J.T. ZIM 🇿🇼SHONA NOVELS.
February 3, 2025 at 02:35 PM
*YAFEMHA YANZWA HWEMA DZINZA NDERIMWE*
_*NEW BOOK 2025*_
🏹🏹🏹🏹🏹🏹🏹
*CHINYAKARE NOVELS*
∆∆ Read and share ∆∆
WRITTEN BY
Author : JT *Nyazenga*
🪀 +263 776618351
🪀+263 717173806
*Kana usingandi kuzodarikirwa nebook iri gara waita follow my channel baya link riri pazasi nokuti inbox 📥 yangu handibatsiri munhu*
⬇️⬇️⬇️⬇️⬇️⬇️⬇️⬇️
https://whatsapp.com/channel/0029VacNbjC3wtazlC2Afq1w
CHITSAUKO 03
KUDZINGWA KWAMUCHEKANHEMBE MUMUZINDA MAMAMBO NENGOMASHE
Kwakava kuzama kumanikidza bhonzo kupinda mukahadyana kadoko sezvo mambo Nemgomashe aiti ngaivhiyiwe Muchekanhembe achiti kwete haivhiyivi. Machekanhembe akasvika pana baba wake awo waive vavhura meso ndokunyemwerera zvichibva zvangati nyanagarara sedombo rinopinda pakati pedziva ndokudzoka pahuchando . Muchekanhembe anosvika achishama muromo anoona misodzi ichioneka kuyerera pamatama ababa vake nhambo iyi. Muchekanhembe anobata bata muviri wababa wake asi chainge chiri chando . Misodzi yakaoneka kuyerera pamatama aMuchekanhembe nhambo iyi mambo Nengomashe ainge asvikawo uyo akashamisika nechiitiko ichi kujinda guru rake sezvo kubva akure ainge asati ambozviona ."Chivara bata bata mumwe wako unzwe mupenyu here kana kuti kwete kana asimupenyu daidzai mukadzi wake kana paine kukanganisirana ataure tione tingadiii " anodaro mambo Nengomashe achiratidza ainge apererwa nhambo iyi. "Chivara jinda raitevedzera Muvhiyakamwe rakasvika paive naiye Muvhiyakamwe ndokutanga kuuchira achipedza ndokupfugama achibata bata muviri waiye Muvhiyakamwe naipo pachipfuwa ndokunzwa chokwadi Muvhiyakamwe chainge chava chando asi misodzi yainge ichibuda pamaziso ake. "Changamire mutumbi chavachando ichi mumwe vangu hapasisina hupenyu apa " anodaro Chivara achisimuka ndokugumbata akatarira Muvhiyakamwe . Mambo Nengomashe anotura befu guru kuratidza kupererwa ."Danai mukadzi wake auye ataure zvaakaita nejinda rangu here " anodaro mambo Nengomashe achiratidza kutota nhambo iyi . Mai Muchekanhembe anosvika achitarisa mutumbi vemurume wake mutumbi waiye Muvhiyakamwe wakaita seuno tenheka pamwe nekuita seunoda kushama ndokubva zvangopera zvakadaro misodzi haina kumira kubuda . "Iwe murandakadzi ndipire chiii chaicho kujinda rangu hongu rapfuudzwa nehondo asi shungu dzakaputira hapana here chivanhu chinoda kuitwa kana kurikuitwa chiitwe honai nhambo kufamba zuva kuda kurova nhongonya pasina rafamba mhandara yangu inoda kuteverwa ?" anobvunza mambo Nengomashe achiita kuvhundutsira mai Muchekanhembe. "Changamire vangu handidi kutaura rinenyepo mukati kana kukufadzai nenhema . Jinda renyu harina rimwechete randakanetsana naro kana kutaura rinopokana . Asi chandirikuyeuka pakati pehusiku hondo yapinda isati yapinda nhambo iyi jongwe remurirakamwe rainge rachema . Jinda renyu rainge tichitaura kuhope asi ndazama kubatanidza zvataura ndatadza kunzwa charazoura zvandanzwa ndonhambo yarabva rapepuka "anodaro mai Muchekanhembe. "Ainge ati chii zvamanzwa zvacho ?" anobvunza mambo Nengomashe achivhura ziso . "Randanzwa vachitaura wati kana kuri kumaodzanyemba handina rekupikisa nekutonga kwenyu zvimwezvacho handina kuzonzwisisa asi zvapera nezuro nhambo yokudya waive wachigunun'una kuti Muchekanhembe ainge abuda hake asi waive waine maviri matatu avaida kutaura naye asi havana kuzotaura aiwe eyi kusvika tive parizvino " anodaro mai Muchekanhembe."Zvichireva hondo yauya ichitapa mhandara yangu yabva divi rokumaodzanyemba here kana kuti Muvhiyakamwe arimukati mokuparadzwa muzinda wangu uye iwe Chivara nyaya yajeka semhanza yembudzi iripamabvi iyi pisai zvitunha zvose mapedza mouya padare toronga toita sei nokuti mhandara yangu ndirikuida muno " anodaro Nengomashe achiratidza kupupira nehasha. "Changamire zvitunha zvingapiswe asi randareva ndiroro baba vangu kwete haasi kupiswa " anodaro Muchekanhembe achioneka kusunga chiso muromo wake wekuzasi nokumusoro uchioneka kubvunda pfumo rainge rakanzi dzviii nepakati paro maziso ainge atsvuka kuti piriviri semuururo vaburwa muchoto. "Usandipa mutemo nhasi ndatopedza iwe Chivara itai basa kana zvanetsa tangai naiye Muvhiyakamwe kupisa" anodaro mambo Nengomashe . "Chivara nevamwe wake vanotakura mutumbi waiye Muvhiyakamwe ndokubuda nawo mumuzinda Muchekanhembe ainge arimo mumashure. Zvimwe zvitunha zvakatakurwa uye matanda ndokuunganidzwa moto ndokuveswa mutumbi waiye Muvhiyakamwe waive wovedzera kuyeredza misodzi pamaziso ake . Mutumbi waiye Muvhiyakamwe unokandwa muchoto izvo vakaona ndozvakashamisa kusvika vamuburitsa. Muvhikamwe paanokandwa anotanga kubhidhirika semunhu anonzwa akatanga kupfarutsa pfarutsa matatya nehuni dzaive doko dzairasirwa kwakadaro izvo zvakaita mambo Nengomashe adanwe uyo anosvika achishama muromo wake nechiitiko ichi sezvo uku kwaive kutanga kuzvioona. Muchekanhembe ainge akangogumbata achiyeredza misodzi yake akatarira pamoto apo ainge achiona chishamiso chake oga . Nhambo yakaiswa matanda pachiveswa moto, Muchekanhembe akaona varume watatu umwe vemurume akasvika akabata chikagaro chake ndokugara pasi akatarira pamoto paya umwe wacho ainge achioneka seharava yainge yakwegura yairatidza ndoyaive mukuru apa yakasvika paive naiye Muchekanhembe ndokubata bendekete rake ndokusvikotamisa paari umwe wacho ainge akamira pedyo nemoto zvokuti pakaiswa baba wake muchoto aiona murume uyu achisandura baba wake seanoda kuvabvisa muchoto muya. Nhambo iyi ndopanonzika inzwi munzeve dze Muchekanhembe. "Chinzwa iwe muzukuru wangu ndovimba masimba ndakakupa uye basa neve ndakapedza . Asi baba wako haasi kuzoradzikwa nenzira iyi yokupiswa ini baba wababa wako . Ukatarira kumabudazuva mugomo remuzinda waNengomashe padekanga pegomo pamumodzidzira kurwa pane mhako iripo ndimo murere sekuru wako Mutubvarubva. Ini ndakauya muno mumuzinda ndiri nhapwa ndichibva kumuzinda kwamambo Jambwaregota .Baba waiye Nengomashe akanditi aizondibatsira kundirwira muzinda wangu asi hazvina kuzoita sekudaro ini ndakapfuurwa tanodzidzira kurwa hondo ndokusiya baba wako achiri rusvava . Zvapera izvi ini pandakatsakatikira hapana anopaziva asi ndopandirere baba wako anozviziva zvisinei wenyikadzimu watonga sokuda kwawo ai iwe chisara upedzise basa nokuti yafemha yanzwa hwema dzinza nderimwe " rakadaro inzwi riya munzeve dzaiye Muchekanhembe ndokubva ati dzidziunu kubva pachiitiko ichi. Nhambo iyi anoshama kuona mutumbi wababa wake wakaradzikwa pamberi pake nhambo iyi anocheuka cheuka kutarisa mativi ose anonzwa inzwi raiye Nengomashe kukwamatata munzeve dzake. "Ndati chibuda mumuzinda mangu baba wako ndakupa obuda muno mumuzinda ndatopedza handisikuda kubvunzwa rokubvunzwa ndatopedza " anodaro mambo Nengomashe asi Muchekanhembe haana rimwechete zvaro raakakwanisa