
J.T. ZIM 🇿🇼SHONA NOVELS.
February 4, 2025 at 07:58 PM
*YAFEMHA YANZWA HWEMA DZINZA NDERIMWE*
_*NEW BOOK 2025*_
🏹🏹🏹🏹🏹🏹🏹
*CHINYAKARE NOVELS*
∆∆ Read and share ∆∆
WRITTEN BY
Author : JT *Nyazenga*
🪀 +263 776618351
🪀+263 717173806
*Kana usingandi kuzodarikirwa nebook iri gara waita follow my channel baya link riri pazasi nokuti inbox 📥 yangu handibatsiri munhu*
⬇️⬇️⬇️⬇️⬇️⬇️⬇️⬇️
https://whatsapp.com/channel/0029VacNbjC3wtazlC2Afq1w
CHITSAUKO 04
*KUTUMWA KWACHIVARA KUNOSORA MUZINDA VAJAMBWAREGOTA WACHITSVAGA RUVARASHE*
Zvinobuda Muchekanhembe achienda nababa wake izvo zvose zvaive mumeso amambo Nengomashe uyo akaoneka kudzungudza musoro wake pamwechete nokuridza tsamwa achisvipa mate pasi ndokutanga kukanda zvitsoka zviviri zvitatu akananga mumuzinda . Pasina nhambo anonzika kudanidzira avachinhambo . "Chivara kana wapedza basa odana machinda ose ouya padare toisa musoro pamwechete toona tingatangira papi " anodaro mambo Nengomashe ndokutanga kukanda tsoka akananga kudare uko akasvika pasina kana munhu mumwechete zvake aioneka kuti nzvee padare apoa. Nhambo iyi havana kuda kupedza nhambo huru vanosimudza tsoka dzawo vakananga kubikiro raamai Togarepi uko vanosvikirana naiye Togarepi achipindawo mubikiro raamai wake ainge akabata mbira yake nhambo iyi aiwe achibva kubikiro raamai waMuchekanhembe asi chiso chairatidza kusuruvara kwazvo . Mambo nejaya rake vakapinda muimba maive namambokadzi ndokugara pachigaro chaive uyu Togarepi ainge akagara pachigara varume apo ainge akati chiso kota pasi misodzi ichioneka kuyerera pamatama ake anyerere. "Mambo wangu zvajinda renyu raimira nemi nokunzwanana nemi zvaraenda nyikadzimu uye mhandara yenyu zvayatapwa mune ripi rokufunga zvopera zvakadaro here ?" anobvunza mambokadzi mai Togarepi achidhumanisa zvitanda moto paiwe nehadyana yainge iripo hapana akaziva yaiwe nei . Wachipedza ndokufuridzira moto ndiye ngandu ndokukwevera dehwe ravo pedyo nerudziro ndiye zenda wakaita kugumbata maziso ndiwo aioneka kuzvimba semunhu ainge apedza nhambo huru achichema nokufunha mhandara yawo. "Ndiyo nyaya yandinoda kutaura nemachinda angu kana kuri kubuda mumuzinda kwetsori dzangu dzonosora muzinda waJambwaregota kana kurikupinda ikoko wocherechedza ndichati vabude nomuseve watanonga parwirwa hondo ndozvichaita tive nehumbowo huzere ndochiona kuronda hwema hwemuvengi vangu kana kuri kuchituma hondo ndotuma kunoparadza Jambwaregota " anodaro mambo Nengomashe aschiratidza moyo wake waive uchipupura hakuna mumwe muzinda kunze kwemuzinda uyu ndowaive wauya kunopamba mwanasikana wake nokuparadza Muvhiyakamwe .Fungidziro yaive Muchekanhembe pamwechete nababa wake waive mundiro imwechete yokuziva hondo iyi Zvisinei Muvhiyakamwe ainge aparadzwa apa. Chokutanga fungidziro yawo kuvhumuka kwakaita Muvhiyakamwe arimuimba yokutsivama nomukadzi wake achitaura zvokumuzinda kwaiye Jambwaregota piri divi raive rabva nehondo uye ndodivi raive raenda naiye Muchekanhembe kunova kwaive kumuzinda kwamambo Jambwaregota. "Saka mambo wangu munoreva Muchekanhembe mamudzinga muno mumuzinda munechokwadi here kuti rusvava rune mukaka pamhinho rungaita ruzivo nokuuya kwehondo iyi ?" anobvunza mai Togarepi akati ndee kuna mambo Nengomashe ."Asi vaida kupinda naye mudahunha rimwechete naye kana waida kumupa Ruvarashe zvaunomunenerera ?" anobvunza mambo Nengomashe akati ndeee mumboni chaimo mamai Togarepi "Kwete mambo wangu asi kubvunzawo nokuti ndichiona Muchekanhembe ndomuona nemwana wangu mhaka yake ndichida kuitsvaga handione kuramba kwake kuti baba wake wapiswe momuona seatadza kukuru ndizvo here ?" anobvunza mai Togarepi ."Kana uchimuona semwana wako osimudza tsoka kumutevera ndatopedza handisikuda kutaura zvizhinji ini handireri imbwa nomukaka " anodaro mambo Nengomashe ndokubva asimuka pachigaro