Mai TJ Shona Novels🇿🇼 WhatsApp Channel

Mai TJ Shona Novels🇿🇼

25.8K subscribers

About Mai TJ Shona Novels🇿🇼

0777458163 DM for more information and advertising with MaiTj & Chloe... Step into my Storie world of words, where love, drama, and imagination meet. Where stories meet passion and offer a glimpse into the life of an author. Get ready to fall in love with my characters and stories. On this channel, I'll share exclusive content Monday through Saturday. 🌍 INSPIRED TO CHANGE PEOPLE'S LIVES"

Similar Channels

Swipe to see more

Posts

Mai TJ Shona Novels🇿🇼
Mai TJ Shona Novels🇿🇼
6/11/2025, 6:11:24 PM

*⬆️⬆️⬆️⬆️⬆️Ndauya naKJ pano mafans King Jile mambo vekunyora maromantics stories🔥🔥I know munovaźiva mese imi let's go tinonzwa nyaya yemwanasikana uyo Rose🔥🔥🔥🔥🔥🔥* *Now on chapter1️⃣ 4️⃣*

❤️ 👍 😂 😮 6
Mai TJ Shona Novels🇿🇼
Mai TJ Shona Novels🇿🇼
6/11/2025, 6:11:03 PM

_How many reacts 🔥🔥 for our cover photo😌_ *[🏵️ROSEMARY🏵️]* *Free Book* _Rauya zvakare book retotesano 😂. Todiii mafans tokanda here first chapter yacho apo 🙈._ _Lets *follow our Channel* tinonzwa totesano dzauya nemwasikana Rose. Hakudiwe vana vadiki uku amana 🥲_ *Wese arikuda book achaoneka nekusiya chimoto🔥*

Post image
🔥 ❤️ 👍 👆 😂 😢 😮 33
Image
Mai TJ Shona Novels🇿🇼
Mai TJ Shona Novels🇿🇼
6/11/2025, 2:50:18 PM

https://whatsapp.com/channel/0029Vb67VHoJUM2apBxlcP0g Kune wose arikuda ma previous books arimu asi achiona asina kukwana gara wapinda umu.. Ndichaisa mabook ose egare uyezve nemaprevious ose so gara wapinda tifambirane urege kusara pamabook edu takamirira *Seed of lust*

❤️ 👍 😂 😢 🙏 5
Mai TJ Shona Novels🇿🇼
Mai TJ Shona Novels🇿🇼
6/11/2025, 10:39:32 AM

Ndisati ndakanda chapter 2 ye *SEED OF LUST,* Kune varikuti havasati vawana mabook aya here isa pako tibatsirane

❤️ 👍 🙏 5
Mai TJ Shona Novels🇿🇼
Mai TJ Shona Novels🇿🇼
6/11/2025, 6:03:02 AM

*MAMUKA SEIKO VANGANIKO VAMIRIRA BOOK REDU SHOW YOUR REACTION TIWANE KUKANDA*

❤️ 👍 😂 🙏 😮 🤚 👏 🔥 🚮 92
Mai TJ Shona Novels🇿🇼
Mai TJ Shona Novels🇿🇼
6/5/2025, 4:17:14 PM

Hoyo Abhi auya uyu uchingoona post ibva wato liker

❤️ 👍 😂 🙏 😮 👏 😢 57
Mai TJ Shona Novels🇿🇼
Mai TJ Shona Novels🇿🇼
6/5/2025, 4:39:22 PM

