Jolaz Shona News 🇿🇼
Jolaz Shona News 🇿🇼
June 21, 2025 at 02:29 PM
Hie Tete *Click to follow my WhatsApp channel* https://whatsapp.com/channel/0029VanErAE0AgW7rRQ5pM40 Murume wandaigara naye kuno kuS.A taive nevana vaviri vakomana takagara tose kwemakore . Akazoti tichienda kumusha kunozivisa hama nezvemhuri yedu taive taunganidza mari yakawanda yekunondiroora neye kunoshandisa zvimwe takarongedza zvakanaka tikanomira pamatruck ekuenda kuzim ndiye aitaura nadriver bvaanditi driver ati achiri kure , mhanya unotenga sadza repashoprite vana vane nzara ndakatomuitisa nharo nekuti kwaive nekamufambo ndakaenda nekuti aive atsamwa. Ndiri paline rekubhadhara sadza ndakaona aisa meseji yakanzi usare zvakanaka mai Junior ndaenda nevana usanditsvaka vachazokutsvaka kana vakura ndichavapa mafoto ako. Ndakapererwa ,hama dzaaive andiratidza ndedze mujoni havatorina hukama. Ini ndaingoti ndivana tete nana bamukuru ndisingazivi kuti ukama hwemujoni chete akaenda nevana wangu. Ndaneta nekufamba ndichiitiswa zvekumudaidza zvaramba ndaingobhadhariswa ndichijirwa mari kupusa kwandakaita pandakainda kunotenga sadza ndakaenda nekambudzi foni hombe ndiye aive nayo achiti panezvaarikusenda chandoziva ndechekuti aiti anobva kuChegutu ndokwataienda iye anonzi Clayton Mahachi.
😢 😂 👍 😮 8

Comments