chaaiwe nhambo iyi shungu dzainge dzoratidza dzavabata . Nhambo iyi mai Togarepi anosara akashama muromo akatarira murume wake asi izvi mambo Nengomashe haana kuzvitarisa anosimuka ndikunanga kudare uko wakasvika kwavanemamwe machinda pamwe nana sorojena waive wauya padare apa sezvo nyoka dzainge dzonzika kuchema mumatumbu awo. "Pachipamwe machinda angu basa rapera zvakanaka here iwe Chivara ?" anobvunza mambo Nengomashe achipnda mudare nokunogara pachigaro chake ndiye zenda norudziro rwedare pfumo rakanzi dzviii nechepakati paro nemaoko maviri utesvero wakatarira pasi. "Hongu changamire basa rapera zvakanaka uye magona makasika mauya ndaiwe neimwe nyaya yatainge taronga " anodaro Chivara achigarawo pachigaro chake achiisa pfumo rake kuseri kwesasa rakaitwa zvokuzendamiswa. "Chibva wati nemo sezvo nhambo dzafamba idzi ndoda pagadzirirwe vanomuda mumuzinda kana kuri kuenda kumuzinda kwa Jambwaregota wainde uye kana iriyo nzira yatorwa naiye Muchekanhembe vafambe tsoka dzisati dzadzimwa nemhepo yesango pamwe nemhuka" anodaro mambo Nengomashe akati ndeee kuna Chivara . "Changamire honai mwaka watiri zvirimwa zvirikutanga kupepera denga rinoratidza rakanyenama dunhu rinoita serachochonywa mazai egunguvo mvura yodonhera matunhu akataramuka iye imi tsapi yatsva zvaive zvakadiiii tobva tati kana ari Jambwaregota kana ariye atuma hondo yake kutapa Ruvareshe tobva tamuparadza pamwe nokutora zvirimwa zvake tozadza matura ?" anobvunza Chivara . "Chivara ukamisikidza tsuro apa negwenzi raunofungira rine nhoro uine tsvimbo imwechete oda kurova zvose pane chaunovana here ?" anobvunza mambo Nengomashe . "Kwete changamire asi tsuro inofa negwenzi rayoka " anodavira Chivara . "Kana uchiziva tsuro inofa negwenzi rayo zvabuda pachena kuti nhoro vatadza saka zviripo ndoda mhandara yangu pano asi pakutsvaga tevedzai Muchekanhembe ndonyaya iripo " anodaro mambo Nengomashe uyo aitaura pamuromo pake pachiratidza hapana kana nyemwe. Chivara anooneka kukwenya kwenya pamhanza pake apo akati tsinin'ini chiso pasi achizosimudza musoro papera chinhambo apo anoti achishama muromo wake ndokunzwa mambo Nengomashe osimudzira kutaura zvakare . "Ehee ndakuona une raunoda kusvipa svipa ndinzwe " anodaro mambo Nengomashe. "Saka anoenda wacho ndiyani uye riini honai iye Muchekanhembe abuda zvakare ?" anobvunza Chivara . "Zvaive zvakadii iwe naManhungetunge mobuda anotungamira hondo kana masoro muzinda uyu ndimi muchava nechokwadi chokuti ndokuna Ruvarashe here uye kana kuri kuparadza Jambwaregota tingatangira papi kana pasina muchidzoka toona tingatangira papi ?" anodaro Nengomashe pamwe nokubvunza . "Changamire kuenda handina kuramba asi ndati kunendewa riini hongu ndoziva rwendo rwamukira mutsoka ?" anobvunza Chivara . "Kuedza kwehusiku hwanhasi sezvo ndichada musimudze tsoka pasi pachaoneka handiti kunonzi charamba kurondeka nehwema kurondadzimba here Saka ndozviripo " anodaro mambo Nengomashe achibaya baya pasi nepfumo rake chiso chakasungwa regudo radya chiwiro wiro chakomba midzi apa ziso rainge rakabuda kunze zvoti iko kutsvuka kuti piriviri semururo vaburwa muchoto . "Kana rakadaro changamire hapana rokupokana nemi asi kuti tibude mumuzinda jongwe retatu rachema hazvibude nokuti tinoda kusimudza tsoka pasi pavekuoneka sezvo pachida kuoneka matsimba pasi " anodaro Chivara nhambo iyi zuva rainge ratunga makomo kuonekedzana nenyika zvokuti vafudzi waive wodzoka kumatanga nezvipfuyo . "Kana rakadaro rajeka Chivara moita sekuronga kwenyu ini kunzwa ramuchada kuuya naro kana riri rinofadza tofara kana richisuvisa totangira ipapo hameno vamwe munoona sei muri muno mudare ?" anobvunza mambo Nengomasha achitarira wana sorojena waive mudare umu awo wakanzika kuita mabhon'era ekubvumira zvaainge ataura mambo Nengomashe ....