kupindura zvaro kunze kwe kwekutakura baba wake waive wava nezvimadzvanga zvokukandiwa muchoto paya . Muchekanhembe anotakura mutumbi wababa wake misodzi ichioneka kuyerera pamatama ake. Zvakava zvinhu zvinorema kutakura chitunha urimumwechete nezera raive naiye Muchekanhembe. Muchekanhembe anonanga nenzira yokumaodzanyema nomuzinda vamambo Nengomashe ndokutanga kufamba aiti akati fambe fambe akanzwa aremerwa ozorora akanzwa zvava nani osimudzira zvakare . Muchekanhembe ainge oratidza aneta zvino apa nzara yainge yomubvunza mutupo zvino zvaiti kubva kwezuva rainge rapfuura ainge asati aisa chinhu mudumbu zvoti rungwanani urwu apa zuva rainge rorova nhongonya nedivi zvokuda kuonekedzana nenyika. Muchekqnhembe anotsauka padivi penzira apo anozorora nababa wake sezvo ainge achida kutsvaga paangaradzika baba wake pamhako . Semunhu ainge anetsa Muchekanhembe anoti zenda nomuti hope ndiye gogogoi changamire haana kuziva arara sei akazoita zvokupeputswa netsuro yakamutsika gumbo ichibvawo nemasango umu hameno yainge yavhungwa nechiii . Muchekanhembe anoti pepu ndokuona tsuro yodaukira mberi kwake uyo anosimudza hwandamukwakwa yake ndokuregedzera ndokusvika ichirova gumbo retsuro gumbo ndokutyoka iye achikwakuka kusimuka paaive ndokutanga kutevera tsuro iya semunhu ainge avanenzara. Zvakaitawo sezvinechinodaro tsuro iya yaisanhanya izvo kwete bodo.Yaiti ikati mhanye mhanye yomira nhambo inosvika Muchekanhembe yosimudzira kana iye Muchekanhembe ainge oratidza kuneta zvakare zvokuti umwe moyo waive woda kusiyana nazvo. Tsuro iya yakangoti poterere kuseri kwerimwe zihunde remuti nokunetawo kwayainge yaita ndokusvika kozvipfekera pamamhako yaiwepo. Muchekanhembe anosvika ndokupedzisa nebakatwa raaive nayo paanoda kuti nhava anoyeuka nhava yaiwe yasara kumuzinda pamwechete nembira nhambo yaairwa. Muchekanhembe anotanga kucherechedza paaive abata tsuro paya anoona yaive nhako yakakura kwazvo kana mutumbi vemunhu waikwana . Muchekanhembe anodzoka kwaaive asiya baba wake ndokusvika kuvatora ndokuuya panzvimbo paya apo anosvika ndokugadzira nzvimbo iyi achipedza ndokuvaradzika imomo ndokuvhara nemabwe makuru nhambo iyi zuva rainge rorova nhongonya dzamakomo kuonekedzana nenyika Muchekanhembe ndokubva panzvimbo iyi. "Kuti ndibude mumuzinda mamambo Nengomashe ndisina kuonekana mai wangu kana iye Togarepi zvirikundirambira ini iyezvino ndakudzoka kumuzinda kana iri hondo naiye Nengomashe ndazvipira totangira ipapo" anodaro Muchekanhembe achibereka dati remiseve kumusana ndokunonga pfumo rake raive rakazendamiswa nomuti wemutondo ndokutanga kusimudza tsoka akananga kumuzinda. Semunhu ainge afamba chimutunhu kwazvo Muchekanhembe akafamba akadzoka kumuzinda zuva rainge rapota nemakomo zvino jenaguru rainge rogadzirirawo kuda kubuda kumabudazuva. Muchekanhembe akasimudza tsoka zvakasimba pamwe pacho ainge oita kunzunzutira sezvo shungu dzainge dzowavarira kupinda mumuzinda jenaguru risati rabuda aisada kuonekwa kana apinda mumuzinda umu. Nhambo yakatanga kurova jenaguru munhongonya dzemakomo akati kurirei ndomhambo yakabva yapinda Muchekanhembe mumuzinda. Muchekanhembe anosvika paaive asiya nhava yake apo anosvika isipo asi izvi haana kuzviisa mumusoro sezvo aaida kuona ndiye amai wake naiye Togarepi . Muchekanhembe akapoterera nedzimba tsuro yake yaive mumaoko semunhu aisava nenhava . Jaya rakapoterera nedzimba kusvika asvika kumba kwamai wake apa ainge ofamba achiita kunyahwaira asaonekwa kana mutsindo sezvo ruzhinji rwevanhu waive wava mudzimba . Regai kunzi mudzimu kana vakupa chironda wati nhunzi dzikudye . Muchekanhembe anosvika pabikiro raamai wake apo anosvika ndokuona sasa rainge rakavhurika zvishoma moto ndowaive uchipfutira kure pamoto paive nekahadyana kaivepo ako kairatidza kanenge kabvira kare kukwata . Muchekanhembe akasimudza sasa zvishoma nezvishoma ndokupinda mukati ndokuona mai wake waive wakati chiso kota pasi misodzi ichioneka kudonha pakadhehwe kawaive wakagarira . Muchekanhembe anosvika ndokugara pedyo namai wake awo wasina kana kumbonzwa pane munhu asvika pavari pfungwa dzairatidza dzaive kuresa kwazvo. "Amai ....amai " anodaro Muchekanhembe agara pedyo naiye mai wake . Mai Muchekanhembe anovhunduka achida kuridza mhere uyo unonzi mbaaa muromo naiye Muchekanhembe ndokubva v toabatwa ruoko . "NdiMuchekanhembe amai garai pasi" anodaro Muchekanhembe achizevezera munzeve dzaiye mai wake . Mai wake havana kupikisa ndokugara pasi pedyo naiye Muchekanhembe. "Amai baba ndavaradzika asi ndovimba shoko rapinda munzeve kuti ini naNengomashe tavazvikara zvisisaonane saka ini pakasiirwa nababa vangu ndopandakusiira shungu nemoyo yevadzimu ndakutsvaga pakabvawo dzinde redzinza redu sezvo Nengomashe ati haagari nenhapwa " anodaro Muchekanhembe akati ndeee kuna mai wake . "Ko nyaya yaRuvarashe uchaita sei nayo baba wako ainge asina kukusvipa here ?" anobvunza mai Muchekanhembe kujaya rake . "Hapana rawaive wakandisvipa ini mai uye Ruvarashe wacho aita sei iye atapwa nehondo yatisingazivi uye handinei nerudzi naye ini ?"anodaro pamwe nokubvunza Muchekanhembe. "Mwanangu chokwadi urimurima handikupi mhaka misodzi yangu kubuda ndainge ndonetseka ndokuudza sei zviripamoyo rega baba wako aite zvisati zvakamboitika muno mumuzinda. Ndainge ndonetseka ndokuudza sei ndochekutanga paya ndatsenga mukanwa ndisingade kukuyanika panze semusana wemvuu iripakati pedziva yanzwa nokutonhorwa. Tora dende raunoona kuseri kwesasa mune chuma chirimo chuma ichi ndecha Ruvarashe . Pose pauchafamba uchafamba nechuma ichi baba wako ainge akakusarudzira Ruvarashe achiti ndiye wavanoda azoite mambokadzi kumuzinda kwenyu achava mambo ndive asi ndakazama kuvabvunza muzinda wenyu urikupi havana kutaura wainongedzera kumaodzanyemba omuzinda uno ndozvoga " anodaro mai Muchekanhembe. "Kana munoreva Ruvarashe ichi ndochuma chake uye akabvuma kuti ini ndini ndichava muvhikiri wake here uye chakauya riini uye Nengomashe anozviziva here izvi ?"anobvunza Muchekanhembe akatarira chuma chiya . Misodzi yakaoneka kudzika pamatama aiye Muchekanhembe nhambo iyi anoona Ruvarashe akatasviswa pambongoro achiendewa nedivi remaodzanyemba achizama kuda kutevera ndokunzwa rwadzo repaaive abaiwa ndokubva adzoka . "Mwanangu handina kuti ucheme asi yafemha yanzwa hwema nyaya yakapera kare iwe chisara apedzise basa uye Nenengomashe haana raari kuziva "anodaro mai Muchekanhembe. "Amai ko ndikaenda kunaiye mambo Nengomashe ndotaura kuti tisaite gakatwa pakati pangu naye ndoda kuumba hukama naye ndouya nemhandara yake yaanoda muno mumuzinda ndoenda zvangu andipa mhandara iyi zvakadiii ?" anobvunza Muchekanhembe. "Kwete Muchekanhembe hazvibviri izvi unonzi urikuziva kwabva hondo yaparadza baba wako saka