Paita typing era iyo ichapter 17 kachapter 22 kangobudikirawo kkkk

😂 ❤️ 👍 🙏 😢 😮 38
Mai TJ Shona Novels🇿🇼
Mai TJ Shona Novels🇿🇼
6/5/2025, 4:11:53 PM

https://whatsapp.com/channel/0029VaKIIo1JZg44E9EC810q. *GARA URI MUCHANNEL USASARE PAMUTAKUNANZVA* https://chat.whatsapp.com/JwQjuPX1PDxGQJ5bK2sWHh main grup redu iri *CHIROORWA ABHIGERO* BY MAI TJ & CHLOE CHAPTER 17 Chapter 22 Abhigero Pastor pavakandibvunza kuti ndine murume here ndakashaya mhinduro inobatika..NaPhinasi ndaisaziva kuti ndoti tiri mumba here kana kuti tiri kutandara tiri pamwe nekuti chokwadi kuita kwake ini kwaive kusingachanzwisisike ..Hapana patagara tose tisina kumarana saka kuti nditi ndakaroorwa ndine murume zvakandiremera mashoko kuramba kubuda zvachose ndichibva ndangoramba ndakanyarara paya ivo pastor vacho vanenge vakazviona kuti ndirikuremerwa nemashoko kwave kuchinja nyaya vachiti toenda kumba kwavo ndaizomukira mangwana kuenda kwakitsi..Moyo wangu wakandibanda kunzwa kudaro kutaura chokwadi munhu wandaive ndofunga nezvake aive mukoma Petros, nyaya hombe yaive yondirwadza pavainge vakatakurwa naPhinasi handina kunzwa kufema kwavo kani ndakarekana ndachema ini ndichivadana ...Ko ndiwoka wainge wave mukana wekuonana nemwana wamai vangu saka kana zvodai zvoda ndidii chaizvo..Ndakazongonyarara uku marwadzo egumbo aiita kuvhita sekunge rine hurwa..Takazosimuka toenda kumba kwanapastor vaye vakasvikondipa room yekurara uye havana kugara mai vacho ndovakauya papera kanguva vakabata chikafu kwave kuti... "Asikana mukai ka muwane kudya" ndainzwa moyo kusviba pachokwadi chikafu ndaisada ndichibva ndati... "Haa ndakaguta mhamha" vakamboramba vakanyarara kwave kuti.."Munhu wemukadzi ndewekushinga , aregedzera mbereko wotoziva kuti musana wave kugara wakagongonya nekubereka tundumurwa..saka shinga mwanangu zvizhinji wosiira kuna Mwari..Ndaiti kuda pamwe uchafona paya ndaive ndiine kukufunga kwakanyanya asi hauna kuzofona..hona tazosanganiswa ka nekuda kwehurwere...Ndoitwa Mai Moyo mwanangu ko imi hatina kuzozivana ka ndongoziva kuti unonzi Abigirl asi zita remwana kana surname yemurume handizive" kunzwa kudaro ndakanzwa semunzwa wandibaya pamoyo chaipo..Zvirikutorambaka kuti vazvione ndichiri mhandara yakazara..Ndakatadza kudaira ndichinzwa kuti ndakadzipwa nezigodo pahuro kwete zvekutamba misodzi ikatanga kuchurururka pamatama angu..Izvi ndozvaindidzimba kubvunzwa zveimba yandisina worse kuzobvunzwa zvemwana..Ndakanzwa voti... "Asi ndabvunza mashoko akaipa here mwanagu ko unochemeiko?..Haa kana dziri dzimba dzinotoda kushinga hapana chakapfava kana isu tiripano ndo..." handina kuvapa mukana wekupindura ndaive ndonzwa kuda kuputika neshungu ndichibva ndadaidzira kuti... "Handina mwana ini..handina kuroorwa ini ..Ndiri tsikombi yakashoreka pasi pano..Handina anondida baba vakandiramba, mai vakandisiya ndiri mudiki, Pe-Petros wacho handichaziva kuti arikufungei chaizvo zvandamusiya asingaratidze kuti pane kufema kurikuitika paari..Kana iye Mwari wacho anoita seasingatondidi pandozamawo kutaura naye ndoona seanondivhara murumo kuti ndirege kuburitsa zvakandibata ..Ndoitwa bhora chero neaada kuitwa mukadzi we..." handina kupedza kutaura ndakabva ndanyarara ndichichema chaizvo..ndakaona vondibhabhadzira kwave kuti... "NaJeso zvinoita