J.T. ZIM ๐Ÿ‡ฟ๐Ÿ‡ผSHONA NOVELS. WhatsApp Channel

J.T. ZIM ๐Ÿ‡ฟ๐Ÿ‡ผSHONA NOVELS.

9.5K subscribers

About J.T. ZIM ๐Ÿ‡ฟ๐Ÿ‡ผSHONA NOVELS.

Yauya nyanzvi yokunyora nganonyorwa dzepasi chigare .Madhongi achine nyanga refu refu mbira dzichinge miswe mirefu refu zvakare ..... Author JT...T.... Nyazenga....... Ma book ake Sunday to Friday moona book then Saturday hakuna book izuva rekurumbidza mwari.....JT anobatika apa number dzenhare +263 776618351 / +263 717173806 /+258 87 942 0679 anechicheno munobata munyori pama app iwayo .......Musabhipa tapota l love ๐Ÿ’• mose mapinda musabuda munosarira yafemha yanzwa hwema yatsika yanwa ...... https://chat.whatsapp.com/EFoqfWCNZnBGS9RpdfePAd

Similar Channels

Swipe to see more

Posts

J.T. ZIM ๐Ÿ‡ฟ๐Ÿ‡ผSHONA NOVELS.
J.T. ZIM ๐Ÿ‡ฟ๐Ÿ‡ผSHONA NOVELS.
6/10/2025, 9:26:50 AM

Waverengi support hanzvadzi yangu iyo inonyorawo zvinonaka zvinodzimba kuchemedza kusiririsa handei tonzwe nyaya yemunhu ainzi haazvare asi mwari anozoropafadza panoshoreka please baya pakanzi follow apo ๐Ÿ”ฅ๐Ÿ”ฅ๐Ÿ”ฅ๐Ÿ”ฅ TJ.......

