NHAU DZESHONA🇿🇼
June 21, 2025 at 01:55 PM
*SAD: Mumwe Murume Anodhuma Mwanasikana Wake Ane Makore Maviri Okuberekwa Paanga Achirivhesa Motokari Ndokubva Afira Panzvimbo* *Saturday 21 June 2025* *______________________________* Chiitiko chinorwadza chaitika kuKensington, kuBulawayo, apo vamwe baba vadhumha mwanasikana wavo ane makore maviri pavanga vachirivhesa motokari yavo kunze kwegedhi. Tsaona iyi yaitika mangwanani, kuma 8:43AM. Murume ane makore makumi mashanu nemashanu ekuberekwa uyu wekuHendricourt, Kensington, anonzi anga achirivhesa motokari yake Toyota Hilux Double Cab kuti abve pamba. Paaenda kumberi, divi rekuruboshwe remotokari radhuma mwana wechidiki uye vhiri remberi ramhanya pamusoro pake. Mutauriri wemapurisa kuBulawayo, Inspector Nomalanga Msebele, vanotsinhira kuti mwana uyu akuvara mumusoro achibva afira ipapo.
😢 😭 💔 👏 😮 🙏 59

Comments