J.T. ZIM 🇿🇼SHONA NOVELS.
February 6, 2025 at 07:49 PM
*YAFEMHA YANZWA HWEMA DZINZA NDERIMWE*
_*NEW BOOK 2025*_
🏹🏹🏹🏹🏹🏹🏹
*CHINYAKARE NOVELS*
∆∆ Read and share ∆∆
WRITTEN BY
Author : JT *Nyazenga*
🪀 +263 776618351
🪀+263 717173806
*Kana usingandi kuzodarikirwa nebook iri gara waita follow my channel baya link riri pazasi nokuti inbox 📥 yangu handibatsiri munhu*
⬇️⬇️⬇️⬇️⬇️⬇️⬇️⬇️
https://whatsapp.com/channel/0029VacNbjC3wtazlC2Afq1w
CHITSAUKO 05
KUPARADZWA KWACHIVARA NAMUCHEKANHEMBE
Nhambo iyi kunze kwainge kooneka kuchena kana mitunhu yakataramuka nomuzimda vamambo Nengomashe yainge yooneka kuchena . Varume waviri wakasvika paive netsoka yaMuchekanhembe apo vakaita sembwa inotsvaga hwema. Zviso zvakanzi kota pasi nhambo imwechete ndokuzosimudzwa muroso mudenga sembwa inotsvaga hwema kutarira mativi ose pamwe nekwayaive yakananga tsoka asi hapana chakaonekwa . Manhungetunge anoenda paive netsoka yaMuchekanhembe ndokuitanangira rimwe gumbo kurudyi rimwe kuruboshwe iyo pakati . Apedza kudaro anokotama ndokunokora tsoka iya rimwe ivhu ndokutambidza Chivara rimwe ndokunokora achipotsera nepakati pemakumbo ake richidzoka kumuzinda kwawaive abva nako achipedza ndokutanga kufamba . "Ivhu iri rinoda kuputira nemashizha kana omuroro haana basa oisa munhava tochifamba " anodaro Manhungetunge achitarira Chivara . "Ko zvinorevei izvozvo Manhungetunge ?" anobvunza Chivara achimanyisa maziso kuti angavana here mashizha emuroro uyo anozooneka kutsapukira padivi penzira ndokuoneka onanambira mashizha omusekesa ndokuputira ivhu riya achipfekera munhava make ndokutanga kufamba zvino . " Ndainge ndisati ndakupindura Chivara izvi zvinoreva kana iritsoka yaiye Muchekanhembe tichamubata kana tatadza kumubata tichange tichifamba pedyo naye nokuti izvi zvataita kumupwisa simba zvokuti muviri wake anotanga kunzwa simba kupera zvaasinganzwisisi " anodaro Manhungetunge nhambo iyi Chivara anooneka kugutsurira musoro wake sedzvinyugomo rinotambira pamapako. Waviri wakatanga kukurukura makumbo achisimudzwa zuva rakarova nhongonya dzamakomo zvokubuda ndokuzara nedunhu rese makumbo achisimudzwa Chivara ndiye aiwe pamberi Manhungetunge ndiye aiwe chivhara nzara . Waviri wakafamba Chivara anooneka kutsauka nzira achienda padivi achioneka kunongedza munzira . "Mambo haana kusvipa dema Manhungetunge , Muvhiyakamwe naiye Muchekanhembe waive mundiro imwechete nehondo yakauya kunotapa Ruvarashe zvichireva tikabata Muchekanhembe achasvipa rose kana zvaramba mukadzi wake achadura ndinopika . Iyi itsoka yaiye Muchekanhembe idzi itsoka dzembongoro dzakatiza naiye Ruvarashe zvaenda nedivi rimwe Muchekanhembe achadura " anodaro Chivara achiratidza kupupira neshungu asi Manhungetunge ainge akapfumbatira muromo wake haana rimwechete raakapindura kunze kwekucherechedza wachipedza ndokutanga kurusimudzira .Nhambo iyi hapana ainge achataura nemumwe kunze kwetsoka dzainge dzichisimudzwa . Varume waiti wakafamba wotarira tsoka iya ichimo here kana kuti kwete. Varume wakagura mitunhu ndokusvika paive nemutumbi wemurwi uya ainge atorerwa zvipfeko naiye Muchekanhembe apo vanoona matsikwa etsoka dzembongoro kuti hwaa hapana akazoziva mbongoro dzafamba sei sezvo mamwe akaita seaenda nokumabvazuva mamwe nokumaodzanyemba sezvo paive pamharirano. "Midzumu yokwedu yakafuratira Manhungetunge uyu murwi vehondo dai taonawo zvipfeko zvake zvaibva zvaita nyore kuziva muzinda uyu asi tsoka yaiye Muchekanhembe yaenda nedivi