โค๏ธ ๐Ÿ‘ ๐Ÿ‘ ๐Ÿ˜ข 9
J.T. ZIM ๐Ÿ‡ฟ๐Ÿ‡ผSHONA NOVELS.
J.T. ZIM ๐Ÿ‡ฟ๐Ÿ‡ผSHONA NOVELS.
6/10/2025, 9:25:06 AM

https://whatsapp.com/channel/0029Vb64alP6GcG5LVD74k0n Ngatipindei muchanel tiwane machapters ekumberi โ—โ— kindly secure your place kune book mabvira vira ๐Ÿ”ฅ *MAITI HANDIZVARI* join our group for comments ๐Ÿ‘‡๐Ÿ‘‡๐Ÿ‘‡๐Ÿ‘‡๐Ÿ‘‡๐Ÿ‘‡๐Ÿ‘‡๐Ÿ‘‡๐Ÿ‘‡๐Ÿ‘‡๐Ÿ‘‡ https://chat.whatsapp.com/GvKy9l3NQMoKj84Nic8Ele Link rechannel for more chapters hatipe mabook inbox ๐Ÿ‘‡๐Ÿ‘‡๐Ÿ‘‡๐Ÿ‘‡๐Ÿ‘‡๐Ÿ‘‡ https://whatsapp.com/channel/0029Vb64alP6GcG5LVD74k0n Written and created by: *Miss Tayleen* **CHAPTER 1* https://whatsapp.com/channel/0029Vb64alP6GcG5LVD74k0n *MAITI HANDIZVARI* Chapter 1 + 263 719217612 *GRACIOUS* "mainin zvabvisirwa kudai mochiziva chinangwa chenyu ..moziva kupa murume wenyu chinzvimbo chake sababa handiti " ndini hangu ndairairwa natete vangu sezvo ndaive ndichangobva mukubvisirwa zvakafadza vabereki vangu .. " makandidadisa vaMamoyo hamuna kumhanyira kupinda mudzimba shuwa kuroorwa wava ne24 aiwa zvinotendwa izvi " ndakarairwa zvakawanda ndakadzidziswa zvemba yemukati .ndakatomboseka nezvandaiitiswa zvacho ..takapedza kurongedza zvese sezvo ndaizonoperekwa mangwana kwaKanjanda kwandaive ndaroorwa zuva ramangwana takamuka kuita basa repamba nekupedzisa kurongedza zvese zvaiva zvasara nguva yakazosvika Tinashe anova munin'ina wemurume wangu ainge auya kuzotitora ..takasimuka kumba kwedu kwataigara kwaMurehwa takazosvika kuGweru kuma7 kwasviba .. takapinda mumusha takafugidzwa jira tichiimbirwa kusvika tapinda mumba . Pakaitwa process yekugamuchira muroora iya asi mai vaHillary anova murume wangu handina kuona sevakandifarira havo takapihwa room nanatete vangu " Ummm asi nhai tete mamboonawo reaction yamai vaHillary " ndakataura ndichitogara pamubhedha " Pakaipa mwana wehanzvadzi usazviise moyo iwewe ziva chinzvimbo chako chero vakakuita sei vamwene ndivo vawa amai vako tiri kunzwanana " " Ndizvo chaizvo Mamoyo usaite mistake yekuzonzi vatukana navamwene or kuvapindura " vakadaira vamwe tete vangu " Ndazvinzwa ngatirarei mangwana toda kumukira " takazorara hedu apa Hillary ndaive ndisina kumbomuona kubva patasvika .ndichingoti ndirare fon yakabva yarira aive mudiwa wangu " Tembo wangu " ndakadaro ndichidaira call yaHillary ndiwo madairiro andaimuita " Hes Mamoyo wangu ndakusuwa buda panze " " Iiii ndokuona mangwana hun ndaneta ndakurara " " Okay good night my queen " "Same applies " akabva akata call yake ndakarara ndaive ndaneta nekufamba .. manheru takamukira kuponda uroora .zuva rese ndakaswera ndakamira ..vana tete vakazoperekedzwa naHilary kudzokera kwaMurehwa ndakasara ndichinzwa kubhowekana specially kugara nevanhu vausina kujaira *Hillary* " Hillary mukadzi wako waukaroora uyo ndakakuudza kare kut handimude and handimbofa ndakamugamuchira semuroora wangu " vakadaro Mai vangu ..vakabvira kare vasingade ndiroore Gracious vaida ndiroore mwana wasahwira wavo anenge chimupurwa iyeye bodo .naGire wangu takabva kure and ndomuda zvandinoziva inn and anodika mamoyo wangu " mhamha inn ndakura 29 years moswera muchindiudzira munhu wekuroora haiwa iyeye mwana wasahwira wenyu roorai muite mukadzi wenyu inn wangu ndiGracious " " Heya ndiripano chihera tichaona kwazvinosvika " ndakabatikana nemashoko amhamha ndoshaya Gire wacho aiva akavatadzirei ..ndaingoti zvekuponda uroora zvikapera toenda hedu kumba kwangu kuHarare sezvo tese taienda kubasa nemukadzi wangu aiva Nurse inin ndaishanda paCar sale yemutown ndaive nemashares so mari ndaive nayo hangu. ndakaperekedza vana tete kwaMurehwa takasvika kuma 10 since taive tanonoka kusimuka ndakavasiya ndikazonorara kuHarare cz paive netime ndaisazvosvika kuGweru ..ndakafonera mukadzi wangu ndisati ndarara " mai kanjanda maswera sei " " handis boe hun ndakusuwa plus ndiri kunzwa kubhoekana " " Sorry mamoyo ndakuHarare ndouyako mangwana ndaneta ini " takazoyemedzana nemunhu wangu ndakazodambura call ndakuda kurara .. following day ndakamuka ndakageza nekutomutsa mota ndakananga Gweru ..ndakasvika nguva dzichiripo ndakamhanyirwa nemukadzi wangu anga andisuwa shem " Imbomirai zvekuyemedzana apo huyai mutibikire isu nxaaaa" vakadaro mai vangu vachiridza tsamwa *END OF CHAPTER*

โค๏ธ ๐Ÿ‘ ๐Ÿ˜‚ ๐Ÿ˜ข ๐Ÿ™ 16
J.T. ZIM ๐Ÿ‡ฟ๐Ÿ‡ผSHONA NOVELS.
J.T. ZIM ๐Ÿ‡ฟ๐Ÿ‡ผSHONA NOVELS.
6/10/2025, 12:46:44 PM

Kana vamuziva siya like plez aaaaa

Post image
โค๏ธ ๐Ÿ‘ ๐Ÿ˜ข ๐Ÿ˜ฎ ๐Ÿ˜‚ ๐Ÿ™ โค ๐Ÿ‘Œ 48
Image
J.T. ZIM ๐Ÿ‡ฟ๐Ÿ‡ผSHONA NOVELS.
J.T. ZIM ๐Ÿ‡ฟ๐Ÿ‡ผSHONA NOVELS.
6/10/2025, 11:41:01 AM

