THEOS NOVELS
June 12, 2025 at 02:31 AM
*THE RISE OF A GOD FEARING LEADER*
⭐👨🎨
Story by Professor TP and Theo Chida
+27644895113
0784027359
Chapter 5
Vanhu vakanga vaine kushungurudzika munyika. Zvinhu zvaioma zuva nezuva mitengo ichingokwira. Vakanga vaine mari vaiva nayo zveshuwa. Vakanga vasina wo vakanga vasina. Muzvipatara makanga musina mishonga, mabasa chaiwo munyika makanga musina.
"Mama inini ndakakura ndoda kuita gunners." Akadaro umwe mwana achiudza amai vake.
"Hezvo nhaiwe Liberty chakupa kuda kuita gunners chii?"
"Mama magunners anenge achingorova vanhu, saka ndoda kuita gunners, chero respect unenge uchingopihwa kwese kwawaenda inenge ingori gunners gunners tichirikita zvedu vanhu vasinganzwe."
"Saka unoda kunge uchingorova vanhu?"
"Yes, ndozviripo wese angotaura zvinobhowa mboma."
"Asi nhai mai Liberty tiri kuenda kupi chaizvo nenyika yedu? Hona vana vakungofunga zvinoitwa nemasoja zvakanaka here izvi?"
"Vanenge vari pabasa, ko imhosva yavo here? Asi zviri kukanganisa vana hazvo. And imwe nyaya yekuti mabasa chaiwo hakuna inyaya iri kukonzeresa magraduate chaiwo kuti ange achiita zvembanje nema drugs muma streets umu."
"Zvino toita seiko?"
"Hupenyu hwacho hwakungoda nyasha dzaMwari kutaura chokwadi. Nekuti kuti uti ndinoshanda nesimba handione kana paine chinobuda pakushanda nesimba ini."
"Haa mukore uno zvekushanda nesimba hazvibude. Izvezvi vanhu varikudzingirirwa muma streets mavari kutengesera. Tsvee kudzingirira mbavha zvino vanhu vorarama sei, ungati inyika kwayo iyoyo?"
"Murikutaura izvozvo baba Liberty, umwe wekanzuru akaurawa nezuro achida kutorera mumwewo mukomana zvinhu mustreet makaremo ndiye bhoo musoro nechigodho, akangoti dhii ndiye zii akadaro. Zvakaoma chokwadi zvava kuitika hazvichanakidza izvi."
"Yuwi, zvino handiti ava kutoenda kujeri iyeyu arova? Vana vakusara vachitambura I murder ka iyi?"
"Dai uyu Chibanda angohwinawo maelections iwawa ari kupromise vanhu zvirinani."
"Ah ini handina wandichatemba mukore uno nekuti umwe neumwe anenge aine nzara achida kudya nemhuri yake. Akangopinda pachigaro akutofunga dzinza rake neshamwari dzake. Kana vazogutawo imi ndipo pamunopihwa change mogadzirirwa karoad kasina maturo neka bhiriji one kekuti mangwana kanomuka kakaondomoka. This time I don't trust any politician, it's better to trust in God"
"Zvakaoma mufunge." Ndiyo yakanga ingori nhau vanhu vachimhanyiswa kuenda Kuma rally.
"Hanzi vaChibanda vari kuuya." Vakadaro vamwe amai vakanga vakapfeka pulling socks musoro vachitaura nevamwe amai padurawall.
"Hoo hanzi akusvika nguvaiko president?"
"Hanzi namai Tadi vatoona mota dzake dzichipfuura."
"Yowe rega ndigeze."
"Uchiri kuda zvekumbogeza amai Nomsa, hande zvekugeza tinozviona tadzoka izvo."
"Taura hako." Vanhu vaibuda mudzimba vachiita kumhanya vakananga paMufakose high pakanga pachiuya mutungamiriri we opposition party.
"This time anohwina chete Chibanda, haa anohwina nekuti makanzwa ma profeti akawanda achidaro."
"Haa kuti kudaro here? Asika pane chimwe chiporofita chakataurwa naprophet Jiri vachiti nyika ino chero mapresident akachinja zvinhu hazvisi kuzochinja. Chichachinja mutungamiri chete asi masituations achava worse."
