THEOS NOVELS
4.0K subscribers
About THEOS NOVELS
Vanoda kutenga any book contact 0784027359 or 0788659793 ndidzo number dzemunyori
Similar Channels
Swipe to see more
Posts
AnaGabhu nanaJowisi laikai book๐
Nhasi ngatisvike pa 300 next chapter youya
Obvious or akatsva neholy spirit๐๐ป
https://chat.whatsapp.com/Hmobo9QRKfG73gwZJv2C51 Join our Facebook page https://www.facebook.com/profile.php?id=100071712155222 PINDA MU CHANNEL MUNE OSE ANONSKIDZA. https://whatsapp.com/channel/0029VaOPGxeEquiMe90fHM0p *NKATEKO.*๐น Story by Mani wa Nka 0788659793 /0784027359 Chapter 11 " Makadii baba namai mufundisi ?" Ndakavakwazisa vakanga vakamira nemudzimai wavo. " Tinofara hedu mwanangu takanzwa kuti wanga uchirwara wava sei ?" " Aiwa ndava right zvangu . " Akabva asvika Gabriel. " Sister murisei ,mhh munoimba wena. Your voice is something else. " Mai vacho vakabva vanyemwerera. " Mbiri kunashe . Ndinofara zvangu kana muri seiwo imi ?" " I'm good. " Akabva aramba akamira. " Ndaitaura namufundisi wako ,wekumusha aiwa akafara chaizvo kuti wava mumaoko edu. Manje nhai mwanangu uchatishanyirawo rini kumba ?" " Ndanga ndichida kutobvunza baba. " Vakadaro Mai vacho. " Ah ,kushanya chaiko kunoti netsei nenhau yekuti kubuda kwangu pamba kuenda kumusika nekudzoka manheru mumba. So Sunday ndiro zuva randokwanisawo kubuda. " " Asi uri maid ?" Akabvunza Gabriel . Ndakabva ndanyemweeera zvangu ndakati. .. " No ndinogara namaiguru vangu. " " I think you should look for a job. Zvekuenda kumusika Kanna musika wacho uchikutadzisa kuzouya kuchechi uri useless. Handiti ndiwe wanga uchitaura zvekutsvaka chiso chamwari zvimwe zvese zvinotevera. " " Not now munhu wamwari. God's time is the right time. " Ndakadaro zvangu ndakapora . " Tinenge takangomirira handiti ka. " Vakadaro Mai mufundisi. Vakabva vaenda namufundisi ndakasara ndakamira nemwana wavo. " Ndanga ndava kutoendawo zvangu. * " Haudi ndikuperekedze nemota ?" " No ,ndajaira kuswera ndakagara so ndakatofamba I will feel good . " " Ok ,so tell me about yourself ?" " What do you want to know ?" " You. " " I'm Nkateko ,I have 2 sisters and a young brother. What else do you want to know ?" " Unoita nezvei ?" " Ndoita zvekutengesa pamusika pamaiguru . Chikoro ndakagumawo panoguma vazhinji pa form 4 ,ndakabuda ne 5 pachine zvimwe . " " Ndiri kukubhowa handiti ?" Yha akanga achindibhowa I don't know why. " Haa maya. " Ndakangodarowo zvangu kuti zvindibve. Mukomana anonzi Leon akabva andidana. " Let's go ." " Is he your boyfriend ?" " No ,I don't have a boyfriend. " " Ok ,see you next week. I wish I could see you again before Sunday . " Ndakangonyemwerera zvangu achibva aenda. Akafamba achizvikakata chaizvo akapfeka sutu yake yakanga yakanaka zvekuti. Aiwa akanga akachena zvake. " Hanziiko nenyana ya pastor?" Akabvunza Leon. " Hapana zvake anga achingibvunza zvekuchechi kwandaipindira ." " Ok ,ngatibaye. Ndikuperekedze zvangu. " " Ok. " " Ah uri kufambisa iwewe wabva wafamba kunge uri kumhanyiswa unomhanyirei nhasi Sunday ?" " Zvakawanda zvandinomhanyira . " " So tell me ,unogara nani ?" " Na mama. " " Hoo ,so unoshanda kupi ?" " Pamusika. " " Ah une Mari iwewe ." Handina kuda kupindura zvangu ndakaramba ndakanyarara. Aingobvunza zvakawanda wanda ndichiramba ndakanyarara . Akazondisiya padhuze ndamuudza kuti pese pandinotaura ndine word limit. Izvi ndinozviitira hangu kuti ndisazoguma ndava kutaura mashoko akaipa kana kutaura kwandisina kuswera. So mashoko andinotaura ndinotanga ndama sefa first. Ndakasvika kumba ndichibva ndambosuka ndiro dzakanga dzadyirwa maskati ndisipo. Ndakazobika zvangu zvemanheru. Monday morning hatina kuenda kunohodha Mari yacho yakanga isipo sezvo week rese