
Zim 🇿🇼 Family Secrets & Confe$$ions,Tilda Live Daily News ¢ Home Remedies
June 20, 2025 at 05:58 PM
Hie Admin,poster nyaya iyi hako,Mumba medu ndini chete mwanasikana vamwe vese gumi vakomana, Amai vaindichengetedza zvekuti hapana kana hazvanzi yangu yaibvumirwa kundituka kana kundirova.Makore akapindana kuchikoro ndakaenda ndakakwanisawo kusvika padanho re form 4.Mari yekuti ndiende mberi ndiyo yandakazoshaiwa zvangu asi shungu dzaivepo.Sezvo mhuri yainge yakakura ndakaona zvakakodzera kundotsvagawo basa sezvo panguva yacho zvaikwanisika kuwana basa kana uchinge wakabuda zvakanaka pamagwaro eform 4.ndakaenda muguta re Harare ndokubva zvangu ndawana basa rakanakawo zvikafadza vabereki vangu.Makore akafamba upenyu huchiendeka kumusha vainge vasingachadyi chinovava.Pfungwa dzekuroorwa ndakange ndisina nekuti ndaida kumbobatsira hazvanzi dzangu nevabereki sezvo ndaive ndirini dangwe.Ndakasvika pakudeedzwa nezita rekuti tsikombi munharaunda mataigara.Izvi hazvina kundibata bata pamoyo pangu nekuti zvandaida ndini ndaiziva.Ndakazoti zvino ndaona kuti hazvanzi dzayarukA vamwe vaakuendawo kumabasa ndikati aiwa pandakaitawo pakwana chiregai nditange kurongawo zvekuvaka musha wangu.Ishuviro yemunhu wese kuti kana akura anoitawo mhuri yake.Mukomana ndakange ndiinaye wandaifambidzana naye.Pandaimubvunza kuti saka ticharoorana riini aingoti tichaona pamberi apo.makore maviri dhagu ndakamirira kunzwa kuti mudiwa wangu ngatichiroorana.Rimwe zuva musi we Svondo makuseni ndakangopindwa nepfungwa dzekuti dai ndambosvikawo panonamatira mapositori apo.ndakamuka ndokugadzirira ndokubva ndaendawo nevamwe.Ini kukura kwangu kwese ndainamata Roma.Vabereki vangu ndo church yavo saka mwana wese ndokwaingoenda.Ndakasvika pamasowe paye ndokubva church yatanga, Musi uyu kwaipisa zvekuti ndakambofunga kudzokera kumba uye magadziko akange aakurwadza nekugara sezvo ndainge ndisina kujaira kugara pasi panzvimbo imwechete kwenguva yakareba kudaro.Hana yangu yakati bhaaaaa bhaaaa bhaaa kurova kanokwana katatu.Ndichiri kuzvibvunza kuti sei hana yangu yarova kudaro ndakabva ndanzi nemuporofita madzimai imi simukai, .ndakapfugamiswa pagwanza tsananguro dzichidzika.Ndakapondwa kuzhakwa netsananguro zvekuti misodzi yakayerera.Chakandikatyamadza kuudzwa kuti Amai vangu nyakubereka pane mhepo yavakaisa pandiri yekuti ndisaroorwa ndingoita hure rinofamba nenyika richiunza tsvigiri mumba.Idzi nyaya taingodzinzwa kune vamwe ini pachangu handaibvuma kuti mubereki wako anogona kukushinhira zvakadaro iye akakwanisa kukutakura kwe mwedzi mipfumbamwe, anenge akatadza nei kukuuraya kana ari muroyi.
Chokwadi kutaurirwa hunyimwasembare dzekumusana.Chakazoita ndibvume ndechekuti muporofita akandiudza zvese zvekuti chero ukawana mukomana munongoita mafaro zvopera pfungwa yekuti akuroore hapana nekuti mhepo iyoyo ndiyo inokuvharira panze pemuchato.Ndakabva ndaudzwa kuti izvozvi uchibva pano ndapedza kukushandira zvinhu zvavo zvatondovaudza kuti tabatwa.Masowe akazopera zvawo asi pfungwa dzainge dzapiringana.Chokwadi amai vangu vangandidai, ndakasvika kumba ndikachema kusvika misodzi isingachabudi.Ndiani wandaigona kuudza nyaya iyi akazvitambira.Ivo mai pachavo handaigona kuvauudza nekuti kwaitove kuvapumha uroyi.Ndakaita masvondo matatu ndichidzokera kumasowe kuya ndichibatsirwa zvangu, Ndapedza minamato yese yandainge ndanzi ndiite ndakanzi pamuoenda kumba usambotukana navo asi uchaona kuti rudo rwako newe zvasiyana nekare.Ndakati zvimwe kunyepa asi ndakazvionera pamhino sefodya zuva randasvika pamba.(@mhofela story diaries)Hongu vakanditambira semwana wavo asi mufaro mumoyo mavo mainge musina.Ndabuda kundochera mvura kutsime, kaiva kachinhambo ndopavakasara vachivhendenyura bag rangu ndokusangana nenhombo inova miteuro yandainge ndakapiwa namadzibaba.Ini pandakadzoka kutsime pandati chiregai ndichinje hembe sezvo mvura yainge yateukira pamuviri bucket rangu rainge risina muvharo ndopandaona kuti iyazve marongedzere andakaita hembe dzangu zvasiyana.Ndakabva ndaziva zvangu kuti hakuna umwe ndimai chete vapinza ruoko.Andina kutaura navo ndakaramba ndakanyarara zvangu ndaingoona ivo kuti mupfungwa dzavo varikushupikana chaizvo.Zuva rangu rekudzokera kubasa rakasvika ndikawoneka vabereki vangu.Ndakaenda kubasa ndikashanda mwedzi mishanu ndokudzokera futi kumusha ipapo ndainge ndatova mupositori akakwana magemenzi nemagemenzi ndainge ndatova nawo.Vabereki pavakazviona pakamboita nyaya hombe nekuti vaisamboda kunzwa nezvazvo.Baba vaiti zvinokonzeresa kupesana mumhuri izvo kwaaniko kuvhunduka chati kwatara hunge uine katurike.Kuti ndiudze babbaba chakaita ndifunge kunamata kumasowe zvairema nekuti apana pavaibvuma kuti mukadzi wavo muroyi.(sydney maregere)Ini nyora dzavainge vanditemera dzakabviswa ndikatoona kuti zveshuwa upenyu hwangu hwanaka.mukomana wangu handina kumbomuudza nezvenyaya iyi nekuti chaizoita chiseko kuvabereki vangu uye handizive zvaizofunga pamusoro pangu.Ndakatamba bhora rangu pasi kusvika zvanaka.Baba vakazoti mwanangu kana wafunga zvako kunamata namata wava munhu mukuru, mashoko ababa akandinyevenutsa muhana,to be continued fr now regai ndipedzise basa mweya we pooo wafufutira mudumbu....
😂
❤️
😢
🙏
😮
👍
💚
26