mwanangu..Zvizhinji zvandaive ndakaona pauri ndosaka ndaida tisangane asi Mwari vanokuda inguva chete" handina kudaira ini ndaive ndasvika pachikamu chekuneta nayo life iyi..Pandaive ndoti pana Phinasi ndadzikawo matende ndatoona kuti zvandichiri pamhene chaipo..Havana kuda kuzogara vakabva vaoneka vachiti ndiwane nguva yekuzorora iniwo handina kutana kubatwa nehope ndiri mukuchema... Ndakarara kudaro mumba makaita semapinda munhu kwave kunzwa inzwi raiita maungira ruchiti.... "Abhigero ..Abhigero huya iwee..Wafunga kundisiya here hauone kuti vanhu vaunawo vanoda kukushandisa nekutiparadzanisa..Saka wati ndodii nhai mukadzi wangu..Tarira ndoipirwa pandiri ndoti ndikakuyeva wakarara kudai inomira haitane..Mazamu ako aya Abhi mazamo ako aya ndaive neshungu nawo..Rega ndikuzore mushonga pamaronda ayo upore nekukasika..Ndoda kukufadza Abhi sorry nezvichaitika asi handisi kukurega" inzwi iri ndakatadza kuriziva nekuti raive nekuzhezhera mariri pese paaidaro ndakanzwa sekunge mazamu angu abatwa..Kabatirwo kandakaitwa mazamu kakandifungisa maoko aChimwali ndiri kuhope ikoko pavakandibata mazamu tiri kurwizi paya ...Vakaramba vachibata dzamara ndanzwa vachiti.. "Vanhu vako varikunditadzisa yowee rega ndiende mukomana uyo ane moto!!" handina kumuona kwaakaenda nako kuti ndivhure maziso ndaive ndonzwa sekunge anetera mukati stereki zvekutadza kumavhura..Chandakangonzwa munhu akapinda asi haana kutora nguva achibva abuda..Ndakabva ndatopepuka ipapo ndikanzwa muviri wangu kudikitira chaiko ndakamhanya kubata mazamu angu ndichida kuona kane pane chaitika asi hapana ndakabata paya pane nyora dzandaive ndakachekwa ndakangotura befu, hope hadzina kubata dzamara kuyedze pandakamuka ndakaona gumbo rangu richibuda hurwa hwandakatadza kuziva kuti wabuda nepapi pasina nguva mai Moyo naPastor vakabva vapinda..Pastor vakaramba vakanditarisa kwekanguva zvakandipa kusagadzikana zvachose vachibva vati... "marara sei mhamha" "Ndamuka bho..mamuka sei?" ndakadaro ndotarira mai vake avo vakadaira vave kugumbo rangu ... "aiii rabva raputika hurwa..Hona Jacob" "Musaribate mhamha regai ndiuye inini ipapo" mai vacho havana kupikisa vakabva iye kwave kuuya achibva aribata akatanga kuita seanotaurira pasi zvaisanzwika zvachose,ndakanzwa sekunge ndave kupiswa gumbo ndikatanga kushanyarika ndichibva ndati... "Ndiri kutsva kani ndiregei kani..ndati ndisiye mhani iweeeee!!!" ndakazvinzwa ndodaidzira kudaro ivo pastor vaye kwave kuti... "Wauya kuvanhu vasingabatwe zvachose..Unotsvageiko pamuviri waAbigirl asi hauzive kuti itemberi yaMwari haitambwe bayo..Satan urimurevi wenhema iwe wakajaira zvisina basa..Ndinoti moto pagumbo irori muregi izvozvi !! muregedze iwe !! kasika kumuregedza nezita raJesu!!" Ndaivanzwa pastor vachidaro asi ndaive ndoita sekunge pane andigara wanikwe ndonzwa kumanikidzwa kuseka zvandakatadza kucontroller ndikazvinzwa ndoti... "Munhu uyu ndewedu uyu..wakuda kukwana pausingakwane iwe..Tiregedze nekuti hatisati tapedza naye.." ndikanzwa rimwe roti... "Mukadzi wangu uyu handidi munhu paari mhani..Hakuna anomuroora uyu kunze kwangu !!" Pastor vaye ndaingonzwa kunamata ndikanzwa sekunge ndoda kubvisa hembe kuti nditize ndibude..Ndainzwa kuda kunozviwisira mumvura nekuti kutsva kwacho kwaive kusisachandiitira