Nyaya dzakazochinjiwa mudare umu sezvo kudya kwaive kwauya sezvo zvezuva iri kwaka kasika kuuya kudare . Mumwe nemumwe achipedza kudya anonanga kumana rekwake wachengeti vemumuzinda waive wooneka kudziya moto wava kumasuwo awo . Nhambo iyi mambo Nemgomashe anonanga kuimba yake achiparadzana naiye Chaivara ainge oenda kunogadzirira kubuda kwawo naiye Manhungetunge ndokupesana.kwavakaita . Chivara naiye Manhungetunge vakazadza nhava dzawo nemidzonga yenyama ndokutora maguchu awo emvura ndokuzadza nemvura ndokuisa munhava ndokuenda padare apo paive nana sorojena waive wachirara padare apa . Hurukuro dzaichinjaniswa padare apo kusvikawo vazotsivama mumuzinda mainge mava nerunyararo chainge chonzika zvipukanana zvesango pamwe nemapere nemazizi zvainge zvochinjna mumasango. Jongwe remurirakamwe rakachema hapana akazvinzwa repiri rakachema zvakare parinoti retatu ndopanobva pamuka Samukange imwe harava yaiwe padare apa ndokudhumanisa zvitanda pamoto ndokubva yamutsa Chivara . "Chivara utunga kutsvuka kumabudazuva uku jenaguru kuedzirwa uku munoda kubuda nhambo ipi ?" anobvunza Samukange ainge akati zenda norudziro rwedare. "Sorojena mashoko achangamire makamanzwa mirai zvishoma kunze kuchene zvishoma tobuda " anodaro Chivara uyu Samukange haana rakapindura kunze kwekusimuka paaive ndokubuda mudare muya ndokunorasa mvura kuseri kwedare ndokupedza chinhambo ariko ndokuzodzoka mudare umu achinogara pedyo nemoto sezvo ainge achinzwa kupindwa nechando zvishoma."Pane munhu andaona kuti nzveee kusuwo remaodzanyemba asi masimudziro vegumbo ungati ndi Muchekanhembe ainge achiita seanonyahwaira kwaabva nako handina kumona sezvo ndazoona akusvika kusuwo iri ndiye pote handina kuzoona afamba sei asi chandaona abuda nesuwo iri " anodaro Samukange achipuruzira mipambare yaioneka kusasikwa pedyo semhandire dzechirimo yavapedyo kuoma zvokuisa mudura. "Samukange nyaya yako ndirikuziva kuti unoda tikasike tabuda muno mudare rega timbotsivama shiri padzinotanga kutenda musiki isu tochibuda pasi panenge pavakuoneka " anodaro Chivara. "Muchashora sadza mbodza nerinozvimbira ini ndapfumbata vangu muromo " anodaro Samukange ndokudzoka paive nemadahunha ake ndokurara semunhu ainge ambotonhorwa nokudziirwa haana kuzopedza nhambo huru hope dzainge dzamushanyira zvakare uyo anozopepuka nokubuda kwana Chivara nhambo iyi shiri dzainge dzonzika kuchema kana mitunhu yakataramuka yainge yooneka kana ipo pasi painge pooneka. Chivara pamwechete naManhungetunge wanobuda pakata zvombo zvawo pamwechete nenhava dzavo ndokunanga nekusuwo remaodzanyemba. Nhambo iyi vanopfuura nepadare apo paive nevarindi ndokuona chiutsi kupwitika kuratidza machinda ainge amukawo. Waviri vanobuda mumuzinda vakananga nedivi remaodzanyemba emuzinda wavo meso ndoaive akabaira pasi kutarira tsoka . "Ndinoresva kuona here kana kuti kwete iyi tsoka inotaridza yatsika rungwananika iyi ?" anobvunza Manhungetunge achikanda nhanho kuenda mberi akaita kuvhura ziso achinongedza nepfumo iro ainge akabata nechepakati paro. Waviri wanosimudza tsoka ndokunosunamisa zviso paive netsoka iya vakada kucherechedza ingava yaani asi vakatadza kuziva sezvo yaive yatsika dova ..............................