Maswera sei waverengi kwidzai malike nhasi pakaipa hondo ma1

โค๏ธ โค ๐Ÿ‘ ๐Ÿ˜‚ ๐Ÿ˜ฎ ๐Ÿ™ 13
J.T. ZIM ๐Ÿ‡ฟ๐Ÿ‡ผSHONA NOVELS.
J.T. ZIM ๐Ÿ‡ฟ๐Ÿ‡ผSHONA NOVELS.
6/9/2025, 9:24:36 AM

Kana usingagone kuisa react ramba wakadzvanya pane chapter yauri kuverenga panobuda tudhori iwe osarudza kaunoda watofadza munyori๐Ÿซฒ๐Ÿ”ฅ๐Ÿค”โœ๏ธ๐Ÿค”๐Ÿ”ฅ๐Ÿค”โœ๏ธ๐Ÿคฃ๐Ÿ”ฅ๐Ÿค”๐Ÿ”ฅ๐Ÿค”๐Ÿ˜ญ๐Ÿซฒ๐Ÿซฃ๐Ÿน๐Ÿฉท

โค๏ธ ๐Ÿ˜‚ ๐Ÿ™ ๐Ÿ‘ โš” ๐Ÿ˜ฎ ๐Ÿ˜น ๐Ÿฅฐ 23
J.T. ZIM ๐Ÿ‡ฟ๐Ÿ‡ผSHONA NOVELS.
J.T. ZIM ๐Ÿ‡ฟ๐Ÿ‡ผSHONA NOVELS.
6/10/2025, 11:55:15 AM

Nema like enyu moda book riiye here imi waverengi

โค๏ธ ๐Ÿ‘ โค ๐Ÿ˜ข 15
J.T. ZIM ๐Ÿ‡ฟ๐Ÿ‡ผSHONA NOVELS.
J.T. ZIM ๐Ÿ‡ฟ๐Ÿ‡ผSHONA NOVELS.
6/10/2025, 12:51:14 PM

Haaisiriye musikana anoenderwa naHazvinei here kumuzinda uko anorwa hondo

๐Ÿ‘ โค๏ธ ๐Ÿ‘ ๐Ÿ˜ฎ 5
J.T. ZIM ๐Ÿ‡ฟ๐Ÿ‡ผSHONA NOVELS.
J.T. ZIM ๐Ÿ‡ฟ๐Ÿ‡ผSHONA NOVELS.
6/10/2025, 12:47:34 PM

Mukuedza kwekunze takapinda muhondo ko Hazvinei aripapi

Post image
โค๏ธ ๐Ÿ‘ ๐Ÿ˜ฎ ๐Ÿ˜ข ๐Ÿ™ 15
Image
J.T. ZIM ๐Ÿ‡ฟ๐Ÿ‡ผSHONA NOVELS.
J.T. ZIM ๐Ÿ‡ฟ๐Ÿ‡ผSHONA NOVELS.
6/9/2025, 9:25:27 AM

Munyori akabuda out nebasa network zvoti bz nebasa hakuna kurikufamba book

๐Ÿ‘ โค๏ธ ๐Ÿ™ ๐Ÿ˜‚ โš” ๐Ÿ˜ข ๐Ÿ˜ญ ๐Ÿ˜ฎ ๐Ÿคฆโ€โ™‚๏ธ ๐Ÿฅฐ 21
J.T. ZIM ๐Ÿ‡ฟ๐Ÿ‡ผSHONA NOVELS.
J.T. ZIM ๐Ÿ‡ฟ๐Ÿ‡ผSHONA NOVELS.
6/9/2025, 9:24:27 AM

