𝗭𝗼𝗼𝗺𝗶𝗰 𝗠𝗲𝗱𝗶𝗮
𝗭𝗼𝗼𝗺𝗶𝗰 𝗠𝗲𝗱𝗶𝗮
June 19, 2025 at 10:48 AM
*Murume anobata mukadzi chibharo achimutyisidzira nenyoka mhenyu* https://whatsapp.com/channel/0029Va7rR4G5PO0x9W2tlh37 MURUME ane makore 25 okuberekwa wekuChitungwiza akasungwa achipomerwa kubata chibharo mumwe mukadzi kakawanda achimutyisidzira nenyoka mhenyu uye nedzvinyu. Justice Tatenda Charamba wekuZengeza anonzi akabata chibharo mukadzi ane makore 23 okuberekwa kubva muna2023 kusvika gore rino mushure mekunge amukwezva kuti apinde mumba make. Pakubata chibharo kekutanga, Justice anonzi akashandisa dziviriro uye akachengeta kondomu racho rakaputirwa nejira dzvuku kubva muna2023, achiti rakanga razorwa mushonga neimwe n’anga. Jira dzvuku iri rakanga rakanyorwa mazita avo vaviri uye Justice akatyisidzira mukadzi uyu kuti aisafanira kuroorwa kumwe. Aiti wanano yake yaizoparara kana akashinha nemumwe murume asiri iye. Justice anonzi akamanikidza mudzimai uyu kuti amuperekedze kurwizi rwaManyame achiti ndiko kwaifanirwa kuchenhurwa mhiko dzakange dzaitwa pakati pavo mushure mekushinha vose. Musi wa19 Kurume 2025 nenguva dza2pm, vaviri vakaenda kuLeisure Center Dam kunochenurwa. Justice aive akabata bhodhoro raive nekondomu rakashandiswa, nyoka, munhenga weshiri nemucheka mutsvuku waive wakanyorwa mazita avo. Anonzi akakanda bhodhoro iri mudhamu uye vaviri ava ndokuparadzana achiti akanga akange asunungura mukadzi uyu kubva mumunyama waigona kuzomutevera kana achinge azoroorwa. Musi wa21 Kurume 2025 nenguva dza5pm, Justice akashanyira mukadzi uyu kwaaigara ndokumuzivisa kuti imwe n’anga yakanga yamuudza kuti vakanga vaita hurongwa hwekuchenura nenzira isiri iyo. Akamuzivisa kuti mukadzi uyu ndiye aifanira kukanda bhodhoro mudhamu. Kuti vagadzirise hurongwa uhu, vaifanira kushinha vose kana kuti aizozviita nedzvinyu raaiva naro mubhegi rake. Mukadzi uyu anonzi akasarudza dzvinyu. Justice akamupa dzvinyu raive mugaba achibva aenda. Musi wa22 Kurume 2025 nenguva dza3pm, mukadzi uyu akashinha naJustice apo vaiva vakadzivirira nekuda kwekumutya. Mushure mechiitiko ichi, Justice akaudza mukadzi uyu kuti vaifanira kuzviita zvakare pane dzimwe nguva mbiri dzakasiyana uye kuti aisafanirwa kukanganisa “chirongwa” ichi. Justice anonzi akabata chibharo mukadzi uyu kakawanda kwemazuva mazhinji kunzvimbo dzakasiyana-siyana kusanganisira musango, achitora mabhurugwa ake ayo akazopisa pamwe chete nemakondomu akanga amboshandiswa. MunaKubvumbi, Justice akazivisa mudzimai uyu kuti n’anga yake yakamuudza kuti pavakaita chirongwa chekuchenura kekupedzisira pane vamwe vanhu vakavaona vachipisa mabhurugwa, saka hazvina kushanda. Akamuudza kuti vaifanira kushinha vose kubva musi wa10 Chikumi kusvika 30 Chikumi 2025 senzira yekugadzirisa kukanganisa kwavakange vaita. Mukadzi uyu akaramba ndokubva Justice amutumira mameseji achimutyisidzira iye namai vake nerufu. Akabva amhan’ara kumapurisa. Mutauriri wemapurisa mudunhu reHarare, Inspector Luckmore Chakanza, vanotsinhira nyaya iyi. “Mapurisa akasunga mumwe murume nemhosva yekubata chibharo pamwe nekuwanikwa aine nyoka mhenyu yaakashandisa kutyisidzira mumhan’ari. “Kuferefetwa kwenyaya iyi kuri kuitwa uye ari kutarisirwa kumiswa pamberi pedare munguva pfupi iri kutevera. “Mumhan’ari akaendeswa kuchipatara cheChitungwiza Central Hospital kuti anoongororwa nachiremba,” vanodaro Insp Chakanza. Source: Kwayedza ------

Comments