"Haa uyo anowanza mutoriro ngaambosiya kutaura zvisina basa." Vakadaro vamwe mai.
"Taura hako, hanzi akambopenga ka uya."
"Iye anoti akambotaya njere nekuti akanga aramba kushandira Mwari."
"Nhema! Haisi nyaya yekuramba kushandira Mwari asi kutoti munhu anenge asina zvake kukwana chete." Vaiita kufemera padenga vakadzi vakuru vachienda ku Rally. Vakasvika wavaida wacho ndokutanga kutaura.
"Tichakuvakirai dzimba umwe neumwe achanga aine imba yake." Dzairukwa hadzo nhema vanhu vagoti yeeee.
"Maroads edu tiri kuda aite kunge eku China anofambira mudenga. Tichakuvakirai zvipatara, mishonga muchipatara inofanira kuwanika. Honai vanhu varikufa munyika nekushaya mishonga. Asi makativhotera isusu tichaita zvese nyika yedu ine hupfumi iyi. Mukavhota nehuhwandu hwenyu muchaona shanduko yakakura munyika yedu. Muchaona zvakare kuchipatara munenge morapwa mahara. Mbavha dziri Kuba mishonga muzvipatara umu vachinovhura mapharmacy. Tiri kuti makangotivhotera wese mbavha akananga kujeri kwaano deserve." Vanhu vakarova maoko vakaridza mupururu nemheterwa.
"Minda yese iri kutambiswa nevanhu vanoti vakapiwa mbeu nehurumende voigeza vokanga mhandire nayo tiri kutora. Tichapa vanhu vanoziva zvavanoita chete nyika iwane chikafu iyi. GMB yedu inofanirwa kugara yakazara nechikafu. Vanhu havafanire kutambudzika munyika nenzara." Vanhu vakafara vachinzwa izvi.
"Tichapa zvakare varimi vema sunflower ne soyabeans mukana wakakura tiri kuda mukaka wesoyabeans ugo projuswa muno, mafuta ekubika nezvakawanda zvinofanirwa kugadzirwa muno. Muchaona kuti tikarima zvirimwa zvedu, fodya, madomasi, cotton nezvimwewo ndipo pachabva mabasa akawanda. Nekuti paku produce tomato pastry panoda vashandi, pakugadzira machira necotton yedu pachada vashandi, pakugadzira fodya panoda vashandi. Saka hama dzangu ndiri kuti bato reBMC rauya kuzochinja zvinhu. Bato rauya nemabasa. Bato rauya kuti muzowana kuzorora muri munyika menyu. Primary education yese inenge iri mahara. Secondary inenge iri mari shoma shoma chete kwete zvekuzosvika Kuma 30, university mwana wese anofanira kutambira achidzidza. Vachipedza mabasa anofanira kuwanika." Vakataura zvakawanda. Ground repaMufombi high rakanga rakazara nevanhu. Chibanda akanga achidiwa, akanga akapenda green Mufakose.
"Muri kumunzwa uyu haanyepe dai ari mumwe atoti mahara. Nyika yava kuzonaka manje ndiri kukuudzai so." Akadaro mumwe mudhara.
"Taura zvako mudhara tava kuzopinda muhuchi nemukaka. Vanhu vedzimwe nyika vachatouya chete kunyika kwedu kuzotsvaka mabasa." President weopposition akaenderera mberi.
"Tiri kuda kuti nyika yedu ive huchi chaiwo. Mari yedu inofanira kutenga kwete zvekutamba. Taneta nekuenda kubank takasenga ma bag emari, nyika kuvanhu. Nyika kuvanhu kwete kumunhu one!" Vanhu vakapururudza.
"Ma companies ese akavharwa ari kuitwa machechi. Vemachechi tichakupai nzvimbo dzenyu dzekuitira chechi ma industries anofanira kushanda ndiko kuchawana vanhu mabasa. Tinoda nyika yedu kuti uite basa rekusarudza kuti nhasi iri handichada riri kundipa mari shoma let me try this. We want to produce as many goods as possible munyika medu. Importing everything ndizvo zvimwe zviri kuuraya nyika yedu." Vanhu vakaombera maoko. Vakazoti voimba ana Panga aiwa vanhu vakatamba kusvika pakunzwa kuti vakanga vaneta.