iri zvichireva hondo ndeya Jambwaregota hakuna umwe muzinda " anodaro Chivara achitanga kuronda tsoka iya waviri ndokudungamidzana kusvika wasvika paive paperera tsoka yaiye Muchekanhembe apo vasina kuzoziva yafamba sei. Varume vakadzengaira varipanzvimbo imwechete kuti wazive kwaive kwaenda naiye Muchekanhembe wakashaya. Rombo guru rakaipa nderekuti kutenderera kwese kwawakaita izvi zvose zvaive mumeso aiye Muchekanhembe uyo ainge ati kwati zvino nedumbu guru . Muchekanhembe akazama kutsukuta meso ake aone ainge asikurota here asi akaona izvo kwete aisava mubutiro rehope. "Chivara ndinoona setinopedza nhambo huru tiripanzvimbo imwechete handei kumuzinda kwa Jambwaregota tonosora muzinda uyu kana uriwo muzinda una Ruvarashe naiye Muchekanhembe touya nehondo sekureva kwamambo izvi zvokuramba tichironda tsoka handione paine svinu rinobuda " anodaro Manhungetunge ainge agara padombo apo ainge abudisa chimudzonga chechimukuyu munhava ndokuoneka kutanga kutambisa shaya . "Handina kuramba kuenda asi chokutanga tinosora muzinda uyu chokutanga hatisati tambopinda muzinda uyu kuti tiunzwe nokuziva ndiye Muvhiyakamwe naiye baba wake Mutubvarubva saka panoda zano rokutaura kana tapinda mumuzinda umu tisazoita setazvikanda muhari yamasvudu " anodaro Chivara ainge atarisana naManhungetunge. "Chokutanga museve uya tinawo matehwe ehondo ainge aine hondo iya ndeedindingwe saka hapana ringanetsa apa zvishongo zvaikoko ndozvichataura kana isiri hondo yaiye Jambwaregota ndopataochapomera Muchekanhembe naiye Muvhiyakamwe kuti ndovaita izvi hatichatauri kuti Muvhiyakamwe avanyikadzimu toti atiza nehondo iyi nemhandara yamambo tirimukati mokuda kuziva chiii chaicho Muchekanhembe ndokupoyawo muzinda " anodaro Manhungetunge akati ndeee mumeso aiye Chivara . "Kubva ndichikuziva Manhungetunge apa ndopavataura rine dama saka zvichireva zvaMuchekanhembe tavakuisa padivi asi ratichapinda naro ndiro ravasvipa ndizvo ?" anobvunza Chivara."Hongu ndizvozvo saka hatichapedza nhambo huru tiripano hurukuro ngadziitwe tsoka dzichisimudzwa " anodavira Manhungetunge achikanda dati rake remiseve kumusana iro raaive atsveta pasi achipedza ndokunonga pfumo rake ndokutanga kurusimudzira. Rombo guru rakaipa zvose izvi zvaiwe mumeso aiye Muchekanhembe. Shungu nehasha nhambo iyi zvakatanga kuputira Muchekanhembe segore rinosimuka kumabudazuva rizere mvura ine chimvuramahwe pamwe nedutumupengo remhepo. "Kana waviri awa wachisvipisa ropa rangu pamwechete nerababa ini ndichinzi ndiri vemba youmambo vanozama kurevei ,kana iri hondo naiye Nengomashe haiwa varinyikadzimu ini ndazvipira nokuti yanzwa hwema yafema dzinza nderimwe kwa Jambwaregota ndofanira kuvana anondiyamura asi naiye Nengomashe ndofanira kumuratidza mukuru nomudoko ndiyani " anodaro Muchekanhembe achinzwa kuzaridzwa neshungu nhambo iyi anosvetukira padombo guru raaive akati kwati naro apo anoona Chivara ainge atonona achizvibatsira . Nhambo iyi Muchekanhembe anoukoka museve wake akadzwinya ziso rimwechete rerudyi reruboshwe rakavhurwa zvishoma nhambo iyi ainge auisa museve uya vehondo yokusazivikanwa. Anoupunyutsa museve wakasvika koti zete nokumusana kwaiye Chivira anobva ati pidigu chii nemusana museve waive wabudikira kuchipfuva ndiye umburu mundove yake . "Ndanda...nda...ndafa Manhungetunge" anodaro Chivara achiratidza kubvunda akatarira museve uya waive wabuda pachipfuwa ropa rainge robuda nomukanwa pamwechete nomumhino. Muchekanhembe