NHAU DZESHONA🇿🇼
June 20, 2025 at 04:29 PM
Copied from WhatsApp!!
KUNE VAKUDA KUNZWISISA HONDO YE IRAN ne ISRAEL PACHIGRADE ONE(1).
VaMoyo (Israel) varikupomera vaSibanda (Iran) mhosva yekugadzira muchetura(nuclear) wekuda kuzovaparadza nyika. VaSibanda vakuramba mhosva iyoyo. Vari kuti mushonga wandiri kugadzira ndewe kushandisa mumusha wangu uye haunei nekuuraya. VaMoyo vakuzviramba. Mukoma waMoyo anonzi mdara Monya( America) anogarawo achinetsana naSibanda uyu nenyaya yemuchetura uyo uye akatombomudaidza kuti Sibanda huya titaurirane nenyaya dzako idzo.
Asi pese pavanotaurirana hapana chinobuda nekuti mdara Monya anenge achida kushandisa chibhudhi pasiripo🤣. One day Moyo anoudza mdara Monya kuti enough is enough munhu ngarohwe uyu.pakati pehusiku Moyo anoenda kuden kwaSibanda otanga kupura vana nevazukuru vaSibanda nekupwanya nzvimbo dzaanofungidzira kuti ndodziri kugadzirwa muchetura. Ah Sibanda oti bodo zve handingarohwi ndakamira ini obva aendawo kumba kwaMoyo kwakunopwanyawo zvaanokwanisa kupwanya.
Vese vakungopwanyirana nekuurairana vana, hama vachishandisirana mapanga nemabemba. Ukuwo mdara Monya anoudza vanhu kuti handimo munyaya dzekurwa kwavo asi anoonekwa achibatsira Moyo kuvhika zvimwe zvibakera🤣🤣🤣. So far mukurwa kwavo hapana anonzi uyu ndiye akatungamira pazvibodzwa nyange zvazvoVa Moyo vachida ku claimer kuti ndiri kumukiya zvebasa ivowo varikurasikirwa zvakasimba nekuti Sibanda arikudzorera zvebasa.
Ngatirangarirei kuti Moyo naMdara Monya vane mari dzavo ukuwo Sibanda ndizvowo😎. Uye ngatirangarirei zvakare kuti Moyo muvakidzani wevazukuru(Palestine) vaSibanda and anogara achivabhura madiro ajojina achiti vanondibhowa uye vakadhakwa😀.
Va Sibanda vanoshamwaridzanawo navaMuponda(Russia) avo vanotyiwa zvikuru navaMoyo zvekuti chero mdara Monya(America) haangosvike zvedzungu pana Muponda🤣🤣🤣🤣.Zvakarewo Muponda uyu ari mubishiwo kurova mhuri yemunin'ina wake Makipa(Ukraine) achimupawo mhosva imwecheteyo yekuti wadaidza mdara monya( America) kuuya kuzotipesanisa uye urikuda kutendera mdara monya kugadzira muchetura ari mumusha medu matakasiirwa nemadzibaba edu(USSR).
Uye zvave kufungudzirwa kuti chivindi chiri kuitwa naSibanda anenge ari kuchiwana kubva pakuti atumirwa maheu epfuko Buttermilk(800 missiles) kubva kuna sahwira waMuponda anonzi Hukuimwe(China) uyo anozezesa kunyangwe mdara monya.Panguva imwecheteyo kuna sahwira wa Hukuimwe na Muponda anonzi Imbwamupengo( North korea) akabva kuburitsa mashoko ekuti Sibanda usatya hako ndiri kuuya kuzokubatsira.
Imbwamupengo uyu anova akatobuda pachena kuti muchetura uyu anawo uye hapana anomuudza zvekuita.Saka parizvino ngatinamatei kuti kurwa pakati pa Sibanda na Moyo kupere nekuti zvine njodzi yekuti dunhu rese(world war 3)rinogona kufa nemuchetura(nuclear)sezvo pavari vose pasina anoda kunzi akundwa.
Ahh ndanga ndakanganwa kuti VaMoyo (Israel) vanonzi vane muchetura asi havadi kuti vamwe vaiitewo muchetura vachiri ndivo vega mudunhu diki vanofanirwa kuita muchetura.
https://whatsapp.com/channel/0029VaFXuqUFXUuV0KSJBF2X
😂
🙏
😢
❤️
🎉
👍
👏
👺
😱
🤷♀️
40