Chikafu vakapiwa vakadya, ndizvo zvimwe zvavaiendera nhau dzedumbu idzi. Ma drinks aiva mavhu nemarara chaiwo. Vebato raitonga vakanga vaine avoowo ma rally kune dzimwe nzvimbo. Kwaidyiwawo zvinonaka ikoko, uko mabhokisi ehukumukati nema Pepsi vaipuhwa. Vanhu vakanga vatova nekatsika kekuti kwese kunenge kuine rally chero yakanzi iri kwaMutare vanenge vari mubhazi vachienda sezvo mabhazi aiva emahara. Munhu aiva kumavirira kwenyika achinosvika kumabvazuva kwenyika achitevera musangano nechikafu chinonaka chavanenge vachipiwa. Vanhu vakazodzokera kudzimba dzavo.
Chibanda ndiye akanga angori nyaya mudzimba dzevanhu. Pama social media ndiye akanga ari nyaya. Vanhu vakanga vari kunze kwenyika vakanga vachivimbisa zvakare kuti vaizokwira mabhazi vachiuya kuzovhota. Vakanga vaona potential pamurume uyu kwete vamwe vakanga vagara varipo vavaiti vanekakurebesa maoko.
Hupenyu hwevazhinji akanga ari matsuru tsuru chaiwo.
"Naison Chinjo hanzi aita accident wazvinzwa here?" Naison aiva muimbi. Uyu aiva mumwe mukomana aitaura neshamwari yake.
"Haa uri kutiiko iwewe?"
"Serious hanzi muchipatara mashaikwa ma pain killer so afa."
"This is heartbreaking muchipatara munoshaikwa mapainkiller chirudzii?"
"Ah enda unobvunza minister of health kuti sei chipatara chichishaika mapain killer."
"Mhh vakomana kaa, apa mari vanenge vachitsenga vega. Munhu akarwara votakurana naye kuenda kunze kwenyika kunorapwa. Isu tofa tichishaya ma pain killer chaiwo."
"Dai tanovhota nehuwandu hwedu pamwe zvinochinjawo."
"Taura hako."
Kufa kwaNaison kwakatsamwisa vanhu vazhinji nekuti akanga ari muimbi aifadza nyika yese. Nevari mhiri vakazviudza kuti vakanga vachazouya kuzovhota.
.
.
.
.
"Things are going from bad to worse baba Ary. I don't know kuti nyika yedu yakaramba yakadai tino survive here mubusiness. Mabusiness akawanda akuvhara, mainvestors are pulling out."
"No babe, we should see maopportunities paevery situation. That's why we hire young talents kuti vaite come up with ideas atingashandisa pakuti company irambe ichifambira mberi."
"Which is true, yha kana uchida kuita mari unotofanira kubuda mari. Any news from Ary?"
"Iwe wakambonzwa ani anofona aenda kuhondo? Ary akaenda kuhondo pamwe akatofira ikoko so."
"Don't joke like that Antony! Huh, nekuti hausiwe wakatakura nine months wava kutaura zvisina basa." Vakaseka zvavo vaMurwira.
"I was joking my love. Don't stress yourself, we gave birth to a warrior paya. He is a true warrior that one."
"Now you are talking."
"Wamboona news here nhasi? Hanzi Chibanda anga aine vanhu mavhu nemarara."
"Sandizvo zvavanoita makore ese here asi vasingazohwina?"
"Ah hameno isu vamwe ku politics hatiko tinoenda kunoenda mhepo. Handidi zvekupedza time yangu nezvisina basa." Vakataura vachiseka zvavo.
"Asi kana tichida kuona Ary tinogona kunomuona these days money talks."
"Vamwe vese havana basa, but Ary wacho ndiye anogona kuva problem. Ndiye anenge asingatode kuonekwa so let's wait for him." Vakadaro vachibaya baya phone yavo.
"Haa mai Ary, vice president ashaya."
"Nematambudziko zvino nari yaaiba yese iya ichaenda kunani zvaasina mwana kana hama?" Akabvunza zvake asingambogaya Jocy.
End of chapter 5
❤️
👍
🙏
😂
😢
😮
167