NHAU DZESHONA🇿🇼
June 20, 2025 at 05:45 PM
__________________________________________ *Hie Admin,makadi ini ndiri murume ane makore 34 kukura kwangu ndakakura ndichiudzwa kuti pamusha pane hubatwa kubvira pakati pedzinza asi hatina kubvira takaudzwa kuti honzeri aiva ani.hama dzangu tiri kutambura mukati meupenyu mumba medu tiri 6boys and 1girl hapana chatinobata chinobuda tese hedu kuzama kunamata kufambawo asi chabuda hapana mukadzi handina musikana handina mwana wekupomerwa handisati kungosangana nemusikana anodanana newe zve 2days uzokuudza kuti pandakutarisa ndaona uri mhuka.hama dzangu kana muchiziva marombe tisu ekutanga nekupedzisira amai vedu chiseko chemuraini rekuti tese Tigere pamba ipapo hapana anoshanda foni tochinjana 1 iyoyi yandiri kushandisa.zvinorwadza zvinoshungurudzwa kwatinoenda kwese kunongonzi pane kubatwa kwekuti navo maporofita haangazvigone ugoona vamwe vanongobata zvinobuda mudzinza redu isu bedzi tisu tadzungaira nehupenyu sister yangu ane 30years naye aripo pamusha agere tikawana kamari hakuna kwakanoenda mai vanogara vachichema kuti shuwa mofa makadai here.mhosva yatakatadzira Mwari ndeyei yatisingakwanise kuregererwa inga kune mhondi mbavha kunze uku asi dzinobudirira wani.hama dzangu ndinorwadziwa kusvika pa bonzo zuva roga roga husiku hativati unorara uchingoitwa murume iwo madzikirira imba yacho kurema kurara chaiko nekuti unogona kutonzwa vanhu vachiseka kana mwana kuchema or kunzwa munhu achigomera ndakabvunza mhai kuti hapangave paine ngozi here vakati bodo hakuna chavanoziva tatambura dare hamungambo zvinzwisise mufunge henyu. Asi hupenyu hunorema handifungi pane vane situation yakaita seyangu ini.............* https://whatsapp.com/channel/0029VbAPYoz9Bb60lBH1B90M
Image from NHAU DZESHONA🇿🇼: __________________________________________  *Hie Admin,makadi ini ndir...
😢 😭 😮 ❤️ 💔 🙏 🤍 33

Comments