ini..Ndakangoerekana ndascreamer zvakasimba pamwe nekudzvova kwakasimba chaiko ndakazongoerekana ndati ziii ndakadaro..Ndakanzwa kamwe kakurerukirwa mandiri ndichibva ndasvinura maziso munhu wandakatanga kusanganidzna naye maziso vaive pastor vaye apa vainge vakaita kakupfugamira uku ziya richierera..Ndakakasika kubvisa maziso angu pavari ndikatanga kutarisa mumba mose ndikaona aikaka zvinhu manyama amire nerongo zvinhu zvainge zvakapwanyika imba yose kuzoti mattress yemubhedha ndakaiona isisiri pabed ini wacho hembe dzaive dzabvaruka zvakandipa kunetsekana kwakanyanya ndikanzwa pastor vaye voti.... "Mhamha ita vawane kugeza"ini kwabe kuti... "Handisi kuda kugeza ndiperekedzei ndonoona hanzvadzi yangu" Pastor vaye havana kudaira mai vacho ndokuti..."Chichinjai uwane kudya mwanangu" handina kuvadaira ndofunga vakaona kuti handisi kuda kupindura vakabva vabuda vakambotora kanguva vachibva vadzoka vakabata dress kwave kuti.. "Chipfeka hembe iyi" ndakaitambira kwave kupfeka ndichibva ndati.."Ndapedza togona kuenda hedu" vakandibatsira kusimuka tichienda kumota uko kwatakawana Pastor vaveko..Vakandibatsira kupinda mumota vachibva vamutsa takananga kwakitsi...Hapana aitaura neumwe radio ndiyo yaingonzwika kurira song yechurch takati tasvika panjanji pastor vachibva vati... "Tofamba sei ?" "Pindai neipapo" vakabva vaturner nekanzira kaye , Takati tave kusvika mota yaifamba zvishoma nekuda kwemakomba aivepo then pakabva paita munhu akasvika kudongorera nepahwindo ndakabva ndamuziva aive shamwari yaPhinasi plus aive kumakomba pairohwa Petros achita ati.. "aa eta eta gulez" zvakapa Pastor vatarise nepaview mirror tikatarisana mota ichibva yamira ini kwave kuti ... "Murisei henyu?" "aah tiri kungo spinner spinner zvichitofamba..Mukoma ariko paden saka tabatana dhipazi" haana kuzomira akabva aenda. Mota yakamutswa ndakava directer pamba ndakaona vanhu vachiita kutarisa asi ndakangoti handina kana basa nazvo ini .Payakangomira ndakabva ndavhura door kuti ndibude mai Moyo kwave kuti... "Zvino unogona kufamba here? rega ndikubatsire" vakadaro vachibuda kwave kuuya kwandaive vachindibatsira kubudamo mumota ndichingobuda mai vaibika sadza opposite nepamba vakabva vauya kwave kuti... "Aah very sorry mai Phidza very sorry wena shaa"ndakatadza kunzwisisa zvavaireva ndakaramba ndakavatarisa vachibva vati... "Ndatonzwa naGidza achiti vakatozosvika kuhospital mukomana uya ashaya zvakaoma" ndakaita kunzwa nzeve kuita maungira chaiwo pavakataura vachidaro..Ndakaona vanhu vatarisa zvino hamenowo akabva adanidzira achiti... "Ndiye akakonzeresa kuti afe kana airevesa kuti ihanzvadzi yake..Manje hona kwazvasvika" zvaingotaurwa zvakawanda ndega nedzinokakata ndakaziva zvazvaireva mother vandaive navo kwave kuti... "Ngatipindei mumba" ndakanzwa makumbo kurema chaiwo kwave kuti.. "Ayewa ngatimirei pano ndichibva ndaerekana ndati... "PHINASI!!!IWE PHINASI !! KANA URIMO MUMBA BUDA PANZE TIONE!!"ndainzwa kudedera chaiko saka zvandaive ndaona paya chaive chokwadi ka kuti Petros ainge afa..Phinasi ndakazama kumuudza asi haana kuda kunditerera zvino auraya Petros auraya Petros kani!!" ndaidaro mupfungwa dzangu ndaive ndonzwa kutsva hamenowo akadaidzira kuti... "Phidza haamo mumba imomo ..Haa uyo arikubva neuko " ndakasimudza