_________________________________________________________________________________
KUEMDA KWAMUCHEKANHEMBE KUMUZINDA KWAMAMBO JAMBWAREGOTA
Regai vakuru wakati kana midzimu yakupa chironda yati nhunzi dzikudye . Muchekanhembe zvaanobuda mumuzinda mamambo Nengomashe jongwe retatu rachema utunga huchitsvuka kumabudazuva. Muchekanhembe akagura mitunhu kwazvo zvokuti kunze kwakazosara kochena ainge agura mitunhu asi nzira yaaifamba yainge ichingooneka matsimba embongoro pamwe neevanhu pamwe pacho achiona ropa chairo kudonha donha nenzira . Pfungwa dzainge dzichiratidza dzaiwe kuresa kwazvo uye tsoka ndodzaisimudzwa semunhu anoziva chaiko kwaaienda . Chakatanga kunetsa kuna Muchekanhembe matsimba aya akatanga kupera zvishoma nezvishoma munzira muya zvakasvika pakungoti hwaa naiyo nzira yainge yava kamuswaswatira kainge kasasaonesa tsoka . Muchekanhembe anofamba ndokusvika paiwe nenzira mbiri imwe yaipota kuenda nechokumabudazuva imwe nokumaodzanyemba kwake . Panzira apo anoona murwi ainge akati zvambarara nemusana museve wakagara pachipfuva asi ainge achiratidza ainge ava nenguva huru kwazvo chavachando . Muchekanhembe anosvika ndokucherechedza ndokuona munhu ainge asikunzwa .Nhambo iyi anodzura museve uya ndokuburitsa museve uya waive munhava make ndokucherechedza anoona irimhando imwechete yemiseve iyi . Nyemwerero inooneka pana Muchekanhembe achiisa miseve yose mudati rake ndokusunga . "Ruvarashe ndinomutora chete ini ndinopika nababa vangu ini asi .... " haana kuzopedza kutaura Muchekanhembe avhundutswa nemagora maviri akamhara pamuti wemusasa waive pedyo naye waive wakaoma . Muchekanhembe ano nonga kadombo rake pasi ndokupotsera asi magora aya haana kana kuvhunduka ndokubva azvisiya ndokuenda paive nemurume uya ndokubvisa mhapa neshashiko ndokuisa munhava make achipedza ndokutanga kusimudzira nhambo iyi anotora nzira yaienda nokumaodzanyemba kwake sezvo ririro divi raaingonzwa pose paitaura inzwi munzeve dzake. Muchekanhembe akagura mitunhu zuva rainge rorova pahuma nhambo yorukama mukaka mumuzinda nhambo iyi Muchekanhembe ainge onzwa nzara kubvunza mutupo apa tsoka dzainge dzonzika kurwadza semunhu ainge asati ambogura mutunhu maningisa . Nhambo iyi Muchekanhembe anotsauka ndokumbogara pasi paseri pedombo guru raive pedyo nenzira iye anoenda nechokuseri kwacho uko anosvika ndokugara pasi ndokutanga kudya chimukuyu chake achipedza ndokunwira mvura yaive muguchu achipedza nhambo iyi anoti regai ndimboti zenda zvishoma semunhu ainge aneta,hope kuna Muchekanhembe dzakati hatina shasha ndokubva dzati gogogoi changamire. Muchekanhembe haana kuzoziva arara sei sezvo zvaiti nokuneta zvainge zvabatanidzira . Muchekanhembe anozoita zvokupepuka achinzwa manzwi munzeve dzake kutaura . "Tsoka iyo yaperera pano haichanyatsi kuoneka yafamba sei asi inotaridza ndiye Muchekanhembe hakuna mumwe " iri inzwi rinopinda munzeve dzaiye Muchekanhembe iro raakabva aziva aiwe Chivara . Nhambo iyi Muchekanhembe anoti kwaravashu ndokusimudza musoro anoona varume waviri vakati tsinin'ini zviso pasi Chivara naiye Manhungetunge..............
PLEASE LIKE AND SHARE
KUPERA KWECHITSAUKO 04
❤️
🙏
👍
😂
😢
😮
🎉
👏
💔
135