https://whatsapp.com/channel/0029VacNbjC3wtazlC2Afq1w *โš”๏ธWAKATOKONYA NHENDE YEMAGO NEMBONIโš”๏ธ* *[New Book ๐Ÿ“š๐Ÿ“š]* *Written* By ...... *Author* JT โœ๏ธ ๐Ÿ“ฒ +263 776618351 ๐Ÿช€ +263 717173806 *Kune vanoda kubva pachitsauko 1pindai mu whatsapp channel nokuti inbox ๐Ÿ“ฅ handisi kubatsira munhu uye musakanganwe kubaya pakanzi Follow* *Join Our Comments Group๐Ÿ‘‡๐Ÿ‘‡* https://chat.whatsapp.com/HF293PGUrpL76Bejl43Icm *CHITSAUKO 13* KUENDA KWA HAZVINEI KUHONDO KUMUZINDA KWA CHAMUTENGURE. Chikomo chiremera kune varikure waripedyo wamotamba nacho chokwadi. Izvi ndozvainge zvavakuna Hazvinei kumuzinda kwaMafukidze . Mauto amambo Mafukidze akatanga kuremekedza Hazvinei mushure mekuwapa zanorekubira Nyanzou kwaakaita izvo zvaainge asati amboitwa kana iko kumuzinda kwake. Hurukuro dzakatanga kurohwa warwi wachifamba kana majaya amwe ainge achifemera mugotsi maiye Hazvinei kuda kumuedza masimba ainge otambira kurekwazvo. Shambaneimwe naiye Nehoreka nhambwe iyi wainge watungamira nzira sezvo ndiwo waiziva kubva pana Nyanzou kuenda kumuzinda kwa Chamutengure. Hazvinei ndiye aiwe kumashure setsika yake aisada kufambira pamberi kana pakati aida kumapeto kwekupidzira . Nhambwe iyi ainge aina Tumbude hurukuro dzichirohwa sezvo Tumbude ainge afarira humhare hwaainge ashandisa pakuyambuka rwizi . "Iwe Hazvinei hauna kuzondiudza unobva kumuzinda kwaani uye mai wako wanobva kumuzinda upi ?" anobvunza Tumbude achicheukira kuna Hazvinei. "Ini ndobva muzinda wamambo Bvuparegwayi mai wangu wachibva kumuzinda kwa Gwenyambira zvokuti warivemba yechiii ndinganyepa handichazivi sezvo ndakasoudzwa kare ndichimudoko handina kuzobvunza madzisekuru angu" anodaro Hazvinei achisimuka sezvo ainge akotama achibvisa feso rainge ramugara kuchitsitsinho ndokubvisa achikandira kwakadaro uko .Ndokutora kachitanda ako kaakadimbura ndokuisa pazasi peziso iro raingopfuura pfuura kuzasi zvaainge oshaya achada kusuwei. "Zvaunoratidza kuisa chitandaka ichi asi ziso rinopfuura ?" anobvunza Tumbude amira zvakare ."Ziso rangu ririkugwinhira kuzasi hameno ndinoda kusuva nei kuhondo kwandakatarisana nako zvozoti hope dzandarota ndodzakundikatyamadza " anodaro Hazvinei. "Marotei mazvimbakupa uye ndochidawo here tinogona kuzoreva risina uso sezvo tichingonzwa ?" anobvunza Tumbude. "Hongu tisu wana mazvimbakupa wana muzvimbira muchachuri vanonzwa neyafemha yanzwa hwema " anodaro Hazvinei. "Ndaiti ndichatsveyamisa muromo pakutaura mambo wemasango chitaurai hope dzenyu tududzire " anodaro Tumbude. "Ndarota ndiripakati pesangodema raiwe rakapfekera nemhindo pangobuda shumba shanu dzandirwisa asi ndokudzikurira pabva pabuda jeza remhandara ichikuzvimbisa pachipfuva kuwamba kutunga chaiko iyo yaiwe yakapfeka matehwe emhuka dzeumambo iine saka rinenge vende pachiso aine ruvara runenge deko renzviro aine tumakomba mumatama ake akasekerera nhambwe iyi asvika kondimbundira ini ndokumbundirawo ndichizomutsveta ndaona ndagarwa nepfumo rabaya nekumusana kwangu ndokubudikira pamoyo wangu ndokubva ndangoti pfurugwada ndiye pfaru pfaru ziiii. Mhandara iya yatanga kuridza mhere nhambwe iyi ndokubva ndatobva mubutiro rehope idzi asi nhambwe iyi ndamuka Shambaneimwe achindimutsa tichienda kuhondo " anodaro Hazvinei nhambwe iyi waive wari waviri hurukuro dzichirohwa wachikwidza makata chete ." Mazvimbakupa