musoro ndichitarisa kwacho kwaanzi arikubva nako..Ndakanzwa dutu rehasha richindibata nguva iyoyo paakasvika ndakabva ndamukatyikirira achiwira pasi ini ndichienda pamusoro pake..Ndakatanga kumukanda zvibhagera nguva iyoyo ndichiti... "Wauraya hanzvadzi yangu Petros!!! wauraya ndipe hanzvadzi yangu kani Phinasi..Ndipe manje handisi kuzokurega ungatofira mujeri ndopika namai vangu vakafa unofira mujeri chete ukasandipa hanzvadzi yangu iri mupenyu!!" "Hii vanhu mubatei kani..Hiii makandiro aari kuita chibhagera kunge munhu wechirume kudaro pakaipa kani!!" "Abhie mira titaure handizvo zvauri kufunga" akadaro akati awedzera hasha dzangu ndakatanga kumurova asi haana kudzorera dzamara ndanzwa kubatwa ndikavhizura asi ndakabatwa zvinesimba ndichibviswa ipapo ndakacheuka ndikaona vari pastor vainge vandibata... "ndisiyei mhani ndisiyei manhi kani..Phinasi ndipe Petros kasika ndipe Petros..Ndoda kuenda kumapurisa ukasandipa hanzvadzi yangu mhondi yemunhu!" vanhu vainge vamuunganira vachimubvunza iye kwakuti.. "handina zvandamuita mhani..Chimwali ndiye arikuziva nekuti ndakamusiya ari mupenyu kumakomba uko..!" "Asi ndakakuti chii paya Phinasi heee?" ndakanyatsonzwa kuti ndopera simba pano ndakatanga kudzikira zvishoma nezvishoma ndikatanga kuchema kusvika ndagara pasi.. "mhai mandisira nhamo isina kana ani akamboona..Wangu munyama rudziiko kusengeswa nyama yedhongi ndichinzi imombe...Moti kufa imimi..Moti kutora Petros iniwo ndotambura kusvika zera rangu ndisina anondidawo zvake..Pandinozamawo kuti ndionekwe semusikana unonzwa ndonzi mhai , vamwe vanofadzwa panyama ini ndofadzwa ndiri kuhope..Mati ndidiiko??!!pandiri kuti mandipa murume imi mandipa mhondi madarireiko nhai mhai!!" ndaive ndodemba zvakawanda kusvika ndati.. "Phinasi wandirwadzisa better ufire kujeri" "Kwete Abhigero ndinzwisise ndoku lover unozviziva plus Chimwali ndiye mumero ..Waida ndidii unoti ndaifembera here..Makomba iwaya ndopane madhiri elife yangu..Waida ndibirwe ndongotarisa chete...Chimwali ndiye arikuziva zvaakaita ..Saka unoti dai ndaisaku lover ndaikutorerei iwewe?..Dai ndaida kumukitisa ndakazviita ndiri kumakomba kuya wakandimisa wani ndikarega ..Handina kumuuraya ini" akapindura achidaro ndikanzwa hasha dzangu kututuma ndakanzwa Pastor vaya voti... "Amhuna zvamunoda kubatsirwa nazvo here tisati taenda?" ndakambonyarara ndakadaro kwave kuti... "Ndiperekedzei kupolice ndokwandoda kuenda.."ndakabva ndatarisa Phinasi kwave kuti.. "Aripi hazvadzi yangu aripi Petros?" "Abhie hauna kwauri kuenda kusvika wadzikana waiketa..Inzwa side rangu usati wamhanya zvauri kuda kuita izvo..handina jeri randoenda ini nekuti handina zvandaita..vangatoenda vanhu wavauya navo ndakakuudza kuti handina musha wandotongerwa ndiripo ..Ngatipinde muden titaure nekuti maziso awanda aya!" akadaro ini handina kuda kumudaira zvachose ndakangosimuka ndikatanga kukamhinha ndichidzokera kunopinda mumota yandaive ndauya nayo..ndaive ndaneta nekuitiswa nevanhu ini kwave kudaidzira kuna Pastor namai vake ndichiti... "Handei" "Abhie imbomira masketch auri kuda kushooter iwayo..Buda imomo tione kuronga!" handina kumudaira avawo vakapinda ndichibva ndati... "Mutsai mota tiende" Pastor havana kuita nharo vakaimutsa mota tichibva taenda........ End of chapter

