NHAU DZESHONA🇿🇼
June 18, 2025 at 11:28 AM
Vanoti gadziriro dzemwaka wekurimwa kwefodya wa2025/ 2026 dzava padanho repamusoro sezvo nhondo dzacho dzakatodyarwa kare, kune vamwe varimi vanokurumidza kurima. “Tine varimi vanoita fodya yavo yekudiridzira vakatodyara nhondo dzechirimwa ichi kare uyewo vamwe minda yavo vari kutorima kupindurira ivhu pasi. Vamwe vakashandisa hunyoro hwevhu hwagara huripo kare, seTIMB tinokurudzira zvakare kuchengetedzwa kwemarara akaita semapurasitiki nemagaba emishonga kuti zviiswe panzvimbo yakanaka isingakonzeri hutachiwana nekuzouraya zvipfuyo pamwechete nekurwarisa kana kuuraisa vanhu,” vanodaro Mai Tsarwe.
Image from NHAU DZESHONA🇿🇼: Vanoti gadziriro dzemwaka wekurimwa kwefodya wa2025/ 2026 dzava padanh...

Comments