NHAU DZESHONA🇿🇼
June 16, 2025 at 11:11 AM
*Madzimai Matatu Anotizira Musango Mushure Mekuda Kupinzwa Muimba Ine Rima neMagirazi Neimwe N'anga kuGoromonzi* *Monday 16 June 2025* *______________________________* Madzimai matatu ekuChitungwiza akatiza akashama achienda musango mushure mekucheneswa kusinganzwisisike kwavaiitwa neimwe N'anga kuGoromonzi manheru. Pamela Bako, Shillah Mabvudzi, nemumwe mudzimai anonzi Talent vanga vaenda kunotsvaga rubatsiro rwemweya kun’anga inonzi Sekuru Sinaro. Asi pashure pekudyiswa mishonga mugomo, zvinhu zvakachinja. Vanonzi vakabatwa nehope ndokuudzwa kuti vanofanira kupinda muimba ine rima mune girazi kuitira kuti vacheneswe. Vakadzi vatatu ava vanoti vanotenda vadzimu yavo nekuvanunura sezvo vakagona kutiza vasina kupfeka nhumbi vakasiya hharembozha dzavo musango pamwe nekutya kuti vaigona kubatwa chibharo.
😮 👍 😂 😢 🙏 15

Comments