hope dzenyu handioni dziine chaedza ini kuhondo kwatirikuenda morwa zvakangwara zvokuti tizobve dzavahurukuro kwete uye mambo ati chiiii nemuripo wake abva aramba akaoma moyo kuti anoda mhandara nemusoro wa Chamutengure here ?" anobvunza Tumbude. "Hongu hapana chachinja " anodavira Hazvinei." Morwa hondo makangwarira uye ndichakanda pfumo ndichiona pamuri. Ihope asi kana mambo Mafukidze ndirikuona warikupindira pahope dzenyu nokuti munoti mambundirana nemhandara iyi kureva mamuchivirirana imi kwakubayiwa ipapo hapana kujeka zvisinei zvandataura nemi ndizvozvo " anodaro Tumbude uyo aizivikanwawo pakududzira aizama zama mumuzinda nhambwe iyi hurukuro ndokuzochinjiwa uyu Tumbude anoudzawo Hazvinei kuti aiwe mugari wemuzinda umu asi hamadzake dzainge dzakashaika uye mukukurukura kwaaita na Hazvinei aimuudzawo marwiro nemamwe manzvengero emiseve kana wavapahondo chaipo. Hondo iyi yaifamba kwete mbijana yaiita kukanda tsoka senge yaiziva zvainge zvakatarisana na Hazvinei kwaaida kudzoka kumuzinda kwake. Nhambwe iyi zuva rainge raonekedzana nenyika rainge rooneka kunyora miranzi yaro mudenga kumadokero iro ravhumbamirwa naamai waro rainge rakuvhenekera zvokupedza shungu dzaro kana madzvinyu makuru pamwe nemaduku ainge odzoka mumapako sezvo kachando kainge konzika zvino kana idzo shiri dzainge dzodzoka kunorara dzakavhumbamira majinda adzo.Nhambwe iyi warwi waiye Shambaneimwe wainge wasati wofemera gomo rainge rarehwa iro waiti waifanira kufuma wavemo wachiswera wachiona muzinda wamambo Chamutengure richinovira wochidzika kunzekuchichena hwewa yatsvuka pamwe nenyamatsatsi wopinda woparadza sezvawaifungira. "Mwanangu kana uripahondo usawa wemberi usawa wepakati ita wekupedzisira kana uchirwa nhambwe iyi unoparadza hondo sezvo wazhinji wanenge waneta uye shandisa pfumo hongu uta ndizvo asi unogona kukutorera nguva tsvimbo uye pfumo nebakatwa ndozvombo zvehondo museve muperekedzi " aya mashoko anopinda mundangariro dza Hazvinei achibva kuninga nababa wacho iri inzwi raitaura munzeve dzake zvokuti nhambwe iyi akasvetuka achidanidzira pamwe nekucheuka " Baba matiii " anodaro Hazvinei achinoti jiii kwakadaro. "Chiii Hazvinei ?" anobvunza Tumbude asi akashaya akamupindura sezvo Hazvinei ainge achiita senyamafingu yatsikwa muswe uyo ainge ochinja chinja huso akamira panzvimbo imwe achiita kufuta pamwe nekukwidza mananda tsinga dzake dzichioneka kuti tare tare maziso achitsvuka kuti piriviri kana kufamba ainge asasafamba izvo zvakabva zvamisa warwi wese. "Nehoreka na Shambaneimwe kufamba zvenyu asi mujaya uyu haasikufamba uye arikungotaura oga " anodaro Tumbude amhanya komisa wana Shambaneimwe. "Ko zvaita sei inga tawakutosvika pedyo negomo riya tainge tofara jenaguru zvarakubuda tingaradzika nhivi tawaimomo " anodaro Nehoreka. "Ndinganyepa zvangotanga " anodaro Tumbude. "Iyo yamambo yokungoti munhu asvika mumuzinda ngaaende kuhondo zvichawaparira zvimwe rangarirai mazuva ekwa Machingauta dai risiri svikiro takaparara zvisinei regai tikumbirire kana tanzwikwa hakuna kwatichaenda takutorara pano kutowaka musasa tozofuma tokwidza gomo toswera tirimo tozodzika nejongwe repiri " anodaro Shambaneimwe achidzoka kuna Hazvinei uyo ainge akangomira semukono unoda kurwa . "Zvaonekwa mazvimbakupa makati ukazunguza uguza hwenyuchi dzigere unorumwa zvino tabata pfumo