anodududza kumashure ndokubvisa matehwe ake ndokupfeka matehwe aya achipedza anosvetukira pasi ndokurasira mvura pasi ndokutora dhaka repaive patota nokuzora kumeso pamwechete nomumaoko. Achipedza zvose izvi anoona Manhungetunge ainge adzoka paive naiye Chivara ainge ava Chando . "Ndimi wana ani uye munobvepi ?" anobvunza Muchekanhembe ainge amira paive pakachena . Manhungetunge anosimudza musoro sezvo ainge ocherechedza museve waaive adzura pana Chivara. Manhungetunge zvaanosimudza musoro amoshama kuona rume raive rakashata pachiso uye rakapfeka zvishongo zvehondo yaive yauya kuno paradza muzinda wamambo wake . Pachiso akada kuzama kucherechedza asi akatadza sezvo kwaive nemadhaka ainge azorwa naiye Muchekanhembe. Manhungetunge akatanga kudududza kudzoka kumashure achiukoka museve wake. Nhanho Muchekanhembe anozvomora museve wake mudati ndokuupfekera pauta ndokuregedzera kuna Mamhungetunge uyo wakasvika koti zete pabendekete nechokumusana sezvo Manhungetunge ainge arovera patondo nhambo yaaidududza saka rombo guru rakaitika nderokuti nhambo yaaidududza negotsi paakatorovera paanoda acheukire ndopanobva pagara museve zvokuti dai zvisirizvo museve wakasvika koti zete pachipfuwa chaipo. Manhungetunge akaudzura museve asi haana kuzoda kuita zvikurwisa nhambo iyi. Museve uya anoupotsera kwakadaro ndiye chitsotsa ndibereke akadzoka kumuzinda. Zvikati zvatandanisana naiye Muchekanhembe uyo akavhomora museve mudati ndokuupfekera pauta ndokuregedzera kuna Manhungetunge . Museve uya wakasvika uchipinda nepakati pemakumbo ndokupiringisha Manhungetunge ndokubva ati dhii pasi nedumbu miseve ichioneka kuti mwarara kwakadaro ichibuda mudati. Manhungetunge anoda kuti asimuke anobva azvitsikira mhapa yake yakabva yasara pasi asi nhambo iyi painge pasisina kunyara sezvo Muchekanhembe ainge arimumashure . Manhungetunhe akasimudza tsoka nhambo iyi zvitsitsinho zvichiita sezvichaboora gotsi apa shashiko yainge yaenda nerutivi zvinho . Muchekanhembe anoona rume rokarara nesango nhambo iyi ainge apfuura paive momurwi uya wekufa apo ndopanobva pamira Muchekanhembe uyu Manhungetunge ainge otiza nemasango akananga kumuzinda. Manhungetunge tunge akatiza akananga kumuzinda haana kana kucheuka sezvo ainzwa gotsi rake kurema uye kunzwa mustindo sekune munhu aitevera izvo ihana yainge ichikindidza. .................
__________________________________________________________________________________
KUENDA KWAMUCHEKANHEMBE KUMUZINDA KWA JAMBWAREGOTA
Muchekanhembe zvose izvi zvapera anotora miseve yake ndokuisa mudati rake ndokudzoka paive naiye Chivara ainge ava chando ndokutora museve wake uya ndokuisa mudati . Achipedza zvose izvi ndokutanga kumuzvuva ndokuenda naye pamharirano paive nomurwi wehondo yaisazivikanwa achipedza zvose izvi ndokubvisa matehwe aya ndokuisa munhava make ndokupfeka matehwe ake achizvidira dira kumeso kubvisa dhaka riya . Nhambo yaakapedza zvose zuva rainge rorova nhongonya dzomusoro panhova chaipo nhambo iyi ndoinotanga Muchekanhembe kusimudzira rwendo rwake akananga kumuzinda kwamambo Jambwaregota . Muchekanhembe akarukwenya nhambo iyi pfungwa dzainge dzichiratidza dzaive kwadzo uye uku kwaive kufamba kwemunhu asikuziva kwaaienda kwaive kungofamba chete chaaingoziva kuti raive divi remaodzanyemba. Nhambo yaaifamba pfungwa dzainge dzichisukutana nehope dzaainge arota husiku waive wapfuura . "Saka zvinoreva here Ruvarashe anoda kutorwa neharawa yandakaona kutsi kwehope asi dai vadzimu wakandipangidzawo zvishongo zvemuzinda uyu uye ko haasiriye here Jangwaregota ko ndikasvika ndikazvikanda muhari yamasvudu ndinochema nani ?" anozvibvunza mibvunzo gumi nokuraudzira Muchekanhembe mibvunzo iyi isina anopindura .n
