Maths, Science, English And Projects
                                
                            
                            
                    
                                
                                
                                June 21, 2025 at 04:55 PM
                               
                            
                        
                            *Musoro weTsvakurudzo* 
Kushandisa mutauro weShona unotaridza hunhu netsika dzakanaka. _(registers for different situations, context and purposes)_ 
 *Zvinangwa* 
Kutsvaga nzira dzokudzidzisa nadzo vana verugwaro rwe_____ vepa_______
Primary School mutauro weShona wakanaka unotaridza hunhu netsika dzakanaka.
 *Danho 1: Kuongorora Dambudziko* 
*Mamiriro eDambudziko*
Vadzidzi verugwaro rwe_____ vepa_______
Primary School 
havagoni kushandisa mutauro weShona unotaridza hunhu netsika dzakanaka. 
*Mamiriro eChinangwa*
Ndichagadzira nzira dzatingashandisa kudzidzisa vadzidzi veGwaro re _____ vepa________ Primary School mutauro weChiShona unotaridza hunhu netsika dzakanaka. 
*Tsananguro yeurongwa*
Ndichashandisa nzira dzinoti kuongorora zvinyorwa, basa vachitamba, hurukuro nekuenzanisa mitauro 
yakakodzera panzvimbo nezviitiko zvakasiyana. 
*Danho 2: Tsvakurudzo yeMhinduro Dziripo*
*Mhinduro Dziripo*
 _1.Kubatanidza mutauro nezvimwe zvidzidzo:_ 
Tichashandisa mutauro unoratidza tsika nehunhu mune zvimwe zvidzidzo zvakaita seSocial Science, Chirungu nePE. Mutauro uchabatanidzwa nezvimwe zvidzidzo zvishoma nezvishoma tichitanga nemienzaniso iri nyore kusvika kubasa rakati dzamei nekufamba kwenguva.
_Zvayakanakira_ 
Mutauro unoratidza tsika dzakanaka unotisanganisa nemazwi nemitsara yemhando zhinji inokwana pazviitiko zvakasiyana siyana.
Tinodzidza kushandisa mutauro zvakakodzera
zvichienderana nezviitiko zvakasiyana zvinotibetsera kunzwisisa nekunzwanana pamitauro.
_Zvayakanakira_ 
Kana mutauro ukapiwa nenzira yakanaka  tinokwikwidzana nekufarira kudzidza.
 _Zvayakaipira_ 
Zvimwe zvidzidzo zvakaita seScience, PE neMaths zvinodzidzswa nechirungu zvinogona kunetsa kudzidziswa neShona.
 _2Kupa mienzaniso tichishandisa zvinoitika mazuva ose muupenyu:_ 
Kupa mienzaniso tichishandisa zvatinoita mazuva ose muupenyu.
 _Zvayakanakira_ 
Tinosangana nezvitiko zvkawanda mazuva ose zvinotidzidzisa kushandisa mutauro unotaridza tsika nehunhu hwakanaka mukutaura. Mienzaniso
Kukwazisana patinosangana neshamwari dzedu, vabereki nevamwewo vanhu, patinotumwa nevadzidzisi kune vamwe vadzidzisi, patinotumwa kuchitoro kunotenga, patinosangana nevanhu vatisingazive nezvimwewo.
Mienzaniso yezvinoitika mazuva ose inoita kudzidza kunakidze uye inobatanidza chidzidzo nezvatagara tichiziva.
 _Zvayakaipira_ 
Tinogona kukundikana kudoma zviitiko zvinoitika mazuva ose zvinotitaridza mutauro unoratidza tsika nehunhu hwakanaka
 