renyu kuda kurwisa mumwe muzinda tisina kukusumai asi chitiregererai tibate basa " anodaro Shambaneimwe achiuchira akapfugama pana Hazvinei nhambwe iyi Hazvinei anobva ati dzidziunu nhambwe yakaitika zvose izvi mambo Bvuparegwayi na mambo Gwenyambira wainge wachipirira warikuninga kwa Gwenyambira. "Ko mamirirei tasvika here pagomo ramareva honai jenaguru kubudaka uku " anodaro Hazvinei. "Ndaifunga dai tachirarapano tozofuma kukwidza " anodaro Shambaneimwe haana kuda kuzobvunza chii chaiitika. "Kwete varume ndirikudiwa kumuzinda hatirare tawamugomo " anodaro Hazvinei wese ndokubva waritanga zvakare jenaguru richibuda zvokuvhenekera pasirose wainge zvino wokwidza gomo asi kunze kwainge kwaenda zvino jongwe rokutanga rainge rachema repiri rakachema zvakare nhambwe iyi ndokuti tuku panhongonya pegomo iri apo wakabva wangoti rumwe rumwe kutsivama hapana akazoda kutaura nemumwe .......... *___________________________________________________________________________________* *KUMUZINDA KWA GWENYA MBIRA* Zvinobuda Horeyapota naiye Jambanja wakananga kumuzinda kwa Bvuparegwayi mambo Gwenyambira wakasara wakangoringa nzira wachiti zvimwe Madzvovera achafuma apinda mumuzinda asi kwakava kupedza nguva. Mambo Gwenyambira akasimuka mudare ndokuenda kuimba yawo iyo yokutsivama uko wakasvika ndokusvikorovera nhivi pasi hope ndokubva dzati gogo goi changamire idzo dzinobva dzavatora zvavasina kunzwisisa Mambo Gwenyambira anotanga kurota aripakati pesango achiona mambo Bvuparegwayi asi aifamba ega asina mbongoro ainge akangobata pfumo rake mumaoko mumashure make maive nemunhu aiti akamutevera umunongedza nemuseve nhambwe mambo Bvuparegwayi aibva aita seamhanya asi misodzi yainge yooneka mumaziso mawo nhambwe iyi waidanidzira mai Hazvinei asi hapana aidavira uyu Hazvinei ainge achiita seaifamba mudivi rawo asi arimusango nhambwe yawanoita sewambundirana nemunin'ina wavo ndonhambwe yawakabva wati pepu ndokunzwa sasa richirohwa nokunze . "Sekuru hanzi nambuya svikai kuno" anodaro Tazviona mwana waMakanaka kamuzukuru kawo ako kakataura kachikakama karipasasa. "Inda unoti kana chiri chokudya changu ngachiuye kuno " anodaro mambo Gwenyambira achibatidza tsvatsva yawo ndokugara pachigaro chawo wakatarira nhungo wachidhonza dhonza tundebvu twavo uyu Tazviona haana kuda kuzopa imwe mhinduro kuna sekuru wake nhambwe iyi akananga kubikiro rambuya wake uko akasvika ndokuwaudza izvozvo . Iwo mbuya waTazviona semhunhu ainge achiziva murume wavo havana kupikisa zvotiwo mambo ainge ane mazuva asina kumbomema gura rawo pamwe nokumbokurukura zvomumuzinda wakabva watakura sadza rawo rezviyo pamwe nederere resamwenda rinova raifarirwa namambo Gwenyambira nhambwe zhinji. Mbuya waTazviona wanosvika ndokurova sasa richivhurika ndokupinda wachinoisa zvokudya zvawo pasi ndokuvhara sasa nomukati wachinosunga . "Asi muneramakapfumbata mukanwa menyu ramumoda kundisvipira munzeve dzangu ?" anobvunza mambokadzi akatii ndee kuna mambo Gwenyambira uyo ainge akangoti zii akatarira nhungo uyo anobva abvisa chiso chake chichinorova kuna mambokadzi ndokubva wadzungudza musoro. "Mumuzinda nemunin'ina wangu mapinda gonye handisikuzvionerwa zvakanaka ini dzangu hope hadzivire pasi ndinopika regai ndinzwe Horeyapota naiye Jambanja wandakatuma ikoko wanodzoka nerokuti chiiii " anodaro mambo Gwenyambira