❤️ 👍 🙏 😢 😂 😮 ❤‍🔥 🇿🇼 💃 432
Mai TJ Shona Novels🇿🇼
Mai TJ Shona Novels🇿🇼
6/5/2025, 5:34:43 PM

https://whatsapp.com/channel/0029VaKIIo1JZg44E9EC810q. *GARA URI MUCHANNEL USASARE PAMUTAKUNANZVA* https://chat.whatsapp.com/JwQjuPX1PDxGQJ5bK2sWHh main grup redu iri *CHIROORWA ABHIGERO* BY MAI TJ & CHLOE CHAPTER 18 Phineas Ndakarwadziwa handidi kunyepa asi ndakati handingamudzorere chandaida kureasoner naye kuti aone side rangu inini..Handisi mumero wekuti ndingamuverure gotsi aripo ka..Hanzvadzi yake handina kuikitisa ini Chimwali wake waakavimba naye ndiye amunyudza ...Paakatozobatwa nevanhu ndopaakandisiya akutaura zvekuda kuenda kupolice manje ndakamuudza kuti inini police handiende nekuti handina madealz andakatsikisa pakufa kwake ehe ndakamurova asi munhu uyu ndakamusiya achifema zvandakatoona ndega ini... Paakanofamba achinopinda mumota yevanhu vake vaakauya navo ndakabva ndati... "Abhigero buruka imomo urikunzwa here?!" haana kuda kunditereera akataura nevanhu vemota iya ichibva yamuka..Ndakanzwa hasha dzandakatadza kudzikamisa ndikanhonga dombo ndikaripotsera kumota iya ichinopwanyika glass rese rwekumashure vanhu kwave kuti... "iii Phidza wadii wadzora hasha iwe!! hauone kuti wakuzviwanza here iwe!!dzorekawo manhi iwe uite semunhu ane brain??" "Maya handidi kuenderwa pamberi maiketa..Abhigero mukadzi wangu inini ndewangu wandakatsvaga ndega saka ndoita zvandoda naye " "Tapanzwa Phidza asi dzikisa temperature iyo nekuinwira mvura inotonhora hona manje mazhets awazotsikisa haaite" zvese zvainge zvotaurwa nevanhu kutaura pafare ndaive ndisina kana basa nazvo..Kana vasingandinzwisise pane zvandiri kutaura saka vanoda ndidii..Vanozopota vachindi ndiri munhu we violences asi sandizvo mhani sandizvo..Muface uya aidriver mota akabva abuda achitarisa kupwanyika kwainge kwaita glass rake achifamba akananga kufamba kuuya kwandiri..Paakasvika akabva anditi... "Zvimwe zvose handineyi nazvo nekuti handizvizive asi pakuputsa mota yangu ndopandotangirawo kutora matanho..." akadaro akanditarira ini kwave kuti... "Inyaya yekuti murikupindira dzamusingazive chete..Inga ndakuudzai kare kuti siyai Abhigero iwe ukada kuzviita sekunge uneyese ukamutsa mota ukaenda" ndakamupindura ndakamutarirsawo sekuita kwake iye kwave kuti.. "Murikuziva kuti iye munhu wamurikuti aburuke arikuratdiza kurwadziwa zvakanyanya nekuda kwehama yake..Saka sei muri kumanikidza kuti aburuke iye asingade?" akapindura mface uya ini nehasha kwave kuti... "Munhu iyeye iwifez yangu urikunzwa?!! handingaudzirwe zvekuita pamukadzi wangu urikunzwa?!? kana tiri kuronga, ndoronga naye kwete newe", ndichipedza kutaura Abhigero akabva adanidzira achichema arikwaairi achibva ati... "indava uine moyo wakasindimara kudaro Phinasi?!!,unonditi nditi mukadzi wako wakaroora here iwe?! unepfuma yawakabvisa here iwe zvaunoti ndiri mukadzi wako..Manje ucharonga wave kujeri!" mashoko ake akandibanda big time mhani imi..Anoda kuzama kuti kudii kana achiti haasi mukadzi wangu, ndakaerekana ndakwakuka nehasha ndichinanga kwaari ndichisvikomubata huro... "Haa Phidza kani regedza zvauri kuita izvo!!" vanhu vaidaidzira kudaro asi handina kuda