 _3.Kuziva tsika nemagariro zvemamwe marudzi:_ 
Kuongorora mutauro unotaridza tsika nemagariro zvemamwe marudzi kunotibetsera tive nechiedza chemusiyano unowanikwa pakutaura kwemarudzi akasiyanasiyana. 
 _Zvayakanakira_  Kunzwisisa kusiyana kwemarudzi kunoita tinzwisise mashandisiro avanoita mutauro kuratidza rukudzo muzvitiko zvakasiyana siyana.
Kuongorora mitauro kunoita tinzwisise kuti mutauro hachisi chombo chekufambisa mashoko chete asi kuti unoratidzawo zvinotarisirwa mutsika nemagariro edu.  
 _Zvayakaipira_ 
Zvinogona kutitorera nguva kuita tsvakurudzo yetsika nemagariro zveamwe
marudzi nekudzidza mutauro wavo.
 *Danho 3: Kuumba mazano* 
 *Mhinduro dzasarudzawa*  
 _1.Kuongorora ndima dzakapiwa:_ 
Tichaongorora ndima dzakasiyana siyana kubva mumapepanhau, nganonyorwa, kuteerera madzangaradzimu nekuona zvivhitivhiti. Kuongorora masiyanirano anoita mutauro panguva dzakasiyana siyana nenzvimbo dzakasiyanasiyana uye vateereri vari kutaurwa navo.
Kuenzanisa mitauro yebasa neyeushamwari vachinyora nekutaura kuratidza mazwi akakodzera kushandiswa.
_Zvayakanakira_ 
Tinodzidza mutauro wakakodzera zvichienderana nekuti ndiani akateerera, musoro webasa uye basa rezviri kutaurwa. 
 _Zvayakaipira_ 
Kudzidza mutauro wakakodzera kunoda nguva yekuongorora sarudzo yemazwi ekushandisa, mutauro uye kuumba mitsara yakanaka izvo zvinogona kutitorera nguva kunyanya paya patinodzidziswa kekutanga. 
 _2.Basa kutamba(Role- Play):_ 
Kuita mitambo inotaridza zviitiko zvakasiyanasiyana.
Semuenzaniso indavhiyu yebasa muridzi webasa achitaura nemutsvaki webasa ichienzaniswa nehurukuro yeshamwari mbiri dzasangana mumugwagwa.
Tichatora zvinzvimbo zvakasiyana todzidzira kutaura tichishandisa mutauro wakakodzera unoenderana nemamiriro ezvinhu panguva yacho
Semuenzaniso matauriro evanhu pamuchato neeparufu anofanira kusiyana.
 _Zvayakanakira_
Vana vanowana mukana wekushandisa mutauro  unoenderana nemamiriro ezvinhu munguva dzakasiyana siyana.
Vana vanoedza mitauro yakasiyana siyana vachiona inoenderana here nemamiriro ezvinhu panguva imwe neimwe.
 _Zvayakanakira_ 
Zvichabatsira tivimbe nemutauro wedu, hatizotyi kutadza uye hatizotyi kushandisa mazwi matsva mumutauro zvinoita tisununguke muchidzidzo.
 _Zvayakaipira_
Tinogona kusanzwisisa basa nezvinzvimbo zvatapiwa nemitemo yatinofanira kutevera zvinogona kuita tivhiringike pfungwa dzedu.
Vamwe vedu havana kusununguka kutaura pamberi pevamwe vana kunyanya patinenge tichiita mitambo.
Basa mutambo rinoda nguva yakati wandei yegadziriro kudzidzira mutambo nekuzoita mutambo wacho zvingangotora nguva yezvimwe zvidzidzo.
 _3.Kusimudzira ruzivo rwemashandiro emutauro wakanaka:_ 
Kusimudzira kukosha kwemashandisirwo emutauro wakanaka kunovandudza mutauro.
 _Zvayakanakira_ 
Kuziva mashandisirwo emutauro kunoita tinzwisise nyore zvinoreva mazwi matsva nemitsara mitsva yatichasangana nayo.
Tine mukana wekubatanidza zvatagara tichiziva nepfungwa itsva dzatichasangana nadzo zvinoita tikurumidze kubata nekuzorangarira zvatinenge tichidzidziswa kwenguva refu.
_Zvayakaipira_ 
Kuziva mashandisirwo emutauro chete kunoita titadze kuumba mutauro wakanaka zvakaita sekushandisa zvimiso nemazvo nezvimwewo zvakaita sekushandisa zvirungamutauro.
                        
                    
                    
                    
                    
                    
                                    
                                        
                                            ❤️
                                        
                                    
                                        
                                            😢
                                        
                                    
                                        
                                            ❤
                                        
                                    
                                        
                                            🌹
                                        
                                    
                                        
                                            👍
                                        
                                    
                                        
                                            😭
                                        
                                    
                                    
                                        11