achitoshamba maoko ake. "Ko iyo nyaya yacho inotangwa nekuvhiiwa nepakati here sezvinoita muzukuru wenyu kuti Mudzvovasango akafurirana na Madzvovera kutiza muzinda " anodaro mambokadzi. "Mudzvovasango upi waanoziva iyeye ?" anobvunza mambo Gwenyambira achipetanisa chiso . "Ndabvunza semabvunzire enyu asi hanzi akati anoda kuenda namai Hazvinei nokuti haazvari sakandoenda kunoita mambo zvimwe zvacho haana kuzotaura zvinonzwisisika sezvo muchiziva muzukuru wenyu anokakama " anodaro mambokadzi wachikwidza chimusuwa chesadza. "Hazvimwe ndezvevana regai ndinzwe Horeyapota naiye Jambanja wanodzoka asi hope dzandarota moyo hausikugadzikana regai tigoona kuvira kwezuva remangwana hawadonhi here muno mumuzinda" anodaro mambo Gwenyambira achirasira nyaya yemukadzi wavo kwakadaro ndokutanga kutaura hope dzawainge warota idzo dzakashaya kududzirwa kwadzo kutsvika wapinde mumadahuna awo. Mambo Gwenyambira wakarara wachirima gura rawo rainge ragarisa kusvika kuchene zuva iri wakanonoka kumuka ndokuzoenda kudare uko wakasvika pasina munhu ndokudzoka mumba yawo yokurara ndokutsivama hope dziye ndokudzoka zvakare izvi zvakatanga kuwadya moyo zvishoma nezvishoma nhambwe iyi wainge wadzoka padare.Zuva richirova nhongonya dzamakomo kuonekedzana nenyika Horeyapota naiye Jambanja wanobva wasvika mumuzinda wachibva kumuzinda kwa Bvuparegwayi . "Titambire wadzimbi arisei masango uye munun'una wangu mamuona arisei ?" anodaro mambo Gwenyambira uye ndomashoko ekutanga kubvunza munin'ina wavo pose pawaituma machinda awo ikoko. "Mambo mumuzinda mamambo Bvuparegwayi maita minzwa mundove chipfukoto chagara mudura remunin'ina wenyu chaimo kuchibvisa kuuraya dura racho chete " anodaro Horeyapota achisendeka pfumo rake parudziro rwedare achinogara akati zenda nedare sezvo ainge anzwa nekusvetutswa nembongoro."lti gwagwa sezvo ndanonokerwa chiiii chanetsa zvakare ?" anobvunza mambo Gwenyambira. " Munin'ina wenyu anoti akavingwa nehondo yawasingazivi ndokutora mudzimai wake pamwe nemhandara yake uye jaya rake rakapoya muzinda svikiro racho raurava nejinda rake Mudzvovasango asi zvinonzi jaya rake kuzopoya muzinda ainge arwa na Mudzvovasango uyo anosiya ataura kuti pandinodzoka ndirikuda kuudzwa kuna mai wangu warikupi neve Mudzvovasango ndozvirikumuzinda kwa Bvuparegwayi saka mambo Bvuparegwayi ati hamuverenge mazuva anopfuura chanza changu ndinenge ndawamuno" anodaro Horeyapota. "Inda iyezvino kubikiro rambuya waTazviona iyezvino uti Tazviona ndomuda pano padare . Kana ari Mudzvovasango na Madzvovera ndinopika nababa wangu mazvimbakupa hapachadyivi rinopisa . Mudzvovasango aurairei Chomunhenga uye Bvuparegwayi ati kudiii uye hugotwe ndohunomunetsa munun'una wangu asi uku ndokuidenhera yakazvigarira. Uye yafemha yanzwa hwema Mudzvovasango haangapomerwa mhosva pasina zvaaita " anodaro mambo Gwenyambira oita kufemeruka neshungu yainge yava hari yavirisa nehwematanda chainge chasara kufashukira nedoro .Mambo Gwenyambira kwakava kupopota wakamirira Tazviona auye na Horeyapota asi Horeyapota anodzoka arimaoko chete uyo anoti Tazviona ainge atanga kurwara kwake kuya uko wakabva wapusa nazvo wanobva wati waizomirirara kupinda kwemunini'ina wavo............................ *KUPERA KWECHITSAUKO 13*

โค๏ธ ๐Ÿ‘ ๐Ÿ™ ๐Ÿ˜‚ ๐Ÿ˜ข โค ๐Ÿ˜ฎ ๐Ÿ”ฅ ๐Ÿคฃ ๐Ÿ‡ฟ๐Ÿ‡ผ 180
Link copied to clipboard!