Nhambo iyi tsoka dzainge dzichisinudzwa zvino zvokuti zuva rakasvika pakurova nhongonya dzamakomo kuonekedzana nenyika Muchekanhembe ainge achisimudza tsoka chete . Jenaguru rakasvika pabuda zvino kumabudazuva asi Muchekanhembe haana kubvira amira sezvo shungu dzainge dzava mumuzinda mamambo Jambwaregota apa hana yainge yotya Nengomashe zvimwe ainge atuma varwi wake mukutevera. Muchekanhembe ainge ava nzvimbo yainge yava nemazimiti makurusa zvokuti kana dunhu raaienda ainge asasaona sezvo zvainge zvoti zvakare makomo ainge avamashoma zvozoti nemiti iyi . Jaya rakafamba ndokuyambuka rumwe rukova rwaakaita zvokutosambira sezvo asina kuona paidarika nevanhu uye rwaive rwakazara nemvura zvokuti kwayaibva pamwe nokwarwairasa haana kuziva sezvo nhambo yaaisambira akada kuzama kumira mumvura wanei mvura yainge yomusvikira muhuro ndokubva asambira ndokuyambuka . Muchekanhembe akarukwenya asi hope ndodzainge dzonzika pana Muchekanhembe uyo anotanga kusvaga makashu uye hazvina kumuremera nejenaguru raiveko zuva iri nhambo doko ainge avana makashu ake . Muchekanhembe akatanga kudzengaira kutsvaga muti ungamuitira kurara ndokuzouvana umo akakwira ndokuzvisungira panhavani yomuti ndokubva arara arimo . Semunhu ainge arara nokuneta hope dzakabva dzangoti gogogoi changamire nhambo iyi Muchekanhembe haana kuzoziva zvakaitika kusvika kwachena . Kunze kuchichena Muchekanhembe anomuka ndokudya chimukuyu chake chaiwe munhava make asi nyama dzake dzainge dzonzika zvino kuneta . Imwe pfungwa yakamboda kuti dzoka unoshamba kurwizi kwaaive apfuura asi anozoona chainge chava chimutunhu kwazvo . Muchekanhembe anozvirovera moyo padombo ndokurutangazve kusimudzira asi hapana kana chairatidza akupinda mudumhu ramambo Jambwaregota . Jaya rakafamba nhambo iyi zuva rainge rorova nhongonya dzomusoro panhova chaipo nhambo iyi Muchekanhembe ndopaanoona kanzira kainge koonaka tsoka dzevanhu pamwedzi nedzezvipfuyo . Jaya rinooneka kunyemwerera pamwechete nokutaura roga . "Dai ndachivana pokuzvishamba ndaona kupinda mumuzinda umu ndichitonhorerwa pane kupinda ndichi....." haana kuzopedza kutaura Muchekanhembe abatwa muromo neinzwi rakataura divi rake rerudyi inzwi iri raive gobvu richiita seremunhu akagarwa nemasese pahuro. "Ndiwe ani uye inobva kupi uchiendepi uye kunotei kwaundoenda ukati hausi muvengi kana tsori here uye sei uchifamba wega hushingi hwakadiii kufamba sango rose nezvikara zvesango zvinorura umu ?" rakabvunza rume iro rakabuda mumiti raive riine mhembwe yaive pamapfudzi rumwe ruoko rwaive rwakabata mbira nhatu . Chitarira kushata kwaive kwakaita rume riya pameso . Rume iri raive riine kumeso kwakati pashasha uye nemhino yainge yakati twiii mudenga riri dema dema pachiso paro havairitarira kepiri netatu . Kana richifamba raifamba rakavhura makumbo semavhurira akaita miti yesandanga apa aiwe mateya. Muchekanhembe akaoneka kugwadama pasi achiratidza kutya kukuru kwazvo . Rume riya rinosvika pedyo naiye Muchekanhembe ndokuburutsa mhembwe yake mbira ndokutsveta pasi iro richinogara pasi pemuto wemugaranyenze ndiye zenda richiratidza kuneta kwazvo...................
KUPERA KWECHITSAUKO 05
❤️
👍
🙏
😂
😮
😢
🔥
⚔️
🎉
👌
183