inofuma yokupandukira saka iwe buda muno mumuzinda unyerere chuma chako oisa munhava oenda uye ndaive ndakanganwa nhava yako irikuseri kwasasa ndaipihwa naiye Togarepi asi usamuudza zvose izvi ndatopedza "anodaro mai Muchekanhembe achitora ndiro yake ndokupakurira Muchekanhembe sadza nenyama yembira yawaive wabika asi Muchekanhembe pfungwa dzairatidza dzainge dziine kufunganya maningi. "Mai pane munhu akauya kuhope kwangu akati ndini Mutubvarubva munomuziva here ?" anobvunza Muchekanhembe. "Hongu ndiye sekuru wako anonzi akashaikira waenda munodzidzira kurwa pamusoro pegomo apo ini ndaiwe ndichimudoko zvose izvi ndoita zvokunzwa asi chokwadi nacho handina "anodavira mai Muchekanhembe. "Munhu uyu akati ndinofanira kudya mundiro imwechete namambo Nengomashe ndofanira kutaura naye kana apikisa ndisaita nharo zvino ndoita sei ?" anobvunza Muchekanhembe. "Muchekanhembe usapedza nhambo huru kuda kuedza kuvanza mbambo padehwe retsindi nenyaya iripachena nokuti mhandara yaiye Nengomashe ndoinofanira kukubudisa mugota ndochekutanga chepiri kupikisa kwatangira pakuti ainge aramba zvido zvako zvichireva zvauchataura chanzi kunobva hondo unokuziva saka hapana rimwe zvakare randichakuudza " anodaro mai Muchekanhembe. Nhambo iyi Muchekanhembe anooneka kugutsurira musoro wake achikanda musuva mukanwa . Hurukuro dzainge dzonzika muimba umu idzo dzaiitwa kutaurirwa pasi. Muchekanhembe akadya achipedza anotora chimukuyu chaiwe pamutariko ndokuzadza munhava yake achipedza ndokubva anoonekana namai wake ndokunotsivama kugota kwake. Hope hadzina kunonoka kusvika dzainge dzamuba . Asi kwakava kurara pfungwa dzainge dzotanga kufunga runako rwaive naiye Ruvarashe. Muchekanhembe akatanga kurota Ruvarashe akagara padehwe guru apo ainge akashongedzwa matehwe airatidza kuvakambokadzi padivi pake paive pakagara jaya rairatidza kuva rezera rake rairatidza raive rakapfeka zvishongo zvokuva mambo asi matehwe aya haana kukwanisa kumaziva. Nhambo iyi Muchekanhembe anoita seanosvika pana Ruvarashe ndokubudisa chuma chaaive nacho misodzi ichioneka kuyerera pamatama ake. Ruvarashe akasimudza musoro achitarisana naiye Muchekanhembe ndokukwakuka achisvika kombundirana naiye Ruvarashe nhambo inombundirana Muchekanhembe naiye Ruvarashe . Muchekanhembe anoona baba wake wakasimudza pfumo rake kuseri kwejaya riya iro rakabva raregedzerwa ndokusvika koti zvata rose kuseri kwemusana ndokubudikira pachipfuwa nhambo iyi Muvhiyakamwe anobva angoti nyangarara Muchekanhembe anobva ati pepu kubva mubutiro rehope idzi. Muchekanhembe anomuka ndokugara pamusoro pemadahunha apo anobva ainzwa kuchema kwejongwe retatu . Nhambo iyi anotora dati remiseve yake ndokutarira museve uya waivemo here ndokuona waovemo achipedza ndokubereka kumusana ndotora bakatwa rake ndokupfekera muchiunu make ndokutora pfumo rake raive kuseri kwesasa ndokubereka nhava yake ndokubuda mugota make . Nhambo iyi anomira pamberi pegota rake ndokuona utunga pamwe nenyamatsatsi zvainge zvatsvukisana kumabudazuva nhambo iyi. Muchekanhembe anonanga kuimba yaamai wake ndokubva aoneka amai wake . Nhambo iyi anonyahwaira achipota nemuseri medzimba ndokubuda mumuzinda nekusuvo rokumaodzanyemba uko anosvika varindi wose waive kutsi kwehope nhambo haana kuda kupedza nhambo huru ndokubva apota nemasango.............
KUPERA KWECHITSAUKO 03
❤️
👍
🙏
😢
😂
😮
🇿🇼
🎉
👌
139