iri kwakanga kusingatengwe. Ndakaenda kumusika samazuva ese kwakatengwa. Ndakafonera maiguru vakauya. " Dai manga muchikwanisa manotsvaka zvimwe zvisipo cause ndangogarira ma jiggies maviri apa. " " Horight . Nhasi kuri kutengwa handiti ?" " Yha vanhu varikutenga. " Vakabva vaenda ndakasara namai vaye vepadivi. " Hehehe ah zvakaoma chokwadi ko sei musina staff ? Asi makadya Mari yekuhodha here ?" " Ehe takadya manga matiiko ?" " Kungobvunzawo zvangu no need yekuita hasha. "Ndakabva ndaramba ndakanyarara zvangu. " Asi nhaiwe Nkateko chimbondiudza. Chii chaitika last week pamusika paisafamba. Haa ndakapotsa ndasiyana nemusika vanhu vaifambira kupi?" " Mhhh I'm not sure. " " Haa unenge unoziva zvakaitika chete. " Handina kuvapindura. " I like you unoziva. " " Ok. " Amai ava dai vaiziva kuti vainditadzisa kuverenga bible rangu vaisanditaudza. Maiguru vakadzoka vakabata staff ,ndakaona amai vaya voisa muromo mumhino. Ko vakanga votsamwei zvakare varivo vakanga vati hatina staff . Ndakangosiyana navo zvangu. Mazuva akanga achifamba ,kuchechi ndaienda asi sister Joyce ndakanga ndisiri kuvaona. Kunamata ndakanga ndichinamata zvangu ,brother Gabriel vakanga vachida zvekuswedera pedyo neni asi ndakanga ndichivatiza. Ma brothers epa chechi vaingoitawo take take neni asi ndakanga ndisina basa navo. Project yakanga yakanga pakutooneka green. Vaivaka mazumbu ehuku vakanga vapedza. Our pastor was very happy. Tuhuku twakauya vanhu vaichinjana kunodzi feed nekubvisa madororo. Manure yacho taibva taiisa mu garden zvirimwa zvakati zvotanga kupengereka. Ndakakumbira maiguru kuti vandiwanisewo mukana wekuenda kuchechi during the week nekumbonoshandawo asi vakaramba vakati unodya kuchechi here ? Yakanga isiri horror nekuti kana ndakaverenga shoko rinoti. Weeping may endure at night ,but joy comes in the morning. Robva rati zvakare ,chimwe nechimwe chine nguva yacho. " I had no plans nekuti ndaiziva kuti Mwari vane ma plans angu. Saka ndakanga ndisingatambise nguva yangu ndichiita ma plans. Three months pachechi pakanga pava kudadisa. Muriwo haunonoke kana huku dzacho dzakanga dzava kutotengeswa . Waiva mufaro mumba mamwari . Pakaitwa big Sunday mumwe musi ,havana zvavo kukoka mamwe masangano asi yakanga iri yedu rega. " Nhasi uri kubuda kuseni seni ndanga ndichikumbirawo undienderewo kutown nezvinhu izvi. " Maiguru vangu vakanga vakuda kuita Satan wangu. Manje this time ndakanga ndisingambovatendera. " Ah mama nhasi izuva re sabata saka kuti ndinge ndichimbosiya zvekuchechi ,ini hangu personally ndakasaita zvekuchechi ne Sunday zvinhu hazvindifambire zvakanaka. Ndinogona kuenda ndakabirwa zvinhu zvacho zvinenge zvabatsirei manje ? " " Rega kana usingade. " Vakataura zvekubhowena. Handina kuita basa nazvo hangu. Ndakavaudza kuti bhutsu handisisina vakaita sevasina kundinzwa. Ezvino kunotonhora asi ndinoenda kumusika nemapata pata ndichiitira ku save dzandinadzo kuti ndiende kuchechi. Ndakabuda zvangu ndoenda kuchechi. Zvepamba pamaiguru zvakanga zvisisandiitiri nekuti vainga vakuita ka attitude. Tuckshop vakavhura yaitengwa. Life yavo yakanga yatochinja zvekuti ne durawall vakatovaka. Vaitotaura zveku extend Imba. Ndakasvika kuchechi ndichiti ndakasika izvo pane vakanga vakasika. Vana Mai vakanga vachimhanya mhanya nemapoto. Chikafu chakabikwa vanhu vainga vakaxara nevaenzi vakanga vazere musi wacho. Kwaisadanwa anonzwa. Ndipo pandakaona brother Uriel vachidzika mumota vakabata mumwe muskana ruoko. Aitaridza kuti akanga achirwara muskana wacho . Vakapinda muchechi vanhu vese vaingomutarisa. Ndakaramba ndakatarisa wanei ndi Joyce pachezvake. Ko musikana uyu akanga achirwara neiko nhai Mwari ? Indava akanga aita kupera