwa honzeri , ndakaudzwa zvakawanda pamusoro pe mukadzi uyu (sahwira waamwene) saka handisi kuda kubatsirwa naye ndoda hangu kuenda kuchipatara".* *Zvaitika izvi murume wemukadzi uyu akangobva kwaanga ari ndokusviko fonera mubatsiri (ndakamupa Number ini) ,murume uyu ane zvaaiudzwavo mukufamba muvabatsiri saka aitoziwa kuti nyaya iyi haisi diki.* *Mubatsiri akazouya hake ,achibva anamatira muroora mvura yokumwa ndokuti "kana mapedza kumwa mvura iyoyo muende muBedroom yenyu".* *Amwene vachinzwa izvi vakabva vati "kana apinda mumba make ini amwene ndozopinda sei ?".* *Mubatsiri akapindura akati "munoda kupinda muRoom mavo kuti muri nyamukuta here ?".* *Zimbabwe nyamukuta wacho ainge adeedzwa naamwene akabva anzi "imi madeedzwa mune mapepa here ehunyamukuta".* *Akapindura achiti haana , zvikanzi nemubatsiri "hoo mirai makadaro" ,mune chigaba chamakabata ndikuona hamuna kubva nacho kumba mapihwa pano ndechei?".* *Vamwene ndivo vainge vapa mukadzi uyu chigaba vakabva varamwa ndokubuda mumba kuenda panze.* *Mhuri yeZimbabwe panguva yakasimuka muroora achienda mumba make , akatevera nedzvinyu rine miswe 2 richimhanya.* *Mubatsiri akakwanisa kurova dzvinyu achibva ari uraya rikasiiwa mumba imomo.* *Chinzwai Zimbabwe pakaurayiwa dzvinyu vamwene vanga vari panze asi panguva dzakafa dzvinyu vakauya vakaritora kuisa muhat yavo yeshinda.* *Zimbabwe ndiri kuti Amwene vakaisa dzvinyu mumusoro mavo muHat masikati machena munhu wese achiona.* *Mubatsiri akati "kwete dzvinyu risiyei" , vamwene vakaramba kusiya dzvinyu.* *Zvaitika izvi mubatsiri akabva ati "kunwa kwaita mukadzi uyu mvura yandamupa akuchipona hake ,within 30 mins anenge atowa nemwana chitsvagai mota inoita aende kuchipatara anobatsirwe pazvese ikoko".* *Vaenda nemota mwana akatotanga kubuda vasati vasvika pagedhi rechipatara vakazosara kudeedza maNurse mwana ainge akutopedza kubuda.*
*Kumba amwene vainge vaudzwa kuti vasiye dzvinyu asi vakaramba.* *Vanhu vari kuchipatara ikoko vakazoshamisika kuona amwene vatevera vachiti muviri wangu uri kupisa ndarumwa nedzvinyu.* *Zvikanzi dzvinyu rakaita sei , vakati "ranga rine miswe 2".* *Vanhu vakabva vatoziwa kuti varumwa nedzvinyu riya rawakaisa muHat.* *Mhuri yeZimbabwe amwene vakabvunzwa kuti dzvinyu racho raendepi "vakati handiziwe randitiza".* *Zimbabwe kuti amwene ava vazouye kuchipatara vakatotsvagirwa mota nekuti zvainge zvisisina kumira mushe ,vachirwara.* *Amwene vakabva vatopihwa mubhedha muchipatara imomo.* *Ndini hurombo mhuri yeZimbabwe nyaya iyi yakaitika musiwe Saturday, Monday yapfuura iyi amwene vakashaika (kufa).* *Nyaya iyi ndeye Harare ,Southlea Park*
*NB.* Ndosiya mamwe maDetails enyaya nekuti nyaya yacho inenge yakarebesa
😮
😢
🙏
👍
❤️
😂
335