kuzviterera ndichibva ndati... "Dzokorora zvawataura watii Abhegero?!! zvawakauya muno munhu wawakatanga kuona ndiyani?..Saka mazuva ose andaigara newe waiti tirikuitei hee?.! hauna kupumhwa huroyi apa ndikakubatsira inini?..Hauna kuuya gongo rako rakatakura kurema pakavharika ndikakubatsira wani!..zvawaisvetwa panonaka husiku nenadzangaridzimu akakubatsira ndiyani?!! saka chii chaunoda kundiudza iwe nhasi heee?! chii manje unonyepa iwee? ndiwe munhu wandiri kuzogara naye and hauna kwaunomhan'ara kana ka1 ndonzi Phidza ini!!. .ndaive ndokakatiranwa nevanhu kuti vandibvise ndava ndaive ndamudzisa zvisina kana nharo..Ada kushamisira pavanhu mhani munhu uyu.. "Phidza iwe indava unemangoromera enharo kudaro" "Ayewa ndisiye mhani ndoda ataure mushe mhani munhu uyu..Kubva ndagara naye nekwaakabva chaiko handikuzive pane paaakambondinzwa ndichi complainer here ini saka maskits api aari kuda kuplayer patv yeblack and white..haa maya kana azviramba zvekuti handina kuuraya hanzvadzi yake ngaagare akadaro..Plus iyo hanzvadzi yake ndiyo yainge yatodenha mangwiro ndiye ainge anditsvaga!!" ndakadaro vanhu vachindibvisa paari vachinondiisa muchinyeda chedu..Vaizama kundidzikamisa paya asi ini ndaitonzwa kuda ave maoko chaiwo kana zvema talks zvaramba better tiite zvefight..Takazonzwa mota kumutswa tikaziva kuti aenda pasina nguva Gidza akabva apinda ndakati ndichimuona kwave kuti... "Ndiweka waka zadza ziana rese rekufa kwaPetros ka ?!" ndakadaro ndichinyatsonzwa kuti ndakamutarisa neziso risina kugara fine iye kwave kuti... "Phidza saka wanga uchida kuzvinyarara kusvika kupi?" "Ibva wazorora wakadaro Gidza urikunzwa?!! wanga wakutaura nepangu sei sekunonzi handipo?! saka wanga uchifunga kuti Abhigero wacho handimuudze here?!..Wanga uchimuudza wakamira saani iwewe hee?!! asi unopinda naye mumagumbeze here zvekuti wakanakirwa nesinhi zvakukupa kuvomiter mashoko pose pose!!" "Phidza zvapera kani..Tarira zvawakonzeresa iwewe..Pamwe pacho panoda brain waiketa kwete kungo louder sezvauri kuita izvi!" "ehe nhai atoramba kudzora mabreak wena!" "Haa manje mface webango iro kakulaz zvake asi pamota pake aratidza bundu rabuda pahuro rehasha..Haisi kuzopera mushe iyi!!" "Woti yekuuraya haa Phidza takambokuudza kuti madress kana akuramba ingoita mahit and run life ichienda" vanhu vainge votaura zvakasiya asi ini zvese izvozvo ndaive ndisiri kuda kana kuzvinzwa..Abhigero ainge andirwadza kuita kwake kuda kutamba nemoyo wangu achidaro... "Saka uchaita sei Phidza? kamubviro kavaita aka musina kutaurirana navo ndaona jeri ini?" ndibambo Cleto vakabvunza kudaro ndakamboramba ndakanyarara paya kwave kuti... "Totangira ipapo" havana kana kuda kuzoramba vachibvunza nekuti kamuitoro kacho kandaive ndoita ipapo kaive kasina kuchajeka zvachose..Vanhu vakazongotanga kungospacer vachindisiya muchinyeda changu..Ndakazvomora chipacket chefodya ndikatanga kuchirova ndakarara pamattress pangu..ndaizama kubatanidza mazhets acho asi ndainzwa achindikurira zvisingaite zvachose..Hope dzakatondibata ndakatozoita kuvhunduka ndanzwa kambudzi kangu karinger handina kutarisa kuti ainge afona ndakangokaisa panzveve straight kwakuti.. "Ndiyani ?" akambonyarara paya zvakandipa kuda ku kata fone ndakuda kuibvisa panzeve zvikanzi.. "Urikumhanya Phinasi urikumhanya..Ndakakuyambira paya iwe ukada kuratidza masimba iwe usina zvachose.." voice iri ndakariziva raive raChimwali zvakandipa kumuka pandaive ndakarara paya kwave kuti... "Dhala!!.." "Waitaka mutete Phidza ..Unezera rekumisidzana neni here iwe pakazara vanhu..Ndini ndakakurapira Abhigero ndokuudza kuti rega ndiseve kamwe iwe woita nharo..Kuda kuzadza chaunga pamba paChimwali iwewe manje !!waita mutete Phinasi manje uchakaura iwe kukaura chaiko...!!" "Dhala urikupi!!!" "Kwandiri haunei nako asi ndoda kukunyudza mangwana hauzvipamhe futi..Zvandaive ndatorera munhu iyeye waizviziva here zvawakasvikomunyamura mumba mangu..Manje wafongorera museve Phinasi ndonzi Chimwali inini!" yakabva yacuter fone yacho kutarisa kudai yaive unknown number..Ndakatura befu paya kwete rekutamba naro zvekuti kana simba ndakarinzwa richi outer zvishoma nezvishoma mumuviri mangu..Pasina nguva ndakanzwa munhu airatidza kumhanya achiuya kwanditi achiti... "Phidza..iwe Phidza iwe mupanda wabvira shabhani yarasa mwendo hazvina kusitter fine urimo here umo!!" handina kudaira akabva avhura door zvikanzi.. "Pane team rwema ngongongo ririkuuya Phidza saka Abhigero aitorevesa kuti arikukusungisa" ndichinzwa kudaro ndakakwakuka ndichisimuka kwakuti.. "Va-varikupi" "pagogo vaZvida apo ndopavari kutaura nevanhu vari ipapo" ndichinzwa kudaro ndisina kana kufunga ndakangonanga pachitrouser changu chandaive ndakasunga chipfundo ndichibva ndasudzunura raive gold rangu randaive ndakasunga ipapo ndichibva ndaritora nefodya yangu kwave kubuda imomo neseri kwechinyeda..Kwaive kwaita kakusviba ndichibva ndatanga kumhanya ndichitora nzira yaienda kwabhemba kumakorokoza eikoko...Maya handingasungirweka mhosva yandaive ndisina kupara..Abhigero haana moyo nezvose zvandakamuitaira nhasi ndiye onditamba ten note isina kana value kudaiso..Manje aisinke zvachose jeri ndorandisingafe ndagara zvachose... Ndakamhanya zvandaive ndisati ndamboita kana kuzvipa kuzorora handina zvachose..... Phidza zvaatiza uyo vana Abhigero vachadiiko..Pane nyaya apa Inspired to change peoples lives NB: KUTANGA PACHAPTER 21 BOOK REDU RAVA ONSALE UYE MUTENGO USHOMA CHAIZVO.IRI IBOOK RAKAPERA KARE UKAITA PAYMENT YAKO WOBVA WATOWANA BOOK RAKO RESE!!. Zim side 1.5us ecocash 1.5us inbucks 100Zig Panumber +2637️⃣7️⃣74️⃣5️⃣ 8️⃣ 1️⃣ 63️⃣ Zita Lindiwe Kachure Airtime toda yenetone ye$2 scratch card SA side 30r voucher not airtime Ott voucher Blu voucher 1 voucher Number dzirikushanda dzamunoisa maproof ndeidzi 07138️⃣0️⃣9️⃣1️⃣7️⃣1️⃣ Botswana 🇧🇼 side 30r orange 🍊 money 💰 not airtime Ndichakupai pekuisa mari Mozambique 🇲🇿 150mt Ndichakupai pekuisa mari Vari kunedzimwe nyika moshandisa mukuru munouya inbox 📥 thank you Maproof ese ngaaende kunumber dzemunyori dze NETONE dzinoti 0️⃣7️⃣1️⃣3️⃣809171 End of Chapter

❤️ 👍 🙏 😂 😢 😮 😭 ✂️ 👀 265
Mai TJ Shona Novels🇿🇼
Mai TJ Shona Novels🇿🇼
6/5/2025, 2:37:23 PM

Pastor vedu ava varikubatsira Abhigero🤣🤣 show your reaction

Post image
❤️ 🙏 👍 😂 😢 😮 🔥 🎂 346
Image
Link copied to clipboard!