kudaro apa acheneruka asviba zvisingaiti. Ko ainga auirei zvake kuchechi kana achirwara. Hazvina kumbotaurwa wani kuti ari kurwara ? Vanhu vakanga vaine mufaro wakachinja kwakaita kusuwa. Mai mufundisi vakasimuka vakaenda paiva na Uriel hameno zvavakazevezera. Uriel akatarisa ku side. Vakadzokera vakanogara panzvimbo pavo asi vaingomutarisa. Service yakatanga nenguva dzamazuva ese. " Nhasi izuva guru rataona zvakakodzera kuti tiite big Sunday. We are happy nema projects edu atinawo,so to appreciate vana vesangano taona zvakakodzera kuti zuva ranhasi timboita zuva rekupemberera tichidya vekufara vese vane chekuita mumba mashe nhasi chero na 5 tinochaisa. " Vanhu vakaridza mhururu nemuridzo. " Chikafu chiripo chakawanda vanhu sunungukai kudya muchiguta . Vanoda tea chimboendai ku tea ,tichatanga nema Sunday school endai munonwa tea moita zvekukasika kudzoka ." Takabuda tuchimhanya. " Ngatisvikei patinosimuka timboimbirwa ,tinoda kusvika patinonamata tichitenda Mwari nevese vari kushandira Mwari. Ndinovimba munhu wese muno mukereke arikushandira Mwari. Vamwe ndivo vanoti ah isu hatikwaรฑisi kuuya kuzoshanda nemaoko edu asi tine Mari vanobvisa. Vamwe ndivo vanobatsira nemazano chaiwo. Zvinhu zvinoita kuti chechi yedu ifambire mberi. Tiri kunzwa kufara chaizvo aiwa ngatisvike patinorumbidza. " Vakaimba amai Chisango. Vanhu vakanamata. Ndakazodanwa mberi zvinova zvaibhowa vamwe vanhu kuti ku practice ndakanga ndisingawanike asi pakuimba muchechi ndipo pandaizowanika. Ndakaimba buruka mweya mutsvene utizadze. Vanhu vakaita kuzadzwa namweya mutsvene ipapo . Taiimba tichinamata vanhu vachichinjana kunonwa tea. " Such events akaita seiwawa anotibatanidza. I remember kudhara vanhu vaiita mushandira pamwe. Vaitoziva nhasi tiri kuenda kumunda kwanhingi. Vainorima vachinwa doro vachifara . Chingatitadzisawo kuita mushandira pamwe kuti chechi yedu isimuke handione kuti chiripo. Kana nevanoshanda vanowanawo Simba rekushanda. " Ndakanga ndakatarisa zvangu Uriel achinwa tea. "This guy Mwari ave naye. " Hameno why ndakangoerekana ndadaro. Gabriel akanga akanditarisa ndakatarisa brother yake. Handina kumbomuona achinwa tea . Yaitova nemazai chaiva chirungu musi wacho. "Vanhu vapedza kunwa tea first service yedu yaienda mberi . Vanhu vaingoita zvinonakidza so. Ndakaerekana ndaimba song iye yekuti ," tarira kunaka kwazvo ,nekufadza kwazvo kana hama dzichigara pamwechete nerugare. " Haa vanhu vakasimuka pakatambwa veduwe. Ana Joyoso vakanga votoda kukotsira isu tichifara. Pakazonzi ma items. Munhu wekutanga kusimuka ndi bhuratha. " Amen ! Amen ,aiwa zvinofadza izvi. Pakatanga kutaurwa zve this project ndakazvibvunza ndakati inobudirira iyoyi ? Asi ku youth takasimbisana kunamata neku fast kuti ibudirire. We thank God ne vese varikuuya vachizoshanda mumba mamwari. We thank God nevese vari ku sponsor angava ma chicks kana ma seeds nema . Together we can stand . Handina zvangu mazhinji ndanga ndichida kutenda ne project. Imwe nhau yavapo ndeyekuti muchato hakusisina. Sekuona kwenyu mumwe wangu agere pa bhenji Ari kurwara. Reason why we called off ,our wedding chikonzero chaita arware. Handidi zvangu kutaura zvakawanda asi kune vaya vaindibatsira kunamata ndinoti Mwari ngaave nemi. Handizive sister Joyce mune zvekutaura ?" Akazunguza musoro. " That's great ,tinotenda. " Akabva aenda akatorana na Joyce wake. Ko chii chakanga chakaitika pamwanasikana. Mufundisi namai vakataridza kubatikana. I think vakanga vachimuda chaizvo Joyce wavo. Vakataridza kupererwa asi vakazongonyepera nyeperawo kuita sepakanga pasina chaitika. End of chapter 11
Ngatilaikei puriziiiiii๐๐ป๐๐ป๐๐ป